Sunday 29 April 2018

Kunyebera kutunda


Kune vanhu zvese vakadzi nevarume vanoti zviya pakuisana voona kuti umwe wake atunda, iye onyeberawo kuti atunda kuti muchirega zvamuri kuita muvate hope. Pane anyora achiti iye haahwisisi kuti mukadzi wake angazviita here kana kwete uye kuti angazviitirei. Ini ndabvunza kuti ko iye akambozviitawo here kumukadzi akati kwete. Ari kuti kana akaziva kuti mukadzi wake azviita, ndiwo musi unopera muchato nokuti anoona sokuti mukadzi wake anenga ava murevi wenhema.

 Zvino ngatione kuti kune vanozviita here uye vanozviitirei uye zvinotanga sei?

Ngatitange nokuhwisisa zvinhu zvakati wandei zvinoti:
1 Kumunhukadzi weruzvhinji kuiswa kunonaka chose zvisinei kuti wasvikwo pa ORGASM kana kwete. Pane nguva yaunongoda hako kubatana nomurume wako asi usina hanya nokuita ORGASM. Kungoisana nomurume wako chinhu chinofadza uye chinokuswededza pedo nomurume wako. Kana wakaneta unokwanisa kungopa murume muviri wako kuti ahwe rudo. Kwatiri isu kuisana nokudanana zvinhu zviri pamwe chete. Kana murume ane zemo hazvinetsi kumubvisa zemo.

2 Munhukadzi haawanzi kungoti akaona chombo chati twi iota zemo. Zvinoda kubotamba mese nokurezvana, kuswetwa minyatso, kutambiswa matinji, kupurudzigwa muviri, kukwevegwa pedo, kukisana, kupinzwa chigumwe mukati nokukwenyeregwa mukati, uku tichikisana,  nokunyorova chose zasi, nokuzovhugwa makumbo murume ombopinda pakati motambazve aripo uchihwa kumira kwechombo chake uchichipurudzira, uchihwa hana ichitinhira nokuhwa zemo. Iwe muridzi paunongozotora chombo chomurume wako wochinangisa paunoda kuti chivhakashe, wega unenga wava nezemo guru. Asi hazvirevi kuti uchaita ORGASM nokuiswa nechombo. Asi zvinonaka chete.

3 Ukapepuka murume amire chombo asi ari kuhope, unokwanisa kungosuduruka wozvipinza chombo wotundisa murume wako ari kuhope. Hazvirevi kuti iwe unofanira kutundawo, asi zvinonaka chete zvakadaro.

Iyewo akapepuka iwe uri kuhope, anokwanisa kukupinza chombo motoisana iwe usina kumbopepuka. Kusvika murume akudiridzira. Pamwe unokwanisawo kuita ORGASM kuhope nokuda kwekuti wakaRERUSA muviri. Asi  pamwe hauiti asi hazvirevi kuti hazvinaki.

4 Kana musina EXPERIENCE yokuisana mukadzi anokwanisa chose kuita nguva refu kana makore chaiwo asinawo kumbotunda pakuisana kwenyu. Asi anongohwa kunaka kana murume wake achihwisisa kuti anofanira kumirira kuti mukadzi anyorove.  Hazviiti kuti ungohi bvisa bhurugwa wobva watopinzwa chombo ugonatsa kunakigwa nazvo, bodo.  Asi pane nguvawo yaunobva kwawabva mosangana nomurume mese mune tarisiro yokuisana. Unenga wagara wanyorova kare. Uye unoda kungokasira kuiswa nomurume. Sokuti mange makaparadzana mosangana motoisana ipapo musati mamboita dzimwe nyaya. Zvakaita sokumhoresana.  Mozoita nyaya mapedza uye mozoisana futi zvine mwero mamboita nyaya. Ipapo zvinongonaka futi uye unokwanisa kuti tunda nengari yokuti wange wava nevhiki yese usina kuiswa.

5 Murumewo kana akaneta anokwanisa kumira chombo mukadzi omukwira asi murume osatunda. Sokuti makaisana pakunovata asi momukirana makuseni seni. Mukadzi anokwanisa kutunda murume asatunda. Asi hatizvifariri izvi. Kusiya murume asina kutunda zvinoita se CHALLENGE kuti ndatadza basa. INSTINCT inoti regai ndizame futi.

Iyi nyaya yokusada kuvata nomurume agosakudiridzira ndiyo inoita kuti vanhukadzi vakawanda vaone sokuti ivo vanofanirawo kuita ORGASM pakuiswa. Inyaya ine zvakawanda chose mairi paPSYCHOLOGY yayo. Inokonzera vakawanda kunyebera kutunda.

Kunyebera kunoitwa sei?
Kana wakambotunda uri wega uchizvibatabata nokuzvikwizirira bhinzi, zvikuru vakambodhonza matinji, wega unoziva maitire ako kana zvauya nokuti zvinokwidibira fungwa dzese womboita sewoda kufa wozodzoka kuupenyu wotanga kudikitira , wobva wati muviti tonhoo seuri mumhepo asi ipapo uri pamubhedha.  Kuhwisisa mafambire azvo uku kunoita kuti ukwanise kunyebera kuti wazviita iwe usina. Unoziva maACTION acho nekuchemerera kwacho kunoita murume afunge kuti watunda iwe usina.

Asi izvi hazvitsananguri chikonzero.  Zvikonzero zvakawanda asi zvinoita sokuti chikuru chacho kufungisa murume kuti anogona kuisana newe zvinokufadza. Anobatwa nehope ane mufaro wekuti mukadzi wangu anakigwa nekuisana kwedu. Chokwadi ndechokuti unenge wanakigwawo zvechokwadi asi kungoti hauna kutunda. Hino varume havanatsi kuhwisisa kuti zvinofamba sei nokuti iye akasatunda  hazvinatsi kuita iyewio isu hatidi kuti asatunda.  Chero murume akapfeka CONDHOMU chaiye tinongoda kuziva kuti atunda. Ndizvo tichidawo kuti azive kuti ndanakigwa kusvika pakumuudza nhema kuti ndatunda.

Koitazve kuti pamwe muri kuisana henyu asi mukadzi haana hanya nazo nokuti murume haana kumupa nguva yezemo. Ipapo mukadzi anokwanisa kuhwisisa pokubatabata murume kuti akasire kutunda nyaya ipere. Vamwe ndipo pavanochemachema nokuita ma FAKE avo kuti murume paanotunda afunge kuti mukadzi atundawo saka zvapera.

Koitazve kana murume ari munhu asingagoni basa zvachose uye asingatereri muviri wemukadzi wake. Anongobva kwaabva kuBATHROOM uko yakamira nechekare, wongosvinyanga mazamu kaviri wototi mukadzi fongora wototanga kupinza. Pakadai mukadzi pamwe anotohwa kugwadza chose saka akawana mukana wekuti murume akasire kutunda zvipere anodaro. Inyaya yokusahwisisa kwemurume.

Kuitawo vakadzi vanoisa zvimishonga muchitubu kuti asanyorova. Zvinoitwa nevakadzi vakawanda izvi, nokuda kwekushaya ruzivo panyaya dzakukuvadza maMEMBRANE emukati.  Anoti pakupinzwa, zvinogwadza asi anofunga kuti zvinonakira murume. Varumewo noufuza vanofunga kuti ndizvo. Zvinokwanisa kutokuvadza chombo. Asi zvinokwanisa kukasirisa murume kutunda. Kuzoti afungew kuti watunda wochimuuitira masaramusi enhema.

Koitazve vakadzi vasingagoni kutundiswa nokuiiswa nechombo. Mukadzi akadai anokwanisa kupedzisira oona sokuti pane chakaipa paari. Anotya kuti murume anozofunga kuti haasi mukadzi akakwana, obva anyebera kutunda kuti murume asafungira. Kana uri mukadzi akadai asingatundi nengari yechombo, hwisisa kuti chikonzero chikuru ndechokuti chombo kana chiri mukati hachigofi mudzi webhinzi nengari yokuti uri kure.  Kana uchida kuzviona pima DISTANCE kubva kumusoro kweburi rechitubu kusvika panotangira bhinzi. Kana ukawana maCENTIMITER anopfuura 2.5 zvoreva kuti mudzi webhinzi yako unri kure saka kutundiswa nechombo kungangokunetsa.

Asizve unokwanisa kuchinja maitire, sokuti ukavata nedivi wosimudza gumbo riri pamusoro woripakicha pafudzi rimwe remurume. Murume okutanyanga gumbo riri pasi riya okupinza chombo. Ukangoti gonyei zvishoma unohwa kusiyana kwepari kugofiwa nechombo.  Koitazve kuti kana DISTANCE yako yakapfuura 2.5 cm, wana mukana wekuti murume akukwizirira mbinzi muchiisana kana kuti iwe muridzi uzvikwizirire uku murume ari mukati.  Unokwanisa chose kutunda

Kuitazve kuti murume anohwisisa bhinzi yako uye kuikwiza semakwizire aunoita uri wega. (Mudzidzise maitigwe azvo) kana kuisveta sezvaanoita munyatso wezamu kana kuinanzva. Unokwanisa kutofanotunda usati wapinzwa chombo zvokuti pakuzipinzwa hauchina chinangwa chokunyebera murume.

Hino kusiyana kwedu ndekwekuti murume akanyabera kutunda zvinoonekwa nokuti kana atunda iwe unovhinza urume. Kana asina hapana chinobuda. Pane musikana akanyora achibvunza kuti sei murume wake kana akadhakwa hapana chinobuda. Bodo ingari yokuti anokunyebera kuti atunda iye asina.

Hino mukadzi hapana chinoonekwa kuti chaitika asi kungoeredza urume hwemurume chete. Kuti murume achizoziva kuti wazvifambisa sei haachazvikwanisi.

Varume hwisisai kuti muviri wemunhukadzi wakasiyana newenyu. Hwisisazve kuti kune vakadzi vasingakwanisi kutunda nokuda kwechombo, asi hazvirevi kuti chombo hachinaki. Chombo chinongonaka zvisinei nokuti watunda here. Kurevera murume/mukadzi nhema shuwa chinhu chakaipa uyezve zvinoita kuti kana pane dambudziko rinonoke kugadziriswa. Sokuti kana murume asingahwisisi kurezva mukadzi musati maisana, hazvigadziriki kana uchimunyebera kuti watunda iwe usina.  Koitazve varume, kana ukahwisisa kuti mukadzi haazi kunatsonyorova, zvinoitiswa neCONDITION inoda kuti mutsvake KY jelly  (kune vakadzi vanonetseka kunyorova) kana kuti mukadzi wako ari kuzviitisa nokushandisa mishonga isina kunaka. Kana ukabata mukadzi wako achiita izvi, usazvigamuchira zvachose nokuti zvinoreva zvakawanda paupenyu hwenyu. Kune vamwe vanoudzwa kuti isai munyu zasi , kana kuti geza nemvura ine munyu wakawanda, kana kuti isa sipo yokuti neyokuti mukati wozobvisa moda kutoisana. Ukahwisisa kuti ndizvo zvaari kuita zviri nani umudzivise nokuti zvichamukuvadza mugoita nguva usina munhu wekuisana naye.

Kana achida kuti anatse kusvinya chombo pane zvaanokwanisa kuita zvaanowana apo pakahi Kusimbisa masuru yechitubu. Ngaaverenge ipapo aite zviripo.

Imi varume tibatsireiwo nokuhwisisa nyaya dzedu. Motiruramisa patinokanganisa. Usarega mukadzi wako achhita zvougino pamuviri wake. Muviri wake ndewenyu mese. Iyewo akakuona uchiita zvisina kufanira terera achikutsiura.

Varume hwisisai nyaya yokuisana iyi kuti mumba ngamuisanwe zvinonakira mese. Rezva mukadzi wako kusvika anyorova zasi zvakakwana. Mupe chombo atambisewo madire ake. Zvinotowedzera zemo rakewo.

Heino nyaya yokupedzisira. Paunotanga kuchemachema uchifunga kunyebera murume kuti uri kutundiswa nezvaari kuita, mafungire iwawo, kune vakaanda vanoti anoita kuti ubve watotundawo zveshuwa asi wange uchitonyeba. Sake pamwe zvinoita utunde.  Tese takasiyana siyana.  Asi ini hangu sokuona kwangu kunyeberana panyaya iyi kwakaipa chose. Muchato ngauvakwe pachokwadi. Tsanangurira murume wako kuti kutunda kunonaka chose asi kuiswa pasina kutunda kunonaka futi.  Uye hezvino zvinhu zvinoita nditunde. Kana tine nguva ngatizviite. Kuisana kunoda kuma 30 minutes kana kupfuura muchirezvana.

Udzai vamwe!!!!!





Tuesday 24 April 2018

Mibvunzo nemhinduro 16

Pamibvunzo apa kana yasvika 50 tinomirira ipapo totanga rimwe gurupu. Gurupu 15 yakazara saka tava kutanga rino Gurupu 16. Zamai kusabvunza zvakambobvunzwa ku Gurupu 15, 14, 13, 12, 11, 10, 9  8, 7, 6, 5, 4, 3, 2, 1.

Tanga watarisa kuti mubvunzo wako uripo pa ne mamwe magurupu here?  Vanoda kuwedzera wedzerai asi tanga nokutaura kuti uri kuwedzera pamubvunzo upi uye wedzera pagurupu rine mubvunzo wauri kuda kuwedzera.
Kana une mumbvunzo waunoda kubvunza tarisa apo pakahi MUBVUNZO
Ndatenda





Mubvunzo

Mhinduro

Ndini Sally, ndine 19 months ndaroorwa asi ndine dambudziko rokuti murume ndomuda chose uye iye anondida asi pabonde handisviki chaipo ipo nechombo , but ndiri ndega ndinosvika. Murume ane zvese zvakakwana uye anoshanda basa. Ini ndini ndine dambudziko. Tine mwana one. HELP. Murume kana wati anokuda, iwe uchimuda, zvoreva kuti munofanira kushanda pamwe chete kugadzirisa nyaya dzenyu. Kuti murume ahi anogona basa anofanira kumboita nguva muchirezvana kuti unatse kunyorova. Zvadaro okukuitira nguva refu kubva pakupinzana kusvika paanokudiridzira, toti maminitsi anopfuura manomwe. Vanhukadzi vakawanda panguva yakadai vanenge vasvikawo ipapo pauri kuti chaipo ipo.

Asi hwisisa kuti kune mhomho yevakanhukadzi vasingasvitswipo nengari yokusnandhwa nechombo chete. Ava vakawanda zvokusvika pa 65%. Vanoda kuti uku murume ari pabasa uku iwe muridzi uri kuzvikwizirirawo bhinzi nemaoko.

Zvinohi 25 % yevanhukadzi vanosvitswa ipo ipo nehombo chete, saka ngatisakasira kufungira kuti varume ndivo vane dambudziko. Pamwe ndisu. Kana uchida kuona kuti unoita nyore here kusvitswa ipo ipo nechombo chete pasina kukwizirira bhinzi, unokwanisa kukumbira murume wako akupime kutarangana kwakaita kubva paburi rechirubu (kumusoro kwakananga kuguvhu) kusvika panotangira bhinzinechokuzasi. Kana kutarangana uku kukaratidza kuti kwakapfuura 2.5 cm, zvoreva kuti uri munhu anonetsa kusvitsa ipoipo nechombo chete, panoda kukwizirira bhinzi.

Pamwe ndosaka uchiti uri wega hauna dambudziko. Saka apa tiri kuti tese tinoziva kuti kuiswa kunonaka hako chose asi dzimwe nguva unenge uchihwa kuda kunatsosvikawo chaipo panodzivaidza muviri. Chombo chega kune vamwe hachizvikwanisi saka iwe muridzi isa maoko pakati uzvikwizirire bhinzi murume achikushanda nechezasi. zvinokasira kufamba.  
Ndakawana basa Part time asi tokwanisa kutenga Grocery. Murume anoshanda asi mari yeke haikwani zvese. But now haafariri kuti ndishande. Ndoita sei? Kune varume vanoshushikana pamoyo kana mukadzi wake achimukawo achienda kubasa. Ingari yokuti vanoona mukadzi semwana mudiki anofanira kuchengetwa uye kugara ari panoonekwa nokuti kana akahi noumwe murume bvisa bhurugwa ndivate newe haakwanisi kuramba. Ndiwo maonere avo. Kumuka uchigeza uchipfekawo zvakanaka zvinoita varume vaone kunaka kwako zvinova zvisingafadzi murume wako.

Koitazve vamwe varume vanofunga kuti uri mumba nokuti hauna kumwe kwaunokwanisa kuenda nokuti hauna mari. Zvino ukazoita mari zvoonekwa sokuti wava kuzvidza murume.

Koitawo vamwe vanohwisisa kuti munhu anohi Mai nhingi ava munhu mukuru saka anozvifungira. kana achida kuhura anokwanisa kuhura zvisinei kuti anoshanda here kana kwete.  Ava vanogamuchira kushanda kwake mhuri yoenderera mberi.

Iwe zviito zvako ngazvichidzikamisawo hana yemurume wako. usazotinyadzisa nokuwana chimwe chokuita chisina kodzero. Napo napo murume wako achatanga kuita CNFIDENCE newe. Musapopotedzana panyaya iyi uye iwe hwisisa kuti murume wako haasi kuviitisa. Ndiwo maonere ake kusvika iwe wamutaridza kuti hapna chaanotya. 
Chii chingaitwe kana murume aita girlfriend mukadzi ozvibata asi murume achida girlfriend yake zvese nomukadzi?  Anoda vese.

Kuti tidavire mubvunzo uyu ngatitange nokubvunza kuti

" Chii chingaitwe kana mukadzi aita boyfriend murume ozvibata asi mukadzi achida boyfriend yake zvese nomurume?  Anoda vese."
Kana tawirirana pamhinduro yemubvunzo uyu tichazowiriranazve pamhinduro yemubvunzo wekutanga.

Ini kuona kwangu kana umwe wako akatanga kuhura akakuudza kuti anoda mese, zvoreva kuti iwe chibvapo undotsvaka kumwe. Zvepano zvakuperera.
kana murume/mukadzi wako asingaguti newe, ngaataure nyaya igadziriswe, kwete kundotsvaka umwe. 
 Pane mushonga wekukudza mazamu here? Pane zvinhu zvina mushonga unozvikudza pamuviri wemunhu zvinoti
Mazamu
Kureba kwemunhu
Chombo chomurume
Matinji
nezvimwe zvakawanda

Asi unokwanisa kundoitwa OPERATION kuchipatara kana une mari asi hazvizoiti kuti nhengo idzi dzishande sezvadzaichiita kare. 
Unoziva sei kuti uchiri mhandaraKana usina kumbopinzwa chombo muchitubu kana kumashure, zvisinei kuti wakabvaruka chivharo, zvoreva kuti uri mhandara.

Kana wakambopinzwa, zvisinei kuti hauna kubvaruka chivharo chechitubu, hausi mhandara.

Mhandara munhu asingazivi murume. Hazvinei kuti unogaroshandisa VIBRATOR kana maoko kuzvinakira here kana kwete. mhandara dzakawandisa dzinozvidhonza matinji uye kuzvikwiza bhinzi kusvika aguta. Asi hazvibvisi humhandara hwemunhu kusvika murume akupinza chombo.

Vakomanawo vanozvirhoja maoko kashanu pavhiki kana kupfuura asi anoramba ari jaya chete kusvika apinza chombo mumukadzi. Hakuna mukana wekutaridza umwe munhu kuti uri jaya here kana kuti mhandara. ndezvokurondedzera chete kuti Ndiri chokuti. Iye kana ada kubvuma kana kusabvuma zviri kwaari asi hapana chingamuratidza.

Chii chinokonzera kusura kwechitubu panguva yebonde?Tanga waverenga pandakambotsanangura nyaya iyi muna 2012, Kana wapedza ukasanatsohwisisa, wobvunzazve. Asi Kana tichiita SUMMARY tonoona zvinhu zviviri zvinoti :
1 Maitire enyu anoitisa mweya upinde mukati
2 murume ane chombo chakakora anokonzera mweya kupinda wobva wavharigwa wotadza kubuda, kusvika PURESHA yawanda. 
7Tinoshandisa maCondom. Kana boyfriend yangu akabvisa condom ndinonakirwa zvakasiyana here?

Handisi kuda nhumbu but ndiri kuda kungoziva kuti zvakasiyanei
Kusiyana kwazvo kune nyaya dzaunofanira kuhwisisa.
1 Kana muchishandisa makondhomu munosvika pamwe pamunhombomira zvamuri kuita modzingana nezvekupfeka makondom.  Zviri nani kuti muite tsika yokuti mukadzi apfekedze murume kondomu achishandisa maoko maviri. Zvakanakira kuti unowana mukana wekurezva chombo chomurume ako kusvika chamira zvaunoda kuti umupfekedza kondhomu.

2 Pakuisana haunei nezvemimba izvo saka hautyi. Fungwa dziri pakunakigwa chete chete.

3 Murume anononka kukudiridzira kureva kuti unonakigwa pakuisana kwenyu. Unokwanisazve kutenga makondhomu ane mutsetse anowedzera kukwiza mukati mako zvinova zvinonaka.

4 Asi kuiswa pasina kondhomu kunonaka zvakasiyana iri ngari yokuti iwe wega fungwa inokuudza kuti une chombo mukati chemurume wako uye muri kukwizirana ganda. Zvakati siyanei manakire azvo.


8Chii chinokonzeresa kusanakirwa nemurume pabonde?  Ndibatsireiwo please. Pana zvakawanda zvinokwanisa kuti usanakigwa nomurume zvikuru kana muri vechidiki muchangotanga kuva mukadzi nomurume. Zvinokwanisa kutora nuva kujairana, uye kujaira kuisana. Kana musina EXPERIENCE yokuisana munokwanisa kusahwisisa mafambire emuviri wemunhukadzi.

Zvinokwanisikazve kuti pamwe hausi kunatso nyorova saka zvinokwanisa kugwadza.

Pamwe wakatizira saka haunatsi kuziva kuti murume anokuda here kana kwete.  Pamwe hama dzake hadzina hanya newe.

Pamwe uri kutadza kubata mimba saka fungwa yako iri pakuda mimba wobva washaya nguva yokufunga zvokunakigwa.

Pamwe makambohurirana saka hauna kugadzikana hana panyaya dzokuisana. Pamwe wakamboita chigwere chechihure chikakutyisa chose.

Pane zvokonzero zvakawanda. kana pane chiri kukudya moyo ndinyorere tione kuti pane chatingaona here chokuita. 
Kana uchitanga kurara nemurume zvinorwadza here musi wekutanga wacho?

Zvinobva nokuti murume waunaye anohwisisa here kuti unokwanisa kugwadziwa, uye kuti iwe une makore mangani. Kana une makore ari pasi pe 18, zviri nani umbomira kusvika wawedzera kukura.

Tanga nokubvumirana nomurume kuti uri kuda kuiswa kuti asamhanyamhanya pazviri. Muudze kuti aterere zvauri kumuudza pakuisana kwenyu. Kana mukambobatanabatana kusvika wanatsa kunyorova, ukazovhura makumbo wovata nomusana moisana makadaro kwete mamwe maitire, zvinoita nani.

Ngaakupe chombo iye osafakanyika kusvika chapinda. Iwe ndiwe unosimudzira chiuno uchipfekedza chombo nechitubu. Iye ngaasafosa chombo kupinda. Iwe ndiwe unosundura chiuno pachombo kuti chipinde. Ndiwe unokwevera murume kuti apinde.

Zvinogwadza asi unongoita sewabaiwa netsono zvobva zvatopera nguva dikidiki wotohwa chombo chazara mukati mako, mava kutoisana. Kana murume asina kujaira, anokwanisa kutokudiridzira napo napo. Unokwanisazve kutobata mimba ipapo saka shandisai kondomu kusvika mava kuda mwana. 
10 Chii chinokonzera mapundu muhapwa?Mapundu ese atisingazivi kuti abvepi anoda kuendwa nawo kuCILINIC. Please. Enda kuCLINIC uvataridze vakuudze kuti chii uye zvoitwa sei. Musaita tsika yokuchengeta zvigwere mumba nokuti inyaya inokanganisa muviri.

11 Ko inonzi G- spot yemukadzi inobatwa papi uye sei?  ndingaziva sei kuti ndaibata? Kana mukadzi avete nomusana akapatsanisa makumbo, Gspot yake iri mukati mechitubu kumadziro ekumusoro (CEILING) saka ukapinza chigumwe kana ava nezemo, ukatsvanzvadzira kumusoro uchahwa pakaita kunge bundu kana kuti kuzvimba mukati ndiyo G spot yacho. Kana muchiisana mukadzi akafongora akadhefura musana anohwa kugofiwa pa Gspot. Zvinonaka. Kana mukadzi akapakicha makumbo pamafudzi emurume anokwanisazve kugofiwa panhu apa.

12 Kuita mimba uchiyamwisa kune zvakaipa here? Kana wazvara mwana, unokwanisa kubata imwe mimba kwapera mwedzi miviri chete chete saka kuzvara hakukuregesi kubata mimba. Asi zvinozikamwa kuti kumwisa mwana wawazvara zvinokonzera kuti unonoke kutanga kuenda kumwedzi. Asi kana wangotanga kuenda kumwedzi zvotoreva kuti wava kukwanisa kubata mimba. Hwisisazve kuti unokwanisa kubata mimba kwasara vhiki mbiri kuti uende kumwedzi. Izvi zvinoreva kuti kana wazvara mwana,  unokwanisa kuita imwe mimba usina kutomboinda kumwedzi.

Kana wabata mimba uchiri kumwisa mwana, hapana chakaipa kuti urambe uchimwisa mwana mukaka. hapana chingaitika kwauri kana kumwana asi kungoti simba rinodiwa pakugadzira mukaka rakawanda kozotizve simba rinodiwa pakuumba mwana muchibereko rakawanda futi. Koitazve kuti maHORMONE ako anosiyana nezvinodiwa pakungoita chimwe chete chezviviri izvi.

Zvakadaro zviri nani kuti mwana kana ange apfuura mwedzi mitahatu achimwa mukaka, wochirumura kuitira kuti muviri uchiona nezveuyo ava muchibereko. Asi kana mwana ange achiri mucheche unokwanisa kuramba uchimwisa.

Hapana chakaipa kurega mwana achimwa mukaka. Kare vakuru vaiti zvisaitwa vachifunga kuti pane Poison inoitika mumuviri, asi bodo hapana. Kungoti zvinogozhera muviri wako. 
13Kana mukadzi akazvitakura kana akatanga kubuda mvura kuzasi zvinorevei?Kana achingobudawo tumvura tushoma tusinganhuwi, zvinokwanisika kuti hapana chakaipa, Asi kana achivhinza zvoreva kuti pane dambudziko saka munofanira kunge matomuendesa kuchipatara.
Kana pamberi pachinhuhwa zvoreva kuti ane INFECTION inoda kukasira kurapiwa.

Kana munhu ane mimba anowedzera chose kubuda mvura yakaita kuchenuruka uye ichingova nehwema hweukadzi sezvaunongoita kana ukapinza chigumwe muchitubu ukanhuwidza wega. Mvura iyi inotoramba ichibuda kusvika wazvara mwana uye inotanga uchangotanga mimba. Haina chakaipa pairi. Vamwe varume vanoti hwema hwacho hunohwikwa paganda remukadzi sokuti pakubatana batana moda kuisana. Vanoti zvinokasirisa chombo kumira.  Hapana chakaipa. Usatyiswa nazvo. Kungopheka panty liner chete kuti usangoswera nebhurugwa rakanyorova.

Kana akaenda kuhosipitari vanokwanisa kuongorora zvese kuti ane zvigwere here uye zvipi zvacho asi havakuudzii kuti abatwa chii kana ane zvakaita se HIV. vanonyarara kune dzimwe hospitari. Ku Europe ne America, autralia vanokuudza. Ndakamboshandako. Vanokudaidza vokutsanangurira zvokuita kuti mwana asabata chigwere china mai.


14Ndoitawo sei, ndakabatwa nechirwere?Kana wakabatwa chigwere watova munhu anoziva kuti une chigwere saka chidzidza kuti chigwere chako chinofamba sei pakurapiwa uye pakuchengetedza utano hwevamwe vari pedo newe. Hauna kutaura kuti wakabatwa chigwere chipi saka handikwanisi kukuudza kuti zvoitwa sei. Ivo vakakubata chigwere vanokuudza zvokuita. Zvimwe zvigwere zvinoda kukasira kutanga kurapiwa. Zvimwewo hazvirapiki. Iwe hwisisa chako kuti chiri papi. 
15 Kusaenda kumwedzi kunoitiswa nei? Zvikonzero zvokusaenda kumwedzi zvinovunzwa chose pano. Zvinoti

1 Kana wakaondoroka zvokuti mabhonzo anotoonekwa
2 Kana wakakoresa
3 Kana wava munhu mukuru apfuura makore 32 unokwanisa kunge usisina mazai ekukandira zvinova zvinokonzera kuenda kumwedzi
4 Kufunganya
5 Kana une mimba hauendi kumwedzi.
6 Kana wakabviswa chibereko pa Operation.

ndizvo zvokonzero zvikuru izvi. 
16 Ndoda kuziva kuti mushonga unorapa maronda emudumbu unowanikwa kupi. Maronda emudimbu anohi ma ULCERS anoitiswa ne
Zvikonzero zvinoti
·         Kugaromwa mapiritsi anohi Naproxen
·         Kugaromwa mapiritsi anohi ibuprofen
·         Kugaromwa mapiritsi anohi Asprin
·         Kugaromwa mapiritsi  ari muboka reawa
·         Kuva neutachiona husina kodzero mudumbu hwakaita se humwe hunohi H. PYLORI
Unoziva sei kuti une maronda mudumbu

  • ·         Kugarohwa mudumbu muchigwadza zviri pasi asi pamwe zvichiwedzera, uye kuti pamwe uchangopedza kudya mudumbu mombomira kugwadza.
  • ·   Kutanga kuondoroka
  • ·         Kuhwa usina hanya nokudya
  • ·         Kuda kungorutsa zvinhu zvakasviba ruvara
  • ·         weight loss
  • ·         Kudzvova zvakawedzera uye kuita nyon’o

17 Kudadzira nzira yemwana kunoitwa sei. Kana une mimba, uchida kuzvara zviri nyore, zvikuru mimba yokutanga, tanga wahwisisa kuti mupasi rese mune nyika dzinoita 195 munogara vanhu vanopfuura mabhiriyoni manomwe. Isu tega tisu tine nyaa yokugadzira nzira yomwana.Saka zvibvunze kuti ko vamwe kunyika dzese idzi vari kuzvara sei vana vavo.

Muviri unoziva wega kuti nzira yomwana inogadzigwa sei. Usazvinetsa nazvo. Zvinoitwa ne MaHORMONES. Asi mahormones acho anoti wandei kana uchigara une mufaro une mimba uye zvikuru uchigaro piwa urume nomurume wako uye uchiita maORGASM akawanda une mimba. Ndiwo mushonga mukuru uyu. Zvimwe zvese hapana chazvinorapa zvakaitigwa kuti ugadzikane hana panyaya yokuzvara uchifunga kuti hazvigwadzi. Paunozoona kuti zvinogwadza unenga usisina kwekuenda.

Usaita hanya nenyaya iyi zvachose. Ingogara pedo nomurume wako woita tsika yokuvata naye nokumukwezva kuti avate newe. Iwe wowedzera hope. Kukasira kundovata kunonoka kumuka. Asi moisana zvisingaiti akutsimbirire dumbu. Vata nedivi iye ari kumashure, Wosimudzira gumbo nokugonyera mberi murume opinza. Kana kuvata manhede murume ari padivi pako womusimudzira gumbo riri divi rake opinza chombo moita.
Sinyana nezvemishonga kana une mimba unokuvadza mwana wako uchiudzwa nhema nevanhu vasingazivi kuti zvakaitiwei nevakuru vedu. 
18 Mukadzi kana asingatereri murume zvingaitwa sei?Verenga apo pandaisa mhinduro nokuti pano haikwani. yakarebesa kuidavira pano.
 baya apa Mukadzi asingatereri murume

Kana usina kuhwisisa ndinyorere umwe mubvunzo panyaya . 
19Murume/mukadzi asingade kuti mumwe abate foni yake, ndizvo here. Iwe kana une mukadzi wako kana murume wako, chokutanga uchaona kuti pane zvinhu zvaanochengeta zviri PRIVATE zvausingafaniri kuona kana asingadi kuti uone. Iwe basa rako kuhwisisa kuti chinhu chiri PRIVATE ndechipi.
1 Usatarisa foni yake kana asina kukupa kuti utarise.
2 Usapfeka zvipfeko zvake kana adina kukupa kuti ipfeke.
3 usamupendira mushawa. mutoilet kana apinda akavara mukova.
4 Kana ane COMPUTER /TABLE usatarisa HISTORY yake uye kana ukaiona usamubvunza azviri. Nyarara.
5 Varume vanoda kuti dzimwe nguva aite chimhandara maoko ari ega. Kana ukazviziva kuti ndiwo maitire ake, usamubvunza pazviri. Vanoti manakire azvo akasiyana nokuisana nomukadzi wake.
6 Vakadziwo vakawanda chose vane varume vanovakasirira vanozvipedzisa nemaoko murume abatwa nehope. Kana ukapepuka, ukawana mukadzi wako ari mubishi remaoko, nyarara pazviri asi hwisisa kuti haasi kuguta.

Hwisisa kuti muri pamwe chete asi muri vanhu vaviri.   
20 Ndiri kuda kudzidzisa vakadzi bonde. Nyora hako bhuku uritengesera vakadzi. Iwo mafungire ako okuti unoona sokuti unokwanisa kudzidzisa vakadzi ndiyo inohi pachirungu ARROGANCE. Dai wangoudza mukadzi wako wawakatodzidzisa kare kuti audze vamwe kuti chii chaakadzidza. 
21Tingaita sei kuti tizvare mwana mukomanaTanga waverenga apo pakahi

Kana wada mimba 

zvinokwanisika kuti musarudza kuti mwanai asi hazvisi nyore.
22 Ndoramba murume here chombo hachina simba?Mafungire iwawa ndiwo anoitisa kuti chombo chake chishaye simba. Kana une murume, mese muri vaviri munofanira kubatsirana kugadzirisa matambudziko anouya mumba menyu. Makaroorana kuti mugare pamwe chete mumufaro nomumatambudziko.

Kana murume achiratidza kuva nedambudziko iri, zvinokwanisika kuti ane chigwere chomoyo kana kuti DIABETES, and zviri nani kuenda naye kundoonekwa nevarapi pane kumuramba. Haungarambi munhu uchiti nokuti ane chigwere. Mafungire akaipa iwawo nokuti iwewo uchagwara. 
23Chii chingasaka kuti murume aite bonde kamwe chete pausiku hwese? Zvinobva nokuti magara mese nguva yakareba zvakadii. Iwe kana uchida kuti muvatane kakawanda usiku, unofanira kutaurira murume kuti unoda kumutswa usiku. Kana asingazivi kuti ndizvo zvaunoda pamwe ari kutotya kukumutsa achifunga kuti unomupopotera. Kune vakadzi vakawanda chose vasingafariri zvokumutswa usiku.

Iwe ukapepuka usiku murume ari kuhope, purudzira chombo chimire uzevezere murume kuti ngaapinze. Anokwanisa kuvata newe ari kuhope. Kana kuti mangwanani kuma 5 chombo chinenga chimire chega nokuti ndiwo maitire acho kana muridzi avete. Sakaiwe ita tsika yokuratidza kuti unoda kuvata naye nguva iyi. kumirira munhu kuti afembere zvaunomufungira hazvibatsiri chinhu. 
24 Kana mukadzi azvara anogara nguva yakadini asina kuvata nemurume? Varapi vanoraira kuti ngakupere mwedzi nehafu kana kuti vhiki nhanhatu (6). Kana pasina chakaipa munokwanisa kutanga kuisana. Kana pane chakaipa tangai mabvunza varapi.

Asi hwisisa kuti anokwanisa kubata mimba kubva pamwedzi umwe chete azvara saka kana achimwisa mwana imboshandisai kondhomu kusvika arumura. Usashandisa tsika yokuisana musina kondhomu muchifunga kuparadzana kana woda kudiridzira. Haishandi tsika iyi nokuti kuisana kunonaka zvokuti munongozoerekana matopanana urume. 
25Ndeipi mishonga inoshandiswa kupfuhwira murume kuti asakunetsaKana uri munhukadzi mushonga wakanaka kupfuura yese uye unoshanda chose kupfuhwira murume wako uri paviri panoti muvuri wako, uye fungwa dzako. Shandisa muviri wako, zvikuru chiuno, pamurume wako. Garofunga zvakanaka zvokuitira murume wako. Kana ukagumbuka pane zvaaita, pedzera shungu pamurume wako, hasha dzese dziende muchiuno. kwete kupopota nokumutsoropodza Muudze kuti wagumbuka asi ngaahwisise usina kupopota.
Verenga apa:
Kufuhwira murume/mukadzi
26Ndinogarorota ndichiisana nomurume. Kurota wakavata nemurume zvinokonzerwa nei? Vanhu vese vaunoona vachizvifambira vanomboita nguva vachirota vachiisana noumwe munhu. Usazvinetsa panyaya iyi. Tese tinorora tichiisana noumwe munhu. Pamwe hauoni musoro wake saka hauzivi kuti ndiani. Pamwe unorota uchiiswa nemunhu wemuraini waunotoziva asi wausina kana chaunoda paari. Hapana zvazvinoreva. Mupasi rese vanhu vanorota vachiisana noumwe munhu. Pamwe unototunda uri kuhope asi uchirota. Usaita hanya nazvo. tese tinodaro nguva nenguva. Muviri wako unogaropurakitiza kuiswa kana kuisa. Zvikuru varume vanopurakitiza kubudisa urume vari kuhope. Kunohi kuzviroreta.

Verenga apa pakahi KUZVIROTERA 
27Kugona kufadza mukadzi pabonde kuita sei? Chokutanga wana mukana wekutaudzana nomukadzi wako panyaya dzokuisa kuitira kuti iye akuudze zvinomunakira iwewo uchimuudza zvinokunakira. Kana mahwisisana chipotai muchiita zvinokunakirai.

Musaisana makati zii semakafa. Murume pota uchizevezera mukadzi muzheve zvauri kuhwa muviri wake uchikunakira. Iywo uchahwa achichemerera nokunakigwa newe.

Kubva pakumupinza chombo kusvika pakumudiridzira pfuura 7 MINUTES. vakadzi vakawanda vanoda varume vanopfuura 7MINUTES, Zvinonaka chose.

Mapedza muudze kuti anonaka chose chose 
28Ndozama asi murume haafariri bonde neni. Tava negore taroorana asi ndatambura. Imbotaura naye pasina zvokupopota kana kuchema asi kungomugarisa pasi womuudza kuti hauna mufaro pamba pako nokuti iye haadi kuvata newe zvakakwana. Womubvunza iye kuti chii chaungaita chaanoona kuti chingabatsira kkuti muwedzere kuvatana.

Kana zvaramba womuudza kuti unokumbira muende kwasekuru vake hazvanzi yamai vake mundobvunza kuti zvoitwa sei. Asi unonokumbira mbuya kuti vaudze sekuru vataure nemwana wavo.

Kazhinji varume vasingafariri zvokuisana pane chiri kuvanetsa mufungwa. Unohwa achiti mukadzi anongoda pese pese. Iwe usataura uchiti unoda pese pese. Buda pachena kuti katatu pavhiki kuti vahwisise kuti haasi kutomboita zvakakwana. Pagore rokutanga vakawanda vanopfuura kagumi pavhiki.
29Kunamirana muchiisana kunoitiswa nei?Inohi SPASM inoitika mukati memukadzi obva abata chombo chotadza kubuda. Pachirungu zvinohi PENIS CAPTIVUS. Hazviwanzi kuitika asi zvinoitika kunyika dzese. Kana zvaitika munoendeswa kuchipatara mukadzi obaiwa jekiseni rokurerusa nyama dzomuviri kuti murume akwanise kubuda. 
30Chii chinokonzera kuti nhengo yemurume isamira?Pamwe ane chigwere chomoyo, kana BP, kana kuti pane mapiritsi asingaenderani nezvokumira kwechombo aaari kushandisa kana kuti ari kufunganya.

Verenga apo pakahi Murume asingamiri chombo
31Chekushandisa kudzora hwema hwekuzasi kwemunhukadzi chii? Kana une hwema hwakaipa kubva pamberi hwisisa kuti une utachiona INFECTION saka unofanira kundorapwa nokukasira.  Kana uri kure nevarapi tora GARLIC womenya chibazi chimwe chete, wochiboora buri, wosungira tambo, wopinza chibazi ichocho chimwe chete mukati, tambo yosara uchionekera kuti ugokwanisa kudhonza uchibvisa.

Chiisa mukati kana wonovata, wofumobvisa mangwana. Zvinososona chose kwenguva inoita 5 Minutes asi zvinozoti tonho wokwanisa kuvata.  Mangwana chaiye unenge usisina IINFECTION kana dziri INFECTION diki.  asi enda unoonekwa.

Verenga apo pakahi Kugeza chitubu 
32 Kune mushonga wekuti mukadzi  kana murume ade zvepabonde nguva dzese here? Mishonga iriko zvikuru yekupa varume asi inokuvadza uye haazokwanisi kumira chombo pasina mushonga. Zviri nani uite murume/mukadzi wekukwezva kumukurudzira kuda kuisana mumba menyu.
Usamuudza nezvekuti kana asingadi unonotsvaka hure. Hazvishandi nokuti zvinotaridza kuti haumudi. 
33 Unoona sei kana umwe achipomba/(achihura)Hapana chaunokwanisa kuona. Zvese varume nevakadzi kana achangotanga kuhura anowedzera kuda kuisana mumba menyu saka ndiwo mamwe maonere aungaita.

Kuhura kwevakadzi kwakasiyana nekwevarume. Vakadzi vanovanza chihure kupfuura varume. 
34 Ko kugara ndisina bhurugwa kwakaipeiko? Ndikapfeka bhurugwa ndovaviwa. Kugara usina bhurugwa zviri kwauri. Hapana chakaipa pazviri. Bhurugwa harina charinowedzera kana wakapfeka dhirezi rakakodzera kubuda mumba. Ini kazhinji ndinoenda kuSupermarkt ndisina bhurugwa. Ndakakurira mumhuri yange isina mari ndikazotanga kupfeka bhurugwa pandakaenda ku BOARDING School saka ndinohwisisa maitire kana ndisina bhurugwa. Iwewo unokwanisa kunge uri munhu anohwa akasununguka kana usina bhurugwa. Hapana chakaipa.

Vakadzi vakawandisa chose chose munyika dzakawandisa vanopfeka mabhurugwa ekunyebera anohi G-STRING, kureva kuti harisi bhurugwa asi inongori tambho inopfuura nepamberi isina zvainovharadzira. Kana ukakotama wakapfeka G-STING une dhirezi fupi, zvese zvauri zvinongooneka.

35 Ko bhinzi inomira nguva yakareba sei?Bhinzi yemunhukadzi yakangofana nechombo chomurume maitire ayo. Kungosiyana kukura kwazvo chete. Kana murume ane zemo, chombo chake chinomira kusvika zemo rapera, zvisinei kuti rapedzwa nei. Kana Mukadzi ane zemo bhinzi yake inomira kusvika zemo rapera zvisinei kuti rapendwa nei.  
36 Ndoita sei. Murume wangu haagoni kundikwira zvinonaka. Before our wedding, way before, ndakamborara nomurume wasisi, sisi vari kuHospital, ndakanakirwa way way more. Hazvikwanisiki kuti murume haagoni kukukwaira. Kukwirana kunoda vanhu vaviri saka haungati iye haagoni ugofunga kuti iwe unogona.

Iwe muridzi, natsa kufongorera murume womubata chombo wochinangisa pako paunoziva kuti ndipo pachinofanira kupinda. Kana changopinda hazviiti kuti uzoti haagoni nokuti iwe une chiuno chaunofanira kushandisa. Iyewo ane chiuno saka mese munokwanisa kushandisa zviuno zvenyu.

Kana ukavata nemanhede ukavhurira murume makumbo kana kuapakicha pamafudzi ake, unokwanisazve kubata chombo wochinangisa pokupinda wosimudzira chiuno kuti anatse kupinda.  Zvadaro motokweshana makadaro kusvika umwe atunda kana kuti mese.

Chaunoti haagoni ipapo chiiko?
37 Mushonga wechivanhu unoshandiswa kudhonza matinji unonzi chii? Hakuna mushonga unokonzera matinji kana imwe nhengo temuviri pamurume kana pamukadzi kukura dzimwe ngengo dzisingakuriwo. Hazviiti kuti woisa mushonga pamazamu obva akura muviri wee usingakuri.

Mushonga wekukudza matinji kudhonza chete chete, zvisinei kuti wava nemakore mangani okuberekwa unokwanisa kungodhonza matinji okura. Hapana mushomga unodiwapo. Tese takadhonza waniko pasina mushonga. 
38Chii chinokonzera vakadzi kuhuraKune zvikonzero zvakawanda zvinoonzera mukadzi kuhura asi chikuru chacho kushaya rudo mumba. Kana ukaita murume asina hanya newe kazhinji unopedzisira wahura nengari yokutsvaka rudo. Kune varume vanoti kana muchinri musikana nemukomana, vanotaridza rudo chose asi kana maroorana rudo hapachina. Ivavo vanohurigwa chose.

Kana uchida kuti mukadzi asaona vamwe varume shamwaridzana nomukadzi wako ugare uchiita nyaya dzinofadza naye. Woratidzawo kuti unofarira muviri wake uye unonakigwa nokuisana naye. Kana asipo hauna mufaro.

Ratidza kuti unoremekedza mukadzi wako, uye haumushori kana une mhuri yako. Kana mukapokana unokwezva mukadzi kuti nyaya ipere. 
39 Bonde pakati pemusikana nemukomana vanodanana, zvinofamba sei? Kana asiri murume/mukadzi wako muri kuita chihure. Hapana chakanaka chamuri kuita. Kana muchiona kuti munoda bonde rooranai muite zviri pachena nyika yese ichiziva kuti muri vemhuri imwe chete.

Chihure chinouraya, zvikuru kumunhukadzi nokuti musi waunorambwa nomukomana wauri kufunga kuti uri kudanana naye ndiwo musi waunohwisisa kuti waitambisa nguva yako uchivhurira munhu makumbo asiri murume wako.

Chihure siyanai nacho. 
40 Chii chinoita kuti murume ade kuvata nemahure mu kadzi wake aripo?
Chihure chese chinoitiswa nokumhura munhu wawakaroorana naye, kusava nehanya naye, kusamuona somunhu akakukodzera, kana kusamuda zvachose. Varume vakawanda verudzi gwedu vanoona sokuti mukadzi wemumba haasi munhu chaiye asi chinhu chake chokutambisa kuratidza kuti murume. Saka kana akaona umwe mukadzi anoda kuiswa, (sezvakaita mhure) pamwe fungwa yake haitomboyeuki kuti ane mukadzi kumba. Anokwanisa kutovata nehure riya obhadhara mari kuita sokuti ane zvara yokuisana izvo bodo, mukadzi kumba akatomirira kuti murume akauya tichaisana tigovata. 

Koitazve nyaya yokuti varume vakawanda vanohura hvakwanisi kugutsa mukadzi wekumba. Frustration yacho yokutadzi kugutsa mukadzi ndiyo inoitisa kuti aende kumahure nokuti mahure akawanda anongodetemba chero murume amupa mari achiita sokuti anakigwa chose izvo bodo kuita kuti shasha igofunga kuti yagona kuitira kuti igodzoka mangwana neomwe mari. Varume vakafanana nezvanana pakuda kupururudzwa  panyaya dzokuisana.

Koitazve varume vane vakadzi vasingahwisisi kuti murume anofanira kugara achiisana nomukadzi wake mumba. Mukadzi akaita tsika yokukangamwa kuisana nomurume wake zvakakodzerana nokuda kwemurume, sokuti  pavhiki moisana 7-10 times, murume anotanga kuona sokuti ari kushaya obva atsvaka kumwe. Vakadzi vanoonekwa sokuti kana ava mumba zvokuisana haachazvikoshesi sezvaanoita dzimwe nyaya. Uku kusahwisisa kwedu isu vakadzi. Murume anofanira kuvatwa naye kakawanda pavhiki. Chero usina zemo, bvuma kuvata nomurume wako kana iye ane zemo, uye taridza kuti wange uchitozvifungawo. Ngatisakundwa nemahure.

Vakadzi kazhinji vanohuriswa nokushaya rudo mumba. Kana murume asingaratidzi rudo. 
41 Kungosura sura ese pese kunokonzerwa nei?
Chinotori chigwere asi pamwe zvinoitiswa nokusava nehanya nezvokudya zvako.
1 Kuva munhu akakora. Vanhu vakakora vanogarosura kupfuura vatete
2 Kungoda kudya pasina TSIKA. Munhu anofanira kudya katatu pazuva. Pakati penguva idzi unofanira kumwa mvura yakawanda. Vamwe vanongoti pese pavaona zvokudya vodya. Zvinosurisa izvozvo.
3 Kusahwisisa BALANCED DIET
4 Kusatsenga zvokudya pakudya kunoita ukasire kuminya uchiminya mweya uchazoda kubuda nokusura nokudzvova.
5 Kudya zvokudya zvinosurisa vakaita semutakura, mazai, muriwo usina kubikwa zvakakwana, mukaka, nyemba, hanyanisi. 
42Ndebvu kumeso kureva munhu anonaka here pabonde?Kunaka kwemunhu pakuvatana hakunei nezvaunoona paari. Kune zvokuita nemafungire ake panyaya dzokuisana. Munhukadzi ane ndebvu anofanira kuenda kuCHEMIST ondopiwa HAIR THINNING PRODUCTS zvikuru CREAM inohi EFLORNITHINE yaunoshandisa kwemwedzi yakati kuti zvisati zvatanga kushanda.

Kuva nendebvu uri munhukadzi zvinoratidza kuti pane ma HORNONE asina kumira mushe ma ANDROGEN ne TESTOSTERONE. Unofanira kukasira kuenda kuvarapi vakuongore nokuti kana uri munhu wechidiki unokwanisa kusvodza mimba kana kuita CANCER. Zvikonzero zvendebvu zvakati wandei saka enda undoonekwa.
43Kudzivirira kusuraKusura kunoitiswa nezvakawanda. Kune zvokudya zvinokonzera kusura koitazve kuti kana usinganatsi kutsenga zvokudya unoita mhepo mudumbu. Kotizve kana uchingogarodya nguva yese unoita mhepo. Ndosaka vanhu vane mumhu mukuru vachisura kupfuura vane mudoko. Ingari yokugarodya pese pese pane kudya panguva dzaunenge wave nezhara sokuti katatu pazuva.

Kana ukahwa woda kusura usadzivirira, nokuti zvinokonzera zvigwere.
Enda kuTOILET undosura zvipere. 
44Ko Bhaibheri rinoti chii pane vanhu vano na pono?Kana uchiona pono unofungei? Kana ukachiva murume/mukadzi wauri kuona mupono zvaipa. Kana ukazvitora sechidzidzo uchifunga kunoita nomurume wako pasina ruchiva, zvinokwanisa kusava nedambudziko.

Kuona pono kazhinji kunokanganisa fungwa. Zvese zvinokanganisa fungwa zvinorambidzwa muBhaibheri. Kana uchida kuona pono, onai muri mese murume nomukadzi. Asi kugaroona pono kunozikamwa kuti kunoderedza simba rokumira kwechombo kuvarume. 
45Ko vakadzi munenge muchitoda kuiswa here kana kuti munongoitira varume? Zvakangofanana nokubvunza kuti varume munenge muchitodawo here kana kuti munongoitira vakadzi. Munhukadzi anonakigwa pakuisana kupfuura murume 5 TIMES. MaNERVES ari pabhinzi yemunhukadzi akawanda chose kupfuura ari pachombo chomurume uye anodzika nemidzi miviri ye bhinzi inova yakatanyanga chitubu. Murume panopinza chombo chinokwizirira madziro emukati kunopfuura nemidzi yebhinzi. Zvinonaka chose kuiswa zvisinei kuti mukadzi atunda here kana kwete.

DNdosana munhukadzi achitanga kuchemerera kubva pakutanga kuiswa. Vanhukadzi vanofarira kuiswa kupfuura varume kuisa asi kungoti varume hamuhwisisi nyaya iyi. Ukaona mukadzi achiramba kuiswa nyaya ndeyerudo. Murume haataridzi rudo. 
46Chiii chinoshandiswa kupedza sikii pa nhengo.yemunhu rumeChokutanga kana uchiri munhu anobata siki mukore uno zvoreva kuti hauna kuchenjera zvachose. Makondhomu akatanga kugadzigwa kubva mugore ra 1839. Asi iwe hauzivi kuti ariko nanhasi here.

Kana wafungira kuti une siki kasira kundorapwa zvisanhi zvazara muviri wese uye kukukuvadza pamberi. Ukangozvika kuchipatara ukati unoda kurapwa nenyaya dzekuvatana vanokurapa zvisinei kuti une mari here kana kwete.

Asi chimboita mwedzi usingavati nomunhu. 
47Chii chinokonzera kusabata pamuviri iwe uchirara nemurume?Zvinokonzera mimba kusabata zvakawanda saka iwe unofanira kuonekwa kuti chiri kukunonotsa chii?

1 Murume asina mhodzi dzakakwana (Low sperm count)
2 Murume ane mhodzi dzakaremara
3 Mukadzi asingakandiri zai
4 Mukadzi akakoresa kana kuondesa
5 Mukadzi asina balance mukati make urume hunofa husina kusvika kuzai
6 mukadzi ane chibereko chakarereka zvokuti urume hahupindi
7 Mukadzi ane ma FABROIDS mukati
8 Mukadzi asingaendi kumwedzi.
9 Kana musingagari mese zvoreva kuti munoisana henyu asi nguva yekukandira zai pamwe hamuisani.
10 Kana machubhu anofambisa mazai akavharika
11Kana mukadzi apfuura makore 35 zvinokwanisa kunetsa. Murume apfuura 45.

Tarisa kunyorova kwe bhurugwa rako mwedzi wese. Uchaona kuti pane nguva yaunowedzera kunyorova bhurugwa kureva kuti uri kuwanza kunyorova mukati. Ukahisisa kuti zvinoita nguvai yomwedzi, pazvinongotanga iwe wokwezva murume wowedzera kuiswa uye wozama kuiswa zvinonaka kuti urume hufambe nyore kunotsvaka zai. Zvinoita nguva inopfuura vhiki.

ENDA INOONEKWA KUTI IWE SEI USINGABATI MUMBA
48Zvinorevei kana mukadzi achida kuiswa mazuva ese? Kana mukadzi achida kuiswa mazuva ese, zvinoreva kuti anoda Murume wake chose chose saka anozvipa kumurume wake kuti murume awane mufaro mumba. Murumewo kana akahwisisa kuti mukadzi anoda kuiswa mazuva ese anofanira kunuisa mazuva ese. Zvoreva kuti anofanira kudya zvakakwana uye kumwa mvura yakawanda, uyu kuita ma EXERCISE kuti muviri usimbe.  Asizve ngaagare achibvuna mukadzi wake kuti anoda kuiswa sei (maitire) uye kuti pauviri hwenyu mopota muchiisana panzwimbo dzakasiyana siyana, nguva dzakasiyana siyana.
49Mavhidhiyo ezvapabonde ndinomawana kupi? Mavhidhiyo ezvapabonde ndiwe numukadzi/murume wako munotobvumirana kugadzira vhidhiyo yenyu. Moenda pamunofunga kuti pane chiedza chakakwana kuti kana muchitora mapikicha zvinatse kuonekwa zvakanaka nevamunoda kuti vaone muchiisana.

Ongororai kuti pakanaka uye hapana zvimwe zviripo zvamusingadi kuti zvionekwe. Chitorai kamera yenyu moiturika pa ne inohi TRIPOD yakanatsa kutarisa pamuchaitira pacho. Zvadaro chitangai kuisana moramba muchiita kusvika mapedza.

Motora vhidhiyo yenyu moiposita paINTERNET. Kana muchidakuiona ipapo moitarisa muchitaurirana kuti kuisana kwenyu kunofadza here kana kuti pane zvamunoda kuwedzera. Kana pane zvamunoda moisana futi mogadzira imwe vhidhiyo.

Asi hwisisai kuti kana mukaposita vhidiyo paInternet hazvichaiti kuti muibvise zvachose. Chero mukazoidzima inoramba iripo kwemakore akawanda. Munotofa imi machembera ichingoripo. 
50Mukadzi wangu kana achigaroreva nhema ndingaita sei? Munhu wese ari panyika anogaroreva nhema. Asi kungoti pne dzimwewo nhema dzinoshungurudza. Kana mukadzi wako akakurira mumhuri yange isingatsiuri vana pamusoro pekureva nhema zvoreva kuti haatombooni kuti itsika yakaipa.

Iwe unokwanisa kumuonesa kuti nhema dzakaipa. Unomutsanangurira kuipa kwadzo. Kana asina kuzviona kuti uri kuti chii, unokwanisa kutsvaka chimwe chinhu chaanokoshesa womuudza nhema pazviri, wombomurega achishungurudzwa nazvo. Wozomuonesazve kuti nhema dzakaipa pakudii.

Kana muchigaroudzana nhema mumba, zvoreva kuti musha wenyu hauna kwauri kuenda. Kana ukaudza munhu nhema zvoreva kuti akakubvunza mubvunzo panhema dzawamuudza, unotofanirazve kureva dzimwe nhema. Saka kana watanga nhema hazvichaiti kuti usareva nhema.

Ndosaka paya taitaura kuti usanybera mukadzi/murume wako. Kana chokwadi chichigwadza, wana mukana wekuchitaura murudo kuti ahwisise.

Usaudza mukadzi/murume kuti atunda iwe usina.
Usanyebera kunakigwa iwe pasina zvinokunakira
Usaudza murume/mukadzi kuti unomuda iwe usingamudi.

Tuesday 10 April 2018

Kubatsira vechidiki pakubvisa mimba

Pano ngationgorore nyaya dzinowira vasikana vechidiki kana vaita mimba vasingadi mimba. Takambotaura kare kuti mimba dzinodzivirigwa sei asi hatina kupedza nyaya nokuti vamwe vanozofunga nezvemimba vatove nayo votoshaya kuti voita sei. Vhiki imwe neimwe ndinonyoregwa nevasikana vachibvunza kuti vobvisa sei mimba vabereki/hama/shamwari vasingazivi. Ipapo kazhinji havana mari yokunobvisisa mimba kuvarapi. Toonazve kuti varapi mune dzimwe nyika havabvumidzwi kubvisa mimba kana pasina chingakanganisa utano hwemusikana ane mimba.

Toonazve kuti havasi vasikana chete vanotsvaka kubvisa mimba. kune vakadzi vakuru vakawanda chose vanoda kubvisa mimba, kazhinji nokuda kwenyaya dzechihure. Sokuti mukadzi ane murume asi vanogara vakatarangana. Mukadzi anokwanisa kuhura obata mimba achiziva kuti murume wake haapo saka zvinozoonekwa kuti mimba ndeyechihure. Pakadaro obva otsvaka kubvisa mimba. Boka iri ngatimbosiyana naro pano, totarise vasikana vechidiki chete.

Kana ukabata mimba uri kunyika dzisiri Zimbabwe, unokwanisa kuwana rubatsiro kumapoka akasiyana siyana anokutsanangurira nyaya yako sezvairi. Boka guru riri munyika dzakaita se Europe ne America rinohi Pro-Life. Vanhu ava maonere avo ndeekuti mimba haibviswi. Saka iwe kana uchida kubvisa zvechokwadi, tanga wanoona vanhu ava nokuti chinhu chikuru chavanogona kutsanangura kukudza chokwadi panyaya yokuti mimba inobviswa sei uye chii chinozoitika wabvisa mimba.

Havakuudza nhema pazviri. Kune mapoka akawanda chose anokuudza nhema uye kukutyisidzira panyaya yako. Ve PRO-LIFE havakuudzi nhema. Ukada zvokuenda kuvafundhisi, zvikuru vechirume, uchakasira kuhwisisa kuti hananatsi kuhwisisa nyaya yako. Vanongoda kukudzivisa kubvisa mimba kuti CONSCIENCE yavo ivaudze kuti vabatsira munhu kusabvisa mimba asi havakutsananguriri kuti kana wazozvara mwana uchaita sei naye uri wega. Vafunndhisi vakawanda chose vanhu kwavo asi kungoti vanenge vasina ruzivo pane dzimwe nyaya. Asizve kune vamwe vafundhisi anoti akatoziva kuti waita dambudziko remimba anotodawo kukukwira uku achikuudza zvokuita. Kwava nevafundhisi vakawandisa vanofarira kuvata nevanhukadzi vemuchechi dzavo.

Ukaenda kumufunndhisi ukamuudza kuti uri kuvata nomukomana wako, anokasira kukuudza kuti zvauri kuita zvakaipa asi haakuudzi kuti unokwanisa sei kuregera ugokwanisazve kuchengeta mukomana wako musingavatani asi mambojaira kuvatana.

Kuipa kwekubvisa mimba kunozikamwa chose uye takambozvitaura kare. Zvikonzero zvinoitisa munhu ade kubvisa mimba zvakawanda chose uye zvimwe zvacho ndeizvi

1 Waita mimba uchifunga kuti mukomana achakuroora asi iye haakudi
2 Murume akupa mumba ane mhuri nechekare wange uchingohurawo naye
3 Mukomana akakuudza kuti akangopinza zvishomashoma hauiti mimba
4 Wakabatwa chibharo asi hauna kuudza mapurisa.
5 Waita mimba uri mwana wechikoro
6 Murume akakupa mimba hautombomuzivi. Makangosangawo pamusika ndikutoisana.
7 Murume akakupa mimba akakupa mari kuti umubvisire bhurugwa.


Ngatibvumirane kuti mimba haabatiki ne ACCIDENT. Kana ukaisana nomukomana wako musina Kondhomu unokwanisa chose kubata mimba. Hwisisazve kuti urume hunorarama mukati mako kwemaziva mana saka panguva yese iyi unokwanisa kubata mimba kana mazuva ako ukumwedzi akanangana nokukandira kwako zai. Mimba kana usingaidi rega kuisana nevarume musinga kondhomu. Kana mukomana wako akanyebera kupfeka kondhomu akakisa asina, unokwanisa kumusungisa. Zvakangofanana nokuti akubata chibharo. Kunyika dzakaita se UK USA Europe anokwanisa kutoenda kujeri.

Nyaya pano ndeyokuti wava nemimba, zvoitwa sei? Fungwa yako yokutanga inokuudza kuti mimba handi chinhu chakana kana usina murume wekuzochengeta mwana naye. Uchafunga kubvisa. Vasikana vakawandisa vanoita fungwa idzi asoi vakawanda vavo havabvisi mimba kureva kuti vanozozvara vana. Saka vana ava vanozoita sei pasina vana baba vavo. Kune vamwe varume vanozoti mwana azvagwa obva ada kurera mwana wake onotora mukadzi kuti vachigara vese. Koita vamwe vasingadi zvachose asi musikana anongorera mwana wake zvakadaro. Kune vakadzi vakawandisa vane vana asi vasina varume. Ukatarisa  boka riya rinohi ma SMALL HOUSE uchaona kuti vanotoita mari nazvo nokuti anoudza varume kana vashanu kuti mwana ndewako. Umwe noumwe murume omupa mari vhiki imwe neimwe kuti atengere mwana zvokudya.

Pano tiri kuti tingabatsira sei vasikana vechidiki vari kufunga zvokubvisa mimba?   Kwedu kuZimbabwe nyaya dzemimba dzinotongeswa mumhuri kubva kare. Zvange zvisingaiti kuti munhu wekuzhe auye kuzobatsira kufunga. Asi mazuvano vana vava kuchengetwa naanambuya vasingarohwisisiwo kuti sei mwana achifarira kuvata nevakomana ari mwana mudiki kudai. (Makore 18)

Tingabatsira vasikana ava sei? 
Kwese kwauri iwe munhu mukuru hwisisa mafungire evana vadiki. Kana uri munhukadzi yeuka kugarofunga kuiswa kwaaiita uri pazera iri (16-25) uchigarorota mukomana wako. Kana uri murume mukuru yeuka zvawainge uri pazera iri. Waiona sei vasikana uye kuti waifungei nezvokuisana. Zvino ukaudza munhu ari pazera iri kuti musi wausina makondhomu rega kuisana nomukomana wako anoterera asi kana mukomana avapo kuti arambe kuiswa hazvitomboiti. Isu tongozoona yave mimba topopota kuti sei vasina makondhomu. Asi kumamisha uko kondhomu haringowaniki. Hakuna mamwe madzivirire angaitwa mimba. Ndizvo ndiri kuti tingabatsira sei vana ava.

Kana une mari, unokwanisa kutengera musikana waunoziva kuti ava kuvata nomukomana wae makondhomu asi kana hama dzake dzikaziva, uchaudzwa kuti ndiwe wakakurudzira mwana kuita chihure.

Kana musikana akaita mimba ukada kumutora nemota yako kana bhazi ukaenda naye kwachiremba, unokwanisazve kuhi ndiwe wakaudza mwana kuti abvise mimba.

Kana ukamupa mari yebhazi kuti aende kwaChiremba Zvakangofanana. Unongohi ndiwe wakakanganisa mwana.

Zvino kwedu kumusha kuMasvingo uko ndakawana kwava ne PROGRAM yokuti pa kiriniki yekumusha nurse aripo anobatsira vasikana kuhwisisa kuti kubvisa mimba kunokuvadza sei uye ngazvisaitwa pasina varapi.  Iyi inyaya yandinoona sokuti inobatsira vakawanda zvokuti dai takurudzira kuti varapi vekumakiriniki ese vava vanhu vanobatsira saizvozvo. Tiri vanhu vakawanda chose vanoshanda kuzhe kwenyika. Ngatibatsirei vanasikana venyika yedu kuone miono yakabudirira.

Mimba hainetsi kubata. Asi kana waibata nhamo yako yatotanga kana magarire ako asina kuti tasa. Kana umwe wedu abata mimba ngatisangomuseka pasina zvitinomubatsira nazvo. Kubvisa mimba chinhu chine chiremera chose. Pano takato hatiudzi vamwe kuti zvinoitwa sei.  Saka tiri kungotsvaka kuti vakuru mubatsire vana kana vaita dambudziko rokuda kubvisa mimba.

Unokwanisazve kundotaura nemukomana wacho. iyewo anenge achitotya kuti oita sei nokuti kazhinji haanawo chaanacho saka kuroora hazviiti.

Mwana wehazvanzi yangu akaita mimba ari kuUniversity, akambozama kutsvaka kubvisa mimba zvikakona. Akazokwanisa kufonera baba vake vakakwira mota yavo vakanotora mwana wavo pa weekend. Vakafona ndikaita nya navo kuti musapopotera mwana uye regai apedze chikoro. Mai vemwana vakashaika ari mudiki. Iko zvino akapedza chikoro akazoroorana nemukomna wake iyeye vava nevana vaviri. Hadzisi dzese dzinopera dzakadai asi isu vakuru ngatizame kubatsira vasikana vechidiki.

___________________________________________________________________

Kana wakambotsvaka kubvisa mimba kana kuti wakatobvisa kana kuti uri kuda kubvisa pari zvino, ndinyorere uchitaura kuti chikonzero chako chii. Kana uri murume ari kukurudzira mukadzi/musikana kubvisa mimba, nyorawo uchitaura chikonzero.

Tichaenderera mberi nenyaya iyi tichibvunza kuti tingabatsira sei vasikana/vakadzi vanoerekana vava munyaya yemimba dzavasingadi.

Monday 2 April 2018

Vaya vanofarira kuhura

Kana uchigona kuverenga chirungu Please verenga naya iyi uihwisise zvainoreva paupenyu hwako nemaitire ako panyaya dzokuhura.

GONORIYA ISINGARAPIKI YAVAKO                            Zviverengere  wega

Utachiona hunokonzera zvigwere zvechihure hwajairira mishonga yange ichishandiswa pakurapa zvigwere izvi. Saka nyaya yavapo  ndeyekuti utachiona huya hauchafi kana mugwere apiwa mishonga iyoyi. Pava kudiwa mishonga mitsva asi haipo saka pari zvino zvinokwanisika kuti chigwere chako hachirapiki.

Ndinogaroudza vakawanda kuti CHIHURE CHINOURAYA. as havatereri nokuti havitombohwisisi kuti nyaya chaiyo ndeyei uye sei ndindichti vanhu ipanai zvese zvamunoda mumba menyu pauviri hwenyu muchirera mhuri yenyu muri vapenyu uye muchivimbana panyaya dzokuhura.

Ukapoya ukanobata chigwere, zvinonetsa vakawanda kudzoka kumba woudza umwe wako kuti wambopoya. Saka unouya nechigwere kumba wopa umwe wako mese mava nedambudziko. Zvinoitikazve kuti kana munhu akatanga kuhura, chimwe chezvinoratinda kuti munhukadzi ari kuhura, kuwedzera kuda kuiswa, zvoreva kuti anoiswa nomurume kakawedzera uku achiiswa nechikomba futi kakawedzera. Iri ngari yokuti EXCITEMENT iya yokuva nechikomba inowedzera zemo. Apa zvoreva kuti urume hwechikomba nehwemurume hunowanda mukati make. Tinoziva kuti urume hunogara mazuva matatu kana mana kubva pamunoisana kusvika chitubu chomukadzi chazvisuka kubudisa hwasaramo. Saka apa murume nechikomba venge vachingodira urume, huchinovhenganamo umwe huchivhinza.

Kana chikomba hikaita chigwere mese musi vatatu moita chigwere. Kana murumewo achihura negwseri akaita chigwere, mese muri vana moita chigwere. Kana chikomba chine mukadzi kumba murumewo ane hure rine murume kumba, mese muri vashanu moita chigwere. Hino kana chigwere chenyu chiricho cheizvo zvava kunetsa kurapika, matova panyaya yakaipa.

Tinoziva chose kuti kune vanhu vanonetseka kurega kuhura. Asi kuhura chaiko chero kwakaipa hako kunokwanisika kuitwa pasina anobata chigwere. Kana uchihura noumwe munhu, zvikuru munhu iyeye ane murume/mukadzi kumba kwake, usafunga kuti ndiwe wega uri kuhura naye. Iwewo kazhinji ukatanga kuhura hauhuri nomunhu umwe chete.  Saka zviri nani itange imwe tsika yokushandisa makondhomu.

Makondhomu anobatsira panyaya mbiri dzinoti kudzivirira zvigwere, nokudzivirira mimba. Ngatihwisisei kuti kana ukasangana nomunhu awaichimbovata naye mukawana mukana munokwanisa kuisana futi. Vanhu vakawanda vanohura novanhu vavaidanana navo kare kana kuti vavashamwaridzana nabo kare paushamwari. Zvikuru mukasangana wava nenguva usina kuvata nomunhu, sokuti vhiki, iwe wange wajaira kuvata nomurume/mukadzi wako kumba kwenyu.

Zvinozikamwazve kuti vanhukadzi vanowedzera kuhura (kana vachigarohura) pa vhiki yechipiri vachangobva kumwedzi, inovazve ndiyo nguva yokubata mimba. Kureva kuti ukashandisa kondhomu, unohura hako asi hauiti mimba.

Mukadzi wemuraini ari mwana, anoonekwa ari munhu ari ATTRACTIVE chose kuvarume vemuraini. Kazhinji anopedzisira achihura naBaba nhingi, navamwezve Baba nhingi muraini renyu. Ukuwo murume akangoroora chete, vasikana vakawanda vanotanga kumuona somunhu akatsiga voda kumukwezva. Kana ari munhu ane meso meso haanonoki kutanga kuhura.

Chihure chazara muvanhu vedu, zvikuru kumadiaspora kusina hama dzinotsiura. Apa tiri kuti hatigoni chose kukuregesa kuhura asi tokumbirawo kuti kana wada zvokuhura hwisisa kuti kwava nezvigwere zvechihure zvausingakwanisi kungoenda nazvo kuSPECIAL CLINIC uchinopedzerana navo ikoko. Hazvicharapiki sezvazviita kare.

Kwagara hako kune zvigwre zvakaita se HIV ne Syphilis zvinobata muviri wese zvese nefungwa, asi vanhu vaisaita basa nazvo vachingohura vasina makondhomu. Tiri kuti zvigwere zvakadai zviri kuwanda imiwo kuhura muchiwanza, saka muchasvikepi nazvo.

Kanna nyaya yako iri yokuti mukadzi/murume wako haakugutsi, taura naye muhwisisane mutange imwe REGIME yenyu tsva yokuti muzame kugutsana. Kana zvatadza iwe ukaona sokuti zviri nani upote uchienda kumvana yemuraini nokuti ine chiuno chine unga, chipfuura nepa chitoro uchitenga makondhomu ako akakwanirana neokuti muchaita kangani uriko. Kana ukatenga akawanda wochisiya ikoko kuti musazoshaya. Asi hwisisazve kuti vamwe varume vachadawo kuashandisa pamvana iyoyo.

Iwewo mukadzi kana murume wako asingakugutsi ukataura naye akasaterera zvokuti chihure watadza kuregera, chihwisisa nyaya dzezvigwere iyi kuti kana wondohura nechokumba chako shandisai makondhomu.

Hwisiasizve kuti pakuisana panoitika zvinhu zvakawanda chose. Pakuisana nomunhu wairi kuhura naye kazhinji panoitika zvakawanda kuphuura zvinoitika kumba. Zvigwere zvimwe zvineutachiona hunofa kana hwasangana ne Mate, humwe haufi. Saka iwe pakusveta chombo chechikomba/kusveta bhinzi yehure rako, hwisisa kuti chii chiri kuitika. Zvinonaka chose asi zvigwere zvaunokwanisa kubata mazuvano zvinokwanisa kutadza kurapika.

Zamai kurega kuhura muzame chose kuwana zvese zvokuisana kumba kwenyu. Asi kana shavi rokuhura rakudzivisa chose kurega kuhura, chikasira kundotenga Makondhomu. Hwisisa kuti Zemo rine simba kupfuura njere.

Ngatihwisisezve kuti mazuvano mhomho yevanhu vanofambafamba mumadhorbha akawanda uye kunyika dzakawanda. Pamwe unombosiyana nomukadzi/murume wako kwekanguva muri kunyika dzakasiyana. Kuhura kwava nyore nokuti hakuna anokuona. Iwe wega ndiwe unoziva kuti wahura.  Pakadai shandisa makondhomu. Nyaya yandakutaridzai iyo murume akaenda kune imwe nyika akanodzokako ava nechigwere chisingarapiki nyore. Zvinoita sokuti akadzoka akapa mukadzi wake. Bodo handizvo veduwee. Regai kuhura/shandisai makondhomu.

Kana uchikwanisa kuti pakufamba ufambe nokurume/mukadzi wako fambai mese. Ndizvo zvinotonakidza chose. Kuisana muhotera kana kuti panzvimbo isiri kumba kwenyu zvinonaka chose zvokuti kana mari iripo fambai mese kwamunoenda.

Chikuru pano ndechokuti kana murume/mukadzi wao ari pasi pemakore 80 ziva kuti munhu anoda zvokuisana. ibasa rako kugarovata naye pauviri hwenyu. Pese paunonyima murume/mukadzi wako hwisisa kuti zvinoderedza CONFIDENCE yake pakuziva kuti ndiwe wega unomupa. Anotanga kufunga kuti kune vamwe vanokwanisa kumupa. Usazviitira nyaya mumba mako. Kana wakaneta vata nedumbu murume akushande nokumashure iwe chero ukangoti kwindi sehove yakafa, murume anowana chokubata.  Murumewo kana wakaneta, ipa mukadzi chombo atambe nacho kusvika chamira. Chivata nomusana mukadzi akutasve oshanda ariye iwe zii zvako wakangibata magaro emukadzi wako iye ari paSHIFT. Ngatitarisiranei pane zvatinopanana mumhuri dzedu nguva dzese.

Kana zvichikwanisika usaisira mabhinya nenhubu mukana wekupindira panyaya yako.

Ndatenda chose nokuhwisisa kwenyu vaverengi

TARISAIZVE apa
Ongorora nyaya yevarume vanopota vachihura nevamwe varume. kwahi hwisisa kuti maBacteria akasiyana. Ponza chombo mune umwe murume une Kondhomu kana wada zvechingochani, zvikuru kana une mukadzi kumba. hwisisai kuti kwedu zviriko. Regai chihure kana zvisingaiti hurai nemakondhomu.

Udzai vamwe!!!!!