Thursday 30 May 2013

Kurambana mamboroorana (divorce)

Tanga waverenga  panyaya dzinorambanisa vanhu 

Ndakambonyora nezvenyaya dzinorambanisa vanhu vakaroorana asi pano ndoda kuongorora nyaya yokuti marambana zvinofamba sei muupenyu hwenyu. Uye kuti kana mune vana upenyu hwavo hunozodii. Kurambana hachisi chinhu chiri nyore, zvikuru kumunhukadzi nokuti munhukadzi anenge aita INVESTMENT yakakura chose pakuroorana nomurume wake. Varume kazhinji vanongotarisa zvavo ivo chete. Vanowanzofunga kuti kurera vana kunongodiwa mari chete yokutenga zvokudya nezvokupfeka. Havawhisisi kuti mwana anofanira kuva nevabereki vake kuti aite STABILITY. Kazhinji ukaona murume achigaroda kuona vana vake marambana murume akatosiyana nevamwe varume.

Mukadzi pakurambana anotarisa zveupenyu hwake nehwevana vake.

Mukadzi ane vana 
Kana mukadzi ane vana akarambana nomurume, kazhinji munoenda kukoti kunoudzwa zvokuita nevana. Kunyika dzakawanda zvinonzi vana ngavagare namai vavo kusvika vana vava nemakore 18. vozoenda kwababa, kana zvirizvo zvavanoda. Asizve kana mwana ava nemakore 11 anokwanisa kusarudza kunogara nababa vake.

Mukadzi ane vana anongodawo kurhojewa sezvinongoita vaya vasina kurambana nevarume vavo. Anodazve kuva mukadzi weumwe murume. Nyaya huru inonetsa ndeyekuti kunyengana nomukadzi wakadai kunoda munhu ane PATIENCE nokuti haana nguva yokumbobudabuda achienda kunowanikwa varume vasina vakadzi.

Izvi zvinoreva kuti kazhinji anoti akawana murume wekushamwaridzana naye, anouya naye kumba kune vana vake, zvinoreva kuti pauviri hwavo vanokasira kutanga kuvata vese vasati vanyatsozivana. Zvadaro vanombonakirana kwenguva asi kana vazoona kuti havana kukodzerana, vosiyana. Mukadzi anotangazve kutsvaka murume wekudanana naye ouyazve naye kumba, zvichingodaro kusvika azowana murume akasvinura.

Kuti azowanikwazve, kazhinji kana uri ku Europe unenga wambotovata nevarume vakawanda uchida kuziva kuti kwaye ndeupi. Pavarume ava vazhinji vavo vanenge vachingoda kuvata newe chete asi vasingadi nyaya yokuti une vana. Paunozozvibata kuti haanei nevana vako unenge watoiswa naye kare hino kuti uchirega hazviiti. Kurhojana kunonaka uye mumoyo mako unoziva kuti hauna nguva yokutsvaka umwe, saka wongorega murume waunoziva kuti haakudi achivata newe. Kunozoti waona kuti hakuna kwamuri kuenda womudzinga wotangazve kutsvaka umwe.

Pakadai vana vanoona zviito zvamai. Inyaya inonetsa kuti uku mwana anotsvaka boyfriend uku mai vanotsvakawo boyfriend. Zvinoda kuti mai vange vachidzidzisa mwana kuti mukomana anosarudzwa sei kwete kuonekwa mai vachitambudzika nenyaya dzokurambana nemaboyfriend vachichemedzwa nazvo nokugumbuka semwana mudiki. Mwana anodzidza zvisirizvo zvinofanira kudzidzwa nomunhu wezera rake.

Mai vaya vanozoti vawana wekudanana naye akasvinura, vogara naye sababa vemba. Pachirudzi pedu, murume wamai ndibaba. Zvinoreva kuti mwana anoti akaona murume wamai oti baba, akaona baba vake oti baba futi. Zvinoreva kuti anohwisisa kuti mai vake vari kurhojana nomunhu asiri baba vake, baba vake vari vapenyu. Kumwana uya anogara namai vake, zvinonetsa kuita EMOTIONAL ATTACHMENT kumurume wamai baba vake vari vapenyu. Tinoona mafirimu akawanda evana vanozama kuti mai nababa vadzokerane kuti uyu umwe munhu abvepo pakati pavo.

Murume ane vana. 
Ukaona murume ane vana achibvuma kurambana nomukadzi wake, agobvumazve kuti vana vake vanogara namai vavo, chiziva kuti murume uyu haasi munhu akakodzera kuva baba vevana ava, Kana akaenda kune imwe nyika, tora vana vako unovanyoresa pazita romurume wako mutsva vakure vasina stigma yemhuri yababa vavo.

Murume ane vana anofanira kugwisa kuti muchato usagugwa, kusvika vana vapfuura makore 18 vese. Kana mozorambana rambanai henyu zvisinei nevana  Murume ndiye mukuru pamusha, ndiye anofanira kuva nemazano eupenyu hwevana vake kwete kurega zvichinopiwa umwewo murume ari kungozvitorera kuti nokuti anoda kugarorhojana namai vevana vacho, iwe muridzi uri mupenyu. Bodo. Handizvo. Murume ngaarere vana vake ega somurume.

Varume kazhinji zvevana havazvidi zvachose. Anotofara kuti vana vapiwa kuna mai vavo nekoti. Vamwe varume anongohi murume nokuti ane chombo asi pasina zvomurume.

Kana vana vaenda namai vavo, anotanga kunyenga vamwe vakadzi otozviona sokuti munhu ari SINGLE. Unoona kana ane FACEBOOK otiochinja STATUS yake kuti vasikana vagomuda vachifunga kuti haana mukadzi nevana. Hazvinonoki kuti atange kuuya navo kumba kuzorhojana navo pasina rudo.  Kazhinji kunozoti kwapera nguva ochitanga kutsvaka wekuroorana naye uku apedza nyika yese kurhoja vaya vange vachirhojanawo nezvimwe zvigeven'a zvakafana naye. Ipapo zvigwere bvuu. Kwahi ndiri kudya nyika rutivi.

Murume ane vana anofanira kutsiga azvibvunza kuti chii chakakanganisika pamuchato wangu namai vevana, Kana zvichigadzirika ogadzirisa vana vokura nevabereki vavo. Kana mukadzi wako akakuhurira iwewo wakambohura akakuregerera, zvoreva kuti unofanirawo kumuregerera nokuti kuhura zviito zvenyu mumba menyu. Kwete kufamba uchitozviudza kuti "Handiisigwa mukadzi naFiripi ini" asi iwe wakaisirawo Farai. Ipapo murume wacho ari kuti haadi mukadzi anohura, ndiye airamba kurhoja mukadzi wake mumba mukadzi asati atanga kuhura. Kana uchigaronyima umwe wako mumba, ziva kuti uri kupfumbidza zhira yokuti afunge kuhura. Kuiswa nomurume wako mumba chinhu chikuru chose chisingafaniri kushaikwa kana kutambiswa kana kuti watsamwa worega kuchiita.

Kupa mai vevana vako mari pamwedzi handiko kurera vana vako. Vana vanoda RELATIONSHIP navabereki vavo inovadzidzsa nezvoupenyu.

Kana maita vana nyaya yenyu yatosvika pakakuomerai kurambana. Kana mazorambana matoiwedzera kuoma.

Mukadzi nomurume vasina vana. 
Kana musina vana mukafunga zvokurambana rambanai henyu asi hwisisai kuti mukazosangana pamasangana, sevanhu vakambogara mese muchirhojana, monokwanisazve kuzorhojana umwe musi. Hameno kuti vanhu takaita sei asi munhu wawambogarovata naye, chero akazoroorana noumwe munhu, mukasangana pane mukana wekurhojana kazhinji zvinoitika.

 Kana mange mamborambirana nyaya dzokuhura, mozoti mange maparadzana kana mwedzi mitanhatu mosangana morhojana, zvinoreva kuti kurambana kwenyu hakunei nokuhura, nokuti apa muri kutovatana muchiziva kuti pamange makaparadzana apa mange muchivata nevamwe vanhu. Saka dai makatorega zvenyu kurambirana nyaya iyi vanhu venyu vaitoita vashoma.

Zviri nani kurambana musina vana pane kuzorambana mamboita mwana.

Pakurambana
Panyaya dzinorambanisa vanhu pamusha tinoona kuti huru yadzo kusazvininipisa pamberi pemudiwa wako. Kuda kuzvipa chinzvimbo chisingakukwani kwakaipa, toti murume asingazivi kuti kuita baba vomusha zvinorevei kana mukadzi asingazivi kuti kuita mai vemusha zvinorevei. Unoona vachingopopotedzana sepwere dzinogwira chokutambisa, nyaya ichibva pakusaziva RESPONSIBILITY yako sasamusha kana mai vemusha.

Pakadai mukarambana mukanoroorana nevamwe vanhu munorambana futi nokuti hamuna kugadziridza kusahwisisa kwenyu panyaya dzokuroorana. Munhu ukaona kuti pamusha pako hapana mufaro, gara pasi newawakaroorana naye mugadziridze nyaya dzenyu.

Kana uchirambana nomunhu, rambanai muchiziva kuti zvese zvinogoneka kuitwa mazviita zvikatadza kushanda. Hakuna munhu asingagariki naye kana achida kugarika naye. Kurambana kunotogozha kupguura kuroorana saka musafunga kuti inyore. Marambana kudaro hazvipereri ipapo. Muchatosanganazve nyaya yenyu yoenderera mberi noumwe mutovo wakasiyana nezvamuri musati marambna.

Kurambana handiko kugadzirisa nyaya nokuti hapana chazvinokubatsira. Kuramba kubvuma kuti watadza kugadzirisa nyaya dzenyu. Panyaya dzekuhura nedzehasha, kana uriwe uri kuzviita asi usingadi kuti murambane zvechokwadi. Kumbira kuti mumboparadzana kwekanguva muchifunga kuti modii nenyaya dzenyu. Madaro pakuparadzana kwenyu ongorora kuti VALUE youmwe wako iri papi muupenyu hwako, wozvibvunza kuti unomuroverei uye sei uchimuhurira. Kana dziri nyaya dzokuti haanaki pakuvatana kwenyu unokwanisa kumuudza kuti zvinoita hure/hurerume rauri kuhura naro ndeizvi neizvi neizvo saka iye ngaazvidzidze izvozvo kuti mugare mese.

Chinonetsa ndechokuti vanhu hatidi kutaurirana chokwadi zvinhu zvichakanaka. Tinomirira zvosvika pakaoma tozofunga yokurambana asi tisina kumboudzana zvacho zvisiri kufadza. Ini ndagara madare akawanda evakaroorana. Unoona kuti chiri kupokanisa vanhu ava shuwa musoro chaiwo hachina asi kuchigadzirisa havadi.

Muchiri kufunga kuroorana paya garai pasi mutaurirane zvamunoda nezvamusingadi. Monyorerana pasi. Ndikawana nguva ndichasiya pano gwaro rinofanira kushandiswa nevanonyengana kana vada kuchiita masiriyasi nenyengano yavo kuti vakwanise kutaurirana zvavanokoshesa muupenyu. Munozopinda pakuroorana mese muchiziva zvamunoda kuti zviitike mumuchato wenyu. Ukazokanganisa unenge wava kuzviitisa.

Paya maroorana mukazorambana, pane imwezve nyaya inonetsa zvokuti makore maviri kana matatu ekutanga kuparadzana anokunetsai mese. Iri nyaya yokuti mukasangana kumwe kusina vanokuzivai, munokwanisa kungohwa rudo futi zvamaichiita kare, mopedzisira matomborhojana futi pauviri hwenyu. Zvoita sokuti chihure nokuti pamwe menge mava nevamwe vanhu muupenyu hwenyu. Tinoona vakawandisa vachimbovata nomurume mukadzi wekare asi mutsva avapo. Murume kazhinji akasiya mukadzi ane vana naye, panoita nguva yaanosangana naye kuti aone vana. Ipapo munoita nyaya pamwe mombovata mese.

Mukadziwo kana asina murume mutsva moyo unenge wava SOFT kubva pakutsvamwirana kwakakurambanisai. Anoona murume afunga mazuva akare otoitawo zemo. Vakamborhojana havashayani.

Potizve ukazoroorana nomunhu akarambana noumwe hauiti CONFIDENCE yokuti munhu wawaroorana naye haavati nomurume/mukadzi wake wekare. Izvi zvinoitika nokuda kwekuziva kuti vakawanda vanovata nema EX avo. Hakuna munhu asingazivi munhu anohura neEX yake, EX yacho yakatoroorana noumwe. Ukagara pasi ukatanga kuzvifunga unokwanisa kutoverenga vaunoziva vanozviita. Pano ndinowana mwadhi dzakawanda dzichibvunza mazano okurega kuvata ne EX, kuri kutya kuzobatwa nomurume/mukadzi mutsva.

Kurambana nomunhu wako kumufosa kuhura. Kana uchimurambira chihure, wava kutomuwedzera chihure.

Nyaya yepano ndeyokuti vaya vari kufunga zvokurambana nomurume/mukadzi vahwisise zvimwe zvezvinoitika panyaya iyi kuti vanyatse kuziva zvokuita. Musoro nemoyo pakadai zvinokwanisa kusadudzirana zvakanaka kusvika wasarudza zvinhu zvisina kukufanira.


Taurai tihwe vane Experience yazvo.!!!! 


No comments: