Wednesday 26 August 2015

Munhu asingakwanisi kuvata noumwe munhu

Mai Chibwe, Ndodii kuti ndibvise munyama. Ndinamakore 34 asi ndiri mhandara. Handitombonyengwi. Ndibatsireiwo Please.
___________________________
Kune vanhu panyika pano vasina zvinoonekwa pavari zvingahi zvakaremara kana kuti hazvina kufanana nevamwe. Kune vanosvika makore akawandisa vasina kumbovata nevamwe vanhu. Unokwanisa kusangana nomunhu anenge ari mhandara kana jaya asi ava nemakore anpfuura makumi matatu kana mana. Izvi hazvirevi kuti haasi kuda kuvata noomwe munhu. Chinoitika ndechokuti pane chinomuvhundusa pazviri mufungwa dzake. Vamwe vavanhu ava vanotoitawo zemo chairo zvokutofanana nevane vokuvata navo asi zvinoitikaka kuti haavati nomunhu

Kana ari munhukadzi anokwanisa kunyengwa nomurume asi haakwanisi kutaudzana nomurume panyaya idzi kusvika pakutotadza kuwirirana zvachose. Hazvirevi kuti haadi murume amunyenga. Kungoti haakwanisi kutaudzana nomurume uyu panyaya idzi.  Varumewo vakadai havakwanisi kunyenga musikana. Hazvirevi kuti haadi musikana, asi kuti haagoni kuita nyaya dzinosvika pakutaudzana zvorudo.

Pari zvino hazvizikamwi kuti chikonzero chaicho chii. Zvinoita sokuti ndeiya inohi PSYCHOLOGY. Pane chakangoti kanganisike pamunhu zvokuti kana ari ega hapana chakaipa. Anofunga zvokuvatana nomukadzi/murume. Murume chombo chinomira zvakanaka. Kana akashandisa maoko urume hunobuda zvakana uye anotonakigwawo zvinongoita vamwe.  Kana ari mukadzi bhinzi inomira, matinji nepamberi pese panozvimbirira, chitubu chinonyorova zvokutoti dai gamba remurume riripo akavhura makumbo, anotirhojewa akanakigwa chose chose, asi kungoti kana gamba ravapo hapana chinoitika.

Pane vasikana vanozvisarudzira kugara vari mhandara kusvika pakuwanikwa. Vakomanawo variko vanoda kugara ari jaya kusvika aroora. Ava vanhu vasina dambudziko asi kungoti vanodawo kuzvichengeta kusvika paroorana noumwe munhu.

Tiri kutaura pamusoro pevanhu vanosvika pakudzivaidzwa noumhandara/ujaya hwavo asi vachitotadza kuvata noumwe munhu asi vachida kuzviita uye vokuita navo varipo muupenyu hwavo.


Zvinopera here?
Dambudziko iri rinokwanisa kuita kwenguva refu chose zvokuti hama neshamwari vanokwanisa kupindira nyaya iyi kusvika pokuto dzungaidza munhu wacho. Vamwe vanenge vachifunga kuti vakamutsvakira munhu wekudanana naye nyaya inopera asi kazvinji iye munhu asingakwanisi kutaudzana noumwe munhu panyaya dzorudo.

Kune vanozoti ava munhu mukuru chose moona ava nomukadzi/murume motoshamisika kuti akazviita sei.  Mumakore akapera kuno ku UK takachatisa musikana aiva nemakore 37 asi ari mhandara. Kana ukaterera nyaya yake unohwisisa kuti mufungwa dzake aiva achida chose kuita mukomana uye akanyengwa nevakawanda asi achitadza kudanana navo. Munhu akadzidza anoshanda nevamwe asi kana pava panyaya dzorudo zvaimukona. Murume waakachata naye Munhu ane moyo murefu chose zvokuti akatombofunga kuti zvichakona. Mukadzi akazonoongorogwa nevarapi kwenguva inopfuura mwedzi mitatu kuti akwanise kungovata nomurume wake chete. Pazvakangoitika haana kuzozvirega. Izvozvi vakaita mwana ava nemakore matatu.

Uyu munhu umwe chete, uye hwisisai kuti vanhu vakadai vashoma. Asi zvikakuwanikidza uri kunyika ine vanhu vasina zve COUNSELLING, unokwanisa kuita dambudziko. Hwisisai kuti kuvatana unenge uchitodawo hako asi fungwa dzinokurambira chose. munhu anovhunduswa nokutyiswa nekungofunga kuti angangopinzwa chombo kana kuti chambo chake chingangopinda mukati meumwe munhu.

Mudzimba: 
Mudzimba dzedu tinoona kuti kune vakaroorana vanokwanisa kuita kana mwedzi kana kupfuura pasina kuvatana, pasina anohura, pasina ambobvunzawo umwe kuti todii nhasi. Vanhu vakadai vakawanda chose. Kazhinji vanhu vasina nguva yazvo kana kuti pane chimwe chakaipa chiri kuitika mufungwa dzavo asi havasivo vatiri kutaura. Pano tinotaura munhu anonetseka pakutanga chete, kana agona kutanga hapana chinonetsa.

Zvikonzero:
Hapana anonyatsohwisisa zvikonzero zvenyaya iyi asi kungoti ndezvefungwa (Psychology) saka zvinoda vanohwisisa nyaya dzefungwa. Kureva kuti kana uriwe une dambudziko iri, zvichakunetsa kugadzirisa nyaya yako nokuti vanhu vanayo vashomanana. Nyaya dzinokasira kugadzigwa inyaya dzine vanhu vakawanda.

Kana pasina anoziva chikonzero, zvinoreva kuti hapana anonyatsohwisisa zvokuita panyaya zvaungaita wega kumba kwako. Zvokuti tibatsirane pano hapana asi kuti kana wafunga kuti une dambudziko iri, enda unoona murapi uongorogwe kuti fungwa dzako sei dzichinetseka nenyaya yokuvata noumwe munhu.

Ukaenda pa GOOGLE woisa nyaya yokuti DESPERATE VIRGINS. Wombotarisa firimu iroro. Wadaro wotanga kufunga kuti dai munhu uyu akadai asi ari MuZIMBA zvaizofamba sei.

Munhu wese pane zvaanofanira kukwanisa kuita pasina dambudziko. Kana wava munhu mukuru, toti makore anopfuura 25, unofanira kuzvisarudzira kuti wovata noumwe munhu here kana kwete, pasina chinonetsa. Asi kuti uri kuda asi uchizvitadza nokuda kwekutyiswa nazvo bodo. Enda unoonekwa nevarapi.


Monday 17 August 2015

Kana mwana apfuura makore mashanu

Kana mava nomwana ava nemakore mashanu kana kupfuura, hwisisai kuti mwana ava kuziva zvimwe zvezvinhu zvinoitika. Hwisisaizve kuti vana vadiki havarevi nhema uye vanofarira kuudza hama neshamwari zvinoitika mumhuri dzavo.  Kana uchida kuudzwa chokwadi pamusoro penyaya, bvunza mwanana. Anokurondedzera nyaya yese agokubvunza zvainoreva.

Hwisisaizve kuti mwana mudiki haazivi siyano yokuchema nokuchemerera. Kwaari zvese zvakafanana uye akahwa mubereki wake achichema zvinomutyisa nokuti haahwisisi kuti chii chiri kuitika. Ndinoziva kuti mese munoyeuka musi wamakapinda muBedroom yevaberiki ndokuwana vachirhojana. Hakuna munhu anokangamwa musi uyi. Zvikuru ukavawana vasina kupfeka vasinazve kufuka machira. Zvinonetsa kuti IMAGE iyoyo ibude mufungwa. Kuhwa mai vako vachichemerera zvinotyisa, chero nhasi wava munhu mukuru ane imba yakewo kureva kuti unogarorhojana noumwe wako, ikahwa mubereki achichemerera zvinokuvhundusa.

Saka tiri kutarisira kuti isu kana tavavo nevana vohwisisa, tinova chengetedza kuti vasasangana nezviitiko zvavabereki. Haisi nyaya nyore nokuti mumba madziro anoita ruzha kana kwasviba zvokuti munokwanisa kuvhara mikova yese asi mwana avete mumba yake yokuvata anokwanisa kumutsa nokuchemerera kwamai vake, obva auya kuzoona kuti chii chiri kuitika. ipapo imi muri bishi zvenyu kana kumboziva kuti mwana amire pamukova uye ari kuona zvamumri kuita.

Musati matanga inofungai kuti mune mwana mumba uye mwana uvete. Fungaizve kuti mwana akamuka pakati peusiku, sokuti azviwetera, anouya kuvabereki opinda mumachira ovata navo. tese takabva neko ndiwo maitire evana vese vaneSTABILITY pamusha wavo.

Fungaizve kuti mungadii kuti mwana asaona zvinhu, itai zvinodzivirira vana kuona zvinhu. Munokwanisa kuti paya mwana avata, mozvikiira mumba menyu moita basa renyu, mokiinuna mukova movata henyu.

Munokwanisazve kujaira kuisana makafuka jira kuti musaonekwa.
Munokwanisazve kuita zviitwa zvenyu mwana achangovata toti awa imwe chete mwana avata. Ndipo panoita hope dzakadzika zvokuti anotadza kukuhwai.

Hatisi kuti Ityai mwana asi kuti hwisisai kuti mune mwana. Chombo chababa kumwana mudiki chinokwanisa kumutyisa chose kana chimire, nokuti haazivi kuti chii uye kuti chinoita basa rei. Kuzochiona chichirakasha mai zvinotyisa pakuti haahwisisi kuti mai vari kuchemei. Chii chiri kuitwa kuna mai vake uye kuti zvaita sei.

Vamwe vanhu. 
Kune vamwe vanhu vanoparidza shoko rokuti vana ngavakure vachiziva zvinoitika mumba, saka vanoda kutsanangurira vana zvese zvinoitika. Ini sokuona kwangu mwana anodzidzswa zvimwe zvinhu kana nguva yakwana. Kana mwana ava nemakore anopfuura gumi nemaviri kuvasikana unoziva kuti ava kuda kutanga kuenda kumwedzi. Ndipo pakumugarisa pasi womutsanangurira zvichaitika uye kuti sei zvichiitika, kuti kana zvoitika azive zvokuita.

Kana ari mukomanawo achatanga kuzvirotera ava nemakore kana gumi nemana. Unomutsanangurira kuti zvinoitiswa nei asi kwete kuti aone vabereki vachiisana. Handizvo. Kutsveruka ikoko.  Kana mada kuti mwana akasire kudzidza nyaya dzokuisana, mutengerei mhuka dzinozoita vana mava nadzo. Sokuti tsuro. Motenga hadzi nehonho. Motsvaka mavhidyiyo anotsanangura kuchengetwa kwadzo nokuti dzinoita vana sei. Motsanangurira mwa kuti zvichafamba sei.

Kana azosvika makore gumi namaviri (musikana) kana gumi nemana (mukomana ) ndipo pmunomuudza kuti vanhu vanoitawo zvaanoziva zvichiitwa netsuro. Kana asina kubvunza kuti imi vabereki munoitawo here, musamuudza. Regai abvunze kana zvamunetsa fungwa kuti vanhu vanoita mwana sei.

Pakugeza:
Koitazve vanhu vanofarira kugeza pamwe chete nevana vavo. Ini sokuona kwangu mubereki nomwana apfuura makore mashanu havafaniri kuonana pamberi. Mubereki anoona mwana asi mwana ngaasaona pamberi pamai kana baba.

Ndiyo nguva yokutanga kudzidzisa mwana kuti akaenda kutoireti ngaavhare mukova. Akada kubvisa zvipfekwa ngaavhare mukova. Ngaasafamba famba mumba asina kupfeka. Ngaasagara akapatsanisa makumo zvokuti vanhu vanoona bhurugwa rake (musikana) kana kuti agare asina bhurugwa.

Uyezve kudzidza kuti akangobatwa pamberi noumwe munhu asiri mubereki anofanira kukasira kuzoudza mubereki. Anodzidza kuti pamberi panhu pakakosha pasingabatwi batwi nemunhu asinei napo. Zvakasiyana nemaoko atinoshandisa kumhoresa vanhu vatinosangana navo.

Pachirudzi chedu Mwana anokwanisa kukura kusvika makore 20 asina kumoona mai kana baba vasina hembhe. Vakawanda havana kumbosvikira mai kana baba vachiisana. Ndicho chivanhu chakanaka ichocho. Kwete kungorega vana vachisangana nazvo.



Saturday 15 August 2015

Kuremara kweurume

Mazuvano vanhu vasingazvarisi vakadzi vavo vari kuwedzera kuwanda.  Tinoona kuti mhuri zhinji dzinoshaya mbereko asi zvimwe zvezvikonzero zvacho  zvichikwanisa kugadziriswa. Pano toda kuongorora nyaya yokuremara  kweurume chinova chimwe chezvikonzero zvokushaisa mukadzi mimba. 

Totanga nokurendedzera kuti urume hune utano hwakaita sei . Urume hwakada kuita seuzvuzvu utetetete. Unoerera uye ukahusiya paganda romuviri hunokasira kuomahoitawo ganda rinokwanisa kufunuka.  Urume hune munhuwi waho usina kuipa kunhuwidza . Ukahuvhenganisa neOIRI inosinira ichibuda muchitubu chomunhukadzi  (kuvhenganisa sokuti pakuvatana) unohwa munhuwi unozikamwa nevese vakambovatana kuti munhuwi wekuvatana. 

Zvinohi izvo mukapedza kuvatana ukafukidza musoro we murume jira ukavhura makumbo, hwema hwezvokuvatana huya kunoita murume akasire kumira chombo.  Hameno kuti ichokwadi here. Imbozvizamai mega.

Urume hune mhodzi dzisingaonekwi nemaziso asina michini yokuonesa zvinhu zvidikidiki inohi  MICROSCOPE. Mhodzi idzi ndidzo dzinoitisa mwana kumukadzi. Kana tichiti urume hwakaremara tiri kureva kuremara kwemhodzi idzi.

Kana murume ane utano hwakanaka muurume hwake munofanira kuwanikwa humwe urume husina kuremara. Dzimwe dzemhodzi dzake dzinotaridzika semaburuvuru. Pakuvatana, murume anosiya urume mukati mechitubu chemukadzi. Panguva iyoyo muviri wemukadzi unokwanisa kuita ma SPASM anoitisa kuti urume hukwire kumusoro kune mukova wechibereko. Hwasvika pamukova apa hunopinda mukati mechibereko hwodhidha hwakananga kumachubhu anouya nezai.

Kudhidha uku kunodiwa panyaya yekuitisa mukadzi mimba. Kana urume husingakwanisi  kudhidha zvinoreva kuti hakuna kwahuri kuenda. Kana zai rikashaya urume hapana mimba inobata. Pano toda kutarisa kuremara kunoitisa urume kuti hutadze kuitisa mukadzi mimba.

Marudzi ekuremara:
1 Musorobhangu: Kune urume hune rino zidzoro zihombe
2 Misoro miviri
3 Miswe miviri:
4 Kamusorombada
5 Musoro murefu
6 Muviri wakafonyoka
7 Musoro unemapundu nemakomba

Kuti murume anzi ane urume hwakanaka anenge ane hwakaremara huri pasi pe 85%. Zvinoreva kuti urume hune utano chaihwo hunodarika 16%. Saka apa tinoona kuti urume hunodiwa hwakanaka hahuna kuwanda.

Nyaya yokuremara urume iyi yakasiyana nenyaya yokuita urume hune mhodzi shoma. Kushomakara kwemhodzi ndeimwe nyaya inoshaisa mbereko futi. Zvese kushomana nokuremara zvinotariswa kana murume aenda kundoongorogwa pakushaika kwembereko mumba.

Hwisisazve kuti urume hwakaremara hunikwanisa kusangana nezai  hugorigadzirisa mwana, Pamwe zvosatombozikamwa kuti panga pane dambudziko asi mazuvano pane RESEARCH yokuongorora kuti hunoitisa mwana hwakadii pane husingaitisi. Zvinofungigwa kuti kuremara idambudziko guru zvokuti vakadzi vakawanda vari kutadziswa kuita mimba nazvo.

Ndichaisa mapikicha yemamirire eurume hwakanaka nehwakaremara.

Zvikonzero:
Kune zvikonzero zvemabato maviri anoti zvinowanika mukati memuviri wemurume koitazve zvinowanika kuzhe kwemuviri wemurume.
Panezvokuzhe pane zvinoti :
Kusagara upenyu utsvene. Sokuti munhu haana hanya noutano hwemuviri wake, haadyi zvakanaka haaiti MaEXERCISE, Anoshanda pasina kunaka kushanda.

Pane zvomukati pane zvinoti:
Kuputa fodya, Kunge wakambotogwa ma X-RAY akawanda, Kushanda panopisa, Kana wakamboitwa OPERATION pameri, Kusashanda kwemabhora, Kana chiropa chisingashandi zvakanaka.  Chikuru cheizvi kuputa fodya. Kana uchiputa fodya mabhora anotsonga muupenyu hwako hwese chero paunenge wazorega. Kumira kwechombo kunokasira kuita kushoma kupfuura munhu asingaputi fodya.

Pane vanhu vanowanza urume hwakaremara asi pasina zvinozikamwa zvavanoita kana kuti zvinoitika kwavari. Saka apa tiri kungoti zvimwe zvezvikonzero ndeizvi asi hazvisi zvese zvinozikamwa.


Zvinorapiwa sei?
Pane zvinhu zvishoma zvaunokwanisa kuita kuti urume husina kuremara huwande asi chokwadi ndechokuti kuwanda kwahwo hakuwedzeri zvakanyana.

Gadziridza Balance yezvokudya zvako. Iyi nyaya inonetsa kuihwisisa asi inyaya inoda kuhwisiswa chose. Isu vanhu verudzi gwedu takajaidzwa kungodya sadza nomurivo kana kuti nenyama. Tinoona zvimwe zvokudya sezvisina kukwana. Mai vemumba basa rokutanga kudzidzisa mhuri kudya zvokudya zvakasiyana siyana. Utano hwemhuri hunotangira mumabhora ababa vemba uye muchikandirazai chamai vemba. Ukamirira kuzogadzirisa zvokudya wava nemwana, unokwanisa kushaya mwana wacho.
1 Tsvaka zvokudya zvine zvinhu zvinoti Vitamic C, ZINC, LYCOPENE, etc
2 Siyana nezvokubhema fodya
3 Ongorora paunoshanda kuti hapana RADIATIOn, hapapisi zvakawandisa, uye hapana zvinoita utsi hwakaipa.


Kana uchifungira kuti urume hwakaremara hwakawandisa, kasira kunoongorogwa kuti uudzwe pa PERCENTAGE yahuri. Zvadaro iti vakuverengere kuti uri kugadzira hwakawanda here.  Chiona zvokuita. Haisi nyaya yokuti ukabvisa chikonzero nyaya inogadzirika panguva diki, unotombomirira nguva refu. 

Varume vari pazera rokuzvara havafaniri kupfeka zvibhurugwa zvomukati zvinoshinya. Kana uchitenga zvibhurugwa zvomukati tenga zvakakura kupfuura muviri wako.  Mabhora emurume, anova ndiwo anogadzira mhodzi dzeurume haafariri kushinywa.

Varume musapfeka zvinhu zvinopisa muviri pamabhora enyu. Ukatarisa mabhora emurume unoona akarembera. Anoda kugara akarembera nokuti TEMPERATURE inodiwa kugadzira mhodzi dzeurume usi pasi pe TEMPERATURE yomuviri. Mabhora anoda kutonhoregwa kwete kupiswa.


Chokupedzisira:
Nguva zhinji tinowana matambudziko mumhuri dzedu asi nguva zhinji tisu tinokonzera nyaya idzi iri ngari yokusaziva. Ngatigadziridze zvese zvatinokwanisa kugadziridza, tozoona kuti zvasara tingawana rubatsiro kupi. Nyaya yezvokudya inonetsa pakuti tinojaira kungogarodya zvimwe zvinhu tokangamwa kuti tinofanira kuita BALANCE pazviri. Dzimwe nguva zviri kushaikwa zvacho hazvitombodhuri. Kungoti hatina kujaira kuzvidya.

Ngatihwisisezve kuti vanhu verudzi gwedu vangojaira kuti chese chese ngachiitigwe mushonga unobva kun'anga. N'a dzakawandisa dziri kungowana mari kuva kuvanhu nenyaya yougino hwevanhu. Mushonga mukuru pazvinhu zvomuviri kuwana BALANCED DIET, kumwa mvura yakawanda, uye kuwedzera kuvatana nomurume/mukadzi wako umwe chete iyeye. Kuvatana kunorapa uye kudzivirira zvigwere zvakawanda zvakaita se PROSTATE CANCER, BACK PAIN, STROKES, etc. Shandisai kuvatana somushonga weupenyu.

Ndichaisa mapikicha okutaridza BALANCED DIET.






Urume hwakakwana: Tarisa uone kuti hwakaita seburuvuru. Musoro wakanaka wakaita se nzungu, koita chimuviri chidiki poita muswe.

Kana murume ane hwakadai hwakawanda ndizvo zvakanaka. 



Zimusorobhangu




Musoro murefu



Kamusoro 



Musoro une makomba



Misoro miviri



Miswe miviri



Muviri wakaremara
Pano toisa pikicha ye zvokudya

Zama kuti paunonotenga zvokudya utenge zvimwe zvezvakawanda zviri pa pikicha iyi. Zvinobatsira utano hwemhuri yako. Natsotarisa uone kuti zvaunofanira kuwanza ndezvipi uye zvaunofanira kuita zvishoma ndezvipi. 




Udzai Vamwe!!!!!

Friday 14 August 2015

Chigwere chokusura

Kune vanhu, varume kana vakadzi vane chigwere chokuti anongosura pese pese asingagoni kuzvidzivirira. Chigwere ichi chinoshungurudza vanhu verudzi gwedu asi mamwe marudzi anongosura zvakadaro panevanhu. Isu kusura pane vanhu takadzidziswa kuti kutsveruka saka zvinotinetsa. Asi kana une chigwere chacho zvingafamba sei Unogara sei upenyu hwako uye unogara sei nomurume/mukadzi wako?

Muchikaranga munhu anogarosura anohi ane NGUBHANI. Muchirudzi chedu, Ngubhani dzese dzakafanana saka hatina basa nezvokutaura kuti iyi ingubhani ipi. Asi kungoti une ngubhani.


Unoziva sei kuti une chigwere ichi?
Hazviiti kuti uve nechigwere ichi ugotadza kuziva kuti unacho. Unongohwa wega kuti uri kugarosura uye hapana zvaunokwanisa kuita kuti usasura. Zvinotovhundusa iwe muridzi uye vanhu vaunogara navo. Kazhinhi hazviiti kuti uwane nguva okumhanya kuchimbuzi kundosurirako. Ipapo pauri ndipo paunoitira. Chero muri pakudya chaipo hauregi kusura.

Unokwanisa kupedzisira usisasviki pana vanhu iri ngari yokusvodeswa nezvaunoita. Kuti uzvigamuchire zvinonetsa nokuti idambudziko rine manyadzi mukati. Kuti usazvigamuchira zvinonetsazve nokuti vaunogara navo kana kushanda navo zvinovanetsa kuzvigamuchira. Kana wakaroorana noumwe munhu zvinoshungurudza mese uye zvinogumburisa umwe wako. Kana uri munhukadzi zvinobvisa chimiro zvachose uye murume wako anoona zvisinganakidzi kusvika pakuparadzana pokuvata.

Saka apa tiri kuti kana une dambudziko iri unotoziva chete kuti unaro. Hazvikutoreri nguva.

Zvinokonzegwa nei?
1 Kune zvigwere zvinohi ma ALERGY zvokuti kana ukabata chimwe chinhu chakaita semamwe mabundo unokwanisa kuzvimba ganda kwekanguva. Ukarumwa nesvosve unokwanisa kuzvimba muviri wese. Apa ukadya zvimwe zvokudya unoita mweya wakawandisa mudumbu wobva wangotanga kusura. Vamwe vedu tinoti tikadya zvakaita semazai akabhoriwa tinoita mweya mudumbu asi unongoita kamaawa matatu zvobva zvapera.

Vanhu vane ALERGY anokwanisa kuita vhiki yese achingosuriswa nemazai aakadya pa Weekend. Iyi yakafanana hayo ne ALERGY asi kana yava pane zvokudya inopiwa zita rokuti INTOLERANCE. Kureva kuti muviri wako haukwanisi kugaya zvokudya izvi pasina nyaya nyaya. Saka apa tiri kuti pane chimwe chokudya chiri kukutangisa kusura uku asi wozoshaya kuti zvopera sei.

Pane zvokudya zvinowanzotangisa vakawanda zvinoti:
a)  Mazai
b) Bhinzi
c) Mukaka
d) Chizi
e) Muriwo
f) Maputi.
Kune zvimwe zvakawanda zvinoitisa chigwere ichi. Kana uchiziva kuti chokudya chokuti chinokukonzera kutanga kusura asi zvichizononoka kupera, dai wambosiyana nechokudya ichocho.

2 Kune chigwere chinohi pachirungu IBS. chinoita kuti kana pakusura kwacho munhu anokwanisa kuzviitira svina zvoreva kuti zvinokutyisa kuti usure asi futi zvinokunetsa kuti usasura. Upenyu hwokuremera. Kuti ugare wakaisa LINER kwese kumberi nokushure idambudziko guru kumunhukadzi.  Chigwere ichi chinonetsa zve kuchirapa. Chinoitiswa nezvokudya futi asi chinokuvadza kuzasi kweura uko kune ura ukuru.

3 Dzimwe nguva madyire aunoita kana uchidya zvokudya kana zvipi hazvo, anoita kuti umedze mhepo yakawanda nezvokudya. Vanoziva vanoti kushama muromo zvakawanda uye kusatsenga zvokudya zvakakwana kunoita uve nemheya mudumbu. Kana mweya wapinda mudumbu, unofanira kuti ubude, asi usati wabuda, unokuitisa mudumbu kugwadza uyezve haubudi nguva imwe chete saka uchasura wasurazve.

Zvokumedza mweya uchidya zvinowanzoitika kuvanhu vanemumhu mukuru nokuti vanhu vanodya zvakawanda asi nguva yavatora kuzvidya yakangofanana neinoita vanodya zvishoma avo vane munhu mutete.

Saka apa zvinoita sokuti zvikonzero zvechigwere ichi zvishoma. Zvimwe zvazvo hazvizikamwi.

Zera revanazvo:
Chigwere ichi hachiwanzi kuitika kuvana vadiki asi kuvanhu vava kumakore apfuura makumi maviri zvakawanda. Tinoona kuti vanhu ava vanhu vechidiki vasingadi zvinhu zvakaita sokungosurasura. Ndoosaka tati timbotarisa nyaya kuti pane chingaitwa here.

Kunetsa kwazvo:
Kana uri munhukadzi kusura zvinohwikwa nevamwe kunosvodesa kupfuura kana uri munhurume. Munhukadzi anoita mabasa akawanda mumba. Mamwe acho haaenderani nokusura. Sokuti uri mukicheni uri kubika zvinodyiwa nemhuri, Hazvidi kuti uku uri kusura miniti imwe neimwe, uku uri kubika. Kana vacho vanozodya zvawabika havangafari nazvo. Kusiri kuti pane chinoitika pazvokudya asi kungoti fungwa dzavanhu hadzienderani nazvo. Kusura mufungwa ndekwemutoireti, kwete mukicheni.

Pakunovata, hazviiti kuti uku murume ari kuzama kuita zvinonakira muviri, uku iwe uri kungosura pese pese. Kana ange ane zemo, rinongobva rapera rega. Hino ukazodaro mwedzi wese murume akangomirira bodo hazvifambi. Vakawanda verudzi gwedu hautombosuri murume wako achizvihwa. Unoita seusina unhu. Pane kusura kwechitubu kunoitika dzimwe nguva muchirhojana, Vakawanda verudzi gwedu vanosvodeswa nazvo. Ko kuzoti kusura kwechisuri chaicho? Pamwe unenge usingatozivi kuti zvichanhuhwa here kana kwete. Asi kazhinji kuvanhu vane chigwere ichi hazviwanzi zvakanhuhwa hazvo. Asi kuti wopidiguka kuti ufongorere murume wobva watanga kufongora nokutosura ipapo hazvinakidzi mese.

Kana uri murume kana mukadzi kusura zvako hachisi chinhu chakanaka kana pane vanhu.

Kuti uzviregese kusura futi kunokuitisa mudumbu. Kana zvichikwanisika sunga shure yako uende kutoireti wonosurira ikoko. Zviri nani. Zvikuru kana uchipota uchisura zvakanyorova uchisvibisa bhurugwa.

Pane firimu randakamboona raiva nomunhukadzi ane chigwere ichi. Zvino imbwa yevamwewo vaiva nembwa ndokutanga kufembedza magaro emukadzi uya ivo vasangana pazhe pemagirosa. Zvinosvodesa nokuti vanhu vese vanoziva kuti imbwa pane chayanhuwidza pamagaro ipapa.

Zvinorapwa sei? 
Kana uri kumusha unohwa vakuru vachiti unofanira kumwa mushonga wengubhani. Asi tikazvitarisa tinoona kuti mushonga uyu haurapi zvese zvigwere zvinohi ngubhani zvacho. Hachisi chigwere chimwe chete sokuona kwataita.

Saka panodiwa kuti uende kuchipatara wovaudza kuti uri kubudisa mweya wakawandisa. Vanokubvunza kuti zvinogwadza here. Taura mahwire aunoita. Vanokwanisa kukupa mapiritsi uye kugara newe pasi motaura nyaya yezvokudya zvako.

Unokwanisazve kutogwa samburi yetsvina kuti vaone kuti une chigwere chipi. Unokwanisazve kupinzwa chioniso shure kuti vatarise mukati kuti ganda remo rine zvimaronda here.

Chikuru ndechokuti unotarigwa uudzwe kuti muviri wako wakamira sei. Zvimwe zvavangakuudza hazvirapiki asi zvinogona kuderedzwa maitire azvo.

Unokwanisa kurerukigwa nemusengwa uyu.


Tiri kuenderera mberi

Kana pane ane dambudziko iri ngaafane kutinyorera mwadhi achitsanangura kuti zvinofamba sei

maichibwe@yahoo.co.uk



Mibvunzo nemhinduro 4

Takabva kumibvunzo nemhinduro 1, 2, and 3, saka tava pano nhasi pa 4. Kana une mubvunzo tanga wanotarisa kwese uku kwatakabva kuti hakuna here mhinduro yakapiwa kare pamubvunzo wako. Zvadaro chitumira mubvunzo wako ugotarisa mhinduro pano.


Mubvunzo
Mhinduro
1
Chii chinoitika kana ndichikwira mukadzi wemunhu?

Sei mukadzi wemunhu achinaka kupfuura wangu?

Vakawanda vanobvunza mubvunzo uyu. 

Mukadzi weshamwari yangu anondidya chombo asi wangu haadi. Ndodii? 
Hapana chinoitika chakasiyana nechinoitika kana uchivata nomukadzi wako wemumba asi kungoti unofanira kuhwisisa zvinhu zvakati wandei.
1 mukadzi wemunhu anohura newe zvinoreva kuti anohura nevamwe varume saka unokwanisa kubata zvigwere zvaanobata kubva kumahurerume awa.

2 kana murume akasiya urume mukati memukadzi, hunoita mazuva matatu huri upenyu, hoita nguva inopguura mazuva matatu kusukwa kubva muchutubu chemukadzi. Zvinoreva kuti murume wake akavata naye iwe ukavata naye unotonyika chombo chako muurume hwemurume wake, wosiyavo hwako imomo, vamwe varume vouyavo vachinyika zvombo zvavo imomo.  Ndoosaka zvichinzi murume kuhura kushaya SELF RESPECT. Zvakangofanana nokuti varume vashanunu vovhenganisa urume hwavo mukapu iwe woenda wondonyika chombo chako imomo.

3 Kuhura kwemurume ane mukadzi mumba kunowedzera chanzi yokuita CANCER yechibereko yomukadzi wemumba.

4 Ukapa mukadzi wako siki, akasaziva kuti ane siki, akaita mimba ane siki, zvinokwanisa kukanganisa mwana.

5 Kana uchihura shandisa makondhomu nguva dzese. Izvi zvinonetsa vakawanda nokuti vakadzi vanohura vanhu vanofarirawo kuitira zvikomba zvavo zvinhu zvavasingaitiri varume mumba, saka uchaona kuti anofaririra kuita zvimwe zvinokwanisa kukupa EXCITEMENT yokuti unokwanisa kuzofunga kondhomu watomutundira kare mukati. Zvigwere hozofunga watobata.

Varume vakaanda vanonyora vachibvunza kuti sei mukadzi wemunhu achinaka kupfuura wangu. Ipapo wakewo ari kunakira umwe murume kupfuura zvaanoita kumba. Ndihwo ufuza hwedu vanhu.

2
Mai chibwe, Ndoitawo sei. Vhiki yakapera ndakas***wa nemwana ane makore 14. Hameno chakangondibatawo. Ndakangokundikana ndokudaidza mukomana uyu ndokumukurudzira kusvika ndavata naye. Ndodii? Ndine makore 23. 
Kuvata nemwana ane makore 14 chinhu chakaipa chose. Unokuvadza fungwa nomuviri wemwana. Kubva ipapo zvinosungisa uye unokwanisa kugara mujeri kwemakore anopfuura gumi. Ndinoziva kuti zvinokunetsa kundozviman'arira kumapurisa asi dai waikwanisa waienda. Zvinokwanisika kuti unetogwara mufungwa zvokuti nyaya iyi ichaitikazve ugozosungwa hako. Zvinokwanisikazve kuti mukomana uyu achaudza umwe munhu mukuru ugosungwa.

