Tuesday 3 December 2019

Murume anotadza kubudisa urume pakuvatana

Nyaya yokunonoka kutunda asi iwe uchida kutunda inoitiswa nezvakawanda. Zvinohi munrume anotadza kutunda kana achikwanisa kuti munovatana hanyu chose asi mapedza panoonekwa kuti haana kupa mukadzi urume zvachose. Kune vanokwanisa kudara kwemakore kozoita vamwe vanokwanisa kutunda kamwe chete panguva refu sokuti mwedzi wese kana miviri anongotunda kamwe chete. 

Vakawanda vevarume ava vanokwanisa kutinda kana vavete vari pakuzvirotera kana kuti ari ega achizvibatsira anotunda . Dambudziko rongozoitika pakuvata nomukadzi. Asizve kune vamwe vasingatombotundi zvachose asi chombo chinomira wotopinza mumukadzi sezvinongoitawo vamwe, asi koita nguva kusvika angozorega pasina chabuda. 

Dambudziko iri rinohi DELAYED EJACULATION pachirungu. zvoreva kuti vanofunga kuti uri kuwanzisa kunonoka asi unokwanisa kutunda. Kushungurudza kwazvo kumukadzi nomurume vese kwakangofanana nekwemurume anoti kungopinza obva atotunda ipapo. Mukadzi wega wega anodawo kuwanzigwa urume. Zvine PSYCHOLOGY yokuti murume anondida ndosaka achindipa urume. Kana asina urume zvoita sokuti mukadzi haanakiri murume. Saka mese moshungurudzwa.  

Zvikonzero: 
Zvimwe zvezvikonzero zvandati zvakawanda zvinozikamwa ndeizvi:

1 Kunge wakambokuvara ma NERVE ari pamuromo we bladder.anobatsira pakubudisa urume
2 Kana uchigwadziwa chombo pakuvatana nomukadzi
3 Kana uchiti pakuvatana wobva watanga kufunga nenyaya dzokuti uchatunda here kana kwete. 
4 Kana wakamboita kana kuti uchimboita chigwere chinohu DEPRESSION. 
5Kana uchigaromwa mushonga wakait sewe BP 
6 Kana wakamboita siki kare
7 Kana wakamboshandisa mishonga yokumisa chombo 
8 Kana usingafariri kana kuti usina hanya nomukadzi waunotadzira kutunda. , sokuti pane chaunoshora paari kana kuti uri kuta kuti angangokupa chigwere. 
9 Kana une hure asi uchifunga kuti kuhura chinhu chakaipa, sokuti wakakurira mumhuri ine unhu. 
10  Kana uchiti pakuzvibatsira uri wega unoshandisa puresha yakasiyana neinokwanisika kubva mukati memukadzi
11 Kana uchibhema fodya kana mbanje uye kuwanza doro
12 Kana uri munhu uya akanyarara zvokuti haukwanisi kunatsotaura nomukadzi panyaya dzokuisa saka iye haakwanisi kukubatsira. 
14 Kana wakambokuvara musana kare
 15 Kunge wakambo batwa chibharo noumwe murume uri mwana mudiki. 

Ndizvo zvimwe zvezvinokonzera nyaya iyi. Kune varume vakati wandei vane dambudziko iri uye vakawanda vavo vanokwanisa chose kutunda kana vari vega kana kuti kuzvirotera vavete, asi havakwanisi nomukadzi. Kana uri mutan'a iyi zvoreva kuti dambudziko rako riri mufungwa nokuhwisisa nyaya dzokuisana. 

Koitazve zvamwe vasingatundi zvachose. Ava vanokwanisa kuti muviri wake une chakaipa pauri panyaya yokutunda asi chombo chinokanisa kumira. 

Zisinei kuti chii chinoitika pauri, nyaya yako inowanikwa munyika dzese dzese kureva kuti hapana chivanhu chiripo. Inyaya inotoda kuendwa nayo kuvarapi wondoitsanangura vokubatsira. 

Asi hwisisa kuti hausiri wega. Makatowanda chose varume mude dambudziko iri. Kune vari kutorapwa vachitibatsirika nazvo vachitozokwanisa kugarotunda nguva dzese dzokuisana. 

Udzai vamwe !!!!!!!

Monday 5 August 2019

Kana mukomana asina mari yeroora

Mazuvano vana vakaberekwa panguva inotangira mugore ra 2000 vava kusvika panguva yokuroora nokuroogwa, asi panguva iyi nyika yedu yakawana zvakaitika zvakawanda zvakaita kuti mhuri dzakawanda chose dzakashaikigwa nehama. Vana vakafigwa nevabereki vakawanda chose. Vamwe vevana ava vakura zvokutikwanisa kuti vachiroora.

Mazuvano munyika yedu hamuna mabasa. Vanhu vakawanda dzangove mbavha nemahure asi pano ngatitarise vana vakasiiwa vasina kana chokubata. Vakazvirera, nokuzvipinza chikoro nokuzvifungira chokuita muupenyu. Murume wemwana wehazvanzi yangu ndeumwe wevanhu ava. Akakura ari ega asi akakwanisa kupinda chikoro kusvika kuUniversity, asi akamitisa musikana vese vari kuUniversity. Pakupedza vange vane mimba asi vasina kwekugara. Mhuri yemukomana haina kumurera asi paakapedza chikoro vaitodawo rubatsiro kubva kwaari vachifunga kuti achaana basa agovabatsira nemari. Munhu akadai anokwanisa here kubvisa roora?

Koitzve mununguna mwana wekwababamudiki akawanikwa nomukomana asina mhuri zvokuti paakafunga zvokuroora akakumbira baba veshamwari kuti vamufambisire nyaya dzake. Pamuchato wake mhuri yekwedi ndiyo yakamuchatisa. Kwake kwaingova nevanhu vashomanana. Mai veshamwari ndivo vakava mai vake pamuchato.

Mazuvano vanhu vakawanda vanofarira kutara roora rakakura chose, zvikuru kana mwana wavo akadzidza. Zvoita sokuti vari kuda mari dzavo dzavakashandisa pakudzidzisa mwana wavo. Saka mubereki ari kutsvakei pamwanasikana wake. Mwanasikanawo ari kufunga kuti zvichafamba sei?  Kana iwe uchibva kumhuri ine vanhu, pakudanana nomukomana asi mhuri, unofunga kuti zvichafamba sei?  Munochata sei?

Nyaya ino ndeokubvunza kuti vakomana vakadai vanofanira kuroora sei? Pakupindura mubvunzo uyu ngatipindure mubvunzo wekuti roora rinoita basa rei pachivanhu pedu.? Roora nderokuunza ukama pakati pemhuri mbiri. Kana mese muchihwisisana zvoreva kuti munokwanisa kupa mukomana mukana wekuroora mwana wenyu kuti imiwo muchiita mwanakomana nokumupa hama dzaange asina.

Regai togoenderera mberi...... Asi fanai kutiudzawo maonere enyu panya yomukomana asina mukana wekubvisa roora.



Monday 4 March 2019

Mubvunzo wezvokuhura. Pindurai nokukasira PLEASE

Vakadzi,
Kana ukawana murume wako achiisana nechidhori chine zvese zvine munhukadzi uye chichitochemererawo, murume achiratidza kuti ari kunakigwa nazvo chose, sezvinongoita munhukadzi pakuisana, ungati murume wako ahura here kana kwete?

Varume:
Kana ukawana mukadzi wako anhiisana nechidhori chene zvese zvine murume achitochemererawo sezvaanoita muchiisana, ungati mukadzi wako ahura here kana kwete?

Ko kana achingozvifadza hake nemaoko ake pasina chimwe chinhu? Ungati ahura here?

______________________________________________________________________

Tokumbira mukasire kupa mufungo yenyu nokuti kwaita nyaya yakadai inoda mazano enyu nokufunga kwenyu uye kuti mufungo wako uri kubva papi panyaya iyi? Hwisisai kuti zidhori zvakadai zvava kutengeswa chose zvokuti munhu anochida anokwanisa kuchitenga agonakigwa nacho. Apa tiri kubvunza kuti kana nyakutenga ane murume/mukadzi, angahi ahura here, zvokutogariswa dare?

Sunday 24 February 2019

Kugeza tsvina mutsinga


Ndinonzwa zvichinzi mukadzi anogeza tsvina pakuenda kwaanoita kumwedzi, asi murume anoitawo tsvina mumuviri or musystem zvichibva pakuvatana nemukadzi saka tsvina iyoyo inogara mumuviri or mutsinga dzinoenda kuchombo zvekuti tsvina iyoyo hanzi it affects kunyatsomira kwechombo zvakanaka, uye kusamira kwenguva refu, nekunzwa kusafunga kunzwa kuda kukwira mukadzi.

Saka sekuno kuSA vazhinji vevarume vemuSA hanzi ndiko saka vachiita zviya zvekuzvishandisira syringe ine mushonga kumashure vosvinira mukati then aftee nguva yakati kuti vozohudha. Kana kungomwa mamwewo mapiritsi anohudhisa, hanzi tinenge tichito cleaner izvozvo vachiti uchinge wacleaner saizvozvo unotonzwa muviri wareruka, and fresh zvekuti nechombo chinenge chatanga kutogara chichida zvinhu kuneta-neta kuya kwapera pachinomira chinonyatsoti gwi kuva nesimba nehasha.

Zvichitonzi ukaona futi wakunzwa kakuneta zvekusachanzwa uchifarira kuda kukwirana nemukadzi kana kuti chombo chinongoti mirei chovata zvinenge zvichitokuudza kuti unofanira kucleaner but kuvanhukadzi hapana problem nekuti vagara vanoto cleaner nekuenda kwavo kumwedzi.

Saka hameno kuti ndiwo mashandire anoita miviri yedu here varume awa nhai mai Chibwe?

____________________________________________________

Nyaya iri pano inonetsa kuhwisisa kuti yakabvepi uye zvange zvaita sei kuti munhu afunge zvakadai. Kana kune nyaya yakadai zvoreva kuti inongoitika kuvanhu vashomanana vanobva kuZimbabwe. Chokwadi ndechokuti hazviitiki kumhomho yese yevanhu mupasi rese.

Munhukadzi:
Chokutanga ngatione kuti chii chinoitika pakuenda kumwedzi kwemunhukadzi. Kana munhukadzi akasvika makore gumi nematatu anotanga kuenda kumwedzi kamwe chete pamwedzi. Nyaya yokumwedzi inotanga kana musikana ava kutanga kukandira mazai. Mazai awa anokandira kamwe chete pamwedzi miviri. Mukadzi ane zvikandiro zviviri saka zvinochinjana chimwe nechimwe chichikandira zai rimwe chete pamwedzi miviri.  Zvoreva kuti mukadzi anokandira zai rimwe pamwedzi.

Chikonzero chokuti aandire zai ndechokuti panguva yokukandira apa akawana murume wkuvata naye anomupa urume, anokwanisa kubata mimba. Kana akakandira zai, Chibereko chinotanga kugadzirira kugadzira mwana saka madziro anokora chose kuti mwana anatse kugara. Kana asina kuvata nomurume, kunopera mazuva anoenda kumwedzi, madziro echibereko otanga kuderedza kukora kuya. Anochechenuka zvinova zvinobudisa ropa zvoita mazuva mana kuti zvipere.  Zvadaro, nyaya yotanga futi.

Saka apa tiri kuti hapana tsvina unobuda mumukadzi inobva mutsinga. Ropa rokumwedzi rinobva muchibereko chete chete.  Chinofamba mutsinga ma HORMONES anoita kuti musikana akandire zai uye aende kumwedzi. MaHORMONES haasi tsvina uye haakwanisiki kusukwa kubviswa mumuviri wemunhu. Akatoshaikwa muviri unotadza kuziva kuti woshanda sei.

Munhurume:
Muhurume haakandiri zai saka haaendi kumwedzi, uye hapana chinobuda paari mwedzi umwe noumwe. Hapana tsvina inobva mumukadzi uye hapana tsvina inokwanisika kubatwa nomurume achiti zvabva pakuvata nomukadzi.

Pakuvatana kwemukadzi nomurume, vanotanga nokurezvana kusvika mukadzi anatsa kunyorova mukati make. Minyatso temazamu ake inomira, ganda remuviri wake rinomirira kubatwabatwa, Bhinzi yake yomira kuti twii, uye ichidawo kukwizirigwa. Murumewo anomira chombo, minyatso, uye ganda rake rinowedzera kuda kubatwabatwa. Zvadaro, murume anopinza chombo mumukadzi koita nguva vachikweshana vakadaro, vachipurudzirana, nokukisana, nokurezvana, nokukurudzirana kuita basa. Uku mukadzi anotangawo kuchemerera kuti murume aite manyawi, awadzere kukweshana.

Murume pakupinza chombo, mapindire acho anopatsanura madziro emukati memukadzi madziro aya ochibata chombo zvokuti vese vanohwa kuti chii chiri kuitika. Mukadzi anohwa kuti ane chombo mukati make, murumewo anohwa kuti ari mukati memukadzi. Mukadzi anoramba achiwedzera kunyorova kuti vese vasaita mhoni pakukweshana.

Kwapera nguva inoita maminitsi mashanu kana kupfuura, (kuvarume vanonaka)  chombo chomurume chobva charutsira urume mukati memukadzi. Kana vapedza kuisana, madziro emukati memukadzi anodzokera panzvimbo yawo. Urume hwasiiwa nemurume mukati hwakawanda zvichibva nokuti ange amwa mvura yakawanda sei. Vaya vanoterera nyaya dzeutano vanomwa mvura yakawanda zuva rimwe nerime, vanobudisawo urume hwakawanda uye hwakakora. Murume paanobvisa chombo kubva mumukadzi, mukadzi anoita kanguva achivhinza urume. Hapana chakaipa pakuvhinza.  Murumewo anoita kanguva achivhinzawo urume. Ndosaka muchiona kuti pakuisana munotaridza madomhwe eurume pamubhedha. Ingari yokuti mese munovhinza.

Kana mukapedza kuisana, Mukadzi kana ane simba rokuita, anopukuta chombo chomurume obva azvipukutawo. Asi kupukuta hakudziviri kuvhinza. Kana maisana zvinogutsa, hapana anoita simba rokupukuta. Munongovhinza makadaro mese. Pamwe munotoita hope chaidzo asi kazhinji mukadzi anomutswa nokuerera kweurume achivhinza. Murume anozomuka kwapera nguva kana MaAWA mana, panozomirazve chombo kuti vakwanise kuisana futi. Hwisisa kuti mukadzi paanovhinza anosara humwe urume mukati hwakawanda chose. Ingari yokuti mukati make mune zvimakoronga zvinobata urume. Ukuzve muviri wemunhukadzi unoziva kuti murume akasiya urume muviri unokonzera kuti urume hueredze huchikwira kumusoro kunowanikwa zai.

Kana mukadzi ange akakakandira zai, zai rinosangana nourume muchibereko, chibereko chobva chatanga kugadzira mwana. Kana ange asina kukandira zai, hapana mwana wekugara.

Saka pese apa hapana tsvina yatasangana nayo. Zvese zviitiko zvinongoitika semazuva ese. Hapanazve chatingati chingakonzera chombo chomurume kutadza kumira dzimwe nguva. Chinomisa chombo iropa nemafambire aro kubva kumoyo. Kana chombo chisingamiri zvakakwana, zvoreva kuti muridzi ane dambudziko risinei nenyaya yokuti akavata nomukadzi nezuro.

Kana murume akatadza kumira chombo, anofanira kukasira kunoona varapi kuti aongorogwe kuti chikonzero chii. Asizve zvinozikamwa kuti chimwe chikonzero chikuru pakumira kwechombo kufunganya panyaya dzokuvatana. Murume akatanga kufunga kuti pane chakaipa pakuvata nomukadzi wake, anokwanisa kutadza kumira chombo. Koitazve varume vakawanda vanotya kupinza chombo mumukadzi. Kutya uku kunokonzera kusanatsomira kwechombo. Pane zvimwe zvikonzero zvinoitisa nyaya iyi.

Ngatihwisisane kuti hapana tsvina inopinda mutsinga dzomunhukadzi kana munhurume zvichibva pakuisana. Hapanazve mushonga unodiwa panya dzokuisana. Ukaona uchishandisa mushonga kna upi zvawo, zvoreva kuti hauna kunatsohwisisa nyaya yako uye dambudziko raunaro. Hapana mushonga unodiwa pakuvatana nomurume/mukadzi. Chinomgodiwa kuwirirana kuti muri kuda kuisana, murezvana kusvika mese mava nezemo. Moisana, monakigwa nazvo, movata hope dzakanaka.

Kana murume/mukadzi wako achihura zviri nani mushandise makondhomu pakuisana kana uchiri kubvuma kuvata naye.

Kana munhu wauri kuda kuvata naye ari hurekadzi kana hurerume, shandisai makondhomu.

Hapana mushonga unodiwa pakumisa chombo. Kna chisinganatsi kumira, dambudziko rako harisi pachombo.


Udzai Vamwe!!!!