Friday 23 November 2007

Kugara mese maroorana

Kugara mese.
Kuvaka musha wenyu muri vaviri hakusi nyore asi imi munokwanisa kurerusa nhamo dzemumba nemaitire enyu mumba menyu. Chokutanga ndechokuhwisisa kuti makakurira mumhuri mbiri dzakasiyana saka maonero enyu pazvinhu zvinoitwa mumusha akasiyana. Izvi zvinoreva kuti muchapokana panyaya dzakawanda. Rudo gwenyu uye kushamwaridzana kwenyu ndiko kuchaita kuti musha urambe uripo.

Kutaurirana nokuhwisisana
Kana paita nyaya dzidzai kugara pasi motaura nyaya yenyu mopedzerana pasina arova umwe kana kudzinga umwe mumba. Musajaira kuti nyaya yaitika nhasi, mopedza vhiki yese makamirira kutaura nezvayo. Kana iri nyaya inoda kuti mutaure, wanai nguva yokutaura muitaure ipere mudzokere mukuvaka mhuri.

Kana muchida kutaura taurai muri muimba yokugara kwete yokuvata. Dzidzai kuti nyaya inokasira kupera (One sitting) kwete kuti nhasi, mangwana, kuswera mangwana, muchingotaura nyaya oyoyo.

Pane dzimwe nyaya dzisingafaniri kuti vanhu vapokane nadzo. Toti mukadzi anoda firiji asi murume ari kuti mari hapana. Mese munoziva kuti pamusha pane marii saka hazvifaniri kupokana nenyaya yakadai. Varipo vakadzi vanoti kumurume asina hembhe chombo chamirira kudya kwacho iye woti “Haundikwiri kusvika wandiporomisa firiji yangu” Uku kusahwisisa. Musaunza nyaya dzezvimwe panguva yerhoji. Murume/mukadzi ngaangogara achiziva kuti chero zvodii rhoji ndinoiwana kubva kune umwe wangu. Hapana makondishenzi.

Kuchengeta nyaya dzemumba
Kana une musha, usajaira kuti ukaenda kumba kwevamwe wonodembademba nhamo dzako dzese ikoko uchivaudza zvinhu zvakadzika zvemumba mako. Imba yako ngaifukidzwe nedenga rayo kureva kuti ukabuda mumba siya zvemo zvirimo. Kana uchitaura nevekuzhe taura nyaya dzejenarari chete.

Chinhu chinogwadza moyo chose kuziva kuti murume/mukadzi wako akaudza mai/baba nhingi nyaya yaunofunga kuti ndeye puraivheti. Toti waziva kuti umwe wako ange asiri mhandara/jaya iwe wonoudza umwe munhu, zvofumura umwe wako. Hazvina kunaka izvozvo. Iwe kana unaye chigara naye sokumuda kwawakaita

Pane nyaya dzomumba dzakawanda dzisingafaniri kubuda. Chengetedza musha wako nezvinotaugwa pamusoro penyu mese. Kana ukahwa vamwe vachitaura nezvavo, iwe usajoinira ipapo wotanga kutaurawo nezvako. Siya vataure. Usavapa mazano kusvika vakukumbira kana vakumbira taura zvinovake kwete zvinoputsa. Usamboudza munhu kuti arambe murume/mukadzi wake. Kurudzira vanhu vakumbire ruregerero vavake musha wavo. Iwe chero uchiziva kuti wako akadai unomuramba, usaudza vamwe kuti varambane.

Kuterera umwe achitaura
Kana murume/mukadzi wako achitaura, iwe dzidza kuterera. Hakuna chinhu chakakosha sokuterera. Unodzidza zvakawanda kana uchiterera . Apedza kutaura bvunza mibvunzo kuti unyatse kuhwisisa. Vanhu vakawanda vanotanga kupopota vasati vahwa kuti poindi inoda kubudiswa nomunhu ari kutasura ndeipi. Chimwezve ndechokuti ukaterera umwe achitaura uchaona kuti anokwanisa kutanga ane hasha asi akaona wakaterera anoderedza hwi rake mopedzisira mongotaura zvakanaka, chero nyaya yacho yange iri nyaya huru.

Kuterera kunoenderanawo nokutaura chokwadi. Ukavanza zvinhu, umwe wako akazozviziva kuti wakamunyebera, anogumbuka kupfuura kuti dai angotaurigwa chokwadi pakutanga.

Rangarira kuterera umwe wako achitaura.

Kupiwa mazano nevamwe
Kana waita nhamo inoda mazano kubva kune vamwe, tsvaka munhu anovimbika satete kana mbuya kana babamukuru womuudza. Ivo vakakupa mazano usamhanya kunoita zvavareva. Tanga wafunga maitire auchaitausati waita. Iwe unoziva umwe wako saka unokwanisa kufunga kuti achaitei kana ukaita izvi kana izvo.

Kupiwa mazano hazvirevi kuti unofanira kutoita zvarebwa. Zvinongoreva kuti zvaunokwanisa kuita zvawanda chasara kungoziva kuti woita chipi. Kozoti mamwe mazana aunoziva kuti anouraya muchato wako haufaniri kuva nebasa nawo. Munhu akakuudza kuti enda notenga mushonga wekuti murume/mukadzi akude, ziva kuti akupa zano risingakubatsiri. Zano rega rega rinofanira kuva rinovaka musha chete.

Chioko muhomwe (bribe)
Mumba potai muchiitirana chioko muhomwe. Umwe wako akakuitira chinhu chaunoda muitirewo chaunoziva kuti anoda mangwana. Kana uchigara nomunhu mumba menyu unokasira kuziva zvinhu zvaanoda. Varume havanetsi kuhwisisa zvavanoda uye zvavanoda zvishoma. Murume anoda kungogara achiziva kuti mukadzi wake anoziva kuti mukadzi wake zvedi uye hapana nharo panyaya iyoyo. Mukadzi anodawo kudiwa nomurume wake nomoyo wose.

Toti murume ange ari mumugwagwa ndokuona munhu achitengesa mbambaira dzakachipa ndokudzitenga ndokuuya nadzo kumba. Hazvina kusiyana nomuvhimi anouya nemhuka yaauraya kumba. Tenda murume, uye pava paya mupe twakawanda somukadzi. Isu vakadzi hatinetsi. Ukapfuura nepamusika ukanditengera kamwe kanhu kasina nebasa rese kanoita dhora rimwe chete, wouya nako kumbazvatopera. Ini kungoziva kuti wanga uchindifunga uri pamusika zvinofadza. Iwewo chingowedzererera nokundiudza kuti pawaona chinhu ichi wafunga kuti ndingachida. Zvoreva kuti unoziva zvandinoda uye unondifunga.
Kana mukadzi akakubikira zvaunoda ukati gotsi papata, azviita somukadzi wako, iwewo chiita chimwe chinhu somurume wake.

Rudo mumba
Zvese zvaunoita mumba unoita hako asi usakangamwa kutaridza umwe wako kuti unomuda chero zvodii. Kana mapopotedzana mukachemedzana mukaramwirana sadza, rangarira kuudza umwe wako kuti unomuda uye uchamuda kusvika wafa chero hake achikugumbura. Kana akakumbira ruregerero unofanira kumuudza kuti wamuregerera, kwete kumurambira. Kuregerera munhu hazvirevi kuti wakangamwa chinhu chaaita chakugumbura. Zvinoreva kuti zvaita zvakaipa asi waona kuti ahwisisa uye haachazviiti futi. Rudo chinhu chikuru, zvikuru kwatiri isu vakadzi. Ndikasavimba kuti murume anondida ndinotanga kudyiwa pamoyo nazvo. Usambokangamwa kutaridza rudo mumba.

Kana mumba mune mufaro hazvirevi kuti umwe wako anongozvifungira kuti unomuda. Iwe muudze kuti unomuda ahwe uchimurangaridza. Zvokuzomuudza wambobvunzwa zvoita sokuti wafosiwa kumuudza. Muudze chero paasingafungiri kuudzwa, uchaona kuti anozvirangarira kwenguva yakareba. Toti paya mapedza zvose zvezuva iroro mava kuda kuvata. Ukamiririra hope dzosvika ukamutsa umwe wako womuudza kuti unomuda anovata achifunga zvinhu zvakanaka. Totizve ukamuka umwe wako asati amuka. Paanozoti pepu owana wakamutarisa kumeso. Achakubvunza kuti zvaita sei. Iwe womuudza kuti hapana wange uchingomutarisa hako uchifunga kuti unomuda. Uchaona onyemwerera.

Toti muri mumota muri pagwendo, nyaya dzombopera moti zii, iwe wongotanga imwe nokuti Masibanda unoziva here kukuda kwandinoita? Uchaona kuti chokutanga kunyemwerera asati apindura. Nyemwerero iyi inobva mumoyo chaimo.

Nyaya dzinopokanisa vanhu mumba.

Kune nyaya dzakawanda dzinozikamwa kuti dzinokonzera kupokana mumba.
Hama dzenyu
Mari yenyu
Kuvatana kwenyu
Kuvaka musha
Chihure
Makuhwa

Kana wava nomusha wako hama dzako kazhinji hadzinei nokuti musha wako. Dzinongodawo kuti udzisapote panyaya dzavo. Zvokuti une budget yako havanei nazvo. Ukasachenjera unopedzisira wakweta mari kuti upe hama dzako. Ndipo panotanga kupopotedzana ipapo. Kana maroorana. Garai pasi mutaurirane kuti hama dzenyu dzinofanira kusapotiwa ndedzipi uye dzinopiwei. Vabereki vese kwemurume nekwemukadzi vanhu vakuru. Kana vasingashandi munokwanisa kuvabatsira. Vamwewo munovabatsira muchiziva kuti mari yenyu inokwana here kana kwete. Kana musina hamuna.

Mari inokonzera kupopodzena kwakawanda mudzimba. Kana mese muchishanda munokwanisa kugara pasi mese moita budget yenyu moronga kuti mari nofambiswa sei. Kana mari iri shoma mumba uchaona kuti kupokana kunowanda. Munokwanisa kubatsirana kuita zvimwe zvinoita mari iwedzere. Kungopopotedzana hazvibatsiri chinhu.

Nyaya yeRHOJI inokonzera vanhu kusawirirana. Zvikuru kana muri vanhu vaya vasingagoni kutaudzana panyaya iyi. Kana wada kukanganisa upenyu hwako tanga kuvhenganisa nyaya iyi nedzimwe nyaya. Rhoji haivhenganiswi nedzimwe nyaya zvachose. Inyaya iri yega asi inobatsira kugadzirisa dzimwe nyaya. Mukatukanirana kutema huni, mukatsamwisana. Pakunovata ukaita chikapa chine hasha mukati mangwana munomuka mese muchifunga kuti nyaya yazuro yanga iri nyaya isina nebasa rese. Asi ukatsamwira huni wobva wanyima murume rhoji kana kunyimwa iwe, mangwana mese munomuka matova nedzimwe nyaya mufungwa.

Isu tinowanzofunga kuti varume vanofanira kuziva zvokuita kuti ndinakigwe. Iyewo murume anenge achifunga kuti mukadzi anofanira kuziva zvokuita kuti anakigwe. Ipapo kana vese vachiri vanhu vadiki vari kutodzidzawo kuti zvinonaka ndezvipi vakasataurirana hapana chinofamba. Kana murume achingoti kupinza nokudiridza pamwe chetepo mukadzio oshaya kuti chaapedzera nguva achibhura chii, ozoona sokuti hazvibatsiri chinhu kubvuma rhoji. Ukuwo murume kana ari munhu anoda kurhojana asi achiona mukadzi achingovata sesaga romunyu murume achimukwira, anobva afunga kuti haasi kugona basa obva aruza konifidhenzi zvonetsa. Ratidzawo kuti uri kunakigwa ( chiuno ngachishandiswe, chemererawo, batirira murume/mukadzi ) uye taura zvaunofunga. Bvunza kuti zviri kunaka here. Mapedza bvunzanai kuti improvement ingaitwa papi. Chii chimwe chaunofunga kuti chiitwe?

Chikuru kusarambira umwe wako. Ivai nemitemo. Ivai nema CODE WORDS enyu ekuudzana kuti muri kuda rhoji. Rhoji inorangaridza kuti tiri pamwe chete, iwe ndiwe wangu saka ndiri kukupa izvi. Mukapedza mukagumbatirana mukavata hope, hauna kufunganya kwaunoita.

Mukadzi munhu anoda kuti musha uvakwe. Murume munhu anoita zvinoda mukadzi wake. Varume vazhinji havavaki musha pasina mukadzi. Mukadzi ozosvika otanga kushusha murume kwahi ngatiite extension apa ima ikure. Murume zvokushanda haadi. Mopokana nazvo. Terera mukadzi wako.

Chihure chikangofungigwa kuti chiri kuitika musha wose watova nedambudziko. Vanhu vakawanda vechiZimba vakatombohurigwa mumba. Inyaya inogwadzisa moyo zvikuru. Unoiswa pakaoma. Nezuro chaiko ndaitaura noumwe akahurigwa nomurume akatozoziva kuti murume ahura hure ratova nemimba muno muUK. Kana wafunga nezvokuhura chiziva kuti zvichabatabata upenyu hwako kwenguva yakareba. Chinhu chinogozha kuregerera munhu akuhurira. Chero ukamuregerera hako hana yako haigadzikani.

Varipo vamwe vanoti akaenda kuZimbabwe ombonohura ariko odzoka sepasina chaitika. Takazoona umwe osvikigwa nomusikana obva nokuSouth Africa wanei ane mukadzi. Umwewo anogara kuno akaiswa mimba nomurume wemunhu paakaenda kuZimbabwe muna January. Kuhura kumhura munhu wawakaroorana naye kusvika pokupedzisira.

Makuhwa inyaya dzinotanga dzoudzwa umwe munhu iyewo onoudza umwe zvichingodaro kusvika dzadzoka kuno kumba kwenya dzave dzimwe nyaya mobva matanga kutukana nokuda kwadzo. Kana usingadi kupopotedzana nenyaya dzemakuhwa, usataurira vanhu nyaya dzomumba menyu.

Panyaya dzese dzandataura apa nyaya dzinopokanisa vanhu zvakanyanya inhatu, Mari, Hama, nokuvatana kwenyu mumba. Hwisisai nyaya idzi mugare makadzirimira kumuganhu.

Udzai Vamwe!!!!

No comments: