Kunonoka/kutadza
kudiridzira mukadzi
Takambotaura ne nyaya iyi tichiti varume dai mambozamawo kuwedzera nguva yamunopedza muri mukati mevakadzi venyu pakurhojana mudzimba dzenyu, kuti vakadzi vawenewo mukana wekunakigwa nebasa iri roupenyu. Zvino paita mubvunzo wekuti iwo tingagadzirisa sei nyaya yokuti kune varume vashomanana vane dambudziko rokuti pakurhoja havasviki pachinhanho chokupedza. Tichiti kupedza toreva kubudisa urume. Zvadaro zvoreva kuti vese murume nomukadzi vanoshaya hope nazvo nokuti murume anongoramba akamira chombo. Tobvunza kuti zvinoitiswa nei uye zvinogadziriswa sei. Chokutanga hwisisa kuti dambudziko iri riri kunyika dzese saka hakusi kuti wakaroiwa. Zvikonzero zvacho zvinozikamwa uye kana ukada kuzvigadzirisa unokwanisa kuzvigadzirisa kana mabatsirana nomukadzi.
Pamhomho yevarume munyika dzese pane varume vanosvika paumwe chete pavarume churu (1 in 1000) vasingakwanisi kudiridzira mukadzi pakurhojana mumba. Varume vakawanda vanoti ivo kana akapinza chombo mumukadzi wake vakatanga kukoirana, mukadzi oita orgasm yake pamaminitsi manomwe kana masere, murume iota maminitsi ari pakati pemapfumbamwe negumi nerimwe obva adiridzira mukadzi. Kana murume achizivi kuti mukadzi wake anonoka kana kukasira, anongomirirawo saizvozvo. Asi kana ari murume asingakwanisi kudiridzira, anokubata agokukoira kusvika waguta, agoramba achingoenda kusvika wagutazve agoramba achingonda chombo chakangoti twii.
Kwahi noumwe mukadzi wekubasa kwedu, "Musi we kutanga ndakafunga kuti ndawana murume chaiye. Ndakamuka muviri wese uchigwadza ndavata ndichingorhojewa. Musi wechipiri ndakafunga kuti andimwira VIAGRA. asi ndakazoona zvichingorizvo nguva dzese, ipapo iye haatombopedzi."

Saka tinoona kuti mukadzi anotanga achifarira kuti murume anongovatira kurhoja asi zvinozosvika pakuti anodawo kuti murume wake amupewo urume kuratidza kuti anakigwa
Koitazve vamwe vaya vasina hanya nomukadzi vanongoti kupinza otodiridzira. Ava vakawanda chose pane vanotadza kudiridzira, uye vanowanzokonzera vakadzi vavo kutsaka chihure, iri ngari yokusagutswa mumba.

Kune vakadzi vasina havo hanya nokusadiridzigwa asi vashoma,
iri ngari yokuti fungwa dzomunhukadzi dzinoona sokuti kana murume adiridzira
zvoreva kuti anakigwa saka afarira kuvata naye mukadzi. Hino kana makoirana
kwenguva yakareba inopfuura maminitsi makumi matatu murume pasina zvaabudisa
akakupa, zvoita sokuti aunaki kana kuti murume haakudi. Saka zvikazoramba
zvongoitika mukadzi oruza CONFIDENCE pakunaka kwake zvounza mamwe matambudziko
mumba.
Varume panyaya yokudiridzira vane mabato akawanda anoti:
1 Murume anorhojana nomukadzi wake zvinonakira vese
odiridzira kwapera maminitsi oda kusvika kana kupfuura gumi.
2 Murume anorhojana nomukadzi wake zvinonakira vese
odiridzira kwapera maminitsi oda kusvika kana kupfuura gumi, asi urume hwake
hwoti pakubuda hworasika hwokwira kuno kumusoro kwemachunhu ehurume pane
kudzira kunobuda muchombo kunopinda mumukadzi
3 Murume anorhojana nomukadzi wake zvinongonakira iye odiridzira achangopinza chombo mukadzi asati anakigwa kana kubva zemo.
4 Murume anorhojana nomukadzi wake asi otadza kudiridzira zvachose zvokuti chombo chinongoramba chakamira kureva kuti ane zemo, asi hapana chinobuda kwenguva yakareba. Varume vakadai vane mhando dzinoti
Pamwe anozodiridzira hake asi vese vatambura
Murume haatombobudi kana chinhu.
Murume anongotadza kubuda urume kana ane mukadzi/hure wake asi kana ari ega achishandisa maoko haana dambudziko.
Murume haatombobudi kana chinhu.
Murume anongotadza kubuda urume kana ane mukadzi/hure wake asi kana ari ega achishandisa maoko haana dambudziko.
Maonere eMukadzi
Mukadzi anoongorora nyaya kubva paaizivira. Kana akasangana
nomurume ane rimwe rematambudziko awa, anokwanisa kukasira kuziva kuti pane
dambudziko zvichibva nokuti iye akabva nepi. Kana vese mukadzi nomurume
vakambosangana nevamwe vanhu, zvinoreva kuti vanoziva mafambire anofanira kunge
achiita zvinhu. Kana murume waanaye ari munhu anoti pakunovata nguva yakarebesa
asina kupedza kana kutadza kupedza, mukadzi anokwanisa kungofunga kuti ndiwo
mafambire ezvinhu, kana ariye murume wake wekutanga.
Asi vakadzi vashoma vangagara nguva refu vasina kuhwisisa
kuti kusabuda urume chinhu chiri kuvarume vese. Saka kana zvaonekwa navo vese
kuti pane nyaya, chikuru ndechokukasira kutaurirana kuti mese muone zvokuita
panyaya yenyu.
Vakadzi tinofarira kupiwa urume pakurhojana nomurume. Kuti
wavhurira murume ukapiwa nguva chombo chirimo wopedzisira usina kudiridzigwa
zvinoita sokuti watadza kunakira murume.
Mukadzi anokwanisa kutanga achifarira chose kuvata achingorhojewa iri ngari yokunakigwa nenguva refu chombo chiri mukati, asi nenguva anozotanga kungodawo murume anomupa urume nguva dzese. Kunozoitazve nguva yokuti mukadzi anoda mwana. Kana mabvumirana kuita mwana asi murume oramba achitadza kupamukadzi urume kuti aite mimba, zvinokwanisa kushungurudza mese.
Varume vanofanira kuhwisisa kuti vakadzi vakawanda zvokurhojewa nguva nenguva vanozvifarira chose asi kupiwa urume chinhu chinoratidza kuti mukadzi anodiwa. Kana pasina urume mukadzi anotanga kufunganya. Pamwe anopedzisira asisadi kuvata nomurume kuri kutya kuhi haagoni basa.
Zvinokonzeresa
murume kusadiridzira
Kune zvakawanda zvinitisa kuti murume asabuda urume.
Ngatitange nomurume anoti kana ari ega anobuda urume asi kana ava nomukadzi
haabudi. Zvimwe zvacho zvinokonzera nyaya iyi ndeizvi:
·
Murume akakura mumhuri inorambidza zvakawanda
Murume akakura mumhuri inorambidza zvakawanda
·
Murume ane maitire okuda kubata vamwe vanhu
senhapwa (controlling nature)
·
Murume anotyiswa nechitubu chomukadzi kana kuona
sokuti chine tsvina
·
Murume anotya kupa mukadzi mimba.
·
Murume ane chaanomhura pavanhukadzi vese zvavo
·
Murume anofarira vanhurume kupfuura vanhukadzi
Hazvikonzereswi nokusagona basa kwemukadzi. Zviri mufungwa dzemurume chete chete.
Hazvikonzereswi nokusagona basa kwemukadzi. Zviri mufungwa dzemurume chete chete.
Zvinorapika
here?
Tichitarisa tinoona kuti matambudziko awa ese ari mufungwa
dzomurume saka kuti zvigadzirike murume anofanira kutanga ahwisisa kuti
chikonzero chacho chii. Adaro anofanira kubatsirana nomukadzi wake kuti vagaries
nyaya yavo nokukasira.
Kugadzira nyaya iyi hakuna mushonga unozikamwa
ungashandiswa. Kunyika dzakaita seAmerica ne Europe kana mukadzi nomurume
vabvumirana kuti vanoda kuzvigadzirisa, vanoenda ku Counselling kundoongorora
kuti chikonzero chaicho chiri papi mufungwa yomurume. Zvadaro vozama kubvisa chikonzero. (Not a physical cause but a psychological cause)
Zvatambotaura kuti nyaya iti iri mufungwa yomurume uye mafungire ake pamukadzi wake. Zvinoreva kuti kana akakwanisa kuchinja mafungire ake anokwanisa kuchinja maitire ake, zvikuru kana ahwisisa kuti mukadzi wake munhu anodawo kuti zvinhu zvichinje asi anomuda.

Pandaitaura noumwe Counsellor panyaya iyi ndakaudzwa kuti
pane vamwe mukadzi nomurume vaakamboongorora nyaya yavo ikagadzirika asi
zvakange zvaonekwa kuti murume ange achiti mukadzi asipo osweroona mavhidiyo
epono achiona vakadzi nevarume vachivatana zvaasingagoni kuita nomukadzi wake.
Saka aibva aona sokuti mukadzi wake haasi kuguta kusvika pakutadza
kumudiridzira. Pazvakangozikamwa chikonzero akarega kuona mavhidhiyo awa akabva
atanga kudiridzra mukadzi wake nenguva kwayo. Kwahi umwe noumwe ane chikonzero
chiri kumuitisa kutadza kudiridzira mukadzi. Kana aimbodiridzira zvakanaka
anofanira kutarisa kuti kuzotadza kwakatanga riini uye kuti chii change
chachinja panguva iyoyo.
Kunevaya vane urume hunorasika pakubuda hwonanga kusiriko,
kasira kundoona chiremba utsanangure kuti zviri kufamba sei.
Kune mukadzi anoda mwana asi murume asiri kumupa urume,
munokwanisa kuti murume oshandisa maoko mukadzi ari pedo, panotanga kubuda urume
mukadzi ovhura ogamuchira urume. Vamwe vanoburisira urume muchikapu che
plastic, mobva maronga yokukasira kuhuisa mukati memukadzi asi musashandisa
zvinhu zvinokuvadza. Munokwanisa kushandisa SYRINGE. Munofanira kukasira kuisa
urume muchitubu huchiri kupisa.
Zvimwe
zvenyaya idzi.
Nyaya idzi hadzisi nyaya dzokuti kana yaitika mumba menyu umwe
wotanga kupaparika achipumha umwe chihure kana kuti kuroya. Inyaya indoda kuti
mese muhwisise kuti kana mukagadzikana hana munokwanisa kubatsirana. Murume
munhu anokoshesa chombo chake zvokuti fungwa yake ikangofunga kuti pane
chakanganisika pachiri zvimwe zvese zvaanoda kuita zvinokanganisika. Vedu
vechiZimba ndipo vanokasira kufunga kuti akaroiwa nomukadzi obva ada kudzinga
mukadzi asi nyaya ichitoda mukadzi wacho kuti igadzirike. Kana ange ambovata nehure anobva afunga kuti pane chimushonga chashandiswa nehure riya obva afunganya nazvo. Pakufunganya paya nyaya yotowedzera. Mukadzi wakewo pakuzviona ofungawo kuti pane zvaitwa nomurume. Vese vopedzisira vowedzera kukanganisa upenyu hwavo izvo bodo, nyaya inogadzirika kana vakataurirana zvakanaka.
Mukadziwo akangofunga kuti ari kutadza kugutsa murume onobva
akanganisa dzimwe nyaya dzese dzange dzakanaka pauviri hwavo. Vedu vechiZimba
vanokwanisa kufunga kunotsvakira murume mushonga wekuti amude izvo murume
anotomuda nechekare, iye mukadzi ndiye ava kutokanganisa rudo. Nyaya idzi
dzinoda kutaurirana zviri pachena. Mukadzi woudza murume maonere ake pazviri.
Murumewo obuda pachena kuti chii chaanofunga kuti chiri
kukonzera nyaya iyi. Kana achiziva kuti anokwanisa kubudisa urume kana ari ega,
ngaaudze mukadzi kuti urume anahwo saka changosara ndechokuti hwubude kana ari
mukati memukadzi. Pakuudzwa izvi mukadzi ngaasagumbuka kana kufunga kuti ndiye
akonzera. Ngaaudze murume kuti achamubatsira kugadzirisa nyaya kuti vese
vafare. Kana zvichida kuti vanoona
COUNSELLOR voronga vese voenda. Rudo chinhu chikuru.
Hwisisai kuti pamunozoona zvoitika murume anenge agara nazvo
mufungwa kwenguva yakareba saka musafunga kuti zvinongobviswa nenguva shoma. Kuzvininipisa
pauviri hwenyu chinhu chakanaka.
Nyaya inobuda pachena ndeyokuti kukasirira mukadzi hakuiti. Kunotadza kupedza zemo kumukadzi.
Kunonokera mukadzi kusvika nguva yarebesa hakuiti futi asi zvinongoitwa nevarume vashomanana.Kana zvakuwira iwe mumba inyaya huru.
Verengazve apa pakahi "murume asina urume"
Udzai Vamwe!!!!!