Tuesday 18 September 2012

Murume anokasirira mukadzi.


Zvinonetsa kutsanangurira murume kuti kukasirira mukadzi zvinoita sei kumukadzi wake. Kukasirira mukadzi zuva nezuva chinhu chinoshungurudza munhu kusvika pakufunga kuti akakanganisa pakusarudza. Iyi iri muTop three panyaya dzinofungisa mukadzi wemumba kumboda kuhura. Varume svinurai nokuti akahura, ukamubata, ukamuramba, wechipiri waucharoora achakuhurira futi nenyaya imwe cheteyo, wobva wapedza mari uchienda kun'anga dzinokuudza kuti une munyama unoda mari kubvisa, izvo bodo uri kungotadza kugutsa vakadzi. 

Chinozonetsa ipapo ndechokuti mukadzi anotanga achitaura kuti akasirigwa. Ozosvika pakuona kuti kutaura kwake hakuna zvakuri kushanda nokuti murume haasi kuterera obva angonyarara, murume uya asina zheve ongoramba achidaro.

Zviri nani kumukadzi kusatombovata nomurume pane kuti uku zemo rakwira wava nemachakwi zasi uri kutoda kuti murume dai achipinda, iye opinda obva angoita seoda kukoira obva ati apedza,  Mukadzi otosiiwa ati vavava pasisina chake.  Vakadzi vakawanda tinombosvika pakadai. Unotohwa rume riya ranga richisiririka zemo 2 minutes ago rava kutoridza magwiriri kutaridza kuti haatombokendingi zvake.

Ipapo ndipo paunozvibatsira nemaoko nokuti zemo risina kupedzwa rinoita nguva kubva roga. Unotomboshaya hope naro, ipapo uchingohwa magwiriri emurume ange achifanira kupedza zemo unombofunganya misodzi yomboerera yoga zvayo neshungu, wozvibvunza kuti chandakanganisa chiiko apa. Womboda kuziva kuti pane musi wawakabonyatsokwigwawo here ukahwa pane moyo.  Fungwa dzinotanga kusvika pakufungira murume zvakaipa, kuti haachandidi, ari kundishandisa, ari kuita utsinye, chii chii. Iye murume wacho ipapo ava kutorota zvake iwe wakangosvinura. Paunozvibatsira haatombohwi kuti kurikuitikei nokuti iye aguta saka hope dzabata. Asi paanomuka anoda RESPECT. Zvinoita here.

Murume anokwanisa kuhwisisa zvandataura izvi murume anotanga kuhwisisa kuti nyaya yokukasirira mukadzi yakaipei. Kana uchiziva kuti uri kukasirira mukadzi wako, bheta kurega kuvata naye hako. Asizve ukarega kuvata naye iye achatangazve kufunganya nazvo. Zvinoreva kuti iyi inyaya yokuti iwe murume kana wava nechiito chokukasira, tanga kuudza mukadzi kuti wava nechiito chakaipa zvokuti unoda rubatsiro  mese mochitanga kugadzirisa nyaya. Inyaya inogadzirika saka gadzirai.

Tese takabva neko. muchangoroorana paya muchiti kungosvinura motoda kuvatana, murume anombononoka nokuti muri kuwanza zvinhu. kunozoti mava saimba nomukadzi moda zvinhu kamwe pazuva ndipo dambudziko rinotanga. Udza mukadzi/murume kuti munofanira kuwedzera kuvatana kuti nguva imboreba murume ajaira kudziya kwemukati memukadzi.

Varume dai mazama kuhwisisa nyaya iyi mukaona kuti yakaipei. Akuruma zheve ndiye hama yako chaiyo. Taona vakawanda vachifa mudzimba nenyaya dzokuhurirana. Nyaya yokukasirira mukadzi ndiyo huru pane dzese dzinokonzera vakadzi vemumba kuda kuhura. Zviri nani kuramba kuvata naye pane kumunyemudza zvinhu zvake. Kana wada kuvata nomukadzi wako chimbozamawo kupedza nguva urimukati make.

Mombotamba henyu muchikisana muchipurudzirana muchinanzvana kumeso, huro, zheve, dumbu moitaw kusvika mukadzi ave nemachakwii kuchitubu.Iwewomurumme pota uchipinza mimwe uchikwizirira mukati kuWALL yokumusoro kwakananga kubhinzi. Uchahwa kutipane pakaita chinyama chakagwinya chinohi G spot. pedza nguva uripo.

Kuzoti wapinza kubva pakupinza koirawo uchiziva kutimukadzi anofanra kuguta. Mukadzi akaita ORGASM  yake iwe chikoirawo madire umupe urume, mozovata henyu nyaya yapera zvave zvamangwana.

Iya yokungoti kupinza nokutodiridzira pamwepo bodo. Unozvishaisa rukudzo kubva kumukadzi wako.

Chii chinokonzera murume kukasira.
Nyaya yokukasirira mukadzi inokonzegwa nokusahwisisa kuti pakuvatana tiripo vaviri uye tese tinofanira kuda chinhu ichi kuti tizokwanisa kuchiitazve. Varume vanona sokuti iye mrume ndiye ega ari kukwira mukadzi mukadzi asinei nazvo. Kana uri murume ane mafungire akadai, bheta usaroora. Tsvaka hako mahure ukasire kufa nokuti ukaroora unoshungurudza munhu akazvipira kukuda.

Kusaona mukadzi wako somunhu ane maFEELING nemaNEEDS ndicho chikonzero chokumukasirira. Zvinonziwo varume vakawanda vanokura vachitambisa chombo nemaoko kuti abve zemo achiri mukomana. Pakudaro anoita achida kukasira kubva zemo. Vanoziva vanoti zviri nani panguva iyi kudzidza kuti ukambotambisa chombo wombomira, wotambisazve, wombomira, uchingodaro kuti paunozobudisa urume unenge waita nguva yakareba uchiita. Kwahi kuda kukasira pakuzvipedza zemo wega ndizvi zvimwe zvinoitisa kuti kana wazova nomukadzi ungoti kupinza nokudiridzira pamwepo.

Zvimwezve ndezvokuti kana usina kuchekwa ganda zvinoreva kuti chimusoro chechombo hachina kujaira kukwizirigwa. Ukapinza mumukadzi chikangohwa kukwizirigwa nokudziya kwemukati wobva watobudisa urume.

Vamwe varume kana atotanga kukasirira mukadzi, haacharegi pasina rubatsiro. Vamwe vanoda kurega asi zvinovanetsa. Imboverenga pano paBLOG panyaya yakahi


Kunonoka kudiridzira mukadzi


Nyaya iyi inopa mamwe mazano okuita kuti muwedzere nguva. Zvinotodzidzwa nemi mese kwete kuti murume ega azviite. Mukadzi anofanira kumubtsira.

Regai ndigumire pano. Tsamba dzevanamai vemba dziri kungouya dzichitowedzera kuwanda nenyaya yokukasirigwa mumba nomurume wako wemumba anofanira kuti ndiye anokupedza zemo.


Udzai vamwe!!!!!!!
kukasira kutunda kwevarume pabonde

6 comments:

Anonymous said...

Iri nyaya ye ku kasika ku farisa kwedu isu ana baba, ndinowirirana nemi mai Chibwe. Bonde rikaita shoma mumba patinozo tamba pacho, ini ndinozo kasira kufarisa.Kwandiri zvangu ndinozo ramba ndichienderera kuitira amai kuti zvimwe vangafarewo. Asi dambudziko rinoitisa izvi mumba mangu nderokuti wangu mu dzimai anenge danda chairo. Haana zemo zvachose, Kutobvuma kwake anenge aakuto nyara kusimba achiramba kutamba neni pabonde.

Mai E Chibwe said...

Nyaya yokuti mukadzi norambira murume inyaya inoda kutimuri vaviri muitaure . Kuhwisisa kwangu kunoti iko kana wada kumbodzunza nenyaya idzi bvunza muri kure nemba yokuvata. Kutaura nyaya idzi muri mumubhedha hakuna kunaka nokuti zvinozoita sokuti uri kuisa puresha pane umwe wako kuti abvume kukwigwa ipapo.

Mana mada kutaurirana pananai nguva yokutaurirana mugara pasi mobvunzana kuti chacho chakaipa pakati penyu chii. Pakuudzana chinhu chakkanaka kuudzana rudo musati maudzana mhosva. Vanhu vanodanana vanofanira kuudzana chakaipa pakati pavo. Kanna mukazi asinganakigwi pakuvatana asi achiziva kuti sei zvisinganaki anofanira kungotaura sezvazviri kuti

"Mazuvano handisi kuhwa kunakigwa sezvazvaiita kare. Kare taiti tiri tese zviita nguva usati wapedza saka ndainakigwa. Mazuvano unokasira saka hazvinaki sekare. "

Murumewo akaudzwa zvazviri ngaarege kugumbuka asi kuzvigamuchira obva abvunza kuti zvoitwasei kutinyaya igadzirike. Madaro motaurirana kugadzigwa kwenyaya.

Kuudza murume kuti hapana chikonzero kushaya kuhwissa. Murume akadai haazkubvunzi futi musi waanoona chinhu chakaipa. Anoona sokuti mumoyomako hamuna rudo.

Murumewo akaudzwa kuti chii chiri kutisa mukadzi kuti asafarira kuvata nye mazuvano, anofanira kutaura zvinoratidza kuti ahwisisa mashoko omukadzi wake.

Vakadzi tine dambudziko rokuvhenganisa nyaya dzakasiyana. Sokuti murume kana achikwidza vanhu mota mukadzi asingazvidi, mukadzi anokwanisa kumurambira pakunovata, asi nyaya mbiri idzi hhadzina kubatana. Varume hwisisai apapa.

Kunoenda uchinoudza shamwari dzako kutimukadzi mazuvano haasi kuda, uku asina kutaurirana nomukadzi hazvibatsiri chinhu.

Anonymous said...

Mai Chibwe ini handina mufaro murume wangu haasati ambodarika 1minute, mumakore 2 ataroorana handizive chinonzi orgasm ndafunga kusiya hangu imba yacho, ndairema 70kg ndiri musikana ikozvino ndave pa52kg zvirikukonzerwa nestress yekusaguta pabonde

Mai E Chibwe said...

Nyaya yokusaguta inogadzirika saka haisi nyaya yokurambanisa vanhu.

Chinongozonetsa ndecho kuti kana musingatauri muchihwisisana panyaya idzi, zvinonetsa kugadzirisa zvinenge zvisingafambi mushe mumuchato wenyu. Kukurumidzigwa haisi nyaya nyore uye pamwe murume haatombohwisisi kuti zvinobhowa sei.

Kana musina vana imbotoranai muende kure nepamba penyu makaronga yokunorhojana ikoko kwamuri kuenda.

Madaro wana mukana wekunyatsotsanangurira murume kuti zveminiti imwe chete hazvitomboshandi pamunhukadzi. Kana akachenjera achabvunzurudza kuti unoda nguvayakareba zvakadii. Chirega kumuvanzira. Muudze sezvazviri asi uchitaura murudo kwete kupopota kana kuratidza kugumbuka. Mukumbire ahwisise kuti zvaari kuita zvakaipei.

Mukurudzire kubvunza nokuterera zvauri kutaura. Muudze ambokupawo mukana wekumubatsira. Chokutanga iwe chiwana nguva yokumubatsirawo kana abvuma. Motanga nokumujaidza kuva mukati mako pasina zvokukoirana. Akapinza moita henyu nyaya ari mukati.

Madaro mobvapo momboita zvimwe zvisinei nokuisana ipapo asina kubuda urume. Papera nguva mopinzanazve moRELAXA makadaro. Zvinoda mazuva akawanda kusvika ajaira kuti chombo chinodziigwa chisingabudisi urume.

Dzidzazve kutamba nacho nemaoko, muzvidya, kana pamwepanodziya pemuviri wako panokwanisika kuti muite nguva chombo chiripo achidzidza kusakoira. Kana asina kuchekwa ganda, asati apinza kwevera gandakumashure kwemusoro wechombo musoro wacho ujaire kudziya kwemukati mako.

Hazvizi nyore kupinzwa chombo morega kukoirana asi ndiko kudzidza kwacho. Pamwe unomubudisa urume nemaoko mozomirira kuti akwanise kumira chombo mutanga zvekumbopinzana moita nyaya makadaro. Iwe gara une nyaya dzokutaura naye dzinonakidza.

Dzidzazve kumuti apinza wotanga nyaya isingaiti makadaro. Toti womubvunza kuti ACCIDENT yaakaona yakafamba sei? Bvunza nezvenyaya yeimwewom chembere yemuraini kana chimwe chinhu chisingamboitisi zemo zvachose.

Kumuramba handizvo mwana wamaivangu. Batsiranai mumba menyu. Zvinotora nguva asi zvinogadzirika. Zvikuru kana achida kuti zvigadzirike. Muudze andinyorere pa maichibwe@yahoo. co. uk . Asi kusagutswa hakuiti. Ndinohwisisa chose kana une fungwa dzokumusiya nokuti ndiwo mafungire evakadzi vakawanda panyaya iyi.

Ndokumbirawo umboita moyo munyoro muzame kushanda mese. Iwewo ndinyorere kana pane zvimwe zviri kukudya moyo

Inyaya inowanikwa mudzimba dzakawanda chose iyi. Handizivi kuti sei varume vasingapani mazano okugutsavakadzi vavo mumba.

secre said...

Mai chibwe wangu haana kuchecheudza murume saka pamwe ndosaka achikurumidza kudiridzira ndizvo here

Mai E Chibwe said...

Kuchecheudzwa ndizvo hazvo asi nyaya chaiyo iri pakuti mese muhwisise kuti zvokuti murume anonoke zvinoda mese kubatana kutirena murume, kwete kuti iye ongozama ari ega mukadzi asingazvizivi.

Mese gadzirisai nyaya iyi mohwisisana kuti chii chinonakira mese. Chikuru kuti mukadzi asaratidza ATTITUDE pamurume asi kumukurudzira kuti ahwisise kuti kunonoka kunonakira mukadzi. Zvadaro moita maitire anokurudzira kunonoka, sokuti

kuwedzera kutamba musina kupfeka mukadzi achitambisa chombo nemaoko kuti chijaire kubatwabatwa noumwe munhu

Kuti kana murume akahwa zvonyanya kunaka ombobuda mumukadzi momboita nyaya kuti murume aderedze zemo kana kungomira kukoirana Mukdzi achihwisisa zvazviri kuitigwa.

Murume kufarirawo kufanokwidza zemo romukadzi nokutambisa bhinzi yake mukadzi achimutaridza kuti zvinoitwa sei.

Mese kuhwisisa kuti kuwedzera kuisa kakawanda pavhiki kunojaidza chombo kuhwa kudziya nokukwiza kwemikati mechitubu zvinova zvinowedzera nguva. Vanhu vano wanza kuisana vanononokerana kupfuura vanongoisana kamwe kana kaviri pavhiki. Vanhu vane utano vane makore ari pasi pe 50 vanoisana kakawanda pavhiki.

Zvinhu zvakaita seinzi zvinoita kuti murume ave RELAXED kuti asatya kukasira kutunda chinova chimwe chinhu chinokasirisa varume kutunda.