tag:blogger.com,1999:blog-37147639064073267.post4867688896760177175..comments2024-03-11T03:53:10.122-07:00Comments on Mai Chibwe VekwaZimuto: Shamwari Dzechirume/chikadziMai E Chibwehttp://www.blogger.com/profile/07986876528814645005noreply@blogger.comBlogger2125tag:blogger.com,1999:blog-37147639064073267.post-9028447331099705752013-09-20T12:30:33.338-07:002013-09-20T12:30:33.338-07:00Munhu wese wese akaroorana noumwe munhu akaita sha...Munhu wese wese akaroorana noumwe munhu akaita shamwari isina kuti tasa anoziva kuti hushamwari hwake nomunhu iyeye hahuna kuti tasa saka anokasira kuvanza nyaya yacho.

Chinonetsa ndechokuti tese varume nevakadzi tikaziva kuti umwe wedu aita nyaya pachivande tinokasirawo kutanga kupopota tisati tanyatsohwisisa kuti zviri kufamba sei.

Chakanaka ndechokuti pamunoroorana rongai nyaya yenyu kuti chii chamunoda kuti muite, mese mogara maziva kuti kuita shamwari isingazikamwi noumwe chinhu chakaipa.

Iwewo ukaziva kuti umwe wako ane shamwari, tora foni yako usarudze umwe munhukadzi waunowirirana naye, kuti aite zita rechirume. Madaro chigarofonerana naye muchitaura nyaya kwenguva.

Murume akakubvunza kuti ndiyani auri kutaura naye womuudza kuti ndi John shamwari yangu yandinoona paLunch kubasa.

Chiterera kuti anoti kudii. Rega apedze kutaura, iwe wozomubvunzawo kuti ko nhingi waunotaura naye pafoni yako wakawanepi number yake uye munoshamwaridzana pakudii.

Uchahwisisa kuti kupopota kwake kunowedzera nokuti anoziva kutio dai ariye ane shamwarikadzi aitova achihura nayo ndizvo achikufungira kuti unohura neshamwari yako. Zvinoreva kuti ari kutohura neshamwari iyi. Kana pasina zvaari kuita anofunga kuti iwe hapana zvauri kuitawo neshamwari yako.

Tese tinofunga kuti zvatiri kuita kana tawana chanzi ndizvo zvinoita vamwe kana vawana chanzi. Mai E Chibwehttps://www.blogger.com/profile/07986876528814645005noreply@blogger.comtag:blogger.com,1999:blog-37147639064073267.post-8434792136086644182013-03-11T05:50:56.631-07:002013-03-11T05:50:56.631-07:00Maita basa Mai Chibwe,
ndinoziva hangu kuti post ...Maita basa Mai Chibwe,

ndinoziva hangu kuti post iyi ndeyakare asi i just recently discovered your blog.

inini ndine dambudziko nemurume wangu neshamwari yake yechisikana. ndakaona message mufone yake achimubvunza kuti aiitei, asi zita ranga riri rechikomana and i was not familiar with the name. ndakazoona massage yabviswa mufone manheru acho. i became suspicious ndikafona kunumber yacho ndikanzwa izwi riri rechikadzi.
i confronted murume wangu akati tingori shamwari, nothing else is going on.
i then contacted muskana wacho to get clarification nezve nature yeushamwari hwavo because ndaisanzwisisa why murume wangu was hiding hushamwari uhwu. we had a very short, civil conversation akanditi we are just friends, i see him as a brother, etc.

i asked murume wangu to stop communucating naye as it made me uncomfortable, but i later discovered he was on the fone naye manheru acho, apologising for kumufonera kwandanga ndaita.

ndakabva ndazvisiirawo ipapo as i had not much evidence. We have the same commute tiri vatatu naye musikana iyeye, and vanoshanda kusame area, for months vaionana on the bus and would only speak vese kana vaburuka inini ndapfuurira nebus.

they have since stopped communicating, as much as i can tell.
mubvunzo wangu ndewekuti zvinoita here kuti murume akaroora nemusikana arisingle vaite shamwari? uyezve nei murume wangu aivanza hushamwari hwacho? ndibatsireiwo, ndirikutadza kuita move on and start trusting him again.

Maita basaAnonymousnoreply@blogger.com