Vamwene munhu akakosha chose. Vakawanda havakwanisi chose kugarisana navamwene. Ukaverenga mwadhi dzinosvika mubhokisi rangu unotoona kuti shuwa kune varoora vakawandisa vanofunga kuti vamwene munhu wekutogara kure naye. Kune madzimwenewo vanoshungurudza varoora vavo asi kazhinji muroora ndiye anozviita mazvikokota wepamusha paawana pane vanhu kare. Pane nyaya dzinoda kuhwisiswa usati watanga kugara omurume wako mutsva.
Ukatarisa paBhaibheri zvakataugwa naMWARI muna Genesis 2
ndima 24 zvakahi MURUME achasiya vabereki vake onamatirana nomukadzi wake
vaviri voita nyama imwe chete. Mutemo wakapiwa vanhu pakutanga kwemitemo imwe
yese.Takadaro tosvika mubhuku raMatiyo 19 ndima 5 tinohwa Mwanakomana otaurazve
nyaya iyoyo achishandisa mashoko iwawozve. Tobvapo tosvika mubhuku raVaEfeso muparidzi
Pouro otaurazve nenyaya iyoyo achishandisazve mashoko amwewo.
Zvino isu kurudzi gwedu tinoti mukadzi ndiye anosiya vabereki
vake otevera murume wake. Ukazvitarisa unoona
kuti ndipo panobva kunyongana ipapo. Kubatana kwamai nomwanakomana wavo kunonetsa
kubvisa kuzhe kwekuti iye ega azvitaurira kuti akura saka avakuda kubva pamusha
kuti anovaka musha wake ega nomukadzi wake.
Iwe somuroora ukasvika pamusha wemurume ukawana mai vake vachimubikira
musi wekutanga chaiwo munopokana chero zvenyu musingaudzani kuti mapokana. Mai
vanoda muroora asingavataridzi kuti basa rese ravanga vachiita kwemakore avakarera
mwana wavo rasvika parinoperera nokuti mukadzi wake avapo anozvikwanisa. Hakuna
munhu anoda kudzingwa basa. Mai vake vachazama kuchengetedza basa ravo nomoyo wose
iwe uchizama kuvatorera basa iri nomoyo wose. Saka mungasapokana sei?
Chikuru kutaridza rudo, Rudo gunokangamwira zvakaipa zvinoitika.
Chero ukatukwa, chero ukapopotegwa, chero ukaramwigwa zvawabika kana kuudzwa kuti
hazvinaki, usaora moyo kana kutaridza kutsamwa. Kumbira ruregerero chete wowedzera
zviito zvakanaka kwavari. Usakangamwa kuti vanenge vachikutesita kuti vaone
LIMIT yako futi.
Kuzvininipisa uchiziva chinangwa chako chinhu chakakosha.
Kana vakakuti ita ichi kana icho, bvunza kuti chinoitwa sei, chero uchitochigona
bvunza maitire vakuudze maitire avo ivo.
Wapedza bvunza kuti waita zvakanaka here? Wadaro nyora maitire
avo pasi kuti musi wavanouya kumba kwako uvaitirezve saizvozvo. Kutaridza kuda kudzidziswa
chinhu chikuru chinovapa basa idzva rokudzidzisa kuti ruzivo gwavo guite segune
basa. Muroora anoti asvika pamusha oda zvokutaridza kuti anogona ichi neicho
hakuna kwaari kuenda nomurume uyu. Vamwene munhu anofanira kubatwa noungwaru
kuitira mberi kana uchida upenyu hwakareba nomwana wavo.
,Kuzviitamwanakwavari.
Mwana haapinduri mubereki pakutsamwisana.
Mwana anokanganisa mubereki haakanganisi. Hwisisa PSYCHOLOGY yacho.
Mwana anokumbira ruregerero, mubereki anoregerera.
Mwana anotevera zvido zvevabereki mubereki anotungamirira mwana.
Mwana anodzidza, mubereki anodzidzsa
Mwana haapinduri mubereki pakutsamwisana.
Mwana anokanganisa mubereki haakanganisi. Hwisisa PSYCHOLOGY yacho.
Mwana anokumbira ruregerero, mubereki anoregerera.
Mwana anotevera zvido zvevabereki mubereki anotungamirira mwana.
Mwana anodzidza, mubereki anodzidzsa
Mwana anobvunza, mubereki anopindura.
Kana musi wamune mufaro nemerana navamwene vako pane vaenzi kuti
vaite manyawi newe.
Hwikwa uchitaura kuti wadzidza zvakawanda kubva kuna vamwene
vako.
“Mai musandirega ndichiita zvandakaita paya pakauya Mbuya
Mai Nhingi pandakatadza kuita chokuti nechokuti. Dai mange musipo ndaitoshaya chokubata
nokusaziva. Kana ndava neimba yangu motogara pedo nefoni ndigopota ndichibvunza.”
Kutaura zvakadai shamwari dzavo nehama
dziripo kuti vahwe kudadiswa nokudzidzisa muroora wavo. Taridza kufara kuti una
mai vanogona kuva mai. Hazvinei kuti wakadzidza kana kuti mai vako vokubereka vakakudzidzisa
zvese izvi nyebera kuti wange wakangamwa.
Vamwene vakagwara pamusha hwisisa kuti ndiwe munhu wokutanga
anofungigwa uroi saka kana wange uchizviita mazvikokota wepamusha hakuna
anokununura. Kana wange uri munhu akazvininipisa, vamwe vepamusha vanokubatsira.
Iwe muroora chiona kuti wotomiramira kuita nesi wavo kusvika vava nani.
Mai vemurume munhu wekushamwaridzana naye nomoyo wose. Unovabvunza
zvinhu zviri SECRET kuti vaite shamwari yako yepamoyo. Unoterera zvavanokuraira
kuti ugare uri mwana wavo. Kana ukatukana nomurume wako, enda unobvunza mai
kuti zvoitwa sei asi vaudze kuti mwana wavo unomuda, unomukudza, unoda kuti
afare mumba. Kana muchida kuronga mhuri yenyu enda ubvunze vamwene kuti
zvaunofunga ndizvo here. Hwisisa kuti ndivo vachashusha mwana wavo kana
wanonoka kuita mimba. Hwisisazve kuti vanoda kuziva kuti mwana wavo anozvarisa
here, sezvinongoitawo mai vako kuda kuziva kuti uchaita mimba riini. Rega
vakupe mazano.
“Mai mungandibatsirawo here kufunga. Ndaitaura nomurume wangu
kuti dai tambomira kuita mwana kusvika ndapedza kosi yandiri kuita inopera gore
rinouya. Tipeiwo mazano nemafungire enyu. Mari yatinokwanisa kuwana haikwani
ini ndichiri kuchikoro.”
Unobvunza muri vaviri chete pasina umwe munhu. Unohwa vokutaurira
zvakadzama zviri mufungwa dzavo nokuda kwekuti wataridza kusununguka kuvabvunza
OPINION yavo panyaya dziri Intimate.
Bvunza mafungire avo pazvinhu zvinovaka musha. Kana
ukatsamwisana nomurume, Bvunza vamwene nechibhende kuti woita sei. Chero uchiziva
zvokuta bvunza chete. Vanokuudza mafungire avo. Kana magadzirisana vaudze kuti
Advice yavo inoshanda.
Wana mukana wekuudza vamwene kuti murume wako unomuda zvisingaiti.
Bvunza mai vake zvinhu zvanodiwa nomurume wako.
Mai ava ndivo KEY yokumhuri yese yemurume wako. Kana ukahwisisana
navo watova munhu anogamuchigwa kwese. Svika pakuti kana pane vanhu iwe navamwene
munokwanisa kungotaurirana nemaziso chete pasina shoko rabuda muchihwisisana nokuti
munozivana. Kwese uko kune dzimwe hama kunosvikwa nomuna vamwene.
Chikuru chinokanganisa ukama kuonekwa somunhu anodada kana
kuzviona souri pamusoro pavo. Kudzidza pa ACADEMIC EDUCATION hazvirevi chinhu
kana usina kudzidza pa SOCIAL EDUCATION. Kana uri munhu uya anofunga kuti vanhu vakuru vese havana kuchenjera sewe uye vanhu vasina kudzidza vanotarisigwa pasi, uchagara upenyu hune matambudziko. Munhu akadzidza munhu anokwanisa kuita naya nevanhu vakawanda kupfuura asina kudzidza, uye kutaudzana nevana vadiki, vanhu vakuru, vanhukadzi, vanhurume, chembere, vadhara, hama, shamwari. Kudzidza chinhu chakanaka chose asi ukasachibata zvakanaka chinokuitira chinhu chakaipa. Hwisisazve kuti mai ava ndivo vakaita njere dzokudzidzisa iyeyo wauri kuti murume wako. Chivapawo rukudzo pane zvavakakuitira.
Ndichadawo kumbotaura naana vamwene pakugamuchira varoora vavo.
Ndichadawo kumbotaura naana vamwene pakugamuchira varoora vavo.
Udzai Vamwe!!!!!!