Saturday 6 February 2021

Chigwere che Covid 19

 Pano handidi kupedza nguva ndichitsvagurudza kuti chigwere chinohi COVID 19 chakabvepi. Havina basa kuti chakabvepi. Chine basa ndechkuhwisisa kuti toita sei nacho kuti tisazvipinza mudambudziko. 

Cokutanga ndechokuti kuvanochibata mhomho yese havafi asi vanogwadziwa chose kwevhiki imwe kana mbiri,. Vamwe vanopfuura nguva iyi votombonogata kuzvipatara. Asi vanorarama. Kuri kuva vanhu tingati vavaviri pa zana (2.19/100) saka vashoma havo asi kana wabata chigwere chacho unombogwadziwa nokutyisidzigwa nacho.  Saka zviri nani kuti usachibata zvisinei kuti uchararama here. 

Imwewo nyaya yatinayo ndeyokuti kunhe mhuri dzisira BALANCED DIET saka zvoreva kuti havana utano hwakanaka. Panosvika chigwere anobatwa nacho kuphuura vaya vane utano. Saka semazuvano kune muriwo wemarudzi akasiyana siyana, bikirai mhuri dzimbowanawo mavhitamenzi akakwana. 

Koitawo nyaya yokuti munonzi garai mudzimba kuti chigwere chisakasira kufamba chichibata vakawanda. Ngatidzidzewo kugara mudzimba dzedu uye kusamhoresana nevanhu. Vanotiudzazve kuti tigare tichigeza maoko uye kudzidzisa vana kugarogeza maoko nesipo. Kana une kamari enda unotenga mushonga wekouraya utachiona (DISINFECTANT) wopota uchisa mumvura inogeza mhuri maoko. 

Pakudya modya umwe noumwe mundiro yake. mokasira kusuka ndiro nokugeza maoko. Kana mune sanitiser moishandisawo zvakakwanirana nemi. 

Kana muvhakashi akasvika pamba penyu, taurai naye kughede uko mupedzerane ikoko. Kwete kuti apinde mumba, bodo.  Kana ari munhu uya anotengesa sokuti muriwo kana mazai kana muchero, tengai mosiya pazhe kusvika mambosuka zvamatenga zvacho. 

Koita nyaya yokupfeka MASK iyi. Hakuna anonyatsoziva kuti zvinoobatsira here kana kwete asi ngatingoita sokuti zvinobatsira topfeka MASK. nokuti ukasapfeka izvo zvichibatsira, ndiwe uchazvikanganisira upenyu kana kukanganisa upenyu hweumwe munhu. 

Kana une tsika yokuhura sevaya vanohurira mari, hwisisa kuti pane nyaya yokutanga inoti iyi panozopera chigwere ichi, ma CUSTOMER ako ese anenge amboita chigwere ichi. Vamwe vanshoma vanenge vafa. Koitazve kuti iwewo unokwanisa kubata chiwere ichi kubva kuvanhu vaviri kana vatatu vane MUTATION dzakasiyana, wokwanisawo kufa.  Saka dai wambomira kuhura kuti upenyu hukuitire nyore. 

Kotizve kana uchiziva kuti murume/mukadzi wako inhunzvatunzva panyaya youpombwe, Chimbomugarisa pasi umuudze kuti zvese zvaanoda uchamupa nomoyo wese kusvika chigwere chahi chava chishoma. Kana wange uri munhu uya anogarorambira umwe wako kusvika ada zvokukuhurira, chihwisisa kuti nguva yokuchinja maitire yasvika. Chihure chinounza zvigwere mumba. Hino ichi chakasiyana ne HIV nokuti mhuri yese munochibata. 

Kana umwe wako akatanga kukosora chombopatsanai moti uyu kwake uyu kwake kwevhiki mbiri asi mupewo zvokudya asi woita wakachenjera. Akamboshandisa chimbizi, mhuri yese yombomira kuendako. 

Chero musinawo chigwere pakuziva kwenyu, whisisai kuti hachinetsi kubata saka chero pakuisana paya furatira murume kana kutofongora kuti asakufemera mweya muhuro kana kumeso pamunoisana makadaro. Kana mukaona kuti zvekufongorerana zvawandisa modawo zvakasiyana, vatisa muruma pamubhedha wochimutanyanga wakamufuratira wakatarisa kushoka dzake. Wochimushanda kusvika mahwa pane moyo mese. 

Chigwere chakatouya saka chatave kungoda kurarama chete. Ngatizamei kurarama. Awo ma VACCINE avari kuti aveko hakuna anonatsoziva kuti anoshanda chii chaicho. Vamwe vanoti anoshanda mwedzi mitatu wozofanira kubaiwa futi, Bamwe voti haashandi kumunhu ane makore makumu matanhatu nemashanu. Vamwewo voti chino nechino. Saka hatizivi kuti nyaya chaiyo iri papi.  Chasara kungwarira. 


Tiri tese here? 


New Year 2022

Ndinoona sokuti tese tava kuhwisisa kuti COVID chigwere chakaipa hacho chose uye chakabva kuChina asizve vakawandisa vari kurarama kana vachibata. koitawo kuda 4% vanoshaika nacho. Asi kwahi chinopera muna 2022.