Kana usingakwanisi, chifunga zvokuita kuti zvisaitikazve, uye kuti udanane nevarume vezera rako. Hazvifanigwi kuti unge uchivata nomwana uyu.
3
Ndingazvifambisawo sei? Ndinoshanda nevamwe vana mai vedzimba vanotaura nyaya dzavo vakasununguka nokuti vanozivana. Vanotaura mavatirane avanoita nevarume vavo. Ini murume wangu kana akada kundi***ra kamwe pavhiki anenge atowanza vhiki yacho. Pane mushonga wandingamupa here kuti ade nguva dzese. 
Mushonga ndewekuzvigadzirira muviri wako kuti murume wako akuone uri munhu anomuitisa zemo. Hakuna umwe mushonga unoshanda. Tanga wazvibvunza kuti murume wako anoziva here kuti uri kutodawo kuti muvatane kakawanda pavhiki? Anoziva sei kuti ndizvo zvaunoda? Wakamuudza here? Kune vanhukazi vakawanda vanongomirira kusvika murume akumbira kuisa. Iyewo mukadzi kana kumbofunga kuti audze murume, bodo, kungoti zii. Zvino murumewo anofunga kuti mukadzi haadi. Zvokuvatana zvinoda kuti umwe noumwe paadira oudza umwe zvinhu zvoitwa. Nyaya ndeyevaviri kwete munhu umwe chete.

hino chiona wava kutofunga nezvemishonga kutsvaka kukuvadza murume pazvinhu zvinongoda mashoko okutaurirana.

Imiwo varume ngwaraivo mumba. Bvunza mukadzi wako kuti nyaya yenyu iri papi pamaitire uye kuti munoita zvakamukwanisawo here. Kana usingafariri kuwanza taurira mukadzi wako chikonzero azive kuti asadyiwa moyo.
4
Weti yegudo inoshanda sei? 
Weti yegudo inobuda mugudo yoenda pavhu, vhu riya ronyorova. Kana kuchipisa vhu rinooma romirira kuzoitigwa weti futi umwe musi.  Hapana chinhu chinowanokwa muweti yegudo chinoshanda pane imwe nyaya inoita nezvevanhu.

Asi kana uri munhu akachenjera tora vhu rine weti yegudo iyi worinyika mumvura, worega mvura iya yoita iyo weti yegudo. Woisa mvura iya mupoto woibhoira kuti utachiona hufe. Izvi kuitira kuti usapa vanhu utachiona.

Zvadaro tora mvura iya uise muzvibhodhoro zvidiki wotengesera mapenzi woti iyi iweti yegudo inorapa zvakawanda. Usavaudza kuti zvii zvacho zvinorapwa. Ingotengesa 20USD anotenga otenga asingadi osiya. Iwe tora mari yako undotengera vana hembhe dzokupfeka.  
5
Murume kubudisa chombo kana oda kutunda, zvinobatsira here kudzivirira mimba? 
Kare zvaifungigwa kuti zvinobatsira asi zvakazoonekwa kuti hazvinanyi kubatsira. Kana chombo chikamira, mukaita nguva muchirezvana, fungwa yomurume inoti pane chichaitika, chomo roramba chimire chakamirira kuti zviitike. Pakuramba chimire apa murume anobudisa oiri yakatsekseka chose uye inonakidza kubata. (Kana usina kumboibata misa chombo chomurume wako kusvika abuda oiri iyi)

Zvadaro mukazorhojana oiri iya inoramba ichibuda kusvika azotunda urume.

Oiri ine mhodzi dzeurume dzinokwanisa kuitisa mimba. Kubudisa (kuvhomora) chombo kana woda kutunda hazvirevi chinhu nokuti murume anenge atosiya mhodzi (sperm) dzeurume (semen) mukati memukadzi kare. Hazvibatsiri chinhu pakudzvirira mimba.

Pfekeranai makondhomu chete. 
6
Ndingawanepi mushonga wekuti murume wangu afunge ini ndega? 
Mushonga wekuti murume wako afunge iwewe chete unawo kare. Muchonga uyu uno gadzigwa nokuvhenganisa zvinhu zvinoti CHIUNO, Rudo, unyanzwi hwekufidha, uye kusununguka pakutaura. Unokwanisa kupedza mari uchinotenga zvimwe zvinotengwa asi haufi wakawana umwe mushonga unopfuura uyu.

Muchangoroorana, pedza nguva nomurume wako muchidzidzsana kuvatana zvinogutsa uye kutaudzana zvinohwisisanwa. Chete chete. Mobikirana modya mese muchita nyaya.

Usafa wakakangamwa izvi. Mushonga ndiwe nemafungire ako. 
7
7 months pregnant ndingatanga here kushandisa masuwo? 

masuwo ekutanga

kuvhura masuwo
Chikuru chinodiwa kuramba uchivata nomurume wako. Kana uri munhu anotunda pakuvatana nomurume une rombo rakanaka nokuti zvinobatsira. Asi kungogaropiwa urume kunobatsira chose saka chikuru kufarira kuvata nomurume.

Chero zvodii, usaisa zvinhu zvisiri chombo mukati mechitubu chako. Usaterera zvokushandisa mishonga yechivanhu. Kuzvara hakudi mishonga. Siyana nazvo. Ingowedzera kuiswa nomurume wako chete.

Wedzera kufambafamba sokuti 2 kilometres pazuva.

8 Magaro makuru chaizvo

Nhai Mai chibwe, ndibatsireiwo. Ndava nomukomana asi hatina kumboita bonde tese. Ndichiri mhandara. Ko ichokwadi here kuti magaro mahombe (very big) anoita zvinetse kuvata nomurume. 
Hakuna munhu ane magaro akakura zvokuti anotdza kupinzwa chombo nomurume. Pane chitubu chomukadzi panhu pokuti kana ukada kupinzwa nemberi kana neshure kana kuvata nedivi wosimudza gumbo murume opinza. Chero maititire awada zvinokwanisika. Saizi yemagaro hainei nazvo. Ukaenda kuzvipatara munyika dzese uchaona vanhukadzi vane mimba vakakora zvokuti vachiuya kuzovhenekwa. Zvinoreva kuti pane murume waakavata naye kusvika aita mimba. Usaita nyaya nokuvatana nomurume pazaisi yemagaro.
Asi hwisisa wega kuti kuita mumhu mukurusa zvinokonzera kuti uzokwanisa kuita DIABETES kana wati kurei pazera. Chigwere ichi chiri kubatwa nevakawanda uye chinouraya vakawanda. Dai wazama kuderedza muviri zvinova zvinozokubatsirawo pakunatsoiswa. 
9 Ungabata chirwere here kana ukas***wa nomurume ane mubobobo zviri zvemushonga? Kana zvichiita kuiti uiswe, zvinoitazve kuti ubate zvigwere zvese zvine munhu wacho akuisa. Kana akakuphekera kondhomu zvinoita nani, asi iwe dai warega zvokuhura uye kureva nhema kuti munhu wauri kuhura naye ingari yokuti ane mushonga. Hakuna chinhu chinohi mushonga wekuhura nawo. Munhu wese anohura nokuti ari kuda kuhura, kuzhe kwekuti wabatwa chibharo. Kana wabatwa chibharo enda undoudza mapurisa munhu asungwe, kwete kungoti ane mushonga. Hakuna mushonga wakadaro. 
10 Ko kana taroorana ndinofanira kuita nhumbu kwapera mwedzi mingani? Zviri kwamuri kuti munoita nguva yakadii musina kuita mimba. Mazuvano mima ndeyokutosarudza kuti toita riini. Chikuru ndechokuti mune mari yokuriritira mhuri yenyu here. Kana musina imboshandai muise mari kuBANK mozotanga mhuri mari yavapo.

Hakuna mutemo unoti tangai mhuri kwapera nguva yokuti, asi udzai mhuri dzenyu kuti moda kumbomira muwana nguva yokunakirana mega pasina mwana. Usazvinetsa nenyaya dzisina basa. Hakuna munhu anoudza umwe kuti chiita mimba. Zvaaitwa kare kare sekuru vako vasati vazvagwa.
11 Ndibatsireiwo. Murume wangu akaenda kuSouth Africa ini ndokusara nevabereki vake. Baba vake vanopota vachiuya kuBedroom kwangu vachindikwira. Ndingaitawo sei? Ko ndikaita nhumbu ? Usataura nyaya yokuti baba vake vanopota vachiuya kuBedroom kwako. Iwe kana vauya ndiwe unovabvisira bhurugwa. Hauna kutaura nyaya yokuti banokufosa kuvhura makumbo. Ndiwe wega unovavhurira ivo vongokurhoja mese muchiwirirana. Sakamese muri nhubu. Hazviiti kuti wakambovata nomunhu, uku wozovata nababa vake. Hazviiti kuti munhu avate nomuroora. ndiyo inohi ABOMINATION iyoyo. Mangofanana nembwa dzisingahwisisi zvokukuita. Saka zvawataura zvemiba zvinoreva kuti hamusi kushandisa makondhomu uye iwe hausi kumwa mapiritsi. Uri kuita zvounhunzvatunzva chaizvo. Funga pachauya murume wako kuti achahwa sei kana aziva kuti mukadzi wake anovata nababa vake.

Chokuita ndechokutaura natezvara wako iyeye womuudza kuti akakupindira futi unoridza mhere kusvika raini rese razviziva uye uchamusungisa. Uchaona kuti haadzoki. Uwewo kana uchida murume wako asi zvichikunetsa kusagaroiswa, udza murume apote achidzoka uye fanoshandisa maoko. Iwewo pota uchienda kumurume wonoita mazuva matatu kana vhiki uriko. Zvauri kuti izvi kutsveruka. Siyana nazvo.
12 "Mhata" ine matinji yakamira sei Sori hakuna "Mhata" ine matinji. Matinji anoita pa Mheche. Mhata basa rayo kubudisa svina mumuviri. saka hazviiti kuti paite matinji.  Une makore mangani?

13 Unoona sei kuti mukomana wako anokuda?  Hazviiti kuti zive kuti mukomana wako anokuda musina kudanana nguva refu, sokuti makore maviri. Unopedzisira wava kumuziva mafungire ake, maitire ake, nezvaanokuitira, uye kuti kana uchitaura naye anokuterera uye anokuudza zviri pamoyo pake. Mese munoshamwaidzana.

Asi zvadaro hazvirevi kuti hamuzorambani. Munokwanisa kuganganisirana mugorambana asi kana mange mune rudo chaigo, mukazosanga chero papera makore munokwanisa kuhwa hana kurova ne EXCITEMENT yokuonana. Kana maimbovatana munozviwana zviri nyore kuvatana, zvikuru kana mukadzi ariye akaramba murume asi murume aimuda. Mukangotaudzana munopedzisira modanana futi.

Ndoosaka zvichinzi usadanana nomunhu waunoziva kuti aimbova muLONG TERM RELATIONSHIP.

Mukomana anokuda anofarira zvauri izvese uye anoda muviri wako. Kana azova murume wako anongoda kura achivatana newe.

14 Kuvatana musango kwakamira sei?  Kana mafunga kuvatana musango, hwisisai kuti munokwanisa kuonekwa nevamwe vanhu uye munokwanisa kusangana nemhuka dzomusango dzinokuvadza. Munokwanisazve kurumwa nembwa dzevavhimi. Kana huri usiku chenjerai nyoka.

Pasina zvese izvi, kuvatana musango chinhu chinodakadza chaizvo zvokuti kana makaroorana paya potai muchimbozviita. Zvinoitisa zemo guru nokuda kwekuti zvinoonekwa sechinhu chomusikahwa kana kuti unhubu. Chinhu chakanaka kuti mupote muchivatana panzvimo dzakasiyana siyana. Kwete mumba chete kwete pamubhedha chete.


15 Chombo chinonaka here kana murume achipinza mukati?  Chii chinonzi kunaka?  Kana une zemo rakakwirira, murume paanopinza chombo, pakupindwa nacho ipapo panoita nguva tingati ma SECONDS kuda matatu yaunohwa muviri wese kunakigwa chose chose nokupinda kwechombo chokuti wega unotosimudzira chiuno kuti chombo chigare zvakanaka mukati. Kana murume ari shure wakafongora, unohwa kuda kuti anatse kupinda.  Zvinonaka.

Kozoti apinza, hazviiti kuti apinza mese mongoti zii. Chiuno chega chinokufosa kuda kukoirana. Murume akangopinza unohwa kuda kuti ngaachikoira. Akatanga kukoira unonakigwa zvokushushikana fungwa kusvika wanotanga kuchemerera wega muviri uchidavira kuti usi kuiswa zvinonaka.

Hazviiti kukwanisa kutsanangura manakire echombo asi chikwadi ndechokuti chinonaka uye chinovaraidza, uye mukadzi anonakigwa kupfuura murume kana wawana murume ane njere.

Kana une mufaro unoda kuiswa.
Kana une nhamo inokushusha ukaiswa zvakanaka unombotonhodzwa moyo kwenguva.
Ukamboitigwa zvinotyisa sokuti wabheuka nemota, kuiswa kunobatsira RECOVERY nokuti kunokuyeuchidza kuti uri mupenyu.

16 Zvinoita here kubaiwa chibereko pakuvatana? Pamwe ndohwa sokuti ari kubaya paasingasibayi Chibereko hachisi mukati mechutubu, asi kuti mukova wacho uri muchitubu. Mukova wacho kaburi kadikidiki kasingakwani kana penzura. Unokwanisa kubaiwapo zvichibva kuti muri kuitana sei asi haungazivi kuti ari kubayapo. Kana murume akanogofa paasingasigofi pasina kujaira kugofiwa unohwa kunaka kwacho kwakasiyana.


17 Ini ndine dambudziko rangu mukadzi wangu haafariri bonde asi ndinoita zvose during foreplay. Ndakazosvika pakumuudza kuti ok iwe we kana wanzwa kuti urikuda bonde wonditangawo ndobva ndaziva nokuti nguva dzose pandinoti ndoda bonde anongoti I'm not in the mood. Asi kusvika parizvino haasati ambonditi ndoda bonde saka zvinoreva here kuti haridi bonde mukadzi wangu kana kuti ane spiritual husband kana iriko? Ini zve kutsvaka hure handidi ndoda mukadzi wangu ne moyo wose asizve bonde ndinorida. handizivi kuti ndodii takaitaura nyaya iyi kakawandisa asi hapana chachinja, moyo wangu unogwadziwa. togona kuita 2 months pasina bonde.  Zvinokwanisika kuti pane chikonzero chausingadi kutaura nezvacho kana kuti hautochizivi. Vanhukadzi vashomanana vasingadi zvokuvatana izvi. Kuvatana kunofadza moyo uye kunoderedza kupopotedzana mumba. Ukaona mukadzi anogaropopota muraini, ingari yokuti haasi kuguta mumba.

Kana mune mwana ari pasi pemakore maviri, zvinokwanisika kuti mukadzi wako ane chigwere chinohi Post-Natal Depression. Zvinokwanisikazve kuti pakuiswa mukadzi wako haanakigwi nazvo, kusiri kuti imhosva yako asi kungoti kune vanhu vasinganakigwi nokuvatana. Vanhu ava vashoma zvokuti mhomho yese inonakigwa nazvo haihwisisi kuti sei munhu achishaya kunakigwa nechinhu chinonaka kudai.

Kotizve kana wakambomuhurira akatadza kukuregerera mumoyo make. Zvinonetsa kuti ade kuvata newe. Kotizve kana iye akamobatwa chibharo kare , kana kuti akabvisa mimba, kana kuti akaona chinhu chinotyisa chichitwa kumunhukadzi ari mwanana. Zvese izvi zvinokanganisa mafungire ake panyaya dzokuvatana.

Endai kuProfessional Counselling, kwete zvaana tete vanongoti kumwana wavo "Enda undoiswa kaviri pazuva" vasingahwisis kuti dambudziko chii.


18 Chibereko chinosukwa nomushonga upi?   Chibereko (Womb) kana chichifanira kusukwa chinosukwa nemaitire anohi D and C anoitwa kuchipatara chete. Hakuna mamwe masukire aungaita chibereko. Kana uri munhu asina njere kana ruzivo, uchaudzwa nevanhu vanoda mari kwauri kuti uvape mari vagokupa mushonga wekusuka chibereko. Vanodaro nokuona kuti une njere shoma chose asi hwisisa kuti mushonga wavachakupa kana ukasachenjera unozvikuvadza nawo. 
19 Mukadzi wangu ane ndebvu. Chingava chinhu chakaipa here?  Hapana chinhu chakaipa kuti mukadzi aite ndebvu. Kune vanhukadzi vakawanda chose vane ndebvu dzinotoonekwa, zvikuru vati kurei kupfuura makore 35 uye kurudzi gwevachena kana maIndhiya.

Anokwanisa kunopiwa mushonga wekuti vhudzi rekumeso riite shoma asi zvinobv pakuti iwe murume wake unomuona sei uye kuti iyewo anozviona sei. Asi hapana dambudziko rokuti zvingahi zvine basa rei kuva nendebvu.
Kuvata nomurume anongodawo zvinoita vamwe
Kuzvara anongozvara zvinoita vamwe
Kubika anongobikawo zvinoita vamwe
Saka damudziko hatina naye.

20 Bhinzi yomunhukadzi inofanira kureba zvakadii?  Bhinzi yomunhukadzi hazvina basa kuti yakareba zvakadii nokuti basa rayo kunakira muridzi wayo. Haina rimwe basa.

Saka kureba kwayo hakunawo basa, asi kungoti vakawanda vari pakati pe 5 mm kusvika pa 30 mm tichitarisa kana imire. saka tinoona kuti dzakatosiyana chose asi vese vanongonakigwa nadzo zvakadaro. Iwe dzidza chete kunakigwa neyako.  
22 Ndakaroogwa kwava nemakore matatu asi mwana hatina. Zvakaonekwa kuti murume ndiye ane dambudziko. Tingaitawo sei.  Kana zvaonekwa kuti murume ndiye asina mhodzi dzakakwana kana kuti anadzo asi dzakaremara, munokwanisa kupiwa mazano okuita kuchipatara ikoko kwamakaudzwa kuti ndiro dambudziko.

Zvokuita zvishoma asi kazhinji murume anozokwanisa kupa mukadzi urume hunokwanisa kuita mimba, saka ndeyokuramba muchiita basa kwete kuregera.

Chimwe ndechokutarisa kuti chikondero chedambudziko iri chiri papi. Ndezvokuzvagwa nazvo here kana kuti pane imwe nyaya.

Koitazve kuti mutarise nyaya dzokutora mwana kubva kunherera. Kune vana vakawanda chose vasina vabereki Tarisaizve ikoko. Pamwe munoona kuti kana pamba pava nomwana munogadzikana hana moita mimba. 
23 Chi chinonzi kunyenga mukadzi?  Mukomana kana akasangana nomusikana anomuyevedza uye ari munhu anotaurika naye, mukomana anotanga nyaya naye kusvika aona kuti musikana anomuhwissisa. Kusangana kwakadai kunowanzoitika pagwendo kana kuti pamuchato, kuChechi, kubasa, pachikoro, kana kuti munongosanganawo henyu pamwe.  Kana mune mafoni musikana anokwanisa kubvuma kupa mukomana nhambha yefoni yake.

Zvadaro mukomana anozotumira mashoko ekutaudzana kumusika, musikana anokwanisa kutanga kupindura kusvika pokuti mukomana anokumbira kuti vadanane pauviri hwavo. Kukumbira kuti vaite mukomana nomusikana ndiko kunohi paChikaranga, KUNYENGA.

Unowa musikana achiti,
 " Akandinyenga ndikamuda."
"Akandinyenga ndikamuramba."
"Akandinyenga ndikamuudza kuti ndiri kufunga"
24 Mushonga wekurapa siki unowanikwepi?  Siki inoitiswa nokuvata nemahurerume/mahurekadzi. Hure munhu anovata nemunhu waasina kuroorana naye uye zvikuru achivatazve nevamwe vanhu.

Siki chigwere chechihure. Zvigwere zvechihure zvakawanda asi pachivanhu chese chese chinongohi siki. Kana chiri chigwere chinouraya chakaita se HIV chinohi siki asi chozopiwa rimwe zita futi sokuti NJOVHERA.

Mushnga wesiki kuti wafungira kuti wabata siki, wokasira kunorapwa kuchipatara. Ukanonoka unokwanisa kuzotadza kurapwa. Zvimwe zvezvigwere izvi zvinouraya uye zvinotadzisa kuita vana. 
25 Chii chinonzi kubata mukadzi chibharo?  Chibharo pachirungu i RAPE. Kumanikidza mukadzi kumuisa iye asingadi. Kubata mukadzi chibharo pamutemo kunosungisa zvokuti munhu anoenda kujere makore akawanda.

1 Kubata mukadzi mazamu, magaro dzimwe nhengo dzomuviri wake hazvibvumigwi.
2 kubvisa mukdzi bhurugwa asingadi hazvibvumigwi.
3 Kufosa muadzi kukubata chombo hakubvumigwi
4 Kufosa mukadzi kumupinza chombo muchitubu, kushure, kana pamwe hazvibvumigwi

Hazvinei kuti mukadzi wako here kana kuti musikana wako kana kuti ishamwari kana kuti munhu wausingazivi.

Kana mukabvumirana kuti upinze chombo mumukadzi, mukatanga kukoirana, iye akachinja mafungire akakuudza kuti haachadi. Unofanira kubvisa chombo mukati make. Ukaramba anokwanisa kukusungisa uye unokwanisa kunoita makore mujeri.

Mazuvano kune mafoni anokwanisa kuRHEKODHA mashoko amunotaurirana zvokuti mapurisa akahwisisa kuti mukadzi akakuudza kuti haasi kuda iwe ukaramba uchiita, unoenda kujere nguva refu. 
26 Mushonga wekubata mukadzi achihura unowanikwepi.  Mushonga wekubata mukadzi achihura unowanikwa kunowanikwa mushonga wekubata murume achihura.

Wadireiko kuti mukadzi wako ahure ugomubata. Zviri nani kubata mukadzi wako zvakanaka kuti asafunga zvokuhura. Hazvinetsi kubata mukadzi/murume zvakanaka. 
27 Chii chinonzi runyoka Hakuna chinhu chaicho chinohi RUNYOKA. Iri ivara rinoshandiswa kutyisidzira varume kuti vasavata nevakadzi vevanhu. Zvinohi mukadzi wanhingi ane runyoka zvofungwa kuti ukavata naye unonamirana naye kusvika murume wake auya. Idzi inhema. Hakuna chinhu chakadaro chinoitika. Vanhu vanonamirana kana mukadzi aita inohi MUSCLE SPASM otadza kurerusa muviri pakuiswa. Murume otadza kuvhomora chombo. Izvi zvinoitika munyika dzese dzepasi rese uye hazvinei neRunyoka. 
28 Kuvava kwepamberi pemukadzi kunoitiswa nei? Pamberi panokwanisa kuvava zvakawedzera imwe nguva yemwedzi, zvikuru kana uchangobva kumwedzi nokuti chibereko chinenge chizvisuka panobuda zvinonyorovesa bhurugwa. Pota uchimbobvisa bhurugwa pachirohwa nemhepo. Uyezve pheka mabhurugwa ecotton chete asina zviri Artificial paari. Kana zvichivava zveganyabvu enda undotesitwa kuti pane utachiona here, zvikuru kana pachibuda hwema hwakaipa. Chitubu chemunhukadzi chine ma Bacteria akaBALANZA zvakanaka asi kana BALANCE ikakanganisika unokwanisa kuvaviwa. Kana wakambopinza chinhu chisiri mushona, TAMPON ana chombo chomurume, zvinokwanisika kuti une INFECTION saka enda undokasira kurapwa.
29 Chii chinokonzera kuneta nokukasira kurara kwechombo chomurume Varume vese vanomboita nguva yaasinganatsi kumira chombo, zvikuru kana ava nemakore anopfuura 50. Asi kune vamwe vanonogara vakadaro. Chikonzero chikuru kusamhanya kweropa kwakanaka zvichibva pachigwere chemoyo kana BP. Kana zvaitika kwenguva inopfuura vhiki mbiri ngaaende anotariswa kuti moyo ne BP zviri papi uye oudza murapi kuti chombo hachisi kumira zvakanaka panguva yekurhojana. Koitazve kuti kutya kusamira kunoitisa kuti chisamira. Saka murume anofanisa kusaita hanya nazvo. Kana chichimbomira zvokukwanisa kupinza mumukadzi chozoti rukutu, zvinoreva kuti ropa harisi kunatsochizadza. Mukadzi nomurume batsiranai apa mukadzi agaropurudzira chombo chidzidze kumira. Kusveta chombo kunowedzeresa kumira futi.
30 Kurara nevasikana vaviri pamubhedha umwe Iwe kana wada kuvata nevasikana vari uri munhu anohwisisa kuti umwe noumwe wevasikana vako anonovatawo nevarume vaviri pamubhedha umwe chete saka usazokatyamara kana wopiwa dzimwe pasuru dzokuenda nadzi kuvarapi, nedzimwe dzisingarapiki. Hakina murume panyika pano anokwanisa vakadzi vaviri. Asi mukadzi umwe noumwe anokwana varume vakawanda kana vashanu chaivo.
31 Kugona kubata murume pabonde kuita sei? Kuhwisisa kuti mese muri vaviri muri kuisana kwete kuti umwe chete ndiye anoisa umwe. Mukadzi anotambawo nechombo chomurume, kupurudzira, kufuridzira, kuyevedzwa nacho, kutaura nezvacho kumurume. Kupa murume mazamu, magaro, makumbo kuti atambise, kukisa murume muviri wese, asi kumirira kusvika wanatsonyorova, kubvunza murume kuti anoda kushandisa maitire api. Kana mapinzana kushandisa chiuno kukoirana nomurume, kubatirira murume chiuno chake nokumupa RHYTHM yakakodzera kuti anonoke kutunda. Kuchemerera zvinoenderana nokunakigwa. kurumirira muviri wemurume. Kana watundawo ipa murume EXPERIENCE yazvo muite mese saka muudze awedzere kukoira uchitunda Iwewo wedzera kushanda kwechiuno. Kana chombo chikabuda muchitubu iwe mukadzi kasira kuchibata wochidzorera mukati wotangazve kukoira murume. Murume ngaazive kuti anonakira mukadzi. Mapedza usangoti ZII, udza murume kuti zvange zvichinaka uye kuti chananyonaka chii kuti kana ozowedzera mangwana azive zvokuita. Ratidza kushamisika nokunaka kunoita chombo uye murume wako. Shamwaridzana nechombo. Kana muvete ukambundikira murume, isa ruoko pachombo murume avete akakufuratira. Uchaonawo iye oisawo pazamu kana wakamufuratira muvete. Garo kumbira zvinhu zvinoitika, sokuti wokumbira kuti murume akuratidze urume huchibuda muchombo. Anokwanisa kukukoira mazamu iwe uchikwiza chombo nemazamu, wobva watoona Tsaa tsaakubuda kweurume. Chifarawo kuti zvaitika womutsanangurira kushamisa kwazvo. Musi waunoenda kumwedzi chiti murume akukoire mazamu ahwe pane moyo.
31 Chii chandingaita kuti nditundise mukadzi wangu pabonde? Mukadzi anofanira iye kuva nefungwa dzokuda kuvata nomurume wake. Vakadzi vakawanda vanoda zvinhu izvi kupfuura varume vavo asi kungoti ukaita nguva usinawo kumbopiwa nguva refu nomurume wako, unongozopedzisira zvisisakunakiriwo wongosiya zvakadaro. Vakadzi vemumba vakawanda vanoti zviya mapedza, murume oita hope iye osara ozvibatabata kusvika atunda. Varume noufuza havahwisisi kuti mukadzi anodawo kutunda. Chaunofanira kuita kuita nguva usirezvana naye uchiita nguva pabhinzi yake uchiita zvaanofarira kuti uitepo, woitazve nguva uchikweshana naye, womunonokera. Uchaona kuti zvinhu zvinotanga kuchinja.
32 Mai chibwe makadii ndine mubvunzo ini ndine mukadzi wangu ndoshandira kuSA iye ndakamusiya kumba kuZIM pakutanga totaura paphone nepawhatsapp but sometimes anoenda paapp kusvika kana na11 usiku but haataure neni plus ukamufonera anenge achingotaura rough chete chete but kare kwanga kusina zvakadai patakatanga kugara tese saka ndakufunga kuti maybe pamwe akawana hake mumwe zvekuti kana kumba kuzim ndirikufunga kusaendako but l love her very much only her handina girlfriend inini but the way yakuita irikundirwadza nenhau yebasa maybe ndogona kuita 11 month ndisina kumboenda asi ndoitasei Hachisi chinhu chakanaka kusiya mukadzi wako kuZim iwe uchishanda kuRSA. Vanhu hwisisai kuti kufungirana kwese uku hakubvi pakuhura kwemukadzi asi kuti kunobva pakuzi zvawaidai waita iwe dai uriwe mukadzi uyu. Tinovimba vamwe vanhu sezvatinozvivimba isu pachedu. Kana iwe uchiziva kuti unokwanisa kuhura unobva wafunga kuti vese vanoita saizvozvo. Saka tora mukadzi wako ugare naye kuti fungwa dzakadai dzisakusvikira.
33 Ndoitawo sei? Mukadzi wangu haafariri bonde. Ndisingazivi kuti anondida kana kuti haandide. Pabonde anongorara ovhura makumbo kanda ndati ndoda bonde. Tapedza panoita atmosphere pasina anotaura. Ndava kutotya kuuti ndoda bonde. Ndoitawo sei? Kusununguka kwemukadzi pakutaura nezvekuvatana zvinobva pamafungire emurume. Murume ndiye anopa mukadzi kusununguka panyaya idzi. Wana mukana wekusunungura mukadzi wako kuti mukwanise kutaurirana. Kunyarara hazvirevi kuti haana chokutaura asi kuti anotya kutaura zvaanoda.
34 Pane chombo chingarwadza kupinzwa here? Ichokwadi here kuti Kune varume vangandirwadzisa?  Munhukadzi akagadzigwa zvokuti anokwanisa kugamuchira chombo kana chipi zvacho zvichibva nokuti watanga wanyorova zvakakodzera uye murume anotanga nokupinza zvishomanana ombomirira ureruse muviri waziva kuti hazvigwadzi. Adaro owedzera kupinza pamwe oita nyaya newe chipinza zvishoma zvishoma kusvika ati nyurududu chombo chese. Zvadaro wega unohwa kuti hazvigwadzi uye unotowedzera kunyorova nokuti une chombo mukati. Chimboitai nyaya uku muchikisana nokusvetana. Iwewo chiita fungwa yokuda kukoigwa . Chitanga kufambisa chiuno kusvika murume atangawo. Uchahwa kuti zvinonaka chose uye hazvigwadzi.

Kana uchitya tangai iwe uvete nomusana murume ari pamusoro. Wovhura makumbo asi woisa maoko ako pakati penyu kuti murume asanyudza chombo chese nokukasira. 
35 Munhu kana abata mimba anoitasei Ano mira kuenda kumwedzi. Kwapera mwedzi nevhiki mbiri anokwanisa kutanga kurutsa mangwanani. Anokwanisazve kuwedzera zvinobuda muchitubu chake zvokunyorovesa bhurugwa.

 Hapana zvakawanda zvinoitika zvimwe saka hapana chokutya. 
36 Ndine mubvunzo wekuti zvinoita here kubata chirwere kana ndikabuda mumukadzi dzisati ndatunda?  Kana mukadzi ane chigwere chechihure ukangopinza chombo chako mukati make usina kondhomu unobata chigwere chete zvisina kuti watunda kana kuti kwete. Kutunda hakunei nokubata chigwere chechihure.

Ndatoshaya kuti chaita kuti ubvunze mubvunzo wakadai chii? 
37 Kana uchida kuti beche rako rigare rakaoma unoshandisei?  Kana usingahwisisi mashandire emuviri wako chifunga kuita zvakadai. Hachisi chinhu chakanaka kuti uwane chokuita kuti usanyorova muchitubu. Kunyorova kunokonzegwa nokuti waita zemo. Zemo rinoita mufungwa zvadaro muviri wogadzirira kurhojewa nomurume, chitubu chonyorova kupakupinda kwechombo mese musagwadziwa. Hino kana uchiti haudi kunyorova zvinoreva unoda kukuvadza maMEMBRANE ari mukati mechitubu chako. Kana wazova nemakore eve kuda kusvika 30 uchanetseka. Hwisisa kuti pane zvinhu zvitatu zvinobvumidzwa kupinda mukati mako zvinoti chombo chomurume, Tambon kana uri kumwedzi, uye mishonga kana une INFECTION. Hapana zvimwe kana mvura chaiyo usaisa mukati. 
38 Ma sperm mangani anoitisa pamuviri Kunongodiwa imwe chete kuti uite mima. Asi kuti murume akuitise mimba anoda akawandisa asi mamwe ese anongoshanda kuwedzera Chanzi yokuti iyoyo imwe chete inozoitisa mimba ikwanise kusvika kuzai zvakanaka.
39 Chinokonzera kuti mukadzi arambe kukwirwa chii?. Chikonzero chikuru kugarokasirira mukadzi. Anosvika pokuti kuvata nomurume hakuna zvakunoreva saka zviri nani kungorega. Kana mukadzi achigarorhojana nomurume, zvichitorawo nguva refu uye murume achitaridza rudo mumba pauviri hwavo, uchaona kuti mudzi anofarirawo kuvata nomurume wake. Rudo chinhu chikuru kumunhukadzi. Ungapopota hako kumukadzi wako asi kana mapedza kutukana taridza mukadzi kuti chakupopotesa ndeichi asi unomuda. Uchaona kuti mukadzi anodawo kuiswa. Zvadaro chiita nguva refu pakuisana kwenyu.
40 Ndinochemedzwa nokusangana nomurume nguva dzese. Pane chakaipawo here? Hakusi kuti zvinorwadza asi kuti zvinonaka zvokuti ndongopedzisira ndachemedzwa nazvo. Ndingaitawo sei? Izvozvo zvauri kuita ndizvo chaizvo zvaunotofanira kuita. Chingoonai kuti kana pane vanhu vanoshanya pamba penyu musavatana nokuti vanhu vakawanda havagadzikani hana kana vakahwa mukadzi nomurume vachivatana. Zvikuru kana vari vanhu vava vakuru. Edzai kumirira kusvika vaenda, kana kunoitira kumwe kwavasingakwanisi kukuhwai muchichemedzana.
41 Ndinofanira kukwirwa kangani pazuva? Ndava nemwedzi nehafu ndaroorwa. Hakuna murairo wekuti kangani pazuva asi wekunoti iwe pawaitira zemo ukada kuvata nomurume wako tsvaka kuti aripi uvate naye. Iyewo paaitira zemo akakuudza, vatazve naye. Hazvisi zvikuverengerana asi zvokubvisana zemo. Usarega murume ane zemo. Usaregazve murume achita mazuva kana maviri usina kuvata naye kana usingagwari kana kuti usiri kumwedzi. Wana mukana wekuvata nomurume wako nguva nenguva. Murume ngaasashuva kuvata newe nokuti paadira iwe uripo kuvata naye.
42 Sei varume vachichiva vamwe vanhu ivo vaine vakadzi mumba? Kushaya Self Respect uye kusharu RESPECT kumukadzo wacho wemumba. RESPECT pamunhu inodzidzswa mwana achiri mudiki. Kana mwana akakura achiona vabereki vake vachipanana RESPECT, anokurawo achipa vamwe RESPECT. Kana akakura achiona vabereki vachitadza kupanana RESPECT ndizvo zvaachaitawo kumunhu waanoroorana naye. Asi tadaro, munhu ega anokwanisa kuona kuti zviito zvake zvakaipa ochinja. Kana uri munhukadzi, hwisisa kuti kwese kwaunoenda uchatoti unyengwe chete nokuti varue havanei kuti une mwana mubereko kana kuti une Ring yomuchato. Varume vakawanda akatoziva kuti une murume kumba zvotoreva kuti anoda chose kuvata newe. Varume vakawanda vanofarira mukadzi atori neurumwe hweumwe murume mukati make. Ndosaka muchiona mahure achiita mari. Murume anobhadhara kuti apinzewo chombo chake ipapo, nokuti vamwe vambopinza. Varume vanofarira urume kutipfuura isu vakadzi.
43 Kune mushonga wekunwa kuti unakirwe nemboro Mushonga kuhwisisa kuti kupinzwa chomo nomurume zvoreva kuti iwe wamuvhurira kuti apinze, kureva kuti mese muri kuita zvamunoda kuita. chitaridzawo kuti hauna kufosiwa kuvhura. Chiuno ngachichishanda basa rokutsvaka kunakigwa nezviri kuitika. Iwe ukanakira chombo, chombo chinokunakirawo. Chinhu choga chinobhowa pavarume ndechokuti paunongotanga kunakigwa nechombo murume anobva atokutundira, nyaya yese yotoperera ipapo iwe uchiri kuda kunakigwa. Saka wana mazano okushanda pamwe nomurume wako kuti umudzidzise kunonoka kutunda. Uchazoona kuti kuiswa kunonaka chose chose
44 Bhinzi inoita sei kana munhu ane zemo? .Bhinzi yomunhukadzi yakangofanana nechombo chomunhurume. Iri panzvimbo imwe chete nechombo, kungosina kwazviviri izvi ndekwekuti murume anoweta nechombo asi mukadzi anoweta neburu riri pazasi pebhinzi.

Pakuita zemo, murume anomira chombo. Mukadzi anomirawo bhinzi uye anozvimbirira matinji obva atanga kunyorova mukati mechitubu kuti musasvuuka pakuzokoirana.

Bhinzi dzine saizi dzakasiyana. Vamwe vane tudikidiki  kmwe kakangoita bundu. Vamwezve  vane mazihombe anosvika 5cm.

Kana zemo rapera bhinzi inongovatawo sezvinoita chombo.  
45 Chibereko chinosukwa nei? Chibereko chinozvisuka chega nguva dzese sokuti waenda kumwedzi, paunopedza chinozvisuka. Asi kana ukaita mimba ikabva yati kurei pamwe unohi enda undosukwa chibereko. Kusukwa uku kunoitwa kuchipatara saka vanotokuudza zvokuita. Hakuna kumwe kusukwa kunoitwa mukore uno. Uchasangana nevanhu vanokupa mishonga yokumwa vachikuudza kuti mushonga unosuka chibereko asi chokwadi ndechokuti vanenge vachikuudza nhema. Kuchipatara vanoita PROCEDURE inohu D and C.
46 Chii chinoita kuti mukadzi wangu achemecheme kana tiri pabonde? Chokutanga kuhwisisa kuti munhukadzi kana akaita zemo rinouya rakawanda zvokuti kana mukambotamba tamba muchiita zvinowedzera zemo and da kuita chinhu chinobvisa zemo riya. Kana apinzwa chombo, zvikuru kana maitire enyu achikwizirira bhinzi kana nyama dzakavakidzana nebhinzi, zvinonaka chose zvokuti kuti anyarare zvinonetsa. Ndoosaka achingotanga ega kuchemerera. Zvinohi kunakigwa kwemunhukadzi kuri 5 times kwemurume pakurhojana kwenyu. Kana murume akanonoka kudiridzira mukadzi, mukadzi anonakigwa chose zvokuti vamwe vanofenda kwekanguva Kana muchiirhojana nomukadzi wako, ona kuti ane mukana wekufema zvakanaka. Usaisa ruoko kumeso kwake kana kuti pamutsiba wake nokuti unokwanisa kumuuraya.
47 Unoona sei kuti murume anokuda?

Apa ndataura kana musina kuroorana.

Kana makaroorana usingazivi kuti anokuda here kana kwete zvoreva kuti uri benzi. 
Chokutanga ndechokuti anokuudza chokwadi.
Chechipiri anokuudza kuti anokuda nguva dzese.
chechitatu haasvodeswi nokufamba newe pane vanhu
Chechina anosvika pamba penyu achionekwa nehama dzako
Chechishanu iwe unosvika kumba kwavo hama dzake dziripo
Chachitanhatu Haakufosi kuita zvausingadi kuita
Chechinomwe anotaridza rukudzo kuvanhu vaunokoshesa
Chechisere anotaridza kufara kana anewe.
Chechipfumbamwe anokukurudzira kudzidza, kushanda, kuvaka upenyu hwako.
Chegumi, anoronga upenyu hwake newe kuti uhwisise kwaari kuenda nenyaya

Munhu akadai usambomuitira mimba kusvika maroorana. Munhu kwaye. Usabvumazve kuvata naye musina kuroorana. Uchaona kuti iye haakumanikidzi. Anoita zvawada iwe. 
48 Ndakaudzwa kuti kuzora hurume
 kumeso kunoitisa ganda ritsetseke
Ndizvo here ?
 Vanoziva vanoti urume hune maCHEMICAL anofidha ganda zvokuti ukagarohuzora ganda rinoita seremwana mudiki. handina kumbozvizamawo asi ndakazvihwa kakawanda. Hapana chakaipa kuzvizama asi tanga waudza murume wako nokuti kune varume vechirudzi chedu vanoti akakuona uchiita zvaasina kumboona uchiita vanofunga kuti paita nyaya dzemishonga. Zviri nani kutanga waudza murume wako kuti uri kuda kuzora urume hwake kuti ganda ritsetseke. Zvadaro ngaamwe mvura yakawanda kuti huwandewo. Mvura ndiyo inowanza urume.
49 Depo Provera inoita nguva yakadii isina kubuda mumuviri kana ndava kuda mimba?  Kana ukabaiwa jekiseni re DEPO, unoita nguva yemwedzi mitatu usingakwanisi kuita mimba. Asi kana ukagara nguva refu uchishandisa Depo, paunozomira, muviri unenge wajaira Depo iyi saka unokwanisa kumbononoka kubata mimba.

Asi zvinohi kana ukapfuura gore usina mimba enda unobvunza varapi. Kana uri pasi pegore mirira gore ripere muviri ugadzikana. Pamwe kutomboshandisa makondhomu makamirira kuti nguva irebe kubva pawakagumira kushandisa Depo kusvika paunoda kuita mimba. Hwisisa kuti unofanira kuita mimba muviri wako une BALANCE yema HORMONE. Kana DEPO ichiri mumuviri zviri nani kusaita mimba zvisinei kuti unokwanisa kubata mimba. Vana vanozvagwa vane me CHEMICAL asina balance vanoita mamwe matambudziko. 
50 Ko imi mai Chibwe mune murume here uye makaroorana mune makore mangani? Mugere sei? Munomorwawo here mumba?

Uyu mubvunzo wandisinawo kumbobvunzwa
Ndine murume uye ndakawanikwa ndine makore 25 iye ane 27. Tine mwana umwe chete musikana. Tigere hedu zvakanaka asi hatina kusiyana nevamwe vanhu. Pane patinopokana kana kufunga kwasiyana asi tine mutemo wekuti tikapokana tinofanira kupedza nyaya ipapo kana kuronga pokuzotaudzana kuti nyaya ipere nokukasira. Yapera tinobvunzana kuti yaperera papi tobvumirana kuti tahwisisa chinhu chimwe chete pakupera kwayo.

Hakuna nyaya yokupokana unobvumidzwa kutaugwa muBEDROOM. Nyaya ndedzokutaurirana takagara paTABLE topedzerana ikoko. Nyaya yekupokana kwefungwa hainei nezvinodiwa nomuviri saka chero tikapezderana pakutaura, pakunovata kana umwe achida zvinhu anowana zvaanoda pasina zvokuti tambotaudzana.

Kuti tambotukana hakunei nokuvatana asi kana uchine shungu nazvo woratidza shungu nemaitire echuino.


Monday 10 August 2015

Munhukadzi Kuzvidzidzisa Kutunda Pakurhojewa

Uyu mubvunzo wabvunzwa asi nokuti mhinduro yacho ihombe ndati zviri nani ndise zvese mumbvunzo nemhinduro pazvo zvega pane kuzvinyora pamibvunzo nemhinduro.

Muvunzo:

Nhai Mai Chibwe, ndine dambudziko rokuti handina kumbotundawo pakuvata nomurume. Ndinohwa vamwe vachiti vanotunda asi ini handizivi kuti zvinoitika sei uye kuti ndingazviitawo sei. Ndinoda chose kuvata nomurume wangu uye ndinonakirwa nazvo asi handina kumbotunda pazviri.

Imwezve nyaya ndeyokuti ndikakwira murume, ndinoti ndikaita chikapa ndinokasira kuneta zvokuti ndobva ndangorega murume oita ega.

Ndingaitawo sei.?

Mhinduro?

Kunakigwa nokuiswa kuri mufungwa yomukadzi, kwete pazviito zvomurume 

Munhu wese anonakigwa nezvaakadzidzra kunakigwa nazvo, Vanhu vakawandisa 85% yevanhukadzi vese vanozvagwa mupasi rese vanohwisisa chose nyaya yokuzvibatabata namaoko kusvika wazvitundisa wega pasina kana murume. Maitire awa anokudzidzisa zvinokunakira nezvisinganyanyi kunaka. Vakawanda havapinzi chinhu mukati mechitubu asi kungozvikwizirira bhinzi nematinji kusvika watunda. 

Munhu wese paanozowana murume anenge ava kuziva zvinokwanisa kumunakira obva azama kuita zvimwezvo nomurume. Chinonetsa ndechokuti munhukadzi anoda zvinokwiza bhinzi. Munhurume anoda zvokupinza chombo, saka kuti muenzanise zvonetsa. Imwezve nyaya inonetsa ndeyokuti vanhurume pakuvatana vanototi vatunde urume chero zvodii. Vashomanana vanotadza kutunda urume asi chinenge chichitori chigwere.  Vanhukadzi vanotanga kutunda (ORGASM) vari vanana (below 20) vashoma. Vakawanda vanozotangira kumakore ari kuma 27 zvichikwira. Hazvirevi kuti unenge usinganakigwi. Unonakigwa chose asi hausviki pachinhanho chokutunda.  Unongozoti umwe musi zvoitika wotozogaroita asi kwete mazuva ese. Unokwanisa kuita kaviri kana katatu pavhiki. 

Kumadziro okumusoro uri mukati mechitubu pane panodarika dzimwe zvimbo kuzvimba kana waita zemo. Panhu apa panonaka kukwiziwa kupfuura dzimwe nzvimbo. Panonakazve kuti murume apinze chigumwe agokwenyerera. Kana usina kumbozviitwa udza murume akuite kwete nhasi chete asi mangwana nakusweramangwana kusvika wawana makwenyere anonaka. Panonakazve kana murume achinogofapo nechombo pakukoirana kwenyu. Panhu apa panohi nechirungu G-SPOT. Bhinzi neipapa ndizvo zvinonaka kupfuura pamwe pese saka kana uchizama kutunda pabasa wanza atteNTIon panzvimbo mbiri idzi. 

Apa kutunda kwatiri kutaura ndekwekusvika pa ORGASM kete kuti pane mvura kana chimwe chinobuda. Wega unohwa muviri wese kutenderedzwa kuita sewoda kufa kuri kunakigwa. Unotadza kuwana CONTROL yomuviri wako kweminuti imwe kana mbiri, sezvinoita murume achikutundira. Koitazve vamwe vashomanana vanototunda zvokubudisa mvura asi isiri weti panguva iyoyo. 

Kana uchida kudzidzira kutunda (kwete zvokubudisa mvura) tanga nokuhwisisa kuti bhinzi yako ine mudzi unopatsanuka woti umwe uku umwe uku buri rechitubu ropinda napakati. Ndizvo uchiona kuti kukoigwa nomurume kunoita ukwiziwe madziro echitubu mukati zvokunakira izvo chombo chomurume chiri kukwizirira mudzi webhinzi.

Chihwisisazve kuti mudzi uyu unotanga uri umwe chete pabhinzi chaipo, wosangana neburi rechitubu wotsemuka yoita midzi miviri. Ukatonona une zemo, ukapinza chigumwe muchitubu mako ukatsvanzadzira mukati kumadziro ekumusoro kuri DIRECT pasi pebhinzi unohwa pakazvimbirira ipapo. Kana ukapakwenyerera ipapo unokwanisa kukasira kutunnda. Zvino toti uri kuiswa nomurume, kana ukamufongorera asi usina kunatsokotama chombo chinopfuura chichikwiza panzwimbo iyi panenge pakazvimbirira kuita bundu.  Unokwanisa kukasira kutunda.


Kana uchida kuti murume agofe ipapo chaipo nechombo. Vata nedumbu woisa piro pasi pechiuno kusimudzira chiuno. Murume wokukwira achibva shure wokutanyanga wopinza chombo. Ukasimudzira zvakanaka chombo chinonogofa chaipo pakati pemidzi yebhinzi zvokuti akasakukasirira haunonoki kutunda kana uri munhu anokwanisa kutunda. Hatisi tese vanhukadzi tinogona kutunda, vamwe vanononoka kutanga toti kumakore apfuura 30.

Totizve kana wakapakicha makumbo ako pamafudzi emurume, Kana ukasimudzira chiuno zvinokwanisika kuti murume pakukoira andotofonya pabundu iri zvinonaka chose zvokuti unokwanisa kutunda.

Totizve iye murume kana ari munhu anofarira kukusveta bhinzi, akati uku ari kukusveta bhinzi uku ari kukukwenya pabundu iri mukati mechitubu, Haunonoki kutunda. 

Totizve uri pamusoro pemurume wakatanyanga murume unokwanisa kuti ukakoira murume ukaneta zvawataura unokwanisa kuita sowogara murume asi wakasimudzira chiuno kuti pave ne GAP pakati pako nechiuno chemurume kuti akwanise kukukoira. Ukaita sekurerekera shure murume anonogofa pabundu riya wohwa kuwedzera kunaka. Saka unopota uchiti ukarerekera mberi ukarerekera shure, ukati twi, uku murume achigofa pakasiyanasiyana mukati mako.

Nyaya chaiyo inoita kuiswa kunyayonaka kurerusa muviri (RELAX) kuti uite zvaunoda pakuiswa. Ukuwo murume okunonokera kukutundira, Ukuwo iwe woisa fungwa yese pekutevera chombo nezvachiri kuita. Davira kuti uri kuiswa nomurume waunoda kwete kuomesa muviri. Rega muviri unakigwe nazvo. (inonzi pachirungu LET GO).Kana zvichinaka, usaruma mazino kuti usaita ruzha rega ruzha guitike. Munhukadzi wese anochemerera nokuti zvinonaka. Saka iwe unodirei kunyarara. 

Imwe nyaya dzidza kushinya chombo. Kana chitubu chanyorova chombo chero chezaizi ipi chinokwana asi madziro echitubu anoita COLLAPSE pachombo zvokuti pakupinda chombo chinovhura chitubu, pakubuda chitubu chinovharika shure kwechombo. Ndizvo zvinoita kuti kukwizirana muchikoirana kunake. Zvino munhukadzi akadzidza kushandisa masuru yechitubu, anokwanisa kushinya chombo zvokuti murume pakukoira anotadza kungoita zvaanoda. Ukahwa achimhanyisa woshinya chombo kuti aderedza sipidhi yake, Ukahwa achinonoka woregedzera kuti awedzere sipidhi. 

Ukaziva kuti oda kutunda, iwe uchida kuti atunde wotanga kupomba chombo Paanonotanga kutunda chaipo womuti chombo kwiii zvokuti haakwanisi kukoira. Kana uri pamusoro wonatsogara zvokuti chombo chese chinopinda womushinya kuti asakwanisa kuita chimwe chinhu. Anokusiira urume hwese hwaanahwo.

Vanhukadzi vakawanda vanodzidza kuzvinakira pakudhonza matinji. Unopedzisira waziva kuti zvinhu izvi zvinonaka kuzvibata wobva wajaira kugarotamba nazvo wega.

Saka apa tiri kuti unofanira kudzidza wega kutunda wozozama kuita uchiiswa nomurume. Zvokuneta zvawataura kuti unoneteswa nokukoira murume kana uri pamusoro, kusajaira kukoira murume. Purakitiza mazuva akawanda. kana kutoudza murume kuti kumukwira kunonaka kuti agogaroda kuti umukwire. Varume vakawanda vanofarira kuziva kuti mukadzi ari kuda kumukwira nokuti zvinoratidza kuti iye, mukadzi anonakigwawo nazvo. 

Ichi chidzidzo chikuru pamunhukadzi nokuti pamwe tinogunun'una pakusanakigwa nokuvata nomurume asi dambudziko risiri pamurume ega. Iwe munhukadzi ziva zvinokunakira ugodzidzsa murume kuita zvaunomboita uri wega. Varume hazvivanetsi nokuti kana murume ari ega anongozvikoira maoko obva atotunda urume. Kana azova nomukadzi akapinza chombo mumukadzi anongokoirazve semaitire aanoita maoko ake. siyano yemaitire ishoma. Chakangosiyana kuti mukadzi anodziya muviri zvinowedzera kumira kwechombo uye kuti mukadzi anochemererawo kuratidza kunakigwa, zvinova zvinopa murume zemo rakawedzera. 

Isu ndisu tine zvakasiyana pakushandisa maoko nokushandisa chombo. Saka zvinonetsa kuenzanisa kana wava pachombo. Asi kana murume ari pamusoro mukadzi anokwanisa kuti uku murume ari kumukoira uku iye ari kuzvikwizirira bhinzi kuti akasire kutunda. Murumewo akazvibata kuti kukwiza bhinzi kunokutundisa, anokwanisa kudzidza maitire acho opota achikubatsira. 

Murume haakwanisi kuita zvaasingazivi. Vanhukadzi havana kufanana saka chero akamboroora umwe mukadzi, usafunga kuti anoziva zvinonakira iwe. Vakadzi vanotundiswa nokurhojewa nechombo vashomanana vasingasviki 30% mupasi rese. 

Kutunda ZveFAKE:
Kune vamwe vakadzi vanoti kana akaona kuti murume ari kukoira zvinobhowa, Sokuti murume anongoita zvimwezvo zuva nezuva, mukadzi anongopedzisira ongonyebera kuti anakigwa akatunda kuti murume akasire kupedza zvokubhowekkana zvipere. Zvinohi mahure emari uye aya anohi maSMALL HOUSE inyanzvi pakunyebera kutundiswa nomurume, zvinova zvinopa murume manyawi kufunga kuti anogona kurhoja asi iye asingagoni.

Iwe mukadzi wemumba zama kuhwisisa kuti ukatanga nyaya yeFAKE iyi watozviisa pakaoma nokuti muru haachinei nokunakigwa kwako nokuti uri kutaridza kunakigwa kusipo. Iye haangazivi kuti uri kunyebera uye haana chingamufungisa kuti uri kunyebera. Kana usina njere uye uri munhu asingagoni kuvaka musha, ita hako zvekunyebera kutunda izvi. Ndiwe uchaita dambudziko nazvo. 

Zvinoitigwa kuti murume afunge kuti ishasha pabasa. Ko kungomukurudzira kuita shasha chaiyo pabasa zvakaipei.  Chinonetsa vamwe vedu panyaya iyi ndechokuti tinosvoda kutaura nyaya sezvairi nomurume. Dzidza kuti kana muri vaviri nomurume wako unogona kutaira mashoko anosvodesa kana une vamwe vanhu. Sununguka kutaura nokubata murume nhengo dzese dzomuviri wake, nokumuudza kuti uri kuda kuiswa izvosi kana kuti kana apedza zvaari kuita ngaauye muisane. Usangomirira murume. 

Kana zvichikunetsa tanga nezviroto. Udza murume kuti warota achikuita izvi neizvo. Wochiisa detail yacho. Mava kunovata wochimuudza kuti unoda mumboita zvakarota. Unokwanisazve kutanga nyaya dzinosvodesa pa WhatsApp nomurume ari kubasa. Mutumire mwadhi inomisa chombo. Varume havanetsi kumisa chombo. Akangofunga zvokukurhoja otomira chombo.  Kana akakupindura muudze kuti ngaapfuure achitenga TAKE away mugodya mugokasira kundovata nhasi nokuti panhu pari kuvava nokumirira. Zvadaro chigara uchitaura nyaya uchimutsanangurira zvaunoda. 

Zvokunyebera kutunda hazvina kwazvinoenda. Siyana nazvo.

Chiyambiro:
Asi hwisisa kuti varume vakawanda vechiZImba vanotya bhinzi. Vanofunga kuti ine zvainazvo zvinokuvadza murume. Zvokuti kana yako iri hombe, murume wako anokwanisa kutyiswa nayo. Kana uchida kuvhundusa murume wako iti paya mapedza kuisana wotora UNDERWEAR yake wozvipukuta nayo. Kana murume wako akakurira mumhuri yaiita zvemishonga anokasira kukufungira uroyi, izvo iwe wanga wangokangamwa kugadzirira tawero. 

Murume wechiZimba anonetseka panyaya dzese dzinowanikwa bhinzi yemukadzi. Kutoita vekudzidzisa tega isu varidzi. Unohwa murume mukuru achiudza shamwari dzake kuti mwana ari kugwara nokuti pakuzvagwa akagunzva bhinzi yamai vake. Ko bhinzi yacho yange ine chigwere chaiko? Kwahi bodo, kugumhana nebhinzi kunogwarisa vana. Wotozvishaira pazvo kuti viri kubvepi. 

Kusatoziva kuti kushamwaridzana nebhinzi yomukadzi wako mumba ndicho chinhu chikuru.  


Udzai vamwe!!!!!