Tuesday 3 December 2019

Murume anotadza kubudisa urume pakuvatana

Nyaya yokunonoka kutunda asi iwe uchida kutunda inoitiswa nezvakawanda. Zvinohi munrume anotadza kutunda kana achikwanisa kuti munovatana hanyu chose asi mapedza panoonekwa kuti haana kupa mukadzi urume zvachose. Kune vanokwanisa kudara kwemakore kozoita vamwe vanokwanisa kutunda kamwe chete panguva refu sokuti mwedzi wese kana miviri anongotunda kamwe chete. 

Vakawanda vevarume ava vanokwanisa kutinda kana vavete vari pakuzvirotera kana kuti ari ega achizvibatsira anotunda . Dambudziko rongozoitika pakuvata nomukadzi. Asizve kune vamwe vasingatombotundi zvachose asi chombo chinomira wotopinza mumukadzi sezvinongoitawo vamwe, asi koita nguva kusvika angozorega pasina chabuda. 

Dambudziko iri rinohi DELAYED EJACULATION pachirungu. zvoreva kuti vanofunga kuti uri kuwanzisa kunonoka asi unokwanisa kutunda. Kushungurudza kwazvo kumukadzi nomurume vese kwakangofanana nekwemurume anoti kungopinza obva atotunda ipapo. Mukadzi wega wega anodawo kuwanzigwa urume. Zvine PSYCHOLOGY yokuti murume anondida ndosaka achindipa urume. Kana asina urume zvoita sokuti mukadzi haanakiri murume. Saka mese moshungurudzwa.  

Zvikonzero: 
Zvimwe zvezvikonzero zvandati zvakawanda zvinozikamwa ndeizvi:

1 Kunge wakambokuvara ma NERVE ari pamuromo we bladder.anobatsira pakubudisa urume
2 Kana uchigwadziwa chombo pakuvatana nomukadzi
3 Kana uchiti pakuvatana wobva watanga kufunga nenyaya dzokuti uchatunda here kana kwete. 
4 Kana wakamboita kana kuti uchimboita chigwere chinohu DEPRESSION. 
5Kana uchigaromwa mushonga wakait sewe BP 
6 Kana wakamboita siki kare
7 Kana wakamboshandisa mishonga yokumisa chombo 
8 Kana usingafariri kana kuti usina hanya nomukadzi waunotadzira kutunda. , sokuti pane chaunoshora paari kana kuti uri kuta kuti angangokupa chigwere. 
9 Kana une hure asi uchifunga kuti kuhura chinhu chakaipa, sokuti wakakurira mumhuri ine unhu. 
10  Kana uchiti pakuzvibatsira uri wega unoshandisa puresha yakasiyana neinokwanisika kubva mukati memukadzi
11 Kana uchibhema fodya kana mbanje uye kuwanza doro
12 Kana uri munhu uya akanyarara zvokuti haukwanisi kunatsotaura nomukadzi panyaya dzokuisa saka iye haakwanisi kukubatsira. 
14 Kana wakambokuvara musana kare
 15 Kunge wakambo batwa chibharo noumwe murume uri mwana mudiki. 

Ndizvo zvimwe zvezvinokonzera nyaya iyi. Kune varume vakati wandei vane dambudziko iri uye vakawanda vavo vanokwanisa chose kutunda kana vari vega kana kuti kuzvirotera vavete, asi havakwanisi nomukadzi. Kana uri mutan'a iyi zvoreva kuti dambudziko rako riri mufungwa nokuhwisisa nyaya dzokuisana. 

Koitazve zvamwe vasingatundi zvachose. Ava vanokwanisa kuti muviri wake une chakaipa pauri panyaya yokutunda asi chombo chinokanisa kumira. 

Zisinei kuti chii chinoitika pauri, nyaya yako inowanikwa munyika dzese dzese kureva kuti hapana chivanhu chiripo. Inyaya inotoda kuendwa nayo kuvarapi wondoitsanangura vokubatsira. 

Asi hwisisa kuti hausiri wega. Makatowanda chose varume mude dambudziko iri. Kune vari kutorapwa vachitibatsirika nazvo vachitozokwanisa kugarotunda nguva dzese dzokuisana. 

Udzai vamwe !!!!!!!