Kuneta Zvokutadza Rhoji.
Ndinowana mwadhi
dzakawanda dzichitaura nenyaya yokuti mukadzi/murume anoramba kuvata
nomurume/mukadzi wake iri ngari yokuneta, zvikuru pakati pevhiki basa
rakawanda. Kozoitazve mukadzi asingashandi anoudza murume anoshanda kuti
akaneta . Zvoita sokuti ari kushandisa nyaya yokuneta kuti arambe kuvata
nomurume chete. Nyaya idzi dzinokwanisa kukanganisa magarire evanhu mudzimba
asi kuri kusangohwisisana chete.
Zvinonetesa
Kune zvinhu zvakawanda pamusha zvinonetesa munhu kusvika
pakutadza kuvata noumwe wake. Zvizhinji zvacho hazvihwisiswi nomunhu asina
nguva nazvo, ndizvo tichizohwa oti mukadzi /murume wake kusangoda kuvata naye.
Mukadzi –Mai vemba.
Kana uri mai vemba, pane mabasa aunotarisigwa kuita zuva
nezuva akaita sokuti
Kuwadzira
mubhedha pamunomuka.
Kubika breakfast
Kugadzirira
vana kuti vaende kuchikoro pamwe kutoenda navo
Kusuka ndiro
Kuwacha hembhe
dzokupfeka
Kuaina hembhe
Kuenda kumagirosa
Kunotra vana
kuchikoro
Kuendesa vana
kuma kirabhu okutamba kana kudzidza zvimwe zvevana
Kubika masikati
Kusuka ndiro
Kutsvaira ruvazhe
Kusakurira nokudiridza
muriwo
Kubika zvokudya
zvemanheru
Kugezesa vana
Kuverengera
vana nokubatsira kuita homework yavo
yechikoro.
Kuterera
zvinotaugwa navana nokupindura mibvunzo yavo
Kubatsira vana
kuenda kunovata.
Kusuka ndiro
nepoto
Kugadzira ma
LUNCH Box evana neremurume.
Kugadzira
mvura yokugeza yomurume neyako.
Kugeza
Kuita nyaya
nomurume
Mabasa emunhukadzi pamba haaperi chero uri munhu akagwinya sei hako unngoswera umire uchiita basa chete. Ndiko kuhi mai vemba ikoko. Kana usingazvikwanisi murume anokasira kuona kuti hauzvikwanisi.
Pakunovata.
Apa ndipo paunozoona kuti uri kuda kuiswa chose asi muviri waneta asizve murume
ari kuda. Ndipo unongoona kuti nani kungorega murume akubatebate kusvika
wanyorova apa uchingomupawo hako manyawi asi uchihwa kuti muviri hauna simba.
Zvadaro wongofongora woisa musoro papiro worega murume achizvibatsira kuchiuno
shure uko iwe kungochemerera asi basa chairo hauna rokuita.
Movata henyu mangwana ndizvozvo futi.
Zvechikapa nokukwira murume zvangova zvokuita kamwe chete pavhiki kana vhiki mbiri.
Idambudziko guru chose zvokuti unopota uchizvibvunza kuti ma Smoro hausi aya
ane varume vatatu kana vana vanoti umwe anoisa manheru obva adzokera kumukadzi
wake, umwe woisa usiku ovatapo nokuti mukadzi wake anogara kune imwe Town, umwe
oisawo mangwanani uya weusiku aenda
kubasa, obva adzokera kundodhiraivha chovha yake. Umwe ozoisa masikati vaya
vamwe vachiri kumabasa. Iwe mukadzi wemumba wozvishaya kuti uyu muhure
anozviita sei.
Tikatarisa pakadai tinoona kuti muhure haana mabasa ese awa nokuti
anongozviriritira iye chete. Kungotsvaira Flat riya rinobhadhagwa RENT nevarume
ava. Kana ada kudya anohi enda ku Nandos,
saka ndiro haasuki, kubika haabiki, ma Lunch box anoitwa kudzimba dzevarume
vake saka iye haaiti.
Nhumbi
dzokupfeka anowacha dzake chete kuWashroom uye anomirira dzomboita dutu. Mabhurugwa anogara
asina nengari yokumirira kuiswa. Nhumbi dzevarume vaya dzinowachiwa nevakadzi vavo. Saka
basa chairo haana. Ndizvo achiwana simba rechikapa kuvarume vese ava, iwe
wemumba uchitadza kuitira murume umwe chete nokuneta. Hakusi kuti unenge usingadiwo kumbohwiswa pane moyo nomurume wako. Inyaya yokuwanda kwebasa uye kusahwisisa kwevarume vedu kuti mumba mune mabasa akawanda kudai.
Mukadzi wemba
anozowedzera kuneta kana achishandawo 8-5 sevamwe vemuINDUSTRY. Kubata ma lift
uchienda kubasa nokudzoka manheru uku wambokwizwakwizwa mazamu nemagaro pakupakirana
mudzichovha, zvigevenga zvekukwiza vakadzi zvinenge zvakatomirirawo chovha dzizere kuita musikahwa wazvo. Unosvika kumba wakatosvotwa nechekare, uku mabasa ese aya emumba
akakumirira kana wadzoka. Murume womuhwa achiudza shamwari dzake vachiita nyaya
pakusuka mota neSvondo kuti anoda mukadzi anopepeta murume nechiuno. Unongozviita musi umwe pavhiki. Mamwe mazuva kungofongorera
murume iota zvaanoda movata. Iwe chako hapana. Uyawo murume haachinei nokuti wanakigwa here kana kwete, chero iye akuisira urume kuti awane hope. Ukatoita zemo pazviri unonoka kubatwa nehope iye achitoridza magwiriri. Ndiyo REALITY yokuroorana muchishanda mese iyoyo.
Ukasaita hanya nokuzvigadzirisa munojaira upenyu hwakadai mopedzisira ume wenyu aratidza kusembugwa nemufungo wekuisana zvokuti uya ane simba nazvo anotanga kuona sokuti ari kunyimwa. Obva atsauka zhira yemuchato oita meso meso. Ukatarisa muraini renyu unotoona vamwe vari panyaya yakadai. Zvinohi ne WHO ONE THIRD yevanhu vakura zvokuda kuvata nevamwe vanhu uye vakaroorana noumwe munhu, vari kuhura. Zvoreva vanhu vakawanda.
Ma Arabhu vanoona kuti mukadzi munhu anoenda kumwedzi vhiki yese pamwedzi, uye munhu anoneta nebasa romumba, saka vanoroora vakadzi vakawanda kuti umwe akati akaneta murume oenda kunovata noumwe mukadzi. Chavanozokanganisa ndechokuti havadi kuhwa kuti mukadzi anomurume anogara akaneta aenda kunotsvaka murume ane simba rokuvata naye. Saka inyaya yokudzvanyirira vakadzi chete.
Vakadzi tiri nani hedu pakuti tinogona kungoti rabada murume oisa hake ega. Kana zvakuwandira nhasi, udza murume kuti shamwari ndakaneta asi kana uchida kuisa isa hako asi uri wega nhasi. Murume anoona ega chokuita. Pamwe anoti chivata tozoita kuseni.
Murume- baba
vemba.
Murume
mabasa avo pamba haana kuwanda asi murume anokwanisa kumuka kuchakasviba
ochovha bhasikoro rake achienda kubasa. Oita kana 8-15 km, osvikako oshanda
zuva rese akangomira. Adaro ochovhazve
bhasikoro rake achidzokera kumba. Osvika kwasviba iye abva kuchakasviba. Anosvikowana pamba hapana huni, magetsi
adzima. Okwirazve bhasikoro onanga kumusika kunotenga huni. Odzoka otungidza nyuzipepa kuti aone kutema
huni dziya.
Vana vakanovata mukadzi omuudza kuti Ferdinand
ambopfuura nepo achida mari yake yehuku dzatakatora mwedzi wapera. Ipapo nyama mumba hamuchina asi kunodiwa mari
yenyama yemwedzi wapera. Murume iota STRESS nokutadza kuriritira mhuri yake.
Mari yechikoro inodiwa vhiki inouya, Mununguna wake akafa akamusiira vana vatatu
vanopinda chikoro kumusha. Mari inodiwa hayo asi haina kufanana nemari yevake
vari kuBoarding SCHOOL. Asi Stress
inongoita zvakadaro. Murume umwe chete
hazvifaniri kuti aite vana vashanu vari kuchikoro
Kuzoti ageza
moda kunovata, samba rokurhoja mukadzi wake roita shoma. Munhu aneta nokuswera
akamira kubasa uye kuchovha bhasikoro.
Fungwa yave panhamo dzake dzemari. Uya mukdzi ageza aka zvipfapfaidza
nemafuta anonhuwirira avitarisira kurezvwa nokupiwa rudo, obva afunga kuti
murume akaneta nokuti ari kuhura noumwe mukadzi. Bopoto rodzvagwa ipapo. Musi warinozomera tinohwa mashoko
akawanda.
Murume munhu anotarisigwa kutaridza kuda kurhoja mukadzi wako saka iwe wega ukaita mazuva maviri usina chawamboita. unokwanisa kupa mukadzi wako fungwa dzakaipa. Kana wakaneta taurira mukadzi kuti wakaneta azive zvakunetesa. Wadaro hwisisa kuti kuneta kwako hakupedzi zemo rake saka mukumbire akukwire. Zvadaro iwe chirega akwire iwe wongoongorora maitire ake wakabatirirawo kuratidza kunakigwa. Wosamukoira kuti nguva yake irebewo. Paunozomupa zvinhu anenge aguta. Movata henyu.
Garai muchiziva kuti mese munoda zvokuisana asi dzimwe nguva muviri unokuudza wega kuti nhasi hazviiti. Zvikuru varume vedu ava vatakapiwa nomusiki wedu. Kana akaneta chose kuti amisire mukadzi wake chombo agoita zemo rinogara nguva inonakira mukadzi zvinomunetsa. Iwe mukadzi ndiwe unongozoudza murume kuti ngatichigumbatirana hedu tivate. tozozviona mangwana kwaedza.
Saka todii?
Ngatihwisise
tese kuti upenyu hwemazuvano hwakaoma saka kana taita vana tinofanira kuwana
mazano okuriritira vana vedu. Kana tikaongorora upenyu hwedu tikahwisisa
zvinonetesa tinokwanisa kubatsirana panyaya dzacho kuti pakunovata tinge tine samba
rokurhojana zvinonakira tese.
Toti mukadzi
haashandi murume anoshanda zvinonetesa. Mukadzi ngaaongorore mabasa ake kuti
agadzirenguva yake zvakanaka kuti asawanza kuneta. Anokwanisa kuwacha kaviri
pavhiki pane kuwacha mazuva ese. Anokwanisa dzidzsa vana kuzvigadzirira maLunch
box avo uye kuzvigezesa kana vati kurei.
Gadziridza
nguva dzako uwanewo nguva yokuita makuhwa nevavakidzani vako, ugowanazve nguva
yokutamba nomurume manheru.
Tarisazve
basa romurume wako uone paungakwanisa kumubatsira kuti kana auya kumba
asashanda mabasa akawanda anonetesa.
Usatanga
kufoya murume nenyaya dzokusada kurhojana newe. Ukamupa COMPLEX pazviri anotowedzera
madambudziko aanawo. Murume ndewekurezva nokukurudzira kuti aite. Kana
zvichikunetsa zama amire chombo, wobva wamuvatisa nomusana womukwira iwe
murudzi womushandisira chiuno kusvika apera urume uku chemererawo kuratidza
kunakigwa nazvo. Murume akada kukoira makadaro mudzivise umutaridze kuti
unoziva zvokuita.
Zvadaro tenda murume nokugona basa kwaanoita
kuti mangwana ukadazve kumukwira aone sezano rakanaka.
Kana wakaneta zviri zvokungonetawo zvanhasi, usati warambira murume tanga waongorora kuti iye zemo rake riri papi. Kana rakawanda zvokuti rinoda kutapudzwa, rezva murume kusvika iwe wanyorova. Zvadaru itai maitire asingadi simba rakawanda. Unokwanisa kuvata nedumbu wopatsanisa makumbo zvishoma wosimudzira chiuno. Murume anokutanyanga opinza chombo. Unotohwa kuti nyurududu chichipinda zvakadzika. Chimuudza aite zvisina ganyabvu kana sipidhi yakawanda. Kunaka kwazvo kunokwanisa kukupa simba rokujoinira pakukoigwa. Kana usina simba rega murume aite. Hazviiti kusachemerera nemaitire awa nokuti ukasimudza nokuderedza chiuno unobaiwa nokukwiziwa pausingasikwiziwi zvinova zvinonaka. Chikuru ndechokuti haudi simba rakawanda saka mese munonakigwa asi wakaneta.
Unokwanisazve kufongora murume okuita kusvika apedza iwe wakangofongora usina basa guru rawaita. Unokwanisazve kuvata nedivi wakafuratira murume, wosimudza gumbo murume wopinda. Wadaro wogonya kuti kuti murume anyatse kukoira ari shure. Muudze asamhanyamhanya nazvo aite zvinyoronyoro.
Zvinoreva kuti kana wakaneta unokwanisa kubvisa murume zemo. Asi iye kana akaneta pamwe hapana chaanokuita. Kuvatana mumba mukadzi ndiye MANAGER saka ndiye anoti zvikaipa anokanganisika iye. Varume vakakomboregwa kuti vanoita zvinoda miviri yavo kutipfuura.
Murume
Ukaona
mukadzi wako achingokuudza kuti zvokuvatana haadi nokuti akaneta, ongorora
maswerero ake uone paungamubatsira mabasa omumba. Kana waona pokumubatsira,
zviri nani ushande naye pane kumutorera basa racho zvinoita sokuti wafunga kuti
haasi kugona basa. Pakushanda naye bvunza maitire aanoda kuti basa riitwe. Uchaona kuti mukushanda mese munoita nyaya
mowedzera kushamwaridzana. Ndipo unopotawo uchimbomira basa wombopurudzira
mukadzi wako. Ukawana mukana wombomuudza nyaya dzokuti unomuda uye une rombo
rakanaka kuva nmukadzi akadai.
Uku kutsvaka kupa mukadzi manyawi. Usapopotera mukadzi kuti sei asingadi kuiswa
nokuti zvinodzivaidza fungwa dzake kusvika pakuti anoona sokuti unongomudira
kuisa chete. Akaita fungwa dzakadai unongozoona oti pakunovata ukada
anongovhura makumbo asi hana zvimwe zvaanoita saka zvangofanana nokuti dai
usina kupinza nokuti hauzivi kuti anakigwa here kana kwete.
Kana wakaneta pamwe chombo chinonoka kumira asi kana chamira rega mukadzi wako ashandise abve zemo. Pamwe zemo rinokupa simba wava mukati memukadzi zvokuti unotanga kukoirawo monakigwa mese. Pamwe unorega mukadzi oita basa ega. Chikuru kuwirirana nokuziva kuti muri kubatsirana.
Kuneta nguva dzese.
Ukaona umwe
wako akaneta nguva dzese, hwisisa kuti pamwe ane chigwere. Kune zvigwere
zvinopa kuneta nokushaisa samba. Enda naye andotesitwa aonekwe chikonzero. Pamwe
zvinongoda mapiritsi kuti dambudziko ripere. Pamwe pane maVITAMIN aasiri
kuwana. Nyaya yokuda kuvata naye ndiyo
nyaya inokwanisa kuratidza kuti ane dambudziko rinoda varapi.
Pamwezve
kana ange azvara mwana pasina kupera gore, zvinokwanisika kuti ane Dipression
asi pamwe haina kuwanda zvokuda kuenda kuchipatara. Batsiranai mudzokere
pautano mutanga nyaya dzokuvatana zvishoma nezvishoma mowedzera kusvika pamunogonera
mese.
Kutukanirana
nyaya yokuneta handizvo nokuti dzimwe nguva idambudziko rinotoda kuti
umubatsire kana kuti uende naye kuchipatara.
Ngatihwisisezve kuti kuneta kwemukadzi ane utano hwakakwana kunoitiswa nokusada kuvata nomurume wake iri ngari yokuti murume haasi kumugutsa kana kuti iye mukadzi ane chikomba kana kuti akanetawo zvechokwadi. Mukadzi anohura zvinomunetsa mufungwa kuhura kwake saka anowanzoderedza zemo romumba. Zvikuru kana achimhura murume wake pane chimwe chinhu.
Murumewo kuneta kunokwanisa kuitiswa nokuhura asi kazhinji murume akatanga kuhura anoonekwa nokuwedzera kuda kuvata nomukadzi wemumba, kwete kutanga kuti akaneta. Varume vanokavhira chihure nokuwedzera zviitwa zvemumba kuti mukadzi asafungira kuti pane chiri kuitika.
Maitire edu chihure akasiyana kuvakadzi nokuvarume zvikuru kana tange tisina kupokana zvinozikamwa pakati pedu. Saka usati wafungira umwe wako kuhura tanga wahwisisa kuti nyaya yako iri papi. Varume havanetsi kuziva kuti ari kuhura asi vakadzi vanonetsa. Mukadzi anohura anovanza chihure chake kupfuura murume anohura.
Kuneta mumba chinhu chinofanira kukasira kutaurirana pachiri nokuti chine nyaya dzakawanda dzinoti zviito, basa, chigwere. Usaiginowa munhu anogara akaneta kana kuzviiginowa iwe kana wapedza vhiki mbiri wakaneta.