Saturday 22 December 2018

Veduwe. Ivai nekisimisi yakanaka inofadza mhuri dzenyu dzese. Munyika yedu vahu vakawandisa vanourayana pa Kisimisi, zvikuri mumigwagwa. Dai mafambawo henyu zvakanaka kuenda nokudzoka.

Hazvifaniri kuti mumhuri yenyu muite dambudziko. Kisimisi inguva yomufaro mumusha, kwete kukuvara kana kufa. Saka ngatiwirirane kuti

1 Kana wada zvokumwa doro, chiita zvedoro asi zvokudhiraivha dzimota womborega.
2 Kana wada zvokubhema mbanje, chiita zvembanje asi zvokudhiraivha dzimota womborega.
3 Rega kukwidza vanhu mota kana uchiziva kuti haufariri kudhiraivha zvakanaka.
4 Kana usina mvumo yokudhiraivha rega zvokudhiraivha.
5 Zvokudhiraivha usiku panguva yekisimisi imboregai. Zviri nani kunonoka kusvika.


Mudzimba garisanai zvakanaka kusvika tese tadzokera kumabasa.

Tinotenda nokukoshesa upenyu kwamunoita gore negore. Vanoda kuita dambudziko regai vaite.