Tuesday 4 June 2013

Kudanana nomunhu waunoshanda naye

Mazuvano vanhu vakawanda vanodanana nevanhu vanoita mabasa akafanana neavo kana kuti vanoshanda pamwe chete navo. Ngatimboona nyaya iyi mafambire ayo.

Kunyika dzakawanda vanhu vanonyengana pamabasa. Hapana chinoshamisa. Tinotoona kuti vakawanda vanoroorana pamabasa uye vakawanda vanohura nomunhu wavanoshanda naye. Ukaverenga magwaro ekurambana kwevanhu unokasira kuona kuti pane vakawanda vakazvirambisa nomukadzi/murume nokuda kwekuhura nomunhu wavanoshanda naye. Woverengazve matsamba ekukomburena kwavanhu pamusoro pemagarire vo woonazve kuti kune vakadzi nevarume vakawanda vanofunga kuti umwe wavo ari kuhura nomunhu wekubasa kwake.

Ukatererazve mataurire anoita vanhu kubasa kwako uchaona kuti vanonemerana panyaya dzokuvatana nenyaya dzakarerekera ikoko zvinoreva kuti vanhu vakajairana zvokuti vanokwanisa kuudzana nyaya dziri kuitika kumba.

Munhuwese panyika pano anoita shamwari dzamabato akasiyana. Kunoti dzokubasa, dzokutamba nadzo, dzemhuri, dzokuChurch, Dzokumwa nadzo doro, dzokutsvaka nadzo huni, dzokuvhima nadzo, dzokusanganisa nadzo mombe morima pamwe chete. Munhu akachenjera anoziva kuti iyi shamwari inogumira apa iyo yogumira apo.  Panguva yakawanda tinoziva muganhu weshamwari dzedu.

Pamabasa tinoshanda tese kwezuva rese 8-9 hours. Panguva iyi unokwanisa kuziva munhu zvakadzika kuti munhu akaita sei  pamoyo pake. Unokwanisazve kuziva kuti anokuona sei. Kuzoona okunyenga unenge atoona kuti unokwanisa kubvuma kudanana naye. Kana mese musina kuroorana noumwe munhu, hapana chingakunetsai. Munokwanisa kudanana motoudza vamwe vamunoshanda navo kuti mava kudanana ivo votokupai rukudzo pakudanana kwenyu.

Kana umwe wenyu ane waakaroorana naye munokwanisa kudanana pachivande zvinoreva kuti pane ari kuita chihure pakati penyu.  Nyaya dzechihure dzinonetsa kuti nyakuhura haakwanisi kuziva kuchasvika nyaya paanotanga kuhura. Zvinokwanisika kuti uku iwe uri kufunga kuti muri kungohura zvepurezha zvisina kwazvinoenda asi uya wauri kuhura naye otanga achidawo zvepurezha sokuwirirana kwenyu, asi ozosvika pakuita rudo. Zvadaro kuti muchirambana zvonetsa. Munhu ane rudo nomunhu anopenga Havana kunyaya kusiyana pazviito zvavo. Ukaudza munhu anokuda nomoyo wese kuti hauchamudi asi wamboita nguva muchivata mese achifunga kuti ndezverudo, panokwanisika kuita zvinhu zvausina CONTROL pazviri.

Nyaya yemapepa:
Kare kwaimbova nenyaya yokuti ukadanana nomunhu ane mapepa iwe usina ukazoda kumuramba aikwanisa kukuRhipota kumapurisa ezvemapepa kuti ubve wadzingwa munyika udzosegwe kwako.  Izvi hazvishandi muZimbabwe asi kumwe zvinoshanda.

Kukurambanisa newako wekumba:
Mudiwa wako wekubasa anokwanisa kufunga kuti akakurambanisa nowekumba unozoda uye. Anokwanisa kubudisa chihure chenyu pachena iwe wobva waita nhamo mbiri, imwe kumba imwe kubasa. Dzese nhamo idzi dzinokubata zvakasiyana zvichibva nokuti muri kunyika ipi uye SUPPORT yamunowana yakamira sei.
Murume/mukadzi wako anokwanisa kukuisa pakaoma pokuti unoshaya kwekuenda, zvikuru kana usina hama kana shamwari pedo. Upenyu hwako hunokwanisa kuchinja zvakawedzera pasina nguva. Kana uri kunyika dzakaita seUK unokwanisa kubviswa munhuri yako nemapurisa.

Kudzingiswa basa.
Mabasa anonetsa kuwana mazuvano. Ukadanana nomunhu wekubasa kwako zviri zvokungoda kuvata naye, akazoziva kuti haumudi. Anokwanisa kukupomera mhosva dzakawanda zvokuti kushanda naye kunozokunetsa chose. Unokwanisa kuzopedzisira wadzingwa basa iwe naiye muchiziva kuti hapana chakaipa chokubasa chawakanganisa asi kuti wada kumuramba. Kana uri munhu rume hazvinetsi kukudzingisa basa, zvikuru kana uri kunyika dzakaita seUK dzine ma HARRASSMENT RULES pakati pevakadzi nevarume. Kana mukadzi/murume akanoudza vakuru vebasa kuti uri kumunemera kubasa unopiwa warning, akanovaudzazve unodzingwa. Nyaya idzi dzinobva pane zvaunotaura kwaari, zvaunotaurira vamwe pamusoro pake, zvaunonyora pa FACEBOOK, paEMAIL, paTWITTER, paWHATSAPP kwaari kana pamusoro pake.

Hwisisa kuti ukadanana nomunhu kubasa, ukazoda kurambana naye zvisina kubvumirana, pane vanhu kubasa kwenyu vachada kumusapota, kozoitazve vamwe vanoda kukusapota. Pamapoka maviri awa pane richawhinha kana kuruza nyaya yokudzingwa kwako basa. Hino kana pane umwe aimbokudawo ukamutaridza kuti haumudi, toti wakamuudza kuti hauhuri asi iwe wozohura noumwe, wekutanga uya anokwanisa kukufikisa nokuudza vanhu nhema.

Vanhu vaunoshanda navo hadzisi hama dzako. Vanhuwo vari kungodawo basa sewe saka havanei noutano hwemhuri yako.

Kana basa rako riri basa republic sector, ukadzingwa hauzokwanisi kuwanazve rimwe rakadaro, zvikuru kana paita nyaya dzekupomerana pakusabata vamwe vanhu zvakanaka.

Kukusungisa.
Zvinokwanisika kuti kana munhu agumbuka uye aona kuti asvodeswa pamweri peshamwari dzake, toti wanga wamuudza kuti unomuda, iye ndokubvuma kuvata newe achifunga kuti ucharambana nomukadzi/murume wako, mozoti mambohura iwe woona kuti hapana zvaakasiyana newako wekumba woda kumuramba, Anokwanisa kukupomera mhosva dzinosungisa kuti ushaye mufaro sezvaari kuita. Tinoverenga mumapepa nyaya dzakadai. Unoona kuti munhu anokuisa pakaoma, nokuti ukasungwa, unoita CRIMINAL RECORD, uku wodzingwazve basa.

Zita rako rinobuda mumapepa, zvikuru kana uchigara munyika isiri yako vanoona sokuti mabvakure anokanganisa nyaya dzenyika yavo, saka vanobudisa nyaya dzese dzamunoita  kuti muonekwe semusina kukwana. Kana wawahura naye ari munhu wemunyika iyoyo, nyaya inowedzera kukura kuti uya wawahura naye aonekwe sokuti ibenzi rinoda mabvakure. Vashoma vanhu vanofarira mwana wemunyika yavo kuti ahure nevanobva kure. Ukatarisa kana muZimbabwe unoona vanhu vachitsoropodza vanhu vanodanana nevanhu vekuZambia, Malawi, Mozambique, etc, kusvika pakufungira kuti vanovada nokuti vane mishonga. Kufunga kwakadai kunobva pakusatenda kuti munhu akakwana anfada munhu anobva kune imwe nyika.
Mapurisawo ane fungwa dzakadaro saka pavanowana mukana wekukupa mhosva vanokupa. Kuno ku UK vemuno vane kamufungo kekuti vatema havatauri chokwadi. Ukavaudza nomoyo wese kuti hauna kurhepa munhu, havabvumi zvauri kutaura.

Vemapepawo vanowedzeredza panyaya dikidiki kuti iite sehuru vagotengesa mapepa avo. Vanokutevera kukoti kuti vahwe zvaunotaura vagozvinyora neimwe zhira kuti uonekwe kuti hauna kukwana.
Nyaya yokusungiswa ndiyo nyaka huru chose inotyisa.

Zvokuita kana wadanana nomunu pachihure:
Ukaona kuti rudo hauna nomunhu uyu uye kuti wava kuda kurambana naye, zviri nani kuita chimwe chinhu chinoita iye akurambe, kwete kuti iwe utange kumuramba. Kana usina chokwadi pane zvaachaita, mirira akurambe iye, iwe woita sokuti haudi kurambwa. Pakadai dzimwe nyaya hadzizobudi saka zvinoita nani. Iwewo chidzidza chidzidzo chako pazviri.

Kasirazve kuudza mukadzi/murume wako asati audzwa navamwe vokubasa kwenyu. Izvi zvinoitigwa kuti usaiswa pa BLACKMAIL yerudo. Munhu anokwanisa kukudza kuti ukamuramba anoudza mukadzi/murume wako iwe wongotya woramba uchihura naye pakutya kubatwa. Ukamuudza kuti wekumba anoziva kuti wange uchihura, zvinoita nani asi mhosva yave kumba.

Zvokuita kana wahurigwa :
Kana wahurigwa, chokutanga ndechokuti usakasira kuita chinhu pazviri usati wanyatsofunga zvakakodzera zvokuita. Moyo unogwadza chose chose kana waudzwa kuti zvaitika. Tanga wanyatsohwisisa zvese zvaitika usati watanga kutsvaka kuti wotanga papi kugadzisa zvinogadzirika.

Chokutanga ndechokuona kuti kana pane nyaya yemapurisa nemanyuzipaper, usaipindira. Hauna kuhura saka nyaya iyi haisi yako. Kana zvinhu zvichida kuenda PUBLIC, rega ZVIENDE ZVEGA. Iwe imbowana pokuvanda kusvika nyaya yawana pokupotera.

Funga zvokuita. Unoda here murume/mukadzi akuhurira. Nyaya yokumira pamwe chete noumwe wako kazhinji inokanganiswa nenyaya dzemari. Murume/mukadzi kana achitambira mari iwe usingatambiri anokwanisa kukuratidza kuti ukamiusiya hakuna kwaunoenda noupenyu hwako usina mari. Nyaya yemari inonetsa kuivhenganisa nenyaya yerudo. Funga kuti dai pasina mari, pasina zvimwe zvese, tiri kungotarisa nyaya yokuti wahurigwa, unoita sei nazvo.  Wotangira ipapo. Kuvanhu vanoshanda vese vanokwanisa kurarama zvakanaka umwe abva, pane nyaya dzokuti unozvibvunza kuti ukamuregerera zvinofamba sei mberi uko, ukamusiya vinofamba sei mberi uko?

Kana mune vana, unofanirazve kutarisa upenyu hwevana. Varume vakawanda pakangita chihure vanoda kukasira kuudza vanhu nokuzviudza kuti “Hazviiti kuti ndirhojegwe mukadzi wangu noumwe munhu.” Zvokuti pane vana haanei nazvo. Unohwa munhu otoudza hama dzake kuti haana shuwa kuti vana ndevani.

Chimwezve, kasira kundoTESTWA zvigwere zvechihure. Nyaya inowanzoitika kana munhu akatanga kuhura, anoti mazuva aanozvipira kuhura, anowedzera kurhojana noumwe wake kumba. Pamazuva iwawa ndipo paunokwanisa kubata chigwere kokuti uya ari kuhura noumwe wako ari kuwedzerawo kurhojana nowake kumba kwake. Hauzivi kuti akatanga kuhura riini. Kuenda kuTest chinhu chokutanga kuita. Kana une chigwere, zvinoreva kuti vamwe vese vari mugungano renyu rerhoji vanacho.  Wabva kunotestwa ngazvisaita kuti usavata nomumwe wako kusvika mabvumirana kuti nyaya yenyu yapera. 

Pasina zvese izvi.
Kana uchishanda nevanhu vane njere, vasina rusaruraganda, vasinei nevabvakure, vasingadi zvokuhura, iwezve usina kuroorana noumwe munhu usina musikana/mukomana asi uchiona kuti paunoshanda pane vanhu vakakodzera kunyengana navo, hwisisa kuti ukadanana nomunhu wauchaona zuva nezuva kwemakore  akawanda, uchada kuchengetedza kuvimbika kwako nokukudzwa kwako.

Danana nomunhu uyu zvinoratidza nhu hwako ane vanhu vanokuziva. Kana pakadai mukazorambana, uchaona kuti munopiwa SUPPORT yakakodzera mese pabasa. Uchaonazve kuti hamuvenganiswi nokurambana kwenyu. Vese vanoterera nyaya yenyu vanokuhwirai tsitsi vokuudzai kuti dai madzokerana.

Kuona vanhu vane rudo chinhu chinofadza chose zvokuti chero umwe achibva kure ukaona kuti shuwa pane rudo, kazhinji kana uri munhu kwaye mufungwa unosapota zvauri kuona.

Pakudanana kwenyu usakurudzira vanhu kukubvunza nenyaya dzokuti wakaitei nomukomana/musikana  wako madeko. usakurudzira munhu waunodanana naye kuudza vanhu zvamunoitana pauviri hweenyu. Kana ukahwa kuti ari kutaurira vanhu, unofanira kumuudza kuti hauna mufaro nazvo nokuti hazvina unhu saka kana achikuda ngaasataurira vamwe zvakadai. Muite ahwisise kuti vakawanda vanobva pakunyengana vozoenda pakuroorana. Hazviiti kuti vaya vawaimboudza kuti wakafongorera mukomana wako madeko akakurhoja zvinomwisa mvura, vazouya kumuchato wenyu nokuti mufungwa mavo uri munhu asina unhu.

Kurjojerana Promotion pabasa 
Kune vakawanda vanopiwa mabasa nengari yokuvhurira mukuru webasa makumbo kana kubvuma kurhoja mukurukadzi webasa. Mabasa akadai ndiwo hawo uye tinoziva kuti anoitika uye kuti unotopiwa basa racho asi ane nyaya dzakawanda dzinoenderana nazvo. Kana wapiwa basa rakadai, usafunga kuti unokwanisa kurichengeta usingawedzeri pazvinhu zvakuwanisa basa. Kana uri munhu wechidiki mukuru webasa ava munhu mukuru ane mhuri yake anokupa basa kuti gare pedo agovata newe, kana wava nebasa racho unofanira kuwedzera zvakakuwanisa basa. Izvi zvinoreva kuti kana ukaita musikana/mukomana uchanetseka kumuchengeta nokuda kwemukuru webasa.

Kutizve mukuru webasa uya wauri kuvata naye, akaona umwe munhu anoda basa anotangazve kuvata naye zvoreva kuti pamunhu uyu pane vakawanda vari kuvata naye, vese vachifanira kunge vane vasikana/vakomana vavo kuzhe kwebasa. Umwe wavanhu ava akabata chigwere, mese muchachibata.

 Kana usingahwisisi nyaya dzacho dzese usawanokwa padziri.

WEDZERAI VANOWEDZERA


Udzai vamwe!!!!!!
kuiswa pabasa 
kukwirwa pabasa
kuhura nomunhu wekubasa
kuisa mukadzi waunoshanda naye
kuiswa na boss wako

1 comment:

shepherd said...

Vanhu ava vakasvika pakuroorana vanenge vave kugara vari vese all the time zvisina brake zvichireva kuti vanofanirwa kunge vari vanonyatsodanana nekunzwisisana nekuti ma ups and downs ekubasa nekumba haavazorodze. asi vakasvika pakusa roorana panoda kungwarirwa nekuti panozogona kubuda nyaya yekushandisana nekusungisana nenyaya ye ma rape case.

Kumba kukaita problem machanzi ekuti zvisvike kubasa akawanda.

Izvi zvinoda kunyatso ngwarirwa nekuti inyaya inoti tyisei.