-------------------------------------------------------------------------------------------------------------
Kurambana kwevakaroorana kunokwira chose kana vagara makore
anoita manomwe kusvika pagumi. Vazhinji vanorambana ndipo pavanorambana ipapo
panguva iyi. Hazvina kunyatsobuda kuti chikonzero chacho chii asi zvinoonekwa
sokuti ndiyo nguva yavanenge vane vana
vadiki vaviri kana vatatu.
Kana mhuri ine vana vechidiki vakadai, baba namai mumba
vanoita mabasa akawanda kuti variritire mhuri yavo. Zvikuru mai vemba vanoswera
nevana, voita manheru navo futi. Kuneta uku kunoita kuti vashaye nguva yakanaka
nomurume wavo. Zvikashaya anobatsira kugadzirisa, uyewo murume akava munhu
asinganatsi kuona zviri kuitik mumba make, zvinokwanisika kuti kurezvana
kwamasiita kare kuya kunopera musingaoni kuti kwapera.
Kuzoti pepu moona umwe ava uko umwe uku, hamuchataudzani ,
mofunga kuti rudo hapachina, Kazhinji murume anotanga chihure. Varume
akangofunga kuti mukadzi haasi kuvhura makumbo zvakakwana, hoyo onanga kumahure
emuraini. Nyaya yenyu yemhuri yese yatokanganisika uye haichagadziriki.
Ukuwo mukadzi akangofunga kuti murume ari kuhura, otoona
sokuti asaririra. Kune vakadzi vanofunga kuti kuhura kana murume ahura
kunogadzirisa nyaya dzemumba. Zvinohi tafanana saka hapachina anokwanisa
kupopotera umwe. Kwahi iwe wakanakigwa nehure iniwo ndikanakigwa nechikomba
saka ini ndikakuregerera iwe unofanira kundiregererawo. Hazvifambi saizvozvo.
Muhume uya anohura anobva atoona sokuti awana mukana wekuramba mukadzi kuti
adanane nehure zviri pachena. Zvikuru kana hure risina vana richingoti chero
parahi bvisa bhurugwa robvisa.
Kana mazorambana, munorambana zvine hasha chose mukati
nokuti umwe noumwe anenge asingadi kuregerera umwe kuti nyaya ipera mutange kudananazve.
Zvadaro imi munganakigwa henyu nokuhura kwenyu asi vana ndivo vane dambudziko
guro rokuti upenyu hwavo hwatosiyana.
Ndipo pane nyaya yedu iyi yokuti mukadzi arambwa anobva
oenda kumusha kwake osiya vana pamurume. Zvinoitigwa kuti awane mukana wekuhura
zvakanana , kana kuti ashaise murume mukana wekuhura, kana kuti kuti atadzise
murume kuenda kubasa zvisinei kuti iye haasi kushanda. Kana achishanda murume
asingashandi, chinhu chakanaka kusiya vana nomurume kuitira kuti ape murume
mari yokurera vana nayo.
Asi varume verudzi gwedu kurera vana pasina mukadzi havadi.
Kugona vanogona havo asi vazhinji vavo havadi. Saka unozoona kuti maitire avo
haana kodzero kuvana.
Totanga nomuadzi anosiya vana pamba kuti munhu akaita sei.
Maitire evanhu verudzi gwedu ndeekuti mukadzi ndiye anorera vana. Hazvinei kuti
anoshanda here kana kuti haashandi. Kana arambwa anobvapo nevana vake oenda
kwake. Murume kana achida kuona vana ndiye anotevera kwakaenda mukadzi zvisinei
kuti ari kumusha kwake here kana kuti kuchikomba chake.
Kusiya vana zvinoratidza munhu asina hanya nevana vake.
Mhomho yese inozviona inomhura mai vakadai kuti munhu asina kodzero yokuva mai
vevana. Tichitarisa tinoona vakadzi vakawandisa vanogara pamurume asingamudi
zvachose asi achigarira vana vake. Ingari yokuti anohwa kushushikana pakuva
achisiya vana vake.
Kana uchishanda usina nguva yokurera vana vako murume asipo,
savaya vanochinjana kuti murume oshanda masikati, mukadzi oshanda usiku kuti
vana vave nomuereki panguva dzese, kana mukarambana mai vevana enda nevana kana
kuti murume okusiyai muma oenda hake kuhure rake. Zvadaro tsvaka anobikira vana
asi gara nevana vako.
Kana ukabva pamba ukasiya vana, murume akatora hure akaisa
mumba, haungazivi zvinoitika kuvana vako. Kana ukabva nevana vako,
zvinokwanisika kuti unohura hako asi unohurira kuzhe kwemusha wauri kugara.
Vashoma vakadzi vane vana vanounza chikoma mumba mune vana. Varume ndivo vasina
hanya nokutiunza hure pane vana.
Saka apa tiri kuti dai zvaikwanisika gara nevana vako
kusvika vava vanhu vakura zvokukwanisa kuzviriritira, toti makore 16
zvichikwira.
Vana havafaniri kushandiswa kudzwanyirirana pakati pemurume nomukadzi. Kana musisadanani, hazvirevi kuti hamuchisina vana. Zvinoreva kuti matofanira kuwedzera kushandira pamwe kurera vana venyu. Ukaramwira murume vana kuti achitadza kuenda kubasa, zvoreva kuti svimari sviya zvaanga achiti svimwe kumba svimwe kuhure hakuchina svichasvika kuvana venyu.
Kana tatsamwisana isu ngatisawedzera nhamo yevana.
----------------------------------------------------------
Tongai tihwe vanohwisisa nyaya iyi. Pane vanodawo kupiwa mazano pairi.