Monday 11 February 2013

Chigwere chinohi Jeko/ Dysmenorrhea

Jeko chiiko?

Chinonzi jeko kugwadziwa zvakawedzera kana wave panguva yokuenda kumwedzi. Zvinokwanisa kuti ugwadziwe zvokutovata mumubhedha somugwere chaiye. Vamwe vanotosvika pakuchemedzwa nazvo. Kunyika dzinowanikwa mapiritsi unoona vakadzi vakadai vachitmwa mapiritsi aya anohi ma Anti-Inflametory  Pills. Akati siyanei nemaPain Killers.  

Kana uchienda ku Chemist ona kuti watenga aunoda kwete ese ese. Muno muUK tenga ma Asprin, Ibuprofen, and Naproxen, kwete ma Paracetimol. Kana wava kumamwa usawanzisa nokuti anokuvadza LIVER.

Zvinoitiswa nei?

Hakuna anoziva kuti zvinonyatsoitiswa nei asi zvinofungigwa kuti maHORMONE emukadzi anenge asina unyatskwana saka pakuti ava kuda kuenda kumwedzi chibereko chiya chisina kubata mimba mwedzi wese chinotanga kubvisa madziro acho anoita zvokukwatanuka achizobuda riri ropa. Pakukwatanuka apa ndipo panoshaya maHormone akakwana poita pachigwadza.

Pane gurupu remaHormone rinonzi "prostaglandins" rinoti kana mahormone egurupu racho  akawandisa mumuviri wako zvinokonzera kuti uite jeko.

Kotizve kana une chibereko chakarerekera kumashure (tilting backwards) kazhinji unoita jeko uchiri munhu mudiki. Zvinoonekwa kuti vasikana vane zvibereko zvakarerekera kumashure vanowanzoita jeko. Vazhinji vevanhukadzi vane zvibereko zvakati tasa kana kurerekera mberi. Chibereko chemunhukadzi chinoonekwa chakagara pamusoro peBladder chakarerekera mberi kubva muchitubu.

Kwahi kana une chakati tasa kana kurerekera kumashure (retroverted uterus) uri munhu anakwanisa kuita Jeko. Kuti chibereko chako chakarerekera kupi zvinobva pakuti wakazvagwa wakangodaro. Jeko rinokwanisa kutanga paunotanga kuenda kumwedzi kana kunonoka rozotanga wati kurei.  Kozotizve kana uri munhu asingaiti ma EXERCISE kana kuti usina mufaro pamagarire ako, unokwanisa kuita jeko.

Jeko rinoitika wakura: (Secondary dysmenorrhea )
Kozotizve vamwe vanoita jeko vakura (Secondary dysmenorrhea ) inonzi inoitiswa nezvinhu zvakaita seizvi.

·        Fibroids:  Zvinyama zvinongotanga kukura mukati mechibereko.
·        Adenomyosis: chigwere chinoitiswa nokukanganisika kwemadziro echibereko
·        A sexually transmitted infection (STI): zvigwere zvechihure
·        Endometriosis: Zvinosaririra kana sokuti waenda kumwedzi zvotadza kubuda zvese.
·        Pelvic inflammatory disease (PID), Zvinoitiswa nokubata utachiona mumachubhu anounza zai kuchibereko.
·        Ovarian cyst or tumour:  Kuita cancer mufactori dzemazai.
·        Use of an intrauterine device (IUD), kushandisa zvisimbhi zvinodzivirira mimba zvinoiswa muchibereko.


Whisisa kuti chigwere ichi chinowanikwa munyika dzese dzinowanikwa vanhu kadzi. Pakuva nechigwere ichi hazvinei nemishonga yechivanhu. Dai zviri zvechivanhu dai zvisingaitiki kune dzimwe nyika. Nyaya iripo ndeyokuti pane chisina kukwana mumuviri wako. Hapana kuti wakapiwa mushonga nanhingi kana nhingi. Zvinokwanisa kugadziriswa saka dai wambozama kuzvigadzirisa pane kuswera uchichema chema nenyaya dzechivanhu dzisina nebasa rese, kana kuenda kumuporofita wechipositori kana akaita saana TB Joshua naanaMagaya vanorevera vanhu nhema vachivatorera mari. Chaunoda kugadzirisa BALANCE yemahormone ako chete, uye kuudzwa kuti chibereko chako chakarerekera kupi. 

Kana ukakwanisa kuva nomushonga weJEKO, kasira kundiudza ndikasire kukuwanira mari inopfuura mamiriyoni matatu kana mana pasina kupera gore. Ndinodaro nokuti ndinoziva kuti uchapaparika uchindotsvaka kuvanhu venhema ugotambisa nguva uku uchingogwadziwa. 


Mukadzi wemumba:
Hino kana uri mukadzi wemumba, zvinonetsa kutimwedzi umwe noumwe uite mugwere. Imba inoda kugadzigwa uye varume havahwisisi nyaya dzakadai nokutiivo havana zvinoitika kwavari mwedzi umwe noumwe.  Kuti ugohi mai vemba uku uri mugwere hazviiti. Imba yako haivakiki. Chimwezve ndechokuti varume vakawanda vanofunga kuti JEKO zvakafanana ne STI, saka anotofunga kuti iye angabata chigwere, zvobva zvamutyisa zvokuti vamwe havazofariri kuvata newe. Ndinowana tsamba dzakawanda dzichibvunza kuti zvinkuvadza murume here akavata nomukadzi anonetseka ne jeko.

Mazuva aunoita jeko haukwanisi kuvata nomurume saka mubvunzo wacho hauna musoro asi varume vanhu vanonetsa kutsanangurira zvinhu zvakadai. 

Saka ngatitsvakei chatingaita kuderedza ugwere uhu.

Zvaunokwanisa kuita.
Chokutanga enda unoongorogwa navarapi uudzwe kuti dambudziko rako rinobva papi. Usangoenda woti ndiri kuhwa kugwadza apa naapa. Unofanira kuvaudza kuti uri kuda test yokuona kuti ma Hormone ako ari papi. Vachakuudza nezvinodiwa kuitwa. Iwe ndiwe mugwere unoziva zvinoitika mwedzi imwe noumwe. Hwisisa kuti mari yaunobvisa iyi inokwanisa kukubatsira.

Waudzwa kuti maHormone ako ari papi uchahwa vokuudza kuti chitanga kumwa mapiritsi ekudzivirira mimba anovazve anokanganisa mamirire akaita maHORMONE ako mumuviri. Zvinokwanisika kuti urapike nemapiritsi emimba awa, asi kana uri munhu anotoda kuita mimba yacho zvatokuvhiringa asi tsanangura kuvarapi kuti uri kuda mimba. Hwisisazve kuti Jeko hariiti kana une mimba nokuti ndezvekumwedzi saka unotombozorora mwedzi mipfumbamwe.

Chechipiri funga nezvichaitika kwemakore akawanda. Ukamwa mapiritsi emimba ukuzve uchiti mwedzi wopera womwa mapiritsi andataura aya okuti zvisanyanyogwadza, uchanetseka muviri watindivara kumapiritsi okugwadziwa.  Saka fanotsvaka zvimwe zvokuita.

Chechitatu chinja zvokudya zvako. Nyaya dzakawanda dzinoitika mumiviri yedu dzinobva pakudya kwedu. Nyaya dzechigwere ichi kana dziri dzokuti maHormone haana BALANCE dzinoda kumbozama kuwedzera marudzi ezvokudya. Pane ma vhitamen matatu anodiwa nokukasira anoti

Vitamin B1
Vitamin B12
Vitamin E  (hwisisa kuti Vitamin E inohi inoitisa zemo kuvarume, saka ukatanga kubika zvinayo murume wako anokwanisa kuda kuwedzera kukurhoja. Ko handizvo here zvawakavinga, Vhura arhoje, utopururudzawo nazvo. Hekanhi waro!!!)

Saka ngatichitarisa zvokudya zvinowedzera ma Vhitameni awa. Chimbotsvaka zvakawanda zviri pa LIST iyi uwedzere mukudya kwako. Hapana zvakawanda zvinodhura apa. Zvakawanda zvinotowanikwa chero pa MARKET chaipo. Tenga woenda kumba wotsvaka ma RHESIPI okuzvibika. Zvimwe hazvibikwi kungotenga wototanga kudya.


Suppliments

B1 thymine

B12

vitamin E

poultry
eggs
avocado
nuts
cereals
durum wheat (gorosi)
whole-grain breads
most vegetable oils
evening primrose oil
flax/linseed oil
rapeseed or canola oil
hemp oil
soybean oil,   
cottonseed oil,
sunflower seed oil,
corn oil
safflower oil
pumpkin seeds
acai berry
cashews
pecans
pine nuts
walnuts
coconut
Fish oil
oatmeal,
flax, and
Sunflower seeds,
brown rice,
whole grain
rye,
asparagus,
kale,
cauliflower,
potatoes,
oranges,
liver (chicken liver),
eggs.

Beef
Cheese
Egg
Panfried beef liver
Whole cow's milk
Yeast

Wheat germ oil
Sunflower oil
Safflower oil
Nuts and nut oils, such as almonds and hazelnuts
Palm oil
High-value green, leafy vegetables: spinach, turnip,
Avocados
Pumpkin leaves
Sweet potato
Mangoes
Tomatoes raw or cooked
Rockfish
Pawpaw
Low-value green, leafy vegetables: lettuce


Ko kana uchida kuita mimba?

Nyaya dzese dzinokanganisa MaHORMONE dzinokanganisa kubatwa kwemimba. Kuti zvigadzirike teverera gwara iri:

1 Dzikisa hana ugare uri munhu asina STRESS mumuviri wako.
2 Idya zvokudya zvine BALANCE wowedzerawo izvo zvanyogwa.
3 Kana uri munhu ane muviri mukuru tengegwa bhasikoro umbochovha umboonda. mukadzi mukuru anofanira kusapfuura 75 kg BMI yoitawo 18- 24.
4 Kuzoondorokawo bodo. itawo muviri wakafanira.
5 Usagarofunganya nenyaya yemimba. Ingogarokurudzira murume kukupa zvinoitisa mimba wochiona kuti mese munonakigwa nazvo. unongozoona mimba yega yauya.





12 comments:

Anonymous said...

Ko kana munhu akatanga kuenda kuperiods asina jeko.
Chingakonzera kuti azotanga akura chii lets say avakana 20yr nd above.??
Ko kudya muchenje kunga könzeresa jeko here?

Anonymous said...

Tinotenda nemazano enyu. Asi nyaya iripo ndeyekuti chirwere chisingarapiki naana chiremba chinotoda maporofita, nekuti bhaibheri rinoti Jesu ndiye muponesi. Haisi nyore kurarama nepain uchiivhara nemapiritsi kana nediet. Bvunzai vane yeast infection. Ini ndinoti hangu kana une jeko kana ringava ripi dambudziko, waedza zvose zvaungafunga zvikaramba, uri mutendi, enda unonamatirwa upore. Kana uchishora maporofita, bva enda hako kuchivanhu unatsodyirwa mari tione ukapora, or else tambai mese nechirwere chako mujairane.

Mai E Chibwe said...

Ndizvo hazvo chose asi ngatihwisise kuti vanachirema ivavo vanhu vakatopiwa njere nomusiki wedu kuti vamiririre nyaya dzezvigwere mudzinyika. Umwe noumwe ane chaakasararudzigwa kuti aite panyika pano. Ukaverenga kuna Ephesians 4 inokuudza kuti iye muridzi wevanhu ndiye wakasarudza kuti umwe noumwe ave zvaari izvozvo asi mabasa ekusarudzwa anofanira kuva mabasa ekuvaka muviri waMwari kureva kereke.

Asi zvoonekwa kuti vanhu vanozvipa mabasa pane kupiwa mabasa. Basa rokuhi muporofita hariitwi nomunhu asina kusarudzwa, as ndivo vakawanda vavako mazuvano. Anoti bvusa bhurugwa ndikunamatire, ipapo munamato haunei nekubvisigwa bhurugwa. Ndiko tichikurudzira vanhu kuti vakaenda kuvanhu vanozviti maporofita vanodzokako vava ne STI chigwere chaaenderako chichingoripozve, kureva kuti wava nezvigwere zviviri. Handifungi kuti kunamata kunoitwa nomunhu aita zvese akatadza kubatsirika. Kunamata ndicho chokutanga uchitoda mazano okuita. Hakuna baba vemwana vanoudza mwana kuti havadi kuterera kuchema kusvika aturikigwa nyaya yake noumwe munhu. Ngatirege kuudzana zvisirizvo.

Kunamata hakunei nokunamatirigwa noumwe munhu. Iwe wega taurirana nomusiki wako umuudze dambudziko rako. Uchaona kuti anotoriziva nechekare uye ane hanya newe. Ini hangu ndaona tsamba dzakawandisa kubva kuvanhukadzi vakaenda nenyaya dzavo kumaporofita saka sokuona kwangu vanhu namatai mega mudzima dzenyu. Hapana munhu ane ACCESS kumusiki kupfuura umwe.

Zvokuzoendawo kuchikaranga kukoniwawo hako chose asi sokuona kwangu hazvina kusiyana nemaporofita. Kwese kuperegwa zvokuti washaya chokuita chine musoro.

Mai E Chibwe said...

KUTANGA WAKURA:
Kuti dambudziko rizoita wamboita makore uchienda kumwedzi usina dambudziko, zvonofungigwa kuti chikonzero chinotangira pakusava ne BALANCE yakanaka yema HORMONE aya anokonzera kuti chibereko chikure nguva yokumwedzi kana nguva yokuzvara. Kugwadza kwaunohwa kunoitiswa nokushaya ropa rakakwana kuchibereko.
• Zvimwe zvikonzero zvinoti:
• Ma FABROIDS
• Zvigwere zvechihure (STI)
• Zvinyama zvakasaririra pakuzvara kare
• Zvisimi zviya zvinoshandiswa kudzivirira mimba zvinohi IUD
• Kurereka kwechibereko,
• Kusajaira kuita maEXERCISE
• Kufunganya
• Kumwa doro zvakanyaya
• Kukoresa kuita zimuviri rakakurisa.
• Kukasirisa kutanga kuenda kumwedzi toti une makore gumi.
Zvakawanda zveizvi zvinokwanisa kungotanga watombokura usinazvo.

Unknown said...

ini ndakaenda kwachiremba ndikaitwa matest akasiyana siyana anosanganisira mahormones, thyroid etc zvese zvakabuda zviri normal asi ndinorwadziwa nejeko zvekusvika pakuatdza kudya, ndinorutsa ndobuda ropa rakawanda. bdiri munhu anodya zvikafu zvakasiayana siyana zvinovaka muviri uye zvine maVitmin akawanda asi dambudziko harichinje. Ndinoremawo 67kgs nriri munhu murefu about 1.7m

Unknown said...

Chero munhu wamuri kuona kuti uyu arohwa nechikwambo uyu arikuda maprayers ana chiremba havashaye diagnosis yavanoita, saka zvakadaro ini i just think zvejeko zvinotoda kurapwa nekuti vamwe vakanamatirwa vakapora, vamwe vakadya midzi vakapora vamweyo vakaita zvechipatara vakapora

Unknown said...

Ko munhu kadzi akambobara is it fair kuti adyambe kuenda kuma periods kwe 3-5 months

Unknown said...

Ko jeko rinomborapwa neyi pliz help dakuziwawo mushonga vechirungu

Ambrose Jr said...

Ndendichinzwa kuchekwa chekwa pazasi peguvhu,nekuda kurutsa ,kupera simba pamwe ndenge ndichinzwa kutsva and ndisingadi kudya. Sometimes ndotomboita maheavy flows pamwe ndichibudisa mablocks ipa zvinorwadza. Ndibatsireiwo veduwe

Ambrose Jr said...

Ndendichinzwa kuchekwa chekwa pazas peguvhu,nekuda kurutsa ,kupera simba pamwe ndenge ndichinzwa kutsva an ndisingad kudya

Unknown said...

Ini ndatamburawo naro jeko iri tiudzeiwo any mushonga ungatibatsirawo

Unknown said...

Ini ndadzwa nejeko now day four nichirwadziwa andisat ndabata nhumbu sometimes mazuva angu ekunguva anowandisa