tag:blogger.com,1999:blog-37147639064073267.post6615828985538867047..comments2024-03-11T03:53:10.122-07:00Comments on Mai Chibwe VekwaZimuto: Kushaya hanya nemukadzi/murume wakoMai E Chibwehttp://www.blogger.com/profile/07986876528814645005noreply@blogger.comBlogger10125tag:blogger.com,1999:blog-37147639064073267.post-82939026191246160192014-01-16T11:56:42.772-08:002014-01-16T11:56:42.772-08:00Pane dzimwe nyaya dzokuti dzinoda ungwaru pakudzib...Pane dzimwe nyaya dzokuti dzinoda ungwaru pakudzibvunza kwacho. Dzimwezve dzinongoda kuti kana wadziona wochizama kudzichinja zvichibva nokuti iwe muridzi wochinja maitire ako kuti umwe wako agatevedzerawo kana aona kuti uri munhu ane rudo uye upenyu hwako ndehwakewo.

Unokwanisazve kuti watadza kubvunza asi uchiona kuti pane nyaya, womuudza kuti kana asingadi kukutsanangurira kuti chii chaipa uchakumbira mukuru wemhuri akubvunzire. Pane vanhu vasingadi nyaya dzavo kusvika kuvakuru saka pamwe anozokuudza. Poitazve vamwe vanofarira kuti chacho chiri kumudya moyo chibude pachena saka achada kuti ubvunze.

Pane zvese izvi iwe muridzi wake taridza rudo uye kuti uri kubvunza nokuti unoda kuti mese mufare. Zvokupopota kana kutuka munhu waunoona kuti ari kutotadza kutaura newe panyaya yaanayo hazvibatsiri. Zvinotowedzera kuti asakwanisa kukuudza. Mai E Chibwehttps://www.blogger.com/profile/07986876528814645005noreply@blogger.comtag:blogger.com,1999:blog-37147639064073267.post-77758309200639935532014-01-15T23:21:45.830-08:002014-01-15T23:21:45.830-08:00Ndingaite sei nemudiwa wamatsanangura pakushaya DE...Ndingaite sei nemudiwa wamatsanangura pakushaya DEVELOPMENT? Ndoedza kuvunza asi Anoona se ndinonetsa nekuti iye anoti everything is ok...Concernednoreply@blogger.comtag:blogger.com,1999:blog-37147639064073267.post-6676480109368339192013-08-20T14:22:22.606-07:002013-08-20T14:22:22.606-07:00Ndatenda hangu Ndatenda hangu Anonymousnoreply@blogger.comtag:blogger.com,1999:blog-37147639064073267.post-58480682245941729152013-08-17T12:59:17.236-07:002013-08-17T12:59:17.236-07:00Tanga wakumbira nguva yokutaura nomurume isina ano...Tanga wakumbira nguva yokutaura nomurume isina anokudhisitebhai. Kana pamba pasingaiti ndai kumwe kwakaita sokuhotera kana kuB&B and ku Travel Lodge mosiya mwana nomunhu anovimbika. Masvikako taurira murume wako kuti makore matatu awa wange uchihwa sei panyaya yokuroorana kwenyu. Wochitanga nokurondedzera zvechokwadi kuti mukomana wako wekare uyu sei ange achine nhamba yako yefoni uye kuti wakambomufonerawo here uye zvaita sei, chii chamaigarotaurirana.

Wapedza kutaura chokwadi chitaura zvawadzidza pamabatigwe aunoitwa nomurume wako. Muudzezve kuti unoziva kuti anokuda nokuti dai asingakudi dai musina kuita makore matatu. Chimutaurira maonero aunoita nyaya yenyu uye kuti muri kuendepi nayo.

Kana wapedza chipa murume mukana wekutaurawo zvaanofunga uye kuti muri kuendepi nomuchato wenyu.

Kana mabvumirana zvokuita chiporomisa kuzviita nomuyo wese uye kutenda murume nenguva yaakupa kuti utaure naye. Ratidzawo kuzvininipisa chinova ndicho chinhu chikuru chinoita kuti munhu akuregerere.

Zama kuti nyaya ipere musati madzoka kumba uye kuti munge manyorerana zvokuita kuti isazoitikazve. Unokwanisa kunge usina mhosva asi kungoti maonero emurume wako ndeekuti une mhosva pakuti uyo umwe aitoziva musi waunochata uku ane nhamba yako futi. Zama kuona zviri kuonekwa nomurume wako.

Kuti machengetana makore matatu zvinoreva kuti mune rudo pachenyu uye nyaya yenyu inogadzirika. Kana waitadza wega daidza umwe wevakuru kana PASTOR wenyu umukumbire atonge nyaya pasina kupomera murume mhosva. Ita zvokukumbira murume aone nemamwe maonero.

Mai E Chibwehttps://www.blogger.com/profile/07986876528814645005noreply@blogger.comtag:blogger.com,1999:blog-37147639064073267.post-15507043809991965642013-08-14T14:56:17.738-07:002013-08-14T14:56:17.738-07:00Married 3 years ago, One child. Nyaya tatinadzo as...Married 3 years ago, One child. Nyaya tatinadzo asi zuva nezuva ndokumbira regerero iye anoita sokuti ndiri diease chaiyo haana hanya neni. Pamba hapana mufaro. Chii chandingaita?

Ndakafonerwa ne X-boyfriend achiti "Wish you well in your marriage"

Anonymousnoreply@blogger.comtag:blogger.com,1999:blog-37147639064073267.post-21610344043609448452013-08-14T04:23:46.651-07:002013-08-14T04:23:46.651-07:00Nyaya yokuroorana zvisina bvumirano inyaya inokwan...Nyaya yokuroorana zvisina bvumirano inyaya inokwanisa kukura kusvika pakubvisa rudo pavaviri ava kusiya pava noruvengo. Asi ini ndoda kukukurdzira kufunga pnyaya yokuti mava nemakore maviri muri mese kureva kuti wakagamuchira chido chomukadzi wako kuti ave mukadzi wako. Dai waona zvakakodzera kuzama kudzosera rudo paari nokumuregerera pakukutizira kwaakaita musina kuwirirana.

Wamutaridza kwemakore maviri kuti kuita zvawafunga wega pasina bvumirano hazvivaki. Chimugarisa pasi mutaurirane kuti mofamba sei uye chii chamuri kuzoita muupenyu hwenyu.

Iyi nyaya yokuti munogara kunyika dzakasiyana haisi nyaya kwayo pamuri mese. Hamuwani mukana wekuvaka rudo gwenyu. Unodazve kutaura mese nehama dzako nedzake kuti zvakaitika zvakaitika zvisiri pamutemo uye munhu aimuraira haana kugona basa, asi zvisinei wava kuda hako mukadzi wako kuti upenyu hwenyu huve hune mufaro. Asi dai iyewo adzidza kuti zvinhu zvinoitwa pakutaurirana nokubvumirana. Mai E Chibwehttps://www.blogger.com/profile/07986876528814645005noreply@blogger.comtag:blogger.com,1999:blog-37147639064073267.post-29932793835856628432013-08-14T01:34:54.993-07:002013-08-14T01:34:54.993-07:00Ndinotenda zvikuru ndabatsirika ini ndiri umwe asi...Ndinotenda zvikuru ndabatsirika ini ndiri umwe asinganzwi mkadzi wake pamoyo. Izvi zvakakonzerwa nemuroorerano watakaita. Ndakatizirwa nemukadzi asina pamuviri. Kubva ipapo rudo rwakapera parizvino tave nemakore maviri tiri tose asi ini ndiri kune imwe nyika. Pandaibvunza kuti sei aiti "ndozviuraya". Saka ndiri mujeri rangu ndegaa.Asi maposts enyu andirapa zvikuru seiyi. Mandipindura ndingafare Anonymousnoreply@blogger.comtag:blogger.com,1999:blog-37147639064073267.post-33075019409394387682013-08-13T19:49:03.092-07:002013-08-13T19:49:03.092-07:00YahYahAnonymousnoreply@blogger.comtag:blogger.com,1999:blog-37147639064073267.post-36997701231942764912013-08-07T10:06:14.906-07:002013-08-07T10:06:14.906-07:00Ndinobvumirana newe pane zvese zvawataura asi kung...Ndinobvumirana newe pane zvese zvawataura asi kungotiwo wazisiya kutaura kuti kune varume vasina hanya nevakadzi vavo zvekare. Ngatitaure tine BALANCE panyaya kuti tese tiihwisise tigogadziridza patinogona napo.

Ndabvisa pawataura kwaunoshanda nokuti tinoda kuvakana kwete kuwedzera kupokana saka ndati pamwe mudzimai angazikamwa iwe wobva wazikamwazve nyaya yenyu yova yokutukana pane kugadzirisana. Unokwanisa kumuratidza zvawanyora paruzivo gwekuti hapana umwe munhu angakuzivai kubva pazvinyogwa izvi.
Mai E Chibwehttps://www.blogger.com/profile/07986876528814645005noreply@blogger.comtag:blogger.com,1999:blog-37147639064073267.post-32308056678307425382013-08-07T10:02:41.478-07:002013-08-07T10:02:41.478-07:00Ini ndinoona kuti pakutsvagana apa mazuvaano, vanh...Ini ndinoona kuti pakutsvagana apa mazuvaano, vanhu vaakutarisa zvisina basa panyaya dzerudo. Vamwe vaakuroorera nyaya dze mari vamwewo chimiro chemunhu asi pasina rudo chairo. ini ndakaroora mudzimai wangu ndichifunga kuti rudo asi taamumba, ndakazoona kuti haana hanya neni. zvese zvaanoita ndezvake chete. nezvangu handione se ane hanya. Ndinomboona semunhu akandibvuma kuti andishandise, awane zvaanoda nekuti kaakadva kwakange kusina hupenyu hwakareruka. Zvmwe akachiva basa rangu. Zveshuwa kune wakadzi vasina hanya nevamwe vavo. Anonymousnoreply@blogger.com