Kana uchifamba gwendo zvisinei kuti uri kuendepi pano pa Easter, hwisisa kuti kune vakawanda chose vari kumwa doro kana kusvuta mbanje vachidhiraivha mota dzavo. koitawo vamwe vanodhiraivha mabhazi azere vanhu asi moyo yavo isiri pachinangwa chikuru chokusvitsa vanhu kwavanoenda.
Kana uri mubhazi, mumota, kana muGonyeti, kana mungoro, kana ndege. zama kuti dhiraivha asamhanyisa mudziyo uye atarise kwamuri kuenda. Vamwe muri pamugwagwa kwenguva refu muchibva kune dzimwe nyika. Potai muchozorora veduwee. Kana ari kumwa doro mumota. muudze amire uburuke.
Ngatisahwa nyaya yenjodzi pazoro reEASTER iri rinova zororo rakanaka rezvipo zvoupenyu. Haisi nguva yokuurayana.
Famba zvakanaka kuenda nokudzoka.
Saturday, 31 March 2018
Makakatanwa mukadzi negero remurume
Nyaya iri pano yabva pamubvunzo wekuti "Ndoita sei kuti
murume wangu adzoke kumba kubva kuSmaro hausi kwaanopota achienda? "
Mubvunzo uyu unotaridza kuti mukadzi anoziva kuti murume wake ari kuhura asi
anoona sokuti pane zvaanokwanisa kuita kuti murume arege kuenda kuhure
rake.
Mafungire awa anobva pakufunga
kuti umwe wangu pane zvandakaita zvakaitisa kuti atange kuhura saka zvinoreva
kuti pane zvandinokwanisa kuita kuti asahura. Zvinotaridza kuti mukadzi
anofunga kuti kuhura kwemurume wake kwaitiswa nezviito zvake.
Tichitarisa mafungire awa
tinofanira kuzvibvunza kuti maitire api angakonzera kuti murume wako atange
kuhura iye ange asina hanya nokuhura. Ngatimbofunga kuti chii
chingakonzera murume asingadi kuhura kuti atange kuhura.
1 Kushaya rudo mumba: Vanhu vakawandisa,
zvese varume nevakadzi vanoshurikigwa nokushaya rudo mumba. Tinozivazve kuti
ndicho chikonzero chikuru chinohurisa vanhukadzi. Kune varumewo
vanomboshinga nokukudza muchato asi kana mumba musina rudo, anongopedzisira
apoya. Kupoya kwake kunobva pakuudza shamwarikadzi nhamo yake. Uya nyakuudzwa
kana asinawo murume anotanga achipa munhu zheve, opedzisira ava kupa munhu zvimwe
zvakawanda. Kana uchifunga kuti hapana anokuda, ukawana umwe munhu anokutaridza
rudo, muedzo uripo wekuti uterere zvaanokukurudzira kuita wakakura. Saka kusapa
murume rudo kunokwanisa kukonzera kuti azopoya.
2 Kusaremekedza zviitiko zvemumba: Kubvisa denga remba kuti vanhu
vese vaone zvamuri, kunokonzera kuti murume achirega kukuudza zviri pamoyo pake
uye zvaari kuita kana usipo. Anenge achitya kuti akakuudza, iwe woenda pa
WATSAPP wotanga kuudza shamwari dzako idzowo dzoudza shamwari dzadzo, murume
ozosara kufamba enge munhu asina kusimira. Kana murume akatanga kusakuudza
zvinhu, zvoreva kuti COMMUNICATION yenyu yadzikira. Iwewo ukahwisisa kuti murume
haasi kukudza, ucharegawo kumuudza mopedzisira musisaudzani. Kuva mumba
nomurume kunoda chose kuti muve shamwari neshamwari pakati penyu. Kana musiri
kushamwaridzana chasara pakati penyu chii. Zvese zvasara zvinobhowa kuzviita
saka ari kupa murume wako EXCITEMENT ndiani?
3 Kusaterera murume achishora zviito zvako. Murume haatangi
nokushora zviri pachena, zvikuru kana muchishamwaridzana. Anotanga kutaura
nechibhende kuti uterere uite zvaari kuona zvakaipa. Sokuti hausi kugeza
zvakanaka, uru kundovata muviri une hwema. Murume anokwanisa kukutaridza kuti
pane chakaipa. Iwe ukazviita sezvisina mature, hapana chaunohwisisa. Munhu gara
uchipa murume wako zheve kuti ataure zvaanoda iwe uchiterera uchiita zvaanoreva.
4 Kuzvipa kumurume wako. Kana une murume, hwisisa kuti mava vaviri
mumba. Zvinangwa zvenyu ngazviwane
pazvinosangana zuva nezuva. Unofanira kuhwisisa kuti pakunovata muviri wako
ndewemurume wako. Wakewo ndewako. Hwisisa kuti munokwanisa chose kusiyana
pakuda kwenyu kuisana. Kana ukaona sokuti murume wako anofarira kuvata newe
zvakawandisa kupfuura zvaunofunga kuti anofanira kuda, wana mukana wekuti
murume avate newe paadira kwete kutanga kufunga nezvaunoda iwe.
Hwisisa kuti muviri wemunhu unoita zvaanoda kuti aite. Kana
ukatanga kwedzera kuvata nomurume wako, muviri wako unotangawo kuda kuvata
nomurume zvakawedzera. Hakuna munhu anoroorana nomurume agowana kuti vese
vakaenzana pakuda kwa vo kuvatana. Kuti musapokana panyaya iyi iwe mukadzi ndiwe
unoita zvinoda murume. Kana ari munhu
asingadi zvikuwanza kuvata newe, wana mukana wekuenzanisana naye.
5 Tsika yokunyima murume: Pane vane tsika yokuti mukatukana mumba mukadzi ofundumwara vhiki yese achivata akafuratira murume. Maitire akadai anokonzera kuti mumba mushaye mufaro nguva refu. Kana murume akakutsamwisa pane zvaataura, inyaya yefungwa kwete yomuviri. Muviri ngauvhugwe murume akutaridze kusafara kwake newe. Garitdza murume kuti ndiwe mukadzi mumba. Uchazoona kuti musi waanotsamwawo haakufuratiri vhiki yese. Hakuna kutsamwirana kunosvika kuBEDROOM. Kana monovata siya nyaya dzese kuKICHENI uko wogeza semazuva ese woisira murume mvura yokugeza, mupinda mumubhedha wenyu. Kana murume achakakutsamwira iwe ndiwe unotanga kumutaudza, kwete kumirira kuti iye ataure.
Asizve kune varume vanofunga kuti mukadzi ane mimba haavatwi naye. Iwe tsanangurira murume wako. Kana une mimba ukasavatwa newe, uchanetseka chose pakuzvara. Kugaroiswa une mimba zvinobatsira pakuzvara uye zvinokudzivirira kubata zvigwere zvakati wandei. Hapana chakaipa kuisana chero kwasara vhiki kana mazuva maviri kuti uzvare. Munongoona kuti maitire enyu murume haakutsimbiriri dumbu. Mimba inodzivaidza asi kana murume wako aripo achigaroisana newe, zvinoita nani.
6 Kubika mumba: Hwisisa zvaigarobikwa namai vake ugokwanisawo kugarozvibikira murume. Kune varoora vakawandisa vanotadza kuhwisisa nyaya yokugara pedo namai vemurume pamafungire. Muchato wako kazhinji uri mumaoko amai vemurume wako. Kana ukahwisis kuti mai ava vanofungei pamusoro pevana vavo, uchahwisisa kuti chii chakanakira murume wako.
7 Nyaya dzemari mumba: Kana usina kumboita BUDGET yemumba, usabvuma kuchata nomurume. Mukadzi ava munhu mukuru anofanira kuhwisisa nyaya yokushandisa nokuchengetedza mari mumba. Nyaya iyi ndiyo nyaya yamunofanira kubvumirana pairi musati maroorana. Kana mukomana wako ari munhu anoda kuita BUDGET ega. usbvuma kuroorana naye nokuti uchanetseka naye. Iwewo usatora mari mumba uchinopa hama dzako murume asingazivi. Usatenga zvinhu zvisina maturo murume asingazivi. Usatenga zvinhu zvisina kunyogwa paBUDGET yenyu uchishandisa mari iri paBUDGET. Kana pane chawada kutenga tanga wachengetedza mari kusvika yakwana kutenga chinhu chaunoda, murume achiziva kuti ndizvo zvauri kuita.
Nyaya yemari inyaya inopokanisa vanhu nokukasira uye inozonetsa kugadzirisa nokuda kekuti murume anokuona somunhu asina kuvimbika. BUDGET yako ndeyemusha wako samai vemba. Pane zvimwe zviri kuzhe, isai pa BUDGET kuti munopota muchiisa mari muchigaba yokuti zvimwe zvazouya musingafungiri zvibhadhagwe. Sokuti hama dziya dzinongoerekana dzauya dzichizoda mari yebhazi kudzokere. Chengetai kamari sokuti 5USD pamwedzi inoonekwa pa BUDGET yenyu.

_______________________________
Zvese izvi zvinotadzisa
murume kuhura here?
Kana ukatevedzera zvese izvi, murume anorega kuhura her? Ngationgorore kuhura kwevarume Kune RESEACH yakaitwa ne UNITED NATIONS vachitarisa kuti chigwere che HIV chinokwanisa here kumiswa, vakaona kuti kune varume vanoita makumi matatu muzana, (33%) yevarume, vanoti chero zvodii vanohura. Kana ukaroorana noumwe wevarume ava, hazviiti kuti asahura.
Kuhura kwevarume vazhinhi veboka iri kunoitiswa nokumhura munhu waunaye, zvisinei kuti uri munhu akaita sei. Kazhinji iye haatomboiti hanya newe kana awana munhu wekuhura naye. Haana hanya nezvaunofunga. Kana abva pakuvata nehure rake asina kana kondom chairo, anouya kumba kagovata newe asina kana hanya nokuti uri mai vevana vake, kana kuti akachata newe pazere hama dzake nedzako. Haana hanya newe, haana hanya nehama dzako nedzake. Kana vana vake chaivo haana hanya navo.

Varume vakawandisa vanoti kana atanga kuhura, hazviiti kuti
akwanise kuregera EXCITEMENT yacho haikwanisiki nomunhurume kuiregera ichienda
yega pasina chaaita. Kana ukamubvisa pahure raanaro izvozvi. Hakupiti nguva
refu asina kuwana rimwe.
Kozita vamwe varume vashomanana vanohura asi vachihuriswa
nokushaya CONFIDENCE, sokuti anofunga kuti hapana munhu anomuda. Ipapo iwe ndiwe une mhosva yokusataridza murume rudo.
Kana murume wako akashaya rudo mumba, akawana munhu anoterera nhamo dzake anobva afunga kuti rudo oteverera. Hino hwasisa kuti mhandu yomukadzi mukadzi. Vanhukadzi akangowana murume asina mufaro kumba kwake, anobva afunga kuti anokwanisa kupa murume iyeye mufaro. Murume ane mukadzi kumba anoonekwa somunhu akatsiga anokwanisa kuriritira mhuri saka mvana dzese dzemuraini renyu dzinoda kukwezva murume wako.

Murume akadai ndiye murume waungabvunzira kuti “Ndoita sei kuti
adzoke kumba?” Pane zvaunokwanisa kuita. Asi usati watanga kuzviita, bvunza
murume wako kuti chii chaitisa ade kuva nehure iwe uripo.
- Usapopota.
- Usachema,
- Usamubvunza vana varipo
- Usaudza hama dzake kana shamwari dzake
- Usamutevera kuhure rake achiziva kuti uri kutevera
- Usapopotera hure rake.
- Usamupa mhosva.
- Usamudza HISTORY yekumuda kwako
- Usamuudza zviri mumoyo mako panyaya iyi. Rega apedze zvase. Ukangoti zii uchadzidza zvakawanda.
- Ukatanga kukwikwidzana nomuhure wemurume wako hauhwinhi nyaya yacho.
Ingobvunza murume wako kuti chii chawamukanganisira zvokusvika
pakuti ade kukuitira zvakaipa. Terera achitaura kana ada kutaura. Zvikuru kana
akaziva kuti abatwa, anotanga kukuverengera mhosva dzako nedzimwe dzawange
usingafungi kuti unadzi. Terera chose panguva iyi nokuti ndipo chete paanotaura
chokwadi. Kama mazova pakutongesana haatauri chokwadi. Terera zvaanopopota
nazvo. Anosimuka agokunongedzera nechigumwe achipopota kuti haumubati
zvakanaka. Usapokana naye. Rega ataure apedze iwe terera.
Kuzobva ipapo kana uchimuda yeuka zvaakataura musi uyu. Uye dzidza
kushamwaridza nomurume wako. Kopopota hakuna chinoshanda. Kana uchichema chema
hako wega kupedza shungu. Kumuchemera iye hakushandi.
"Ndoita sei kuti murume wangu adzoke kumba kubva kuSmaro
hausi kwaanopota achienda? "
Hwisisa kuti chii chaita kuti murume wako ahure. Kana wahwisisa Ziva
kuti zvoitwa sei kubva kumurume wako.
Subscribe to:
Posts (Atom)