Monday 5 August 2019

Kana mukomana asina mari yeroora

Mazuvano vana vakaberekwa panguva inotangira mugore ra 2000 vava kusvika panguva yokuroora nokuroogwa, asi panguva iyi nyika yedu yakawana zvakaitika zvakawanda zvakaita kuti mhuri dzakawanda chose dzakashaikigwa nehama. Vana vakafigwa nevabereki vakawanda chose. Vamwe vevana ava vakura zvokutikwanisa kuti vachiroora.

Mazuvano munyika yedu hamuna mabasa. Vanhu vakawanda dzangove mbavha nemahure asi pano ngatitarise vana vakasiiwa vasina kana chokubata. Vakazvirera, nokuzvipinza chikoro nokuzvifungira chokuita muupenyu. Murume wemwana wehazvanzi yangu ndeumwe wevanhu ava. Akakura ari ega asi akakwanisa kupinda chikoro kusvika kuUniversity, asi akamitisa musikana vese vari kuUniversity. Pakupedza vange vane mimba asi vasina kwekugara. Mhuri yemukomana haina kumurera asi paakapedza chikoro vaitodawo rubatsiro kubva kwaari vachifunga kuti achaana basa agovabatsira nemari. Munhu akadai anokwanisa here kubvisa roora?

Koitzve mununguna mwana wekwababamudiki akawanikwa nomukomana asina mhuri zvokuti paakafunga zvokuroora akakumbira baba veshamwari kuti vamufambisire nyaya dzake. Pamuchato wake mhuri yekwedi ndiyo yakamuchatisa. Kwake kwaingova nevanhu vashomanana. Mai veshamwari ndivo vakava mai vake pamuchato.

Mazuvano vanhu vakawanda vanofarira kutara roora rakakura chose, zvikuru kana mwana wavo akadzidza. Zvoita sokuti vari kuda mari dzavo dzavakashandisa pakudzidzisa mwana wavo. Saka mubereki ari kutsvakei pamwanasikana wake. Mwanasikanawo ari kufunga kuti zvichafamba sei?  Kana iwe uchibva kumhuri ine vanhu, pakudanana nomukomana asi mhuri, unofunga kuti zvichafamba sei?  Munochata sei?

Nyaya ino ndeokubvunza kuti vakomana vakadai vanofanira kuroora sei? Pakupindura mubvunzo uyu ngatipindure mubvunzo wekuti roora rinoita basa rei pachivanhu pedu.? Roora nderokuunza ukama pakati pemhuri mbiri. Kana mese muchihwisisana zvoreva kuti munokwanisa kupa mukomana mukana wekuroora mwana wenyu kuti imiwo muchiita mwanakomana nokumupa hama dzaange asina.

Regai togoenderera mberi...... Asi fanai kutiudzawo maonere enyu panya yomukomana asina mukana wekubvisa roora.