Wednesday 5 September 2012

Kudanana ne Nherera


Kukura  uri nherera chinhu chikurukumhunhu wacho nherera. Chokutanga ndechokuti unokura pasna munhu anokuhwisisa zvaunofunga uye zvaunohwa mumuviri mako. Kana uri nherera hauna munhu weropa waunokwanisa kutaura naye kana kuudza zviri amoyo pako. Kazhinji munhu nherera anopedzisira angova munhu kanyarara asi hazvirevi kuti hapana chaanofunga. kungti haana wekuudza.
vanhu vakawanda vanofunga kutii kana paita nherera pamusha pakangowanika umwe munhu anotora mwana orera, zvakangofanana nokurera kunoita mubereki wemwana. Handizvo. nherera mwana anoziva kuti vabereki ava havasi vake, vake vakashaika. Kuti azviudze kuti ava ndivo vava vabereki vake zvinokwanisika panguva yomufaro asi kana paitika nyaya pamusha, haakwanisi kuziva kuti nyaya yaitika nokuti vabereki havasi vake here kana kuti yaitika sezvinongoita mhuri dzese.

Zvadaro mwana uya osangana nomukomana/musikana vonyengana. Munhu akakura ari nherera akaona munhu anomupa attention yakawanda anobva anamatirana naye. Ndipo panobva nyaya dzakawanda ipapo nokuti anokwanisa kusanyatsohwisisa sezvinoita vana vakakura vane vabereki vese.
Chimwezve ndechokuti nherera kana akura anee chido chokuita mai nababa, anokwanisa kuzodanana nomunu mukuru zvikuru paari. Sokuti mwana ane makore 18 odanana nomurume/mukadzi ava kuma 30.  Chero asingazviziv anenge achitova nechido chokuiva nomubereki kana umwe munhu mukuru untora nzvimbo yomubereki.

Mukatarisa vanhu vakakura vari nherera kumitswa kwavo kwakawanda kupfuura vana vanokutra vane vabereki vese. Inyaya yokutsvaka munhu anomuda. Vanhu vese tine SENSE of belonging. Kuna munhu akashaya hama, anotsvaka hama asi vaya vabereki vatsva vanonetsa kuhava hama zapamoyo.

Zvinokwanisikazve kuti munhu akura asina vabereki ukaroorana naye anokwanisa kuva munhu anokasira kukufungira kuti unokwanisa kutiza pamusha kana kutogwa noumwe mukadzi/murume. Izvi zvinoitiswa nkuti vanhu vese vkakosha kumwana uyu vakamusiya. Iwe wosvikapo wodanana naye wobva waita munhu akakosha kwaari. Musi waunoita mistake unomushungurudza zvakapfuuridza nokuti achasvika pakufunga kuti kukanganisa kwawaita uku kunoreva kuti wava kudawo kumusiya. Uchaonazve uti akaita mwana anokwanisa kuda mwana iyeye kusvika pakusada kuti vmwe vanhu varere mwana uyu.

Idzi inyaya dzokuti kana muri mumba menyu hwisisa kwakabva umwe wako kuti ugokwansa kudanana naye zvakakodzera. Unokwanisa kubatsira umwe wako kuhwisisa kuti unomuda nomoy wose kana watanga wahwiisiisa zvinhu zvinmushungurudza pamoyo nezvinomutyisa.

Mwana aakura ari nherera akada kufanana nomwana akakura arimubvandiripo asinashuwa kutimubereki mutsva anofungei nezvake.

Tadaro ngatizve kuti kune vabereki vanoti kana vada kutora mwana kuita wavo vanorera zvokuti mwana anokura asina dambudziko rokufunganya. Zvinoitika kuti pamwe hama yenyu inoshaika. Mhuri yese inoongorora yoona kuti iwe noumwe wako mumhuri yese ndimi moga munogona kuchengeta vana vasiiwa. ZVinoreva kuti mange musina kugadzirira kugamuchira vana ava, asi matova vaberei. Chinhu chakanak kuchengeta vana vasina vabereki sevenyu. Kune zvakkawanda zvavanofunga uye zvinovashungurudza. Imi sevabereki hwisisai kuti kukura kwevana ava kunoda zvinhu zvakawanda kupfuura venyu vokubereka.

Kune vana vakawanda vakashaikigwanevabereki nguva dzinoti 1990 -2005. Vamwe vavo vakura zvokuti vatova  nevana vavo. Vamwe vari kusanganawo vevamwe vakna vakakura zvakafanana. Pakusangana apa vanonyengana vomitisana kana kuroorana, kana kubika mapoto. Kana uri umwe wevana ava hwisisa kuti makurire awakaita anobata pane zvaunoita nokufunga pamusoro pevamwe vanhu kudanana kwako noumwe munhu kukwanisa kubatwa nekureriwa kwako. Hwisisazve kuti maitre eumwe wako nokudanana kwake newe kunokwanisa kubva pakukura kwake.

Ukaverenga zvinhu zvinoitisa kuti vanhu vakomburene pakudanana kwavo uchaona kuti nyaya dzavo dzamazuvano dzawanda chose kupfuura dzakare. Kare maingoti mukaroorana motogara henyu zvakanaka moita vana venyu. Murume aiziva basa rake mukkadziwo achiziva rake. Mazuvano zvinoita kuti pamwe mutombogara nyika dzakasiyana asi murimukadzi nomurume. Kukomburena kwawanda. Kutya kwawanda, kufungirana kwawanda, kurambana kwawanda, kuhurirana kwawanda, zvigwere zvaawanda, kukura usina munhu anokuda semwana kwaitika kune vakawanda.

Ukahwisisa makurire emunhu wawadanana naye unokwanisa kubatsirana naye kugadzirisa upenyu hwenyu kuti vana venyu vazoitawo upenyu huri nani.

Mubereki kuti avepo uchikura chinhu chikuru chose kumwana. Regai kuzvara vana vamunozoita nherera nokuda kwekuti hamusi kuhwisisana mumba.

Udzai vamwe!!!! 

2 comments:

Anonymous said...

Ko kana usangarari nemudzimai nguva zhinji achiramba kana kurarana kamwe pamwedzi uye ungopiwa kamwe oti haachadi unoita sei pakadaro

Mai E Chibwe said...

Nyaya yakadai hainei noupenyu hwevana. Kana mune vana PRIORITY yenyu ndeyekuona kuti vana vanokura vane vabereki vaviri mumba kwete kutsvaka zvinhu zvinoda kugutsa iwe chete mhuri yese isina chainowana pazviri.

Mukadzi kazhinji kana asingadi kuvata nomurume, pane chikonzero chiri kumurambisa.Panoti nyaya yekuti mavatana murume anokusiya usina kuguta, poti nyaya yokufungira kuti murume ari kuhura. Nyaya mbiri idzi ndidzo huri pakuramba kwemunhukadzi.

Murume ndiyemukuru wemusha saka kana paita nyaya anofanira kuigadzirisa nokukasira kwete kurega ichiwedzera kukura.