Friday 31 July 2015

Kusiyana kwekurhojana kwevakaroorana nevasina

Ndoda kumbotaura nenyaya yokusiyana kwekurhojana kwevakaroorana nekwevasina kuroorana. Tigotarisazve kuti zviri nani kuroorana here kana kuti kwete kana tichingova panyaya yekunakigwa nokurhojana chete chete , tisinei nedzimwe nyaya dzakaita sokurera mhuri kana kuvaka musha, zvinozikamwa kuti kuroorana kuri nani.  Saka nyaya iri pano ndeiyi:

Kuvata nomurume/mukadzi wako
Kuvata nechikomba kana hure
Kuvata nomukomana/musikana wako
Kubikisana mapoto

Zvakasiyaneyi panyaya yokurhojana chete chete?  Ndiyo nyaya iri pano.

Kana ukatanga kudanana noumwe munhu zvorudo chazvo, unoti ukamufunga wotohwa mudumbu chaiko, uye hana inovhunduswa nazvo. Unovata fungwa dziri pamunhu iyeye uye kurota unorota unaye upenyu huchiratidza kuva hwakanaka chose. Ukapepuka fungwa dzotodzokera pamunhu uya wobva washaya hope.  Kana ukada kufambafama uri wega unongofunga munhu iyeye chete chete.
Foni yako ukatanga kuishandisa kutaura naye nyaya dzacho hadziperi uye hapana chadzinoreva. Kungohwa hwi rake chete zvinokufadza moyo.  Unohwa kufara norudo gwako nomunhu uyu.  Zvese zvaanotaura chero dziri nhema unongofunga kuti ichokwadi. Pese pese paunoona akakunyorera kuti LOVE unohwa kufara chose chero pari pa WhatsApp, TEXT, Email, chero papi zvapo. Kungofunga kuti anondida zvinofadza.

Kozoti kwapera kana mwedzi miviri muchidanana mukomana anobva atanga kukuudza nezviri mufungwa make kuti anokuona sei uye zvinomuitisei mumuvuri wake. Ipapo anenge achipota achizvirotera ari kuhope nokukufunga. Iwewo unorotawo uchivata naye kana noumwe murume asina kumeso asi uchiziva kuti ndiye.

Panguva iyi fungwa haishandi zvakanaka zvokuti chero vakuru vakakupa mazano akanaka ezverudo hapana chaunombohwa pane zvavanotaura. Unogaroita zemo uri wega uku unokwanisazve kumbozvibatabata uchifunga uyu munhu uchitomuona mufungwa achavata newe.  Ukasangana naye kumagirosa unohwa kufara moyo zvisingaiti.

Mukomana anokubata kana ruoko unohwa zemo richitanga mumuviri. Akakubhabhadzira magaro kana kukumundikira unohwa muviri wese uchida kuti awedzere. Muviri unoti nditore uite zvaunoda neni asi fungwa inoti iva nounhu usamurega achiita zvaanoda.

Asi pauviri hwenyu munoita EXCITEMENT iri pamusoro yokuti hamuhwisisi kuti moitei nayo.  Muupenyu hwako uchazoda kuva ne EXCITEMENT iyi asi uchiishaya zvinova zvinokuitisa kuti uite zvinhu zvausinadi muupenyu hwako.

Totanga nomukomana nomusikana ava. Kana pakaitika kuti vanovatana zvisiri pamutemo. Pakugadzirira kuvatana kwavo zvinowanzoitika kwe maminitsi mashomanana zvokuti fungwa inokurigwa nezemo vanhu vongoerekana vatoisana vapanana urume ipapo kondhomu hapana, zvigwere hazvina anoziva kuti zviripo here kana kwete. Uya ange ari mhadhara atobviswa humhandara. Jaya riyawo ava murume. Excitement iya yapera fungwa dzadzoka munhu ozvibvunza kuti ndingabata mimba here kana kuti kwete. Ndingabata chigwere hare kana kwete. Ndabuda ropa here kana kuti kwete. Kana abuda ropa kazvinji anoda kuti mukomana azvione kuti pabuda ropa.

Pakuzovatana kunotevera EXCITEMENT yacho haifanani asi kana zviri zvokubira inene iripo. Ukaonana newmukomana unoita EXCITEMENT pamwe inotokutyisa iwe.  Asi mukazobatwa kuti muri kuvata mese nevakuru. Unoshungurudzwa nezviito zvako. Pakaita mimba unotombogwara nokufunganya. Kana Makati ngwarei mukanotenga makondhomu  munoita henyu asi munohwa kunaka chose chose zvokuti mese munofarira kugaroita.  Munoronga kwekusangana muchotoziva kuti mukasangana pasina anokunetsai muchatovatana chete. Mese munozvifarira.

Vechihure:
Koitawo vanovatana pachihure vachiziva kuti ichi chihure hacho. Vanoitawo EXCITEMENT asi ishomanana chinowanda izemo rokungoda kuvata noumwe munhu. Varume apa vanowanda zemo kupfuura vakadzi  iri ngari yokuti mukadzi ane AGENDA yakasiyana neyomurume uyu. Murume ari kungoda kubvisa zemo mukadzi ari kuda chimwe chinhu chaari kutenga nokuvhura makumbo.  Pakadai varume ndivo vanoita EXCITEMENT kwenguva dikidiki. Panguva iyoyi mukadzi akamuti bvisa mari anobvisa okwira hure. Pamwe hure rinodawo kurhojewa pamwe haridi, hakuna unoziva. Kana rapiwa mari rinobvisa bhurugwa murume oripa urume. Nyaya yapera.  Kungohi vhura chitubu ndiise urume ndigokupa mari.  Hapana rudo hapana chimwe chingahi chiripo.

Kuno ku EUROPE kune vakadzivo vanonotsvaka mahurerume vekuvarhojera mari.  Mukadzi wechikuru anonotsvaka murume wechidiki ane simba pakurhoja omupa mari vorhojana. Murume ari pabasa mukadzi ari pakunakigwa. EXCITEMENT yavo haina kufanana.

Kune varume vaya vasingagoni kunyenga vakadzi  vanoti kana akavata ne hure kaviri katatu otoona sokuti ane rudo nehure racho. Ndiye anoita EXCITEMENT pakadai asi mukadi uya haanei naye. tinohwa vakawanda vanoda kutoroora hure raanoziva kuti iri ihure. Iri ngari yokusagona kunyenga uye kushaya CONFIDENCE.



Zvichikomba nomukadzi wemunhu.
Kunokwanisika kuita chikonzero chokuti mukadzi wemunhu anohura nechikomba pasina zvekupanana mari kana chimwe chinhu asi zviri zvokungodawo kuwana wekuvata naye panguva iyoyo. Zvinoitika kune vakawanda chose. Kana mukadzi wemunhu ane nyaya dzaanoshushikana nadzo mumba anokwanisa kundodziturira kushamwari rume. Kana shamwarirume iya ikaterera ikaratidza kuhwisisa vaviri ava vanokwanisa kuvaraidzana nokurhojana. Kana murume uye ane mukadziwo vanokwanisa kutodanana zvechivande asi uku vane mhuri dzavo. Vanhu ava chivande ichi chinovaitisa EXCITEMENT yakawanda kupfuura zvokumba. Zvakafanana nembavha Mbavha inoita EXCITEMENT pakuba nokutadza kubatwa zvokuti inodazve kuba.

Murume uyu anoziva kuti mukadzi waanaye akavata nomurume wake madeko uye azere urume izvozvi asi anomurhoja zvakadaro agonakigwa kupfuura manakire emukadzi wake iri EXCITEMENT yokuba iyoyo. Mukadziwo anonakigwa nokutorera umwe mukadzi murume, kuba ikoko. Zvinomuitisa EXCITEMENT  yakawanda kupfuura yokumba kusina wemakwikwi naye.

Vanoudzana rudo vachipanana zvinhu vachitumirana maTEXT anofadza chose asi chokwadi ndechokuti vakabatwa hapana pakati pavo anoda kusiya mhuri yake achitevera umwe saka rudo chaigo huri kumba apa inongori EXCITEMENT yokunakigwa nokuba.

Zvinokwanisika kuti vakahura kwenguva refu EXCITEMENT IYI inopera voregera. Vanhu vakawanda vanohura vane varume/vakadzi vanoita nguva shoma vorega.
 Vanhu ava vakangotanga kudanana zvemoyo, panoita nguva yavanowedzera kurhojana zvokuti zuva nezuva, asi nguva iyoyi ndiyo ichaitisa kuti mafambire avo afanane neekumba zvovabhowa vobva vasiyana.

Zvinonzi vakawanda vansangana kumabasa. Zvoitika kuti vanhu vane mhuri vanohura vanodai:
Tichitarisa nyika ye USA nechihure chevane mhuri
Varume
Vakadzi
Vari mumuchato vanohura
60%
54%
Vasingahuri asi vachida kuhura dai vasingazobatwi
74%
64%
Vanorambana umwe ahura
35%
35%
Vasingarambani asi vachizikwanisa kufarazve
22%
22%
Pane vanohura, vanohura nevanoshanda navo
60%
60%
Kuhura uchibva mumba kunoita nguva yakadii nomunhu umwe chete.

Chinhu chikuru chinoita munhu achirega kuhura nomunhu iyeye kubatwa kana kuzikamwa kuti uri kuhura naye zvoreva kuti EXCITEMENT hapachina.
10% one day
40%  5wks-12 months
20 % 12 months – 2 years
30% long time




Saka apa tinoona kuti tese vakadzi nevarume panyaya dzokurhojana tinoda zvine EXCITEMENT pazviri zvokuti munhu anokwanisa kusiya mhuri yake achindohura noumwe munhu anosiyawo mhuri yake. Asi chikonzero chekuhura kwevakadzi chakasiyana nechevarume. 

Kurhojana kwevanobika mapoto:
Kubika mapoto kugarisana mukadzi nomurume musina kuroorana zviri pamutemo. Kana makatanga muri mukomana nomusikana mukadanana zvinozikamwa musati matanga kugara mese, muchaona kuti magarire enyu haana kusiyana nevakarorana.  Tichatarisa vakaroorana kuti vanozvifambisa sei. Chakangosiyana ndechokuti imi hamuna tsamba yomuchato. Ukaterera vemapoto vachitaura unorohwa achiti uyu murume/mukadzi wangu sezvinongoitawo vakaroorana.

Kurhojana kweVakaroorana:
Kana mukatanga kunyengana zviri pamutemo mukazoroorana uchaona kuti panoita nguva ine EXCITEMENT yekurhojana pamunotanga kurhojana musati maroorana. Zvoramba zvakadaro, mojairana moderedza kurhojana kwenyu.

Mozotizve maroorana mowedzera futi muchiitiswa neEXCITEMENT yokuti mava mukadzi nomurume. Momboita nguva yokuti kana gore kana kupfuura muchinatsorhojana zvinogutsa uye chero pamadira. Kana pakasaita mwana panguva iyi munokwanisa kuirebesa asi inosvika pakupera.

Zvakatoonekwa kuti munodanana chose nokurhojana zvinofadza chose kusvika makore matatu nehafu apera. Nguva iyi ndipo panotanga kuti mese munofinhwa noumwe. Murume haachaoni zviri pamukadzi zvinofadza. Mukadziwo anoona murume somunhu anogara pamba chete kwete sezvaaita vachiri kunyengana. Anoti akaona murume wake haahwi mudumbu sezvakare. Akataura nomurume pafoni haahwi mudumbu sezvakare, Akahi ngatisangane kuSUPERMARKET haahwi mudumbu sezvakare.

Pamakore matatu nehafu apa ndipo panotangira zvokurhojana nengari yokungoti munogara mese uye makaroorana. Zvangova zvomutemo, chirango. Hapana ane hanya yakawanda nazvo. Unoona kuti panoitawo zuva mukadzi kana murume paanenge ane rino zizemo risingaiti, mombodzokorora zvamaisiita kare, asi mazuva akadai anoita mashoma pavhiki. Mamwe mazuva kungoita zvokutobvunza kuti nhai baba chimwana, ko makaneta here? Tongovata here savanhu vavirigwa pafira bhazi? wotohwa murume oti kana uchida kuiswa chiwana mukana wekumisa chombo ichi chinousimbe nhasi, asi kare aiti akangohwa hwi rako pafoni chaipo chombo twiii. Mukadziwo pamwe akasahi MaiChimwana swederai pano, anongodzimawo rambhi ototasamuka kutsvaka pakareruka kuvata. Wotoita manyawi okuudza murume kuti Ndimutse na sikisi nokuti ndiri kumukira kuSHIFT. Munoonana sehazvanzi nehazvanzi, munhu kupedzisira otozvibvunza kuti sei ndichishaiswa hope nomunhu anoridza magwiriri kudai. Asi kare waiti akangoita sowoswedera kuzasi kotoeredza nokuda kupinzwa chombo.

Kurhojana kwenyu kunenge kwava kwemazuva ese kungoti kisi imwe chete, ruoko gwemurume pamberi pamukadzi, wokwiza miniti imwe chete. Mukadzi obvunza unodei nhasi. Murume oti fongora, Mukadzi otomuka ofongora murume opinza. Kuzoti pa maminiti matatu vese votoridza mangwiriri. Mangwana ndizvozvo mangwana ndizvozvo. Unohwa umwe oti kasira ndiri kumukira kubasa

Kana mukasaongorora nyaya yenyu muchaona kuti pamunozosvika makore manomwe, umwe wenyu anenge afunga kuhura kana kuti atohura kare. Kusiri kuti kumba hakuna chiriko asi kuti mese hamuna hanya nazvo. EXCITEMENT yakatopera kare. 

Hapana chinobuda ipapa. Vanhu ava vari kuzvigadzirira guva remuchato wavo.  Murume uyu akasangana nomukadzi anomusimudzira chiuno anohwa EXCITEMENT iya yakare obva aravira zviri pamukadzi iyeyo. Mukadzi uyu akangotanga kudembadembera rimwevo koronyera raanoshanda naro kana kushamwaridzana naro, akakiswa zvine zvazvinoreva, anohwa mudumbu muya maasihwira murume wake vachiri kunyengana.

Chihure chizhinji chevanhu vaimbodanana chose chinotangira pazviitiko zvemumba panyaya yekurhojana iyi nokuti vanhu tinoda EXCITEMENT pakurhojana noumwe munhu. Iti ukafunga murume/mukadzi wako wohwa mudumbu.  Kana ukafamba gwendo ukanoita vhiki mbri uriko paunodzoka kumba ukangoona murume wako chete, unongoda zvokumubata nokumukwevera kundorhojana unotohwa EXCITEMENT yekare iya. Ndizvo zvinodiwa mumba mune murume nomukadzi zvisinei kuti magara mese makore mangani.

Chinonakidza kuvata noumwe munhu handi kuti munhu iyeye ane chombo/chitubu chakasiyana nechewako, asi EXCITEMENT yokuita zvisiri zvekujairirana.  Mumba usarega muchijairana kusvika panobhowa. Ukaona umwe wako asiri kuita hanya nazvo. Bvunza kuti zvaita sei nhasi.  Kana ane nyaya terera nyaya yake. Mapedza muudze kuti unomuda muchitanga rhoji ine zvainoreva kwete kungoti kasira ndivate.

Zvino mumba munhu ane key yekufambisa muchato zvakanaka munhukadzi. Varume mungangodawo henyu kupindira nyaya asi chokwadi ndechokuti munhukadzi ndiye MANAGER wezvomumba. Mai vemba vakahwisisa kuti ndivo vane kii yomuchato musha unombofamba zvakanaka. Mukadzi akashaya njere hapana chinobuda.

Makore matatu nehafu zvinhu zvinokwanisa kusiyana. Tarisai nguva nemaitire enyu mumba mugare EXCITEMENT iripo. 


Vakadzi:
Mukadzi hwisisa zvinodiwa  nomurume wako woziva nguva yokuzviita. Kuudza murume kuti kasira ndoda kuvata kushaya RESPECT yomuchato wako. Pane zvakawanda zvaunofanira kuhwisisa.
1 Usasiya murume akasvinura iwe uchienda kundovata. Hazviiti. Kwezva murume uende naye kundovata. Kana aramba muudze akumutse paanouya. Kuti murume azive kuti mukadzi ari kuda chose kuiswa. Chero usingadi musi iwoyo, udza murume kuti wakamirira kuiswa kuti iye aite CONFIDENCE yokufunga kuti mukadzi wake akazvipira kwaari.

2 Hapana chikonzero chaungarambira murume kukurhoja kana iye atomboti ari kuda. Kana uchigwara iye anozviziva kuti unogwara. Haakunetsi. Kana uri kumwedzi iye anozviziva, asi akaita zemo wana maitire ekuti abve zemo. Maoko unawo. Varume vanofarira kubatwa chombo nokuchitambisa. Kuti munorhojana kangani mumba ndiwe unoziva. Ukaterera unohwa varume vakawandisa vachiti havaguti kumba nokuti mukadzi haadi. AAH imi zvaita sei. Murume haasi munhu anonetsa kugutsa. Isu tisu tinonetsa uye chokwadi ndechokuti varume vakawandisa havagutsi vakadzi vavo. 

3 Usawana nguva yaunotaurira umwe munhu nyaya dzakadzama dzokumba kwako. Taurira murume wako ahwisise zvinokushaisa mufaro kana zviripo. Asi panyaya yokurhojana, ukadzidzisa murume kuti anonoke kukudiridzira wagona dambudziko rokutanga rinova guru pana ose. Kana musi waakunonokerawo chidetemba utaridze mufaro, womuyeuchidza nezvazvo vhiki yese. Woti Ndiite zvawakaita neSvondho nokuti handizvikangamwi. 

5 Terera murume wako. Kana akataura zvisina musoro usafoya asi kuti bvunza mubvunzo unoratidza kuti uri kuda afunge mamwe mafungire. Murume anopiwa manyawi nomukadzi wake. Gara uchizvibvunza kuti chii chinogonekwa nemahure chandisingagoni ini mumba?  Hure munhu ane zvese zvine mukadzi wemumba asi uchaona varume vachiita muraini kundopiwa siki naro vachitoribhadhara mari kutenga siki yacho. Rinombonaka zvakaita seiko zvatisinganaki isu vokumba? Gara uchibvunza murume kuti chii chausina kumbomuitirawo chaanofunga kuti ungaita. Kana akuudza chiswera uchifunga kuti unonozviita sei.

6 Hwisisa kuti muri vaviri chete vanhu vakuru mumba. Kana mukatsamwisana hapana umwe munhu wekutaurira. Kana murume wako angohwisisa kuti hazvina kukufadza zvaaita, chikasira kutanga kutaudzana naye. Kana uriwe wakanganisira murume kasirazve kuripa nechiuno pakunovata. Varume vakawanda kana akabvumidzwa kurhoja anoona sokuti nyaya yapera. Chipinda ipapo mangwana womuti shamwari takatukana madeko asi ndange ndirini ndiri pasipo. Ndodii kuti ufarewo nokukutadzira kwandakaita? Unoona munhu otonyemwerera. Chikasira nekisi ipapo wotomuudza zvorudo womuti akuite muranda wake vhiki yese, chero chaada unoita. Chokutanga ndechokuti mhosva dzako dzinowanda nokuti unogona kuripa, asi zhinji ndedzokukupomera kuti ukasire kuripa. Mhosva yawapiwa kana uchiziva kuti muripo wayo ndewekuBEDROOM, bvuma mhosva upedze vhiki uchiripa. Uchaonawo kuti murume paanokanganisa anokumbira regerero uye haafungi kuti uchamunyima zvinhu panyaya yacho. Kunyimana chigwere chemichato yakawanda asi zvinoitwa nemapenzi. 

Varume:
1 Varume ingotangai muchato nokutaurirana kusvika mukadzi ahwisisa zvaunoda. Rega aite MANAGER wezvomumba iwe basa rako ririko uye uguru rokuriritira mhuri nokuda mukadzi wako. Asi hwisisa kuti mukadzi munhuwo anoneta. Mabasa emumba akawanda. Batsira mukadzi wako mabasa. Zvikuru kana achishanda.

3 Kana mukadzi akati hendei tinovata, ndimutse, etc terera zvaari kutaura. Haasi kutaura zvokuvata hope. "Hendei tinovata" zvinoreva kuti ndiri kuda kuiswa, hendei tinoisana. "Ndimutse kana wouya" zvinoreva kuti usavata hope ndisina kuiswa chero ukawana ndavata. Hazvirevi kuti iye ane zemo, asi kuti ari kuti mava nenguva yakawanda asina kuhwa kuti mukadzi wako. Hwisisa nyaya iyi uitevedzere nomoyo wese.

Mukadzi wako akabva kumusha kwake kuvinga iwe. Akatora zita remhuri yako achisiya zita remhuri yake, kuti aita mai vemhuri yako. Chinhu chimwe chete chaange asingakwanisi kuwana kumhuri yake ndicho chatiri kutaura pano. Kumhuri yake hakuna akakodzera kuvata naye. Akasarudza iwe chete. Saka chirega kufoira pachinhu chimwe chete ichocho. Terera zvaanotaura. Chero akatsamwa sei usaita hanya nazvo. Chero iwe ukatsamwa sei usaita hanya nazvo. Kutsamwa ndekwefungwa. Kuvatana ndekwemuviri. Usavhenganisa nyaya mbiri. 

4 Kana matanga zvekurhojana taridza rukudzo kumunhu akubvisira bhurugwa. Tora nguva uchirezva mukadzi wako regawo akurezve. Kana pane zvaunoda taura. Kana munhu ane zemo haarambi. Garomuudza kuti unoda zvokuti nezvokuti kana kungomuudza kuti inyanzvi pane izvi neizvo. Kuhi mukadzi handi chitubu chete, pane magaro, dumbu, mazamu, kumeso, muromo, zvidya, zvese zvinodawo kupiwa nguva nomurume wazvo kusvika chitubu chosiririka nokuda kupiwawo nguva. Kukiswa nomurume akakumisira chombo kunofadza nhaimi varume. Tipeiwo kisi refu dzinonaka. 


5 Shamwaridzana nemukadzi wako Hapana THREAT ye AUTHORITY . Ndiye mukadzi uye anozviziva kuti mukadzi unotyei paari. Muviri wake ndiyo MAIN TOY yako yekutamba nayo. Fungwa dzake ndedzako dzokukutungamirira pamazano omumba kukuratidza kuti uri kuronga zvakanana. Tamba naye. Tamba naye sepwere muchigaroseka. Regawo atambe nechombo chako womuratidza matambire asinganonoki kuchimisa. Mukadzi wako anoita zvese zvaunoda kuitigwa kana achivimba newe kuti chokwadi chero zvodii hauna hanya nevamwe vakadzi.

6 Gara uchiziva kuti mukadzi anofanira kuva ne EXCITEMENT yokumukonzera kuda kugarorhojewa. Usajaira kungoti maitire awada nhasi ndiwo amangwana. Garofunga maitire akasiyanasiyana uye pekuitira pacho. MuBEDROOM ndemekuvata kwete kurhojana. KuRhojana kunonaka masikati, mangwanani, usiku, kwete kungomirira pakunovata.  Hwisisa kugumbatirana nomukadzi wako nokumuzevezera zvinofadza muzheve dzake makagumbatirana kudaro. Shamwaridzana nechitubu chake pakuchitarisa, pakuchibatabata, pakuchidetemba, pakuchiitira nyaya, pakuchiongorora nokuchihwisisa, pakuchigera choya iye akati gumbo uko gumbo uko, pakuchipinza chombo nokuudza muridzi kuti zvinokunakira.

7 Hwisisa kuti mukadzi wako munhu ane njere anoda kugaroudzwa zvinhu zvine njere pazviri. Rongai mese zvinhu zvomusha. Pota uchimubvunza kuti PLAN yako pamusha uno iri papi akurondedzere uye azive kuti pane EXPECTATION yokuti agadzire musha. Anobva azivawo kuti mukadzi we LONG TERM. kwete OVERNIGHT.


Tese ngatihwisise kuti:
EXCITEMENT hagusi rudo. chinongoriwo chinhu chinoitisa vanhu kuti vaite zvinhu. Rudo gunobva mufungwa yomunhu kuti akaongorora akaona kuti shuwa upenyu hwake hwunonakiswa nokuda munhu uyu. Rudo iDECISION inoitwa nomunhu. Kana ukaona usisade munhu, ndiwe wafunga zvokusamuda kwete kuti iye pane zvaaita. Iwe ndiwe wafunga kusamuda. Ukangofunga kumuda unomuda futi zvaari izvozvo. Ngatisaudzana nhema panyaya yorudo. Ukasangana nomunhu mubhazi chaimo unohwa achikuudza kuti anokuda. Ari kuti Mufungwa mangu ndakakutarisa kudai ndiri kufunga kuti ndinokwanisa kusarudza kukuda. DECISION kwete EMOTION. Kunozoti nguva yapfuura waita INVESTMENT pamunhu ndipo paunoita EMOTION paari kuti akakanganisa kufunga akakuitira zvinangokupedzera nguva, womuudza kuti bodo dzoka hako tirambe tichidanana ndinokuda.

Ngatigarei mumba mune RUDO moitazve EXCITEMENT. Rudo gunoitisa murambe muchienderera mberi, EXCITEMENT ndeyokutsvaka zuva nezuva.

Usajaira kufunga kuti kurhojana itsika inoitwa mumba. Bodo. Kurhojana kunonaka kana pane EXCITEMENT yabva pamafungire enyu muchitamba, muchiitirana zvange zvisingafungigwi kuti muchaita nhasi.


  1. Pindira murume/mikadzi achigeza wotanga kumubatabata achida kugeza.
  2. Wongorora murumo wemurume/mukadzi achidya sadza chairo wotanga kufunga muromo wake achiita zvimwe nawo.
  3. Tora chipimiso upime chombo chomurume wako uchiratidza kukatyamadzwa nacho.
  4. Gera choya chomurume/mukadzi wako.
  5. Sveta chombo/bhinzi ugotsanangura kuti zvinoita sei.
  6. Bvunza mibvunzo pamusoro pepamberi peumwe wako
  7. Verengai bhuku reBIOLOGY mese muchitaurirana nokubvunzana kusvika mese mahwisisa.
  8. Nyoreranai pasi kuti umwe noumwe anoda kurhojana kupi uye nguvai
  9. Potai muchinoitira musango kana mumunda, mugadheni, mugaraji, mukicheni, mubhavhu, mumota, muhotera, mutendhe, etc.
  10. Kana pachivava kumbira umwe wako akukwenye uye kutarisa kuti panei.
  11. Kuemerana kunokonzera kutamba mese
  12. Funga zvamaichiita muchiri kunyengana. Chii chaikupa EXCITEMENT. Wana zvinokupa nhasi. 
  13. Garotumira murume/mukadzi wako tunhu tusina maturo pafoni uye kuporomisa kumuitira zvimwe zvinhu nokumubvunza zvaanoda. 

"Ndiri kukurongera nhasi."
"Chii chawaronga?"
"Mirira ugoona."
"Ndiudzeka ndigadzirirewo"

Nyaya yatotanga.

Mwana:
Kana mukaita mwana hwisisa kuti munomboita nguva attention iri pamwana motadza kupanana nguva yenyu imi. Mwana anodiwa chose asi anokanganisa mamirire akaita zvunhu mumba. Budiranai pachena kana maita mwana. Kumwisa mwana, kuwacha, kushaya hope nomwana, kuhi navarapi mirira 6 weeks, kupora zasi, kubuda mukaka pamazamu aisimwiwa nomurume, etc zvese zvinokonzera kuderedza zemo romukadzi kwekanguva. Murume anenge achiitei ipapo? Tauriranai mohwisisane.

Vasina kuroorana havaiti nguva yakadai. Mahure haana nguva iyi.


Udzai Vamwe!!!!


Monday 27 July 2015

Pakufamba gwendo.

Nyaya iyi yakarerekera kuvanhukadzi vane varume, iri ngari yokuti ndivo vanonyayofambafamba vachimbosiya murume ari ege nenyaya yokuti anoshanda. Asi pamwe zvinoita kuti murume asiye mukadzi pamba achimbonoshanya kumwe.

Kana wafunga kunoshanyira vamwe vanhu iwe uri munhu ane murume mumba, unofanira kugadzirira kubva pamba zvinoonekwa kuti moyo wako hausi kufara nokusiya murume wako ari ega pamba.  Pane zvinhu zvaunofanira kusiya waita pamba zvokuti paunodzoka unowanawo musha uri nani.

Chokutanga ndechokutsinhira kuti iwe samai vemusha usajaira kusiya musha wako unochinokwata kumisha yevamwe. Musha wamai vako hausi wako, vewamai vako. Iwe wava mukadzi mukuru ane musha wakevo. Musha wavamwene vako hausi wako. Ndewavamwene vako. Iwe wava mukadzi mukuru ane musha wakevo. Unozvionera wega kuti musha uri kuvakwa zvakanaka, zvisina anotofonya tofonya.  Kuvakwa kwemusha kunobva pamafungire amai vemba uye mataurire avanoita kumurume wavo. Varume havavaki misha.  Vakadzi ndivo vanovaka.  Kuti uvake musha unofanira kuhwisisa kuva munhu akatsiga pamusha wake. Unova munhu ane hanya nasamusha wake. Unova munhu anotaridza kukosha kwenguva yawakaita kuti usvika pawasvika ipapa nomurume wako, hazvinei kuti munogarotukana. Kana muchiri mese ratidza kuti fungwa dzako dziri kuti ndiwe mai vemusha uye uri pano kugara kwete kuti uri kushanya.

Zvokuita usati waenda:
1 Murume wako kana achishanda kana asingashandi, siya wawacha nokuaina nhumbi dzake dzokupfeka kuti asasara ofunga zvokuti opfekei. Vanhu vemuraini vakaona murume wako achienda kubasa akapfeka marengenya usafunga kuti vanotuka iye. Iwe ndiwe unototukwa kuti hauzivi zvokuchengeta musha wako nokuti une murume anosvodesa. Siya wawacha zvese wozvirongera paanokwanisa kusarudza zvokupfeka iwe usipo.

 2 Siya POLISH yokupolisha shangu paanoiwana zvakanaka pasina zvokubvanyangura mumba achitsvaka.

3 Siya watsvaira nokukorobha mumba nokuti hapana achakorobha nokutsvaira kusvika iwe muridzi wadzoka.

4 Rongedza ndiro dzako dzese zvakanaka wosuka dzine svina wodzidzosera musherefu yadzo zvakanaka. Kana une kamari, enda kusupamaketi undotenda ndiro dzePLASITIKI kuti murume asare achishandisa iwe usipo. Hadzisukwi. Dzinongoti akadzyiramo odzikanda mubhini.

5 Siya wabika zvibikwa zvaunoziva kuti murume wako anozvida wozvirongera mufiriji woraira murume wako kuti anozvidya sei uye musi upi. Kana muri kumusha kusina firiji gara nomurume umuraire kuti anosara achidya chii uye kuti zvinobikwa sei.  Usanobva pamusha usina zvawasiya waraira.

6 Wacha mashitibheta ako wosiya akachenawo achinhuhwirira zvechikadzi. Unongopfapfaidzawo kapefiyumu kako kaunoshandisa iwe kaunoziva kuti murume anokaziva. Anosarawo achikufunga pakunovata.

7 Kana kuchitonhora siya watengera murume wako HOT WATER BOTTOM yokundovata nayo achidziigwa. Womuraira mashandisigwe ayo. Hazvinei kuti anoziva here kana kwete. Kumuraira kutaridza kuti achasara achiita mabasa aunohwisisa iwe kuti ndeako mumba.

8 Pavhiki yese yokupedzisira usati waenda pakunovata ratidza kuti uri kutya kusiya murume ari ega nokuti achasara asina munhu wekuvata naye. Itawo basa rokuvatana zvinogutsa murume uye kumuratidza kuti zveshuwa dai zvaigoneka dai mangoenda mese nokuti haufariri kumusiya ega. Ngaisaita nyaya yokutaridza kuti haumuvimbi asi kuti haudi kuti ashaye wekuvata naye. Vhiki yese hakuvatwi pasina kuvatana kwaitwa. Musi wekupedzisira unotomuudza iwe kuti unenge usinawo wekuvata naye uye hauzvifariri. Usasiya murume ane uturu.

Zvadaro:
Zvadaro kwira hako bhazi/mota/chitima /ndege uende kwauri kuda kuenda asi pota uchiudza murume kuti uri kumufunga zvokuti. N dizvo ahwisise kuti uri umufunga. Akakubvunza kuti chii chauri kufunga paari taurawo somukadzi wemunhu zvaunoziva kuti murume wako anozvifarira. Taura kuti dai uri kumba waimuitirei. Taura kuti paunodzoka uchamuitirei.

Usagarisa kwawashanya uko. Kana chikonzero chawashanyira chapera, dzokera kumba kwako. Kana uchishanya usajaira kusvitsa vhiki mbiri uri kumba kweumwe munhu.  Ratidza vaya vawashanyira kuti fungwa yako iri kumba kwako.  Pakufonera murume hwikwa uchibvunza kuti wadya here uye wadyei.  Bvunza mibvunzo inotaridza kuti uri kure hako asi unoda kugadziridza upenyu hwake uye kumuriritira.


Pakushanya apa nyaya dzinowanda. Nyaya dzaunoita nevamwe vanhu hadzifaniri kurerekera kuzviito zvemurume/mukadzi wako kuzhe kwekuti zviri zviito zvinokufadza iwe uye vanhu vauri kuudza.  Kunyeya umwe wako hanchisi chinhu chinokurudzigwa.  

Varume: 
varumewo ukasvika panguva yokuti moda kuparadzana. ukaona kuti mukadzi wako ari kushushikana nazvo, ratidzawo hwisiso pazviri kuti kana iwewo haufariri kuparadzana naye uye uchamushuva mazuva aanenge asipo. Kana achimiramira achigadzirira kuenda iwewo miramira uchiratidza kuti unohwisisa zvaari kufunga. 

Hwisisa kuti vakadzi vakawanda vanotya kusiya murume ari ega nokuda kwekuti vanohwisisa kuti murume anofanira kugarorhiojana nomukadzi wake. Kana mukadzi asipo anoona sokuti idamudziko guru kumurume zvokuti anopiwa miyedzo nevanogona kupa miyedzo muraini. Hazvirevi kuti haana kukutembha asi kuti anoona sokuti anenge asingakwanisi kuitira murume zvaanoda. 

Ratidza kuhwisisa nyaya yake uye kumuudza kuti iwewo haudi kuti aende. Kana azoenda garofona uchiterera zvaanotaura uye kumuuratidza kuti uri kumufunga. 

Kana uriwe uri kufamba gwendo, ratidzawo kuti hazvisi kukufadza kusiya umwe wako ari ega.

Pakudzoka: 
Pakudzoka ratidzawo EXCITEMENT kuti wadzoka pamba pako. Tanga kuzviratidza pakutaurirana pafoni wava kugazirira kudzoka. Taridzawo kuti uri kutarisira kuva kumba kwako.

Hwisisa kuti kana wasvika kumba mese mune nyaya dzokuudzana pane zvakaitika musipo. Zvinotanga nokuudzana kuti mafara kudzoka kumba uye kuona murume/mukadzi wake. Unozvitaura kakawanda kuti ahwisise kuti wanga uchimufunga.

Ona kuti murume abikigwa zvakanaka kutsiva mazuva awanga usipo. Rega adye akasununguka. Rega ataure yaya dzake. Bvunza zvaunoda kubvunza uye ratidza kuti unofarira kuhwa zvaari kuda kukuudza. Bvunzazve nyaya dzeutano hwake nemagarire aakaita usipo, Kudya, kugeza, kuvata, Chii chaakatenga,

Kana apedza kudya azorora ataudza nyaya dzake, pamwe anokubvunza kuti wakafamba sei. Chimugarisa pasi umutsangangurire zvakaitika ye kuti zvakaitika sei. Mukadzi asina nyaya haasi mukadzi anofadza murume. Chero uri munhu akanyarara sei unofanira kukwanisa kuita nyaya nomurume wako uchiona kuti anohwisisa zvaunotaura. Mukutaura umu ngaahwisise kuti wanga uchimushuva.

Pakunovata ratidza kuti wanga wava nezhara huru pazvinhu. Udza murume mapedza kuti wanga wamushuva chose. Kana ane simba kumbira awedzere chero wanga wamboguta. Nyaya ndeyokuratidza kuti wadzoka pama pako saka zvese zvange zvisingaitwi usipo zvatangazve uye unoda chose kuti zviitike. Chiona kuti zvodaro kwemazuva maviri kana matatu.

Kana murume achimuka achienda kubasa mukumbre akasire kuuya kumba kana apedza basa. Ukaonawo kuti anofarira kudzoka kwako, ronga yokukasirawo kundovata. Kuzvipa kumurume wako chinhu chinodiwa nevarume vakawanda.

Zviri nani ndezvokuti kana muchinoshanya moenda mese. Hachisi chinhu chakanaka kugaroparadzana. Asi tese tinoziva kuti pane zvikonzero zvakawanda zvinoparadzanisa vanhu nguva nenguva.


Udzai vamwe!!!!!!






Sunday 19 July 2015

Kugarorota uchivatana nomurume/mukadzi asiri wako

Nhai mai Chibwe, Ndinorota ndichivatwa nomurume. Ndakaenda kumapositori ndikaudzwa kuti ndine mweya uri pandiri unondipokanisa nomurume wangu zvokuti anombobva pamusha asi anozodzoka hake. Ndichicho chikwambo here kana kuti pane imwe nyaya.?

Zviroto:
Chokutanga ndechokuti mafungire edu ndiwo anotungamirira zvatinorota. Vanhu vakawanda vanorota zvinhu zvinovatyisa uye zvinovaitisa kufunganya. Asi chiroto kana chouya chinouya nechibhende nokuda kwekuti unenge uri kuhope. Zvinonzi izvo chiroto chinoita kana awa chaiyo pakuchirondedzera kana kuchifunga ava mangwana chinenge chato kana miniti imwe chete kuchirota. Kurota hakutori nguva. Toti warota uchifamba gwendo zvese nokumirira bhazi nokuzosvika kwaunoenda, zvoita sokuti inyaya inotora nguva huru. Chiroto ichocho chinenge chaita nguva iri pasi peminute. Ndiri kutaura izvi kuti tihwisisane kuti chokwadi ndechokuti chiroto chakasiyana nechiitiko. Kurota uchivata nomurume kwakasiyana nokuvata nomurume.

Tahwisisa ipapo tochibvunzo kuti chakaitisa kuti uende kumupositori chii? Kwaive kutya kurota here kana kuti waifunga kuti zviri kutoitika kuti murume wauri kurota ari kuvata newe? Waida kuti mupositori aite sei panyaya yakadai. Kana wapira nyaya yakadai kumupositori iye anotofanira kuitora senyaya yakakosha nokuti iwe muridzi waikoshesa. Zvadaro hazvichaiti kuti asakuwanira chimwe chaangati chikonzero. Saka apa akawana chikonzero chokuti pane mweya ndokuchirondedzera mamirire akaita mweya wacho ndokubva zvataridzika sokuti ndizvo zviri kuitika.

Ngatidzokere pakurota apa. Zvinozikamwa kuti zvokudya zvatinodya uye nguva yatinonovata zviviri izvi zvinokwanisa kukurudzira kurota. Zvinokwanisika kuti iwe muroti unogarodzy chimwe chezvinhu  izvi ichitochiwanza usingazivi kuti uri kutozvikurudzira kurota. Zvimwe zvezvokudya izvi ndeizvi. Tarisa uone kuti hausi kuzvidya here. Imborega kuzvidya kwekanguva uone kuti kurota kwako kunoramba kuripo here.
Nyama yehuku
Soya beans
Nyama yegarikuni
Dzimwe hove
Nyama yagwai
Kidney beans
Mhodzi dzemanhanga
Cheese

Hakuna mweya unosvikira pamunhu wakasiyana nomweya unosvika pane umwewo munhu. Chakasiyana pavanhu mafungire avo chete. Zvinobva mukati memunhu kwete kuzhe kwemunhu. Kana une hasha zvinobva mukati mako kuita hasha. Kana uchigara une zemo zvinobva mukati mako. Saka ndizvozvo kana uchirota zvinobva mukati mako. Pane chiri mukati mako chiri kukuitisa urote kupfuura vamwe.

Vanhu vane utano hwefungwa (Good brain health) vanorota kupfuura vanhu vasina utano hwepamusoro. Mufungwa mune Chemical inohui SERATONIN inoti kana yakawanda asi isina kuwandisa inorotsa muridzi. Ikaita shoma unokwanisa kupenga. Ikawandisazve unokwanisa kupenga. Pakudya apa pane zvakawanda zvinoda kugadziriswa kuti kurota kuwande kana kuita kushoma. Asi kurota hachisi chinhu chakaipa. Chinhu chinoratidza kuti fungwa ine utano. Chete. 

Chimwe chikonzero chezviroto zvekuvatana kushaya wekuvata naye kwenguva refu. Varume vanozvirotera, kureva kuti anomuka mangwanani akabudisa urume. Pamwe anorangarira chiroto chake chaakaita achivata nomunhukadzi pamwe haatombozivi kuti zvakaitika sei asi anenge akatorota. 

Vanhukadziwo akagara nkanguva asina murume kana kuti akangofunga zvokuvata nomurume anokwanisa kurota achivatana nomurume. 

Zvimwe zvezviroto izvi zvinotoonekwa sokuti chinhu chakaitika nokuti unotoziva DETAIL yacho yese pane zvakaitika muchiroto. Ndipo patinozofunga kuti chinhu chiri kutoitika izvo bodo chinongori chiroto. 

Koitazve kuti pamwe uvete unohwa sokuti wakatsimbirigwa nochinhu chinorema zvokuti kufema kunokunetsa. Izvi zvinoitika kana wakarerusa muviri zviri pasi pasi (TOO RELAXED) Unokwanisa kutanga kupepuka waziva kuti pane chakakutsimbirira asi uku uchiri kuhope zvokuti haukwanisi kunyatsomuka. Vakawanda zvinovatyisa asi hapana zvakaipa zvinoitika pazviri.


Zviroto zvinoitika munyika dzese panyaya iyi:
Varume vechidiki kusvika kumakore okuma 30 vanorota nezvokuvatana kakawanda pagore. Zvokuti chero ane mukadzi chero asina anokwanisa kuzvirotera. omuka abudisa urume. Tichibva pamakore 15 evarume kuzvirotera kunowedzera kusvika pa 20 kozotanga kuderera murume achikura zera.

Vakadziwo vane utano hwakanaka vanoita ORGASM kuhope pasina murume kaviri pamwedzi average mupasi rese. Tichiva pamakore 14 musikana anotanga kuita ORGASM avete kuzoti ava pamakore 19 anotanga kuwedzera oramba achiwedzera kusvika ava kuma late 30s. 

Varume vanoderera vakadzi vanowedzera nezera. Zvavanorota zvacho zvinosiyana asi zvimwe ndeizvi. 

Kurota uchivatana nomukomana/musikana  wako wekare
Kurota uchibatwa/uchibata chibharo
Kurota uchivata nehama yako yausingafaniri kuvata nayo
Kurota uchiita zvechingochani
Kurota uchivata nomunhu waunongozivira pa TV/Newspaper/Magazine
Kurota uchivata nomunhu wausinatombozivi
Kutota uchiita kana kuitigwa zvechihure.
Kurota uchivatana nomumhu waunoshamwaridzana naye asi musingadanani
Kurota uchivata nomunhu waunoshanda naye
Kurota uchikanganisika pamberi, kuita zvitubu zviviri, mazamu akawanda, etc
Kurota uchivata nemhuka zvikuru yaunotya.

Izvi ndizvo zviroto zvekuvatana zvakawanda  zvinoitika muupenyu hwedu. Panokwanisika kuita nguva yaunogarorota chimwe cheizvi. Ukaenda kuma PSYCHOLOGIST vanokuudza kuti pane chiri kuitika muupenyu hwako chinokutyisa ndicho chiri kubuda mufungwa dzako sechiroto. Kuvatana chinhu chokubatana (UNION) zvinoreva kuti uri kuatanidza fungwa dzako. Koitazve kuti uri kukundwa nefungwa dzako (OVERWHELMED) zvokuti haunatsi kuziva zvokuita nechinhu chiri muupenyu hwako. Saka kana uri munhukadzi unokwanisa kurota chinhu chiya chichikubata choita zvachinoda newe iwe kana chikapa hauiti unongopinzwa chombo woiswa uri VICTIM. Kureva kuti nyaya iri kukunetsa pamoyo inyaya huru pauri. Unoitya.

Kana uchigara une chiroto chinongouya chichiita zvokuvatana iwe usingadi kuvatana tarisa nyaya dziri kukutyisa muupenyu hwako uzame kudzigadzirisa. Hausi kuvatana noumwe munhu kana nechimwe chinhu. Zviri mufunwa chete saka uchizvirota.

Kurota nezvokuvatana hakuitiswi nemishonga asi zvinokwanisika kuti kana uchigwara ukapiwa mishonga inokwanisa kukuitisa zemo uvete uye kukurotesa chimwe chinhu. 


Mapositori:
Zvandakaita ini pano ndisingaroti chinhu. Ndikamuka mangwana ndikaenda kumupositori ndikamuudza kuti ndakarota ndichiita chokuti nechokuti, ndinotoudzwa kuti pane mweya uri kuzviitisa. Hakuna mupositori angakuudza kuti uri kureva nhema kana wamuudza nyaya ine zvimwe zvinoshamisa pairi. Hazviiti. Saka apa wakatoudzwa zvawaidawo kuudzwa asi nyaya chaiyo panokwanisa kunge pasina zvachose.  Mupositori ari kungoita zvinoitwa nemapositori. Hatisi kuti haasi GENUINE. Ndiwo maonere aari kuita panguva iyoyo, saka ari kukuudza zvaari kuona. Iwe chifunga zvazvinoreva. 

Zvibvunze kuti Chii chine mupositori chisingawanikwi mune umwe munhu? Kana tichiverenga Bhaibheri tinoona kuti munhu wese anokurudzigwa kuhi akakumbira achawana. Saka kuzoda kukumbirigwa nomupositori zvinorevei?  Wega wadii kungokumbira kuti zvikubve kana uchivimba kuti Mwari vanoterera minamato yako, uye iwe uchiona kuti kurota handicho chinhu chaunofarira kuita. Wadirei kundoudzwa nedzimwe nyaya dzezvikwambo idzo dzisinei noupenyu hwako? Iwe chiri kungokunetsa kurota. Kana kurota kukamira chete zvatokubva. 

2009 
Muna 2009 ndaiva kuSouth Africa kwemwedzi miviri. Pana Lodger aigara pamba pemununguna wangu aive mukuru wemapositori ku Elsburg, Germiston, Gauteng, South Africa.  Takaenda tikanoona imwe n’anga yokuZimbabwe mu Germiston yaitova nechikwangwani chakahi DR ***** pazhe peSurgery yake. Ini nemununguna wangu tasiya varume kumba. Takatsanangura nyaya yokuti taisabvumidzwa kudhiraiva mota dzevarume vedu uye taisaziva kuti chikonzero chacho chii.

Takabvisizwa mari yedeposit. R350 umwe noumwe tiri vaviri. Kwahi imwe mozobhadhara pamunozotora zvimwe zvibhodhoro. Tikagochiudzwa nhema nenhema nenhema futi, uku utsi huchipfungaidzwa kubva muchinhu chakaita chimbhaura chaipota chichikandhwa zvimashizha zvainhuwa. Takazopiwa zvibhotoro zvaiva ne mvura yakahi munonomwaya pa mibhedha uye pamasiti emota dzevarume. Ipapo tanga taendako nemota yemurunyana wangu. Iyi n'ganga haina kuzviziva asi munhu anohi anoona zvisionekwi.

Takasvikoudza vamwe kumba ndokuvataridza  zvobhodhoro zviya mukadzi wemupositori aripo, iye ndokusvikoudzawo murume wake zvaaona. Yanga yatove nyaya ipapo. Takaona kwasviba murume wacho ouya kubva kukaya yake uko kuzogugudza tichiona TV tichiseka pa 700 Rand yekutambisa yataita. Kwahi matora mishonga yemamhepo.


Ndizvo tichiti vanhu hwisisai kuti nyaya iri papi. Umwe noumwe ane Agenda yake. Kana ukaita AGENDA yokukurudzira chikwambo ukadzidzisa mufungo wako kuti kune chikwambo unoshupiwa nacho.  Ukaenda nacho kumupositori anonokurapa iwe usina kana chigwere.  Ukaenda kwa dhokotera chaiye, anokuudza kuti ma Chemical ari mumusoro wako haana balance. Enda unoita chokuti nechokuti, kana kuti anokupa mapiritsi ekuwedzera SERATONIN mufungwa mako.  

Ndiko kusiyana kwedu panyika. Iwe muridzi unozvipa nhamo wobva wazvishungurudza wobva wafunga kuti haugoni kugadzirisa nyaya yako asi uriwe waiunza muupenyu hwako. 


Saka murume wako ari kubvirei mumba?
Tinofanira kubvunza kuti murume chiri kumubudisa mumba chii. Kuti adzoke zvinoreva kuti ane rudo nomukwadzi wake saka chii chambomubudisa mumba? Zvinobva nokuti murume uye anofungei nezviri kuitika. Kana ari munhu anofunga kuti kumapositori kunobva chinhu chinoraramisa mukadzi wake anokwanisa kuona ega kuti mukadzi zvaamboenda kumupositori zvoreva kuti nyaya ichanaka tigogara zvakanaka mumba.

Kubuda mumba pamwe ari kutotyiswa nezviri kuitika kana kuti nezvaanofungira kuti zviri kuitika.

Chikwambo:
Chokwadi ndechokuti zvikwambo zvaunohwa zvichitaugwa navanhu dzinongova nyayawo hadzo asi muupenyu hwako haufi wakasangana nechikwambo. Murume wako haafi akasangana nacho. Hakuna munhu waunoziva achasangana nacho. Asi mupositori achakuudza kuti chikwambo chiri kukusvikira. Zvibvunze wega kuti sei uchizviisa panyaya dzakadai uchishushikana mufungwa nazvo asi chikwambo chacho hauchioni. Chii chinoitika ukavata wakasvinura usiku hwese? Hapana chinoitika zvese zviri kuitika zviri kuitika pakurota chete.


Munhu akafunga nezvezvikwambo munhu akachenjera nokuti vanhu vakawanda vari kuita mari nazvo asi chikwambo chaicho hakuna hako chero ukaudzwa nhema dzakawanda zvakadii kuti chiriko. Iwe hauna chikwambo. Hakuna chikwambo chiri kukuvhakashira. Uri kungorotawo hako nezvebonde pasina chiripo.

Tese vanhu tinorota nezvekuvatana nguva nenguva. Hakuna mukadzi/murume asina kumborota achivatana noumwe munhu, pamwe munhu waasingatozivi. Asi changosiyana ndechokuti iwe unogarorota izvi kakawanda kupfuura isu. Hazvirevi kuti zvakaipa. Zvinongoreva kuti ndicho chiroto chaunowanza. Vamwe vanowanza chokubhururuka, vamwe chokufamba gwendo, vamwe chino kana icho.

Dai wambotora nguva kutarisa zvaunodya
Kutarisa zveBhaibheri zvawada izvo kuti uzvinamatire wega.
Kutarisa nguva yaunodya neyaunonovata wokasira kudya asi wononoka kunovata.
Kukurudzira murume wako akubatsire kuongorora upenyu hwenyu kuti sei  achimbosiya musha wake, zvinova zvinokuwedzera kufunganya zvosvika pakukurotsa.
Kutarisa nyaya yekuti sei chinhu chakapusa sekurota chichikudya moyo kusvika pakadai. Tese tinorota uye pamwe tinorota zvatisingadi kurota. Hazvirevi kuti paita chikwambo. Hakuna munhu anotsvaka chiroto. Chinongouya chega uvete.

Nhema dzinoudzwa vanhu
Spiritual husband/ wife- inhema hakuna zvakadaro.
Chikwambo – izita haro asi chinhu chine zita iri chaicho hakuna.
Mweya uri pamunhu: Bodo munhu wega wega ane zvakaipa zvaanoita nezvakanaka zvaanoita. Vamwe vanokwanisa kunge vane SERATONIN iri pa LEVEL isiriyo panguva iyoyo zvokuti anokwanisa kuita zvaasingafaniri kuita. Hazvirevi kuti paita mweya (SPIRIT or AIR) wakasiyana bodo. Zviri kubva mukati make kwete kuzhe. 

Ukaona uchiita chimwe chinhu chausina CONTROL pachiri kasira kundoona varapi uvaudze vakubatsire. Munhu masikigwe aakaitwa ndeekuti zvese zvinoitika muupenyu hwake zvisiri zvema ACCIDENT, ndiye anozviitisa. 

Kurota kunobva mukati mako kwete kuzhe. Usaudzwa nhema navane AGENDA yausinganatsi kuhwisisa. MuBhaibheri hamuna chinohi chikwambo. Ukachihwa chichitaugwa kukereke kumbira verse yacho undozviverengera wega. Hakuna muporofita ane verse yacho nokuti haimo mubhaibheri. Nhema dzinonakidza kudzitaura kupfuura chokwadi asi hadzivaki musha wako. 


Udzai Vamwe!!!!

Saturday 11 July 2015

Murume/mukadzi wawakambodanana naye

Maonere aunoita vanhu vawambodanana navo, zvikuru vawakavatana navo pakudanana kwenyu haana kuntanyosiyana neevamwe. Saka toda kumboona kuti zvine zvakaipa pazviri here. Tinoona chose kutui zvinotyisa varume kuti mukadzi waaroora asangane nomurume waaimbodanana naye murume wake asipo. Toonazve kuti varume vakawanda chose havafari kugara muraini rimwe chete kana pedo nopanogara murume aimbodanana nomukadzi waazoroora.  Mubvunzo mukuru unobvunzwa nevarume vakasiya vakadzi kumusha ndewekuti:

"mukadzi wangu aimbodanana nomukomana anogara pokuti. Saka zvinoita here kuti ndisipo kudai havasangani vachizoita zvisingabvumidzwi?"  Mubvunzo uyu tichiuongorora tinoona kuti nyakubvunza anohwisisa kuti dai ariye murume uya aichimbodanana nomukadzi wake kare, akaziva kuti murume wemukadzi wamazuvano haapo aikwanisa kundotsvaka mukadzi uya okwanisazve kumukorovhera kusvika avata naye. Apazve tinoona kuti nyakubvunza haavati nevakadzi vaakamovata navo nengari yorudo asi kungoti anokwanisa kuzviita. Ndiko achitya kuti iye zvaanoda kuitira vamwe varume vane vakadzi vavo zvinokwanisika kuitwa kwaari iye. Haisi nyaya yokuti haavimbi mukadzi wake kana kuti mukadzi ndiye ane dambudziko, asi kuti iye murume wemumba uyu ndiye ane dambudziko rokuti anoziva zvinoitika kana iye asangana nomukadzi aaimodanana naye asi ava nomurume wemumba.

Tichitarisazve vakadzi vakawanikwa, tinoona kuti vanoshushikana panyaya yokuziva kuti umwewo mukadzi aichimbovata nomurume wake anogara pedo navo, hazvinei kuti avavo nomurume wake mutsva. Zvinoonekwa sokuti akasananga nomurume varipo vaviri, vanopedzisira vavata vese. Zvakare tinoona kuti mafunire awa anobva pakuti iye mukadzi wemumba uyu anohwisisa kuti akasanga nomurume waaichimbovata naye angadazve kuvata naya zvisinei kuti ava mukadzi wemunhu. Haisi nyaya yokuti haavimi murume wake.

Panobva nyaya dzakadai:
Mazuvano vanhu vakawanda vanoroorana vamboravira vamwe vanhu vakawanda. Vamwe vanenge vanombobvisa mimba dzavanenge vatomboudza varume vavaita mimba navo. Izvi zvinoreva kuti munhu anenge amotenderera achiita EMOTIONAL BUGGAGE nevamwe vanhu uku achivata navo asi achiziva kuti haana rudo navanhu ava.  Ozoti pava paya nguva yoita seyamuperera otsvaka munhu wekudanana naye zvokuzoroorana muchitnga mhuri.

Vamwewo vechirume anenge asingatodi mhuri yacho asi musikana oita zvokuita mimba kuti awanikwe. Zvinoreva kuti murume anongozofungawo zvokuroora nokuti musikana aita mimba, kwete kuti anomuda uye kuti anoona ari munhu akakodzera.  Saka iwe wawanikwa nomunhu waunoziva kuti anga asina hanya newe asi aingokukwira zvakadaro, unobva waziva nokukasira kuti akasangana noumwe waasina hanya naye asi aichimbiovata naye anotsvaka zvkuvata naye. Varumewo ndizvozvo.

Saka tese varume nevakadzi hapachina achavimba umwe. yave nyaya yokuchengerana chete. Zvino kuchengera ndiko hako asi kana waenda Joni mukadzi akasara pamusha, zvana zviri zvidiki, hazviiti kuti ukwanise kuchengera. Ukuwo mukadzi haakwanisi kukuchengera uri Joni. Asi Joni pamwe hakunawo vawaimbodanana navo. Mukadzi kumusha kunowanikwa varume vaakamovata navo mumaraini imomo. Hazvidzikamisi hana.

Rimwe dambudziko nderokuti tese tinoziva kuti munhu achiri wechidiki pasi pemakore 55 kuvakadzi kana 60 kuvarume, kuvata noumwe munhu chinhu chokuti kana wachiravidzwa, chinonetsa kuzochirega. Kunetsa kwacho kwakangoda kufanana nekwemunhu anomwa doro anoudzwa kuti rega doro. Hazviiti.

Saka iwe ukasimuka ukasiya mukadzi wako kana murume wako, uchanetseka funga nokuti unoziva kuti zvinhu izvi zvinonaka zvokuti kungozviiginowa zvinonetsa.

Munhu wawakambopedza nguva yakati kuti uchivatana naye ava munhu aunaye mufungwa. Chero fungwa yako ikakuudza kuti hazvichina kukodzera kuvata naye nokuti wave mukadzi/murume wemunhu, HISTORY yenyu muchivatana irimo mufungwa dzako chete. Ukasangana naye muri mega unototi ufunge nguva yamakamboita mese. Iyewo anofunga nguva iyoyo. Saka kana umwe wenyu asina mufaro nomunhu waava naye mazuvano, anokasira kutaura nokuti maimbotaurirana nyaya dzomufaro, dzokusuwa, dzinosetsa, nedzakadzama. Hazvinetsi kutaurirana. Hazviiti futi kuti usvode munhu wawaimbovata naye sezvaunoita vaya vausina. Saka kana nyaya ikangorerekera kunyaya dzokuisana, haunetseki kutaura nezvazvo. Zvikuru varume. Murume akamokuisa usati wawanikwa, kana kakazorambana zvisina kuvengana, anokwanisa kukukwezva kusvika akuisa futi.

Saka zvinorevei?
Zvatiri kutaura apa zvinoreva here kuti kana munhu akambovata noumwe munhu vakasangana vanovata vese futi? Aiwa bodo hazvirevi kuti vese vanovata nomunhu wavakambovata naye kare. Zvinoreva kuti chinhu chiri nyore kuchiita kana ukajaira kugarosangana neumwe munhu wawakambodanana naye muchiita nyaya kana dzipi zvadzo. Zviri nyore kutanga nyaya yakarerekera kunyaya dzokuvatana nomunhu wawakambovatana naye pane wausina.

Kune vakawanda vanohwisisa nyaya iyi zvokuti vanongwarira kujairana nevanhu vavakambovata navo kare. Asi nyaya inozoitika mumba ndeyokuti varume/vakadzi vakawanda vanogara vane nhamha dzefoni dzevarume/vakadzi  vavo vakare. pointazve kuti mukatukana mumba munhu anotanga kuda kuudza umwe munhu. Uchaona kuti vamwe vedu vanokasira kuudza munhu waamova naye kare nokuti anofunga kuti achamuhwisisa.

Ukatarisa nyaya dzakawanda dzinoitika mudzimba mazuvano unokasira kuhwisisa kuti vanhu vane nhambha dzevanhu vavaimbodanana navo vakawanda. Ukatarisa foni yemurume/mukadzi wako unowana pane nhambha dzevamwe vaaimbodanana vavo. Ukatarisa pa FACEBOOK unowana ane shamwari dzaaimbodanana nadzo.

Ndizvo zvinokonzera kuzopedzesira mavata navanhu ava. Tava munguva yokuti uchida kutaura nomunhu hazvinetsi. Unomutsvaka pa Facebook kana SKYPE womutumira SURPRISE message. wotoona okupindura, nyaya yatotanga. Musi waunotukana newako wemumba zvoudzwa vanhu vasinei nazvo. Chihure chotanga.

Kana uri munhu akatsiga, hautevedzeri zvinhu izvi. unoshamwaridzana nevanhu vasingaunzi zvoupombwe mumba mako. Unokurudzira murume/mukadzi wako kusataura nevanhu ava asi kuva neshamwari dzinovaka musha.

Kristofa:
Kristofa akaroora mukadzi ndokuita mwana umwe chete naye. Zvadaro akasiya mukadzi achigara nomununguna wake ndokuenda kuSouth Africa. Mununguna uyu ange aroorawo. Kristofa ava ku Sauth Africa aifonegwa nomununguna wake kuudzwa kuti maiguru vari kuita zvechihure nanhingi.

Kusvika abhadhara munhu kuti atevere mukadzi kuona kuti anosanganepi nechikomba. Mukadzi akabatwa akabvuma kuti ange achihura. Mhuri yese ikagara dare murume akati anoda mukadzi wake. Nyaya iyi yave nemakore matatu yaitika asi haina kupera nanhasi. Murume akauya akatora mukadzi wake akaenda naye kuSouth Africa asi nyaya yokuti mukadzi akahura ichiripo. Ukuwo murume anobvuma kuti aihurawo ariko kuSouth Africa, asi kuti varegererane zviri kunetsa.

Saka todii? 
Chokuita chinofanira kuitwa musati maroorana. tsvakanai vanhu vasina kumbovata nevamwe vanhu. Zvino mazuvano zvonetsa kuwana mukomana/musikana asina kumbovata noumwe munhu. Asi kana wada munhu ane HISTORY yake chiona kuti mataurirana HISTORY dzenyu dzese kuti musazofungirana twakawanda. Ukuwo garisanai zvakanaka kuti musafungisana vanhu vakare.
Usashamwaridzana navanhu vawamovata navo kana pa FaCEBOOK kana SKYPE
Isachengeta nhamba kana mapikicha emunhu wawaimbodanana naye kana wava noumwe munhu wekudanana naye.
Kana ukasangana nomunhu wawaimbadanana naye, usakurudzira nyaya dzakarerekera kunyaya dzorudo. Kasira kumuudza kuti zvakare ndezvakare zvakaperera ikoko. Wave munhu mukuru saka zvoupwere bodo.
Usapa rhizeni yokuti uri kuramba nokuti uri murume/mukadzi wemunhu. Buda pachena kuti uri kuramba nokuti haudi kuita zvisina maturo. Kunatsotaridza chaiko kuti hachisi chinhu chaungada kuita chero dai usina mukadzi/murume.
Usaudza munhu wekuzhe nyaya dziri kukunetsa mumba mako. Gadzirisa nyaya dzako wakatsiga.
Ongorora zviitiko zvemumba mako ukurudzire zvakanaka usiyane nezvakaipa.
Usajaira kupumha mukadzi/murume wako upombwe usina kumubata achizviita.

Chokupedzisira ndechokuti vanhu vakaroorana tamburai muri pamwe chete, kwete kuti umwe wombonogara Joni umwe ari kuChipinge. Bodo. vanhu garai mese. Nhamo dzenyu muchidziona muri mese. Mokura mese. Mozama kusapopotedzena pazviitiko zvenyu. Kana nyaya dzemabasa dzanetsa zvokuti umwe aende Joni, ngaaende hake asi akangowana basa zamai kugara mese. Munhu wechidiki haafaniri kugara asina mukadzi/murume. Zvinogozha chose.

Zemo rine simba kupfuura njere dzemunhu wese zvake. Kana ukaita zemo pama pasina wekuripedza naye wega unpzvibatsira kuripedza, asi ukariita pane umwe aunoziva kuti aimokubatsira kare uye aripo, murume/mukadzi wako ari Joni, zvinonetsa kukunda zemo.

Chimwe chihure chatinoona mumisha umu chinokonzegwa nomurume/mukadzi wanyakuhura wacho, nokusada kuhwisisa kuti umwe wako anofanira kugara ane zvinhu zvake zvakakwana zvaunomupa iwe mumusha menyu. Ipa murume/mukadzi wako zvakamukwanira.




Kana une chaunoda kufanotaura taura hako tohwe.

Tuesday 7 July 2015

Mukadzi/murume kurwara kwenguva refu.

Pana nyaya yandati ndinyore nhasi yabva pakuti ndakadavira mubvunzo we mukudzi aitiswa mimba nomurunyana wake akazozviziva kuti ane mimba murume wake atoshaika. Nyaya yokuti akavata nomurunyana yakonzera vanoda kutaura kuti vati mukadzi akahura nehama yomurume, uye haana kushandisa kondomu. Saka vanotuka havanonoki kutuka.

Akazonditsanangurira mafambire akaita nyaya yake.

Murume akatanga kugwara neCancer, ndokusazvigamuchira zvakanaka somunhu ange asiri muchembere. Ndokuita makore mana murume achigwara zvokuvatana pasina, uku mukadzi ndewechidiki. Mununguna wemurume anogara kuAmerica ndokuvhakasha kuzoona mukoma. Ndokuwana mukoma ava kuchipatara asi upenyu chaihwo hwava ushoma.

Uku mukadzi nomurunyana wake voti vakabva kuchipatara mukadzi worondedzera nyaya dzese kuna babamunini. Saka vaiti kwasviba vogara vachiita nyaya kusvika maiguru vatsanangura kuti vava nemakore vasina kumbovata nomurume zvinova zvange zvichivagozherawo. Pakutaudzana apa pakaita kuchema kwamaiguru vachirondedzera nhamo dzavo. Babamunini ndokuita tsika yokuti maiguru vakachema ovambundikira kuvanyaradza.

Zvakafamba zvakadaro kwevhiki mbiri kusvika umwe musi maiguru vakakurigwa nezemo ndokuti pakuchema paya babamunini vovanyaradza, maiguru ndokuramba vakabata murunyana wavo ndokumukumbira kuvata navo. Murunyana ndokupedzisira avata namaiguru, ndokuzoramba vovata vese kwevhiki yokupedzisira yehorodhei yemurunyana. Mukoma akazoshaika babamunini ndokuita imwe vhiki yokuviga mukoma.

Maiguru vakazoona kuti vane mimba murunyana adzokera ku America. Maiguru ava munhu mudiki kumurunyana wavo. Vane makore 36 iye 39  murume anga apfuura 47. Iye ari kuti ndiye akadembera babamunini kuti agarisa asina murume uye chokwadi ndechokuti pakugwara kwemurume wake pese haana kumbohura. Zvakangomuwanawo nokuda kwekuterera kwababamunini uye kuratidza kuti vanohwisisa nyaya. Kozoti pakaenda hazvanzi yemurume ndokuvasiyapo vari vaviri, ndopo pakaita vataurirane zviri pamoyo chaizvo. Ndiyo nyaya yavo iyi.

Ini ndokubvunza mibvunzo inoti:
1 Mune vamwe vana here nomurume wako?
2 Munrunyana ane vana here?
3 Waudza muridzi wemima kuti ine mimba here?

Zvikahi:
Takaita mwanasikana murume asati agwara, mwana akashaika ari rusvava
Murunyana akarambana nomukadzi waange anaye mukadzi aita nyaya dzekufambafamba.
Handina kuudza murunyana nokuti ndizvo zvandiri kukumbira rubatsiro kwamuri kuti ndoita sei.
________________________________________________________________________________

Ndoda kutanga nokubvumirana nevakawanda kuti chihure chakaipisisa uye chinouraya. Ndotizve kuhura nehama chinhu chakawedzera kuipa. Ndotizve mazuvano usagara nhaka usina kuenda nomurunyana kana maiguru kana mbuya venhaka kundotesitwa. Ndotizve kana wada zvechihure chienda undotenga makondhomu.

Ndadaro ndinotizve vanhu vanoriritira vagwere mumusha kwenguva refu vanhu vanokwanisa kugara neSTRESS huru. zvakakodzera kuti kana une haa iri kuriritira imwe hama yako, pota uchindobatsi uye kuudza muriritiri kuti imbofambafamba uende kugwizi, kuhuni, kuchechi, kumunda, kana kutoita gwendo wombonoonawo dzimwe hama wowana wekudembera nhamo dzako.

Munhu agara pamusha umwe chete achiriritira mugwere anofunganya uye andyiwa moyo. Kushaya wekuita nyaya naye kuzhe kwemugwere hazvivaki fungwa. Unoona vamwe vatanga kudya zvokudya zvakawanda kusvika vava kuita mumhu mukuru iri nyaya yokuti inohi COMFORT EATING. Vamwezve zvanozvidya moyo kusvika awondoroka zvokuti imi munomuona munopedzisira moti ane EDZI izvo haana, kungoshaya wekudembera nhamo.

Zvino kana ari munhu wechidiki pasera, anoshayazve munhu wekuvata naye kureva kuti nhamo yake inowedzera. Munhu wese ane STRESS anofanira kuvatana noumwe munhu kuti ahwisise kuti anodiwa Zvino kana munhu wauri kuriritira ariye murume/mukadzi  wako zvinokunetsa. Tinoona vakawanda vachizohura muraini nokuda kwekungoda kupiwa rudo gwe COMFORT noumwe munhu anoita seanohwisisa nyaya yako mamirire airi.

Panyaya yatahwa apa maiguru vange vagara vasina anotova panenge pazvimba achiterera achibvunzawo kuti muri kuhwa sei. Ukuwo murunyana pamwe munhu ajairawo zvokuvata nevakadzi asi kuti ava kwedu ku Zimbabwe osada kuuya nefambi kumba kwaari kuvhakasha. Pamwe zvemafambi haatozvidiwo, hameno kuti murume akaita sei kana ari kwake. Asi pakuzohwisisa nhamo yamaiguru, ivo varu munhu mudiki paarizve kureva kuti vanotomuudza nyaya dzavo somunhu mukuru. Vanhu ava ihama nehama zve kureva kuti vanohwirana tsitsi. Mauguru vari kuti ndivo vakati murunyana ndibatsirewo iye ndokuvabatsira ndokupedzisira onakigwavo nazvo.

Mimba iyo ndiyo yazobata murume ange ava nemakore pasina mimba nokuda kweugwere. Apa tiri kuti STRESS yange iri pamunhu ndiyo yakonzera kuti asazvibata. Wekupopotera chaiye hapana. Kuti uchiriritira mugwere pamusha ziva kuti uri padambudziko rinokwanisa kukuitisa zvawange usingafaniri kuita.
Kutuka mugwere
Kugarochema kana wondovata
Kuitira mugwere utsinye asi iwe wange uchimbori munhu ane tsitsi
Kuita zvimwe zvinhu zvakawanda zvakaipa

Zvese izvi tinozviona mumapepa pavanhu vanoriritira vagwere kwenguva refu. Munhu anenge asiriye. Asi unozoonazve kana mugwere akafa, munhu uya anonyanyochemazve nokuti anenge ava kuona seakakanganisira mufi uya kusvika afa. Apa tiri kuona kuti maiguru vava kufunganya kuti vakahurira murume asati afa, asi tichiongorora zvechokwadi tinoona kuti murume ane asipo zvachose pamazuva aakazoshaika. Panga pasina mufungo wekuti achadzoka kumba akazoita murume wemunhu. Asi chirango chinoti mirira afe ugozotora hako murunyana.

Chinonetsa pazvinhu zvekuvatana ndechokuti kana waimbogarozviwana kungosiya kunonetsa. Zemo rine simba kupfuura njere, kuvanhu vakawanda. Ndizvo muchihwa ndichigarokurudzira kuti usasiyana newawakaroorana naye kuti umwe kumusha umwe kutaundhi, umwe zimbabwe umwe Joni, Bodo. garai muri pedo napedo musapinzana pamuedzo.

murume akazara uturu mumabhora ake anoita benzi chairo asi ange ari munhu kwaye. Mukadziwo anoita nguva hake asi zvinomuwirawo umwe musi.

Ukaona une hama iri kuriritira mugwere ppota uchindobatsira uchimbosarawo nomugwere woti imi mai imboendai kutaundhi munoona zviriko.

Ukaona munhu akasiiwa nomurume/mukadzi shamwaridzana naye awane wekudembera nhamo yokushaya rhoji mumba.

Ukaona munhu afigwa muvaraidze kuti asasvika pakufunga kuti ndiye aitira mufi utsinye.

Saka pamwana uyu todii? 
Ini sokuona kwangu maiguru ngavawane mukana wekuudza murunyana kuti vane mimba uye ndeyake nokuti hapana uwe akasvitsa urumepo. Kana murunyana ari munhu akavimbika anokwanisa kubatsira maiguru kurera mwana uyu. Zvokuti pauviri hwavo zvichafamba sei, zviri kwavari asi mwana ndewavo vese. Zvinokwanisika kuti varere mwana wavo pasina anohwisisa kuti chii chakatora nzwimbo. Asizve panyaya dzakadai vemhuri havatani kufungira chihure. Vanoti hama yedu yange ichigwara saka akakupa mimba ndiani. Mukadzi anokwanisa kungoramba achiti mwana ndewenyu, ivo vachikwanisawo kuona kufanana kwemwana vevamwe vemhuri.

Inyaya yaisafanira kuitika asi yakatoitika saka kupopota hakuchina zvakunobatsira  ngavachirera mwana zvakakodzera. Tongoti mununguna azvarira mukoma mwana.
_________________________________________________________________________________

wedzerai vanowedzera.

UDZAI VAMWE!!