Nyaya yomukadzi/murume
anohi akasungwa inyaya inoda kuongorogwa zvakanaka kuti vanhu
vahwisisane nokuti kune vanhu vanoudza vamwe nhema pazviri. Vanotaura vanoti
ivo:
Kune varume vanosunga vakadzi vavo nomushonga wekuti kana
umwe murume akada kuvata naye, chombo chake hachipindi mumukadzi chero zvodii.
Koitazve vakadzi vanoti akasunga murume wake, murume akada
kuhura chombo hachimiri.
Tichitarisa panyaya iyi tinoona kuti zvokutadza kumira
chombo zvinoitika chose kumunhu asingasihuri kana ada kuhura asi achida mukadzi
wake. Imwe nyaya inonetsa pakusamira kwechombo ndeyokuti kana murume akaona
kuti chombo hachisi kumira asina kumbozviona zvichiitika, anobva atotyiswa
nazvo, obva atadza kumira zvachoseZvinonzi akazoonanazve nomukadzi iyeye
anonetseka kumira chombo.
Mukadziwo akazama kuvata nomurume wokuhura naye iye asina
kumbohura upenyu hwake hwese zvinoitika kuti murume anotadza kupinda zvakanaka.
Pamwe vanopedzisira vatadza kuisana zvachose. Pamwe haanyorovi iri nyaya
yokutya kuhura.
Kana nyaya dzakadai dzozotaugwa kubhawa kwahi akazama kuvata
nomukadzi akasungwa ndokutadza kupinza. Ipapo muridzi wenyaya anenge achitya
kusekwa kuti akatadza kupinza chombo saka oda kupa mhosva kumukadzi kuti
mukadzi ndiye anga akasungwa.
Hwisisai kuti dai zvaikwanisika kuti unosunga murume/mukadzi
wako kuti asambokwanisa kuvata noumwe munhu dai vanotengesa mishonga yacho vari
vafumi zvakangofanana navaya vanotengesa madhirezi emuchato ne sutu dzemuchato
nokuti pamuchato umwe noumwe paitodiwa mushonga uyu kuti upihwe vanhu vaviri. Unochaja
mari chero yawada.
Chimwezve ndechokuti zvigwere zvechihure dai kusina munyika
yedu. Waingoti ukafunga kusada kubata chigwere, womhanya wonotenga mushonga
wekusunga murume/mukadzi wako. Munyika medu dai mune vanhu vosvika mamiriyoni
20 kupfuura nokuti dai pasina akafa nezvigwere zvechihure.
Masimoro housi dai kusina zvachose. Varume dai vachitsvaka
kugutira mudzimba dzavo. Mari inobhadhagwa zvimahure izvi dai ichiendesa vana
kuchikoro nyika yese ine vanhu vakadzidza.
Vana vanozvagwa murume atiza dai kusina nokuti murume wacho
aisazokwanisa kuvata noumwe mukadzi asiri wake.
Makambani emunyika yedu anopedza mari achitirena vanhu
vanoti atirenwa oenda onofa nechigwere kambani iya yotangazve kutirena umwe,
dai kusina. Mari yese yokutirena iyi yaizoshandiswa pakuwedzera basa kuti
vakawanda vawane mabasa. Kana ukatarisa nyaya yokusunga murume/mukadzi iyi
unoona kuti zvinoitika kana vanhu vasungana pamuchato wavo zvinobatsira nyika
yese uye mazera ese evanhu.
Zvazvinoreva:
Nyaya iyi ukaitarisa takarerekera kunyaya yemari yenyika
nenyaya dzemabasa nokugarisana zvakanaka tinoona kuti vatongi chaivo venyika
vaikwanisa kutsvaka vanhu vanotengesa mishonga yakadai vovaudza kuti vawedzere
PRODUCTION LINE yemishonga yavo kuti nyika yese ikwane. Taizoonazve EXPORT
MARKET yenyika yedu pamishonga iyi yawedzera zvokutokwanisa kutengesera nyika
dzese.
Chinoitisa kuti zvinhu zvese izvi zvisavako ndechokuti
inhema dzatinoudzana mumabhawa nepamusika. Ukaona munhu anoda kukutengesera
mushonga wakadai ziva kuti imbavha. Nhema dzinokasira kufamba kupfuura
chokwadi. Ukaonazve wada kutenga mushanga uyu hwisisa kuti uri munhu akapusa chose. Kupusa kwakadai kunoitiswa nokushaya zvokuita nomurume/mukadzi wako ari kukuhurira, zvikuru nokuda kwekuti haasi kuguta mumba. Zviri nani dai wafunga kuti ungagutsa murume/mukadzi wako sei.
Chitubu chomukadzi kana chombo chomurume hachikwanisi
kusungwa noumwe munhu kuti chisashanda. Iye muridzi wacho ndiye anozvisunga ne
PSYCHOLOGY yake panyaya dzokuhura. Zvese zvinoitika munyika yedu zvinoitika
mune dzimwe nyika pasina kana nyaya dzokusungana dzinotaugwa. Nyika dzese dzine
vanhu vasingamiri chombo kana kuti vanotadza kupinzwa chombo nomurume iri nyaya
yokutya.
Condition inoitisa kuti ungozoti wava pakuda kuhura wotadza
kuzviita chinohi SEXUAL Anxiety
Uchashamisika kuziva kuti murume wako waunofunga kuti akasungwa, aka jairirana nomukadzi waari kuda kuvata naye, anopedzisira avata naye chete kutonakirana zvokuti. Kozotiwo mukadzi wako waunofungira kuti wakasunga, akasafunganya nokuda kuhura anongopedzisira avata nechikomba chake chete, kutochemererana nokubatirirana nokupiwa urume. Apedza otopukuta chombo chechikomba sezvaanongoita kumba. Iwe uri kubhawa uchifunga kuti mukadzi haapinziki chombo noumwe murume. Ndiwe fuza.

CONDITION iyi inorapika zvokuti vakawanda vanorapiwa pazviri
nokuti zvese izvi zvinokwanisa kuitika pamukadzi nomurume wake. Saka dai uri
mushonga dai zvisingarapiki.
Ukaona munhu anofamba achiudza vanhu kuti nhingi akasungwa ziva kuti nyakutaura ugino zvake anotodawo rubatsiro.
Asi kune vanhu vanoda kuti utye kunyengana nomurume/mukadzi wake uchifunga kuti ane mushonga. Muchirudzi chedu nyaya dzemishonga dziri kwese kana kubika sadza chaiko kunoda mushonga kana muporofita mazuvano nokuti vanhu vava kurarama upenyu huzere nhema. Ukaita NURSE kana DHOKOTERA ukashanda kune imwe nyika gara wakachenjerera kuti ukaona munhu ane CONDITION yakadai ukamuudza kuti akasungwa unodzingwa basa.
Kana une mushonga wekusunga munhu nawo, ndinyorere kukero inoti maichibwe@yahoo.co.uk tikugadzirire mari yakawanda kupfuura yese iri muZimbabwe. Ma kasitoma akawanda munyika dzese dzepasi.
Verengazve apa:
http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/08/kutadza-kubuda-mumukadzi.html
CHALLENGE!!
Kana une chokwadi kuti unoziva kuti kune mushonga wekusunga murume/mukadzi wako, taurirana nomurume/mukadzi wako munotora mushonga uyu mugotiudza kuti mava nawo. Tinokwanisa kukuwanirai mari inopfuura USD one million pagore rimwe nerimwe kusvika mese mafa. Kana kune munhu anotengesa mushonga wakadai munotouya naye munhu iyeye mese naiye munowana mari yakawanda chose.
Kana iwe uri munhu wacho anotengesa mushonga uyu, zvinoreva kuti unoda mari, OTHERWISE dai usingatengesi. Saka tiri kuti kana uchida kuita Millionnaire gore rino risina kupera, uya titaurirane iwe neumwe noumwe wemhuri yako munge mava ma millionnaire panosvika kisimisi.
Asi uchaona kuti vanotengesera vanhu mishonga yakadai havabudi pachena kutaura nezvazvo nokuti vanoziva kuti mishonga yavo ndeyenhema. Kana iri inoshanda munhu anongovhura SHOP yake ototengesa. Hakuna mutemo unodzivisa munhu kusunga mukadzi/murume wake. Hakunazve mutemo unodzivisa kutengesa TECHNOLOGY yacho. Ikozvino dai Zimbabwe ine HUGE EXPORT MARKET ye technology dzakadai.
Kana uchiziva mushonga wekusunga umwe munhu kasira kutiudza tikubatsire kuita BILLIONNAIRE.
Ukanotenga mushonga uyu nemari inoita USD$1000 tiudze uye utiratidze munhu akakupa mushonga uyu.
Challenge iyi ndeye nguva yese (LONG STANDING) saka chero pawaiwanira ukaigona uya tikubatsire kuita mari.
Udzai Vamwe!!!!
kusunga murume
Kusunga mukadzi
Kunamirana nomukadzi wemunhu
Kurambira mukukadzi wemunhu
Chombo chisingamiri
kusamira kwechombo