Tuesday 23 October 2012

Zemo remunhukadzi


Zemo remunhukadzi rinokonzegwa nezvaari kufunga panguva iyoyo. Vanhukadzi kana hana yakagadzikana, pasina chinokonzera kufunganya, muviri unowanzoita zemo. Zemo  pamwe rinongovhakasha usingarifungiri. Hino unohwa varume vachitaurirana nhema kwahi mukadzi wangu mazuvano haasii kunyanyoda zvinhu. Unohwa shamwari yake ichitobvumirana naye kuti dambudziko riri kumukadzi wake.

Murume akachenjera anowana mazano okuti kana mukadzi akaita zemo iye oona kuti anoriwedzera sei. Mushonga wezemo ndimumwe chete. Hakuna umwe mushonga. Kana waitisa mukadzi zemo, unopedzesira wapiwa mukana wekurapa munhu chete. Kana usina kuhwisisa ipapa ndiwe murume ane dambudziko, kwete kufamba uchiudza vanhu kuti mukadzi wako mazuvano haadi zvinhu.

Munhu umwe noumwe ane zvinhu zvinomuisa mufungwa dzinotanga zemo. Pamwe unotoshaya kut zvabva nepi. Kana iwe une umwe wako mumba, unofanira kuziva kuti chinomuitisa zemo chii kuti ugokwanisawo kuita zemo panguva imwe chete naye kuti mugo rapana mese.

·         Ini ndinoona kuti ndikafamba nechitima kana bhazi, kujata kwarinoita kuya kunoitisa zemo.
·         Ndikaudzwa  nyaya dzezvimwe zvatakaboita tese, ndinoita zemo.
·         Ndikatamba nomurume, sokuti murume ondidzinganisa mumba kana pazhe, ndinoita zemo.
·         Ndikavata zvakanaka kuseni kwacho ndinomuka ndine zemo.
·         Ndikagezesa murume mubhavhu kana shawa, ndinoita zemo.

Iri izemo riya rokuti unongohwa kutipano ndava nezemo asi kana ukari iginowa rinzongopera haro. Zemo remukadzi harikasiri kubva. Rinotora nguva yakati kuti richingokuyeuchidza kuti riripo. Uku kuitira kuti pakunonoka apa murume angaitawo zemo mozopana mushonga.

Murume akangwara anokuchidzira zemo romukadzi wake kuti zvifambe. Mukadzi akafunga kuti murume wake ari kumufungira zvokurapa zemo, anobva afunga zvakawanda zvinoitisa zemo oitawo zemo. Akaswera zuva rese achingofunga nenyaya yema bhiri emvura, magetsi, mukaka wemwana, etc,  mari yacho pasina, anozoshaya nguva yokufunga zvezemo.

Murume akangwara anoziva kuti zemo romukadzi rakafanana nemota yasiiwa ichitinhira injini yayo dhiraivha pasina. Kana dhiraivha akazodzoka haitani kufamba. Murume akakurudzira kuti mukadzi aswere ane kazemo kadikidiki manheru vava vese hazvizonetsi kukwidza zemo kusvika pakuda kuripa mushonga waro.

Chinhu chinonetsa pavarume vedu vechiShona kushaya CONFIDENCE  yokutaura zvinoda kutaurigwa mukadzi. Kune varume vakawanda vasingadi kuita shamwari yomukadzi waanaye mumba, Anoona sokuti akashamwaridzana nomukadzi, mukadzi anozomudherera.  Inyaya yokuti anozviona sa Manager wapabasa anomaneja vanhu vakadzidza basa kumupfuura. Munhu wakadai anongoita zvokupopota kuti vanhu vazive kuti aripo, asi basa chairo haagoni.  Ndizvozvo nomurume asingazivi kuti kuva murume wemunhu zvinoitwa sei. Anongoda kugaroyeuchidza mukadzi kuti iye murume ndiye mukuru mumba. Pane kuti dai achiita zviitwa nomazvo mukadzi wacho ndipo paaitomukudza kupfuuridza.

Vakadzi zvido zvedu zvishoma shoma. Tinongoda SECURITY inobva pakuziva kuti, murume anondida, Murume haana meso meso, Murume anofarira kuvata neni, Murume anondifunga kana ndisipo. Murume anofarira zvandinobika. Muiri wangu unoitisa murume wangu zemo.  Saka murume akangobata mafungire iwawa, ogarokuchidzira zvinoitisa zemo, mukadzi anobva atoona seagarika osununguka mumba make, zemo harichanetsi kuita.

Hino murume akada kuita sezvinoita bhosi wekubasa, vashoma vakadzi vanoitiswa zemo nabhosi wavo. Vakawanda vanovata na bhosi kutsvaka mari chete, hapana rudo kana zemo. Murume akadai anongozopedzisira ongovata nomukadzi zvechibharo hazvo mukadzi asina zemo.  Kuvata nomurume zvokuti nokuti murume ati vhura ndiise, kwakasiyana nokuvata naye nokuda kwezemo.

Nyaya ye SELF –CONFIDENCE  yemurume ndiyo inonetsa kugadzirisa. Murume wekukomhanisa anongofunga zvokuti oita sei kuti mukadzi azive kuti ndiye samusha kusaziva kuti mukadzi akatouya achiziva kuti ndiwe samusha kare. Akavinga rudo saka mupe rudo nyaya ipere. Zvese zvimwe unozopiwa mahara pasina mubvunzo.

Zemo romukadzi haridi kungotangira ipapo. Rinoda kuita segondo rinombosweroongorora huku dzichitamba pasi apa, rozoti ava masikati robhururukira pasi huku dziya dzopera samba. Murume swera uchiumba zemo romukadzi, muudze nyaya dzinonakidza, muudze kuti ari kunhuwirira,  muudze chakanaka paari chaunoda. Kana uri kubasa mutumirewo message pafoni yake inomusetsa kana kumufungisa kuti uri kumufunga.  Muudze zvinhu zvaasingafungiri kuti wazviona. Sokuti kana akakotama achiita chimwe chinhu, mangwana acho muudze kuti wakaona chiuno chake akakotama ukaita zemo. Chirondedzera zvakawanda zvawakaona nezvawakafunga ipapo.  Mukadzi haakangamwi zvinhu zvakadaro. Anofara kuhwa kuti anokuitisa zemo, iye okasirawo kuita zemo.

Zemo remukadzi riri paviri. Rinonoka kuuya, uye rauya rinonoka kubva. Kana mukadzi aita zemo mukatamba zvokukwidza zemo. Mukazoda kupana mushonga wezemo, murume akangoti kupinza  nokudiridzira panguva imwe chete, mukadzi anosara ane zemo rinogara nguva yakawanda.  
Kana murume achiziva kuti anokasirira mukadzi, bheta kumbowedzera kukwizirira pamberi pemukadzi nokumubatabata dzimwe nhengo dzomuviri nokumukisa zvakadzika zvine rudo. Wozopinza mukadzi ava pedo.

Zemo romukadzi rine nguva yarinowanzoita rega. Vakawanda vanoita mangwanani pakumuka paya. Varumewo vanodaro. Murume anopepuka chombo chakati twii zvokutimukadzi akangopurudzira murume anobva atoda kurapa zemo. Nguva iyoyo mukadziwo anomuka ane zemo rinoda kuti murume awedzere nokubata bata mukadzi. Murume ngaahwisise nguva idzi odzidza kutaura nomukadzi wake seshamwari panguva dzakadai. Munhu anokupa chiuno chake chese kuti uite zvawada, ndiyo shamwari yako chaiyo. Ziva mashoko okutaura naye anowedzera zemo rake.

Manheru pakunovata kana mukadzi akasununguka pamoyo, murume akamugumbatira akamuudza zvinyaya akamuudza zvaaswera achifunga, kana ange ambomutsa kazemo kadiki kare, mukadzi anowedzera zemo.

Zemo romukadzi rinoda kugarokuchidzigwa moto zvishoma nezvishoma zuva rese. Manheru mava mese wochiwedzera huni moto wagara uchipfuta. Kuti murume ava nezemo oda kutanga kuti mukadzi ngaaitewo zemo, hazviiti. Rinonoka kuuya. 

Murume asingahwisisi mafambire ezemo romukadzi wake munhu akafanana na dhiraivha asina magwaro ekudhiraivha. Haakwanisi kuita Confidence yokuziva kuti mukadzi wake anoda kuvata naye kupfuura kuda kwake iye kuvata nomukadzi. Ndiye munhu waunohwa achiudza shamwari yake kuti muzuvano mukadzi haasi kuda zvinhu. Mukadzi asingadi zvinhu kushaya mukana wekunakigwa nawo pazvinhu.

Kusahwisisa zvinoitika mumuviri weumwe wako kunokonzera kushaya mufaro mumba uye kushaya zvakavinga mukadzi pamusha uyu. Rudo ndicho chinhu chokutanga mufungwa yomukadzi. Akaziva kuti anodiwa, uye haana competition, fungwa dzake dzobva pazvinhu zvisingavaki dzoenda pane zvinovaka musha. Kuvatwa zvinogutsa kunovakisa musha.

Kuti mukadzi anzi aguta anenge apiwa nomurume kusvika aitawo ORGASM yake, zemo roperera ipapo, kwete kuti murume opedza kudiridzira osiya mukadzi achine zemo. Ngatigute tese mumba. Umwe womusi zvinoitika kuti murume akasire, zvikuru kana anga agarisa asina kutapudzwa urume, asi ngazvirege kudaro mazuva ese. Ukaona zvogaroitika kuti unotangira mukadzi wako. Bvunza Mai Chibwe kuti unonoka sei kutunda.

Mukadziwo dzidza kukasira kubva zezo murume achikukoira. Chombo chapinda, isa fungwa dzako pakutevera makoirire ari kuita murume wako fungwa dzako dzizive kune chombo uye zvachiri kuita uye kuti zviri kunakira murume wako. Rerusa muviri ude kuita Orgasm. Isarega fungwa dzichifunga chimwe chinhu dzichibva pakuiswa apa. chemerera, uye udza murume mahwire auri kuita kunaka kwechombo. Kana maoko ako achikwanisa kwizirira matinji murume achikoira. Tarisa kueso kwemurume uone kunakigwa kwaari kuita nomuviri wako.  Uchaona kuti unokasira kupedza kana kupenderana nomurume.




Udzai vamwe!!!ku
Zviratidzo zvemukadzi kana achida kuiswa

12 comments:

Anonymous said...

love yur blog, keep it up

Mai E Chibwe said...

Thank you. Please keep asking questions and making comments so we can all arrive at a good working family protocol in our homes.

Anonymous said...

Thanx for your blog, very helpful. However i need to seek advice from you. i was introduced to a man by a friend and the man is based in a different country from where i stay. We started to communicate and apparently we have fallen in love. He is a divorcee and i have never married but i am a mature woman. Now we are planning to meet. What do suggest i do on the first day. We have talked openly about anything and we miss each other so much. The point is i am clueless of what to expect on the we are meeting for the first time. We are planning to meet in a different country in a hotel and probably spend some days together. please advise

Mai E Chibwe said...

Difficult to deal with this scenario. I would never have agreed to meet up with someone for first time in a confined space like a hotel in a foreign country unless you are ready to deal with what might happen. I assume you are assuming both of you will be adult about the whole thing. My advice would be for you to take control of the situation till you understand exactly where he stands with you.

before you go you must ask him what exactly he is expecting from you and negotiate that expectation to what you want. That done, everything is easier.

if you both agree you want to sleep together, then you use the premise that you have known each other for long and it is not really a first meeting. you also know that he is experienced so if you are also experienced, in your shoes I would not waste time holding back. Nothing to be gained by that, especially if you both think you love each other and you have limited time together.

My view has always been that once you decide to sleep with someone, you can as well do your best at it. Lock him up in the hotel and take good care of him.

On the other hand if you have separate rooms then the expectation is lower and you can decide to limit yourself to talking and getting to know each other. All depends on your expectations.

Anonymous said...

ndingaita sei kuti mukadzi wangu aite zemo

Mai E Chibwe said...

Zemo remukadzi rinobva pakutiiye anofunga kuti sekurity yake muupenyu hwake iri papi. Chokutanga ratidza rudo kuti mukadzi azive kuti anodiwa, cher mukapopotedzana sei, ngaasambofunga kuti haadiwi. Chechipiri mumba mbenyu wedzerai kutaurirana upote uchimubvunza zvaanofunga panyaya ipi neipi zvayo. Mukadzi ngaahwisise kuti iwe unofunga kuti anofanira kuva nezvaanofunga pane chese chaunomubvunza (OPINON)kuti azive kuti mufungo wake une basa pamusha.

Chechitatu ratidza kuti unovimba naye.

Zvadaro uchaona kuti ushamwari hwenyu hunowedzera zvokuti munoudzana twakawanda. Mubatsirewo mabasa emumba kuti ange asina kuneta kana moda zvinhu.

Mutangise kumupa zemo kubva kuchakachena kusvika monovata. Uchaona anaro.

chichishanu poota uchimuudza chimwe chiri paari chinokuitisa zemo wobva wamuudza kuti chiri paari chete hausati wambochiona pane umwe munhu.















9

Anonymous said...

ndinezemo kudarikamurume wangu ndoitasei

Mai E Chibwe said...

Dambudziko iri riri kese. pamwe unoana mukadzi ane zemo kupfuura murume pmwewo wowana murume anaro kupfuura mukadzi. Zviri nani kuti Murume aite kupfuura mukadzi nokuti mukadzi anogona kuvata nomurume chero zemo riri shoma.

Nyaya yokuita ndiyo inonetsa. Chokutanga taura nomurume kuti ahwisise kuti unofarira kuvata naye nguva dzakawanda. Chechipiri kuwana mukana wekumupawo zemo. Izvi zvinoda kut paaitira womukudza nokumuudza kuti wahwa sei pazviri kuti ade kuwedzera.

Varume vanodawo securiry sesu asi zvinovapa security zvakasiyana nezvedu. Murume anoffanira kupiwa CONFIDENCE kuti ari kugona kugutsa uye iwe unoda kuti agaroita. Muudzezve kuti unogarofunga nezvokuvata naye zvokuti paanosvika kumba unotarisira kuti achaita musi iwoyo.

Pakunovata usamirira kuti iye atange. Iwe muridzi bvunza murume kuti "ko tongovata here, ndange takamirira kubva masikati? " makaita musi uno, mangwana bvunzazve kuti Todii nhasi? Isu vaadzi pamwe tindzikisira zvinhu mumba nokungonyarara kumirira kuti saimba achakumbira. Pamwe iyewo anenge achida saini yuti azive kuti Mai mwana vari kudawo. Udza murume wako zvaur kufiunga. Zvikuru kana kuchipisa zemo rinokwira saka rinoda kubviswa. Murume ndewako, sununguka pakutaura.

kana zvokutaura zvichikunetsa chiita REGIME tsva yokutanga kukisa murume womubatabata womunanzva minyatso yake kana kuisveta. Ukazodzikisa ruoko zasi unowana kwati twiii kureva kuti une chanzi

Anonymous said...

Ndoona sei kuti mukadzi wangu aita orgasm asina kundiudza

Mai E Chibwe said...

Kune vakadzi vamabatomaviri panyaya iyi. Kune mukadzi akaroorana nomurume akasununguka zvokuti anokwanisa kutaura nomukadzi wake panya dzese dzemumba uye achiratidza rudo pamukkadzi wake, mukadziwo anohwa akasununguka, zvokuti haana basa nokuti murume amuhwa achichemerera uye paanopedza anoita sei.

Magarire avo pamusha onge akasunungukazve. Toti kana vane musha wavo vega pasina vabereki vanokwanisa kukuhwai muchirhojana, kana dzimwe hama dzinogara nemi dzichivata padzinokuhwai muchiita.

Kana pamusha pakadai mukadzi anotoudza murume cheromurume asina kubvunza kuti zvafamba sei. Iyewo murume anoudza mukadzi wake kuti aguta nokuti basa raitwa nomazvo. Pakadaii hapanetsi.

Kozoti mukazi asina rusununguko. Anongoita zvataugwa nomurume, zvokuti murume atkati bvisa bhurugwa iye obvisa asi zviitwa zvisiri zvake zviri zvmurume chete. Pamwezve mukadzi anotya kuita ruzha nokuti pane hama dzinogara pmusha dzinokwansa kukuhwai muchiita. Kozotizve mukadzi akawanikwa negino remurume anotyisidzira mukadzi omuita sokuti ndiye mubereki wemukadzi, kwahi nokuti ndini murume pano.

Mukadzii akadai haana kusununguka zvokuti kazhinji haatomboiti orgasm yacho. Murume akadaiwo haana basa nazvo anongoda kunakigwa kwake iye iota kana maminutes matatu atopedza otobatwa nehope, zvave zvemangwana.
Ndipo zvinoitika kuti kuda pamwe chete pagore mukadzi anoitawo orgasm pakuvatana kwavo asi kuti audze murume zvinomunetsa nokuti murume wacho haana basa nazvo. Murume akadai kuti azive kuti zvaitika panonetsa nokuti mukadzi haataridzi unakigwa pazvinoitika.

Murume paanotanga kudiridzra mukadzi, mukadzi anohwa kutii murume ava kutanga, nokuda kwezvinoitika kumuviri nemaitire emurumee. Mukadziwo, vashma vanokwanisa kuti uku ari kuita orgasm uku akangoti zii ane CONTROL yemuviri wake. ORGASM yakanaka inosvka kwese kushoka, maoko, fungwa zvese, zvokutii anotombokangamwa kuti munhu. Panguva iyoyo (5 times longer than a man’s orgasm) hazviiti kuti murume asaona kuti zvaitika, uye kuhwa kuti kuchemerera kwacho kwakasiyana.

Kana mukadzi asina kusununguka mumba make haakwanisi kurerusa muviri kusvika pakunaigwa zvakadaro. Varume vedu ndivo vanokwanisa kutirega tichinakigwa kana kutiisa mujeri rkusanakgwa.
Munhu garotaura nomukadzi wakopanyaya idzi kuti zvisamuvhundusa kana kumutyisa kana kumunyadzisa kana kumuita kuti ave munhu akabatika pahana nazvo. Mapedza bvunza kuti zvage zvichinaka here uye kuti apedzawo here, momboita nyaya musati mavata, wmutendawo nokukupa mukana wekunakigwa naye. Mukadzi ngaazive kutii anonakira murume. Ndizvo agoita manyawi okuwedzera.

Anonymous said...

Testing, I will post comment soon.

Anonymous said...

Testing, I will post comment soon.