Saturday 25 May 2013

Kutorana mapikicha muchirhojana

Kutorana mapikicha nemavhidhiyo muchirjojana chinhu chava kukwanisika kuitika mazuvano nokuti michini yedu yatinoshandisa yakaita sefoni, Tablate, zvine CAMERA, kozotizve maCAMERA acho achipa zvokuti munhu wese anayo muhombodo. Vakawanda vane ma kombiyuta zvokuti kana ukatora vhidhiyo unokwanisa kuigadziridza woichengeta yakaita zvaunoda kuti iite.

Tinoonazve kuti vanhu vanodana vanokwanisa kutorana vachirhojana kuti kana vaparadzana vagotarisa zvavaichiita kuti vahwe vari pedo napedo. Vanhu vakawanda vanozviita izvi munyika dzakawanda.
Chinonetsa panyaya dzorudo ndechokuti kana uchidanana nomunhu wausina kuroorana naye mukaita vana, zvinonetsa kuziva kuti anokuda zvakadii. Kutozve kana munhu ajaira kuvata noumwe munhu zvinonetsa kurega kuvata noumwe munhu. Saka pakuparadzana paya munokwanisa kunge muchidanana henyu asi kana mava kure nakure munoda munhu wekuvaraidzana naye. 

Zvikuru varume vanopatsanisa rudo ne Rhoji mufungwa dzavo. Unohwa murume achiti ari kungovata nanhingi hake asi haamudi, ndezvokunakigwa chete. Zvadai iwe ukazoziva kuti ari kuvata noumwe munhu ukagumbuka nazvo, ukarambana nomurume uyu, ipapo iye ane mavhidhiyo anoonekwa iwe naye muchiisana, nyaya tenyu inonetsa. Iwe somunhukadzi unoda kuti REPUTATION yako isakanganisika. Murume akaisa vhidhiyo yenyu pa INTERNET vanhu vanomukudza iye asi vanokusvoverera iwe mukadzi. Inyaya isingagadziriki nokuti kana vhidhiyo yatomboenda paInternet haichabvisikipo.

Chero ukaenda kumapurisa mukaudzwa kuti vhidhiyo ngaidzimwe pa Internet, unoona yavapo pane imwe website nokuti vamwe vanhu vanenge vakopa vachiichengetera pamafoni avo nepamakombiyuta avo. Hakuna mupurisa anokwanisa kugadzirisa nyaya dzakadai. Zvikuru kana muri kunyika dzakasiyana.

Chimwezve ndechokuti kana magadzira vhidhiyo yenyu munoichengetera pai? Ikaichengetera pa DVD wokiira DVD rako pakasimba, kana kuchewngetera pa laptop mumba, unokwanisa kupazigwa imba zvinhu zvobiwa, wozoona vhidhiyo yenyu yave paInternet. Hakuna pokuchengetera vhidhiyo yakadai panohi pakasimba. Vamwe vanoti munofanira kuisa PASSWORD paFILE yevhidhiyo yenyu. Handifungi kuti zvinoshanda zvokukwanisa kudzivirira vanhu kuona vhidhiyo yenyu.

Tinohwa vamwe vanoti kana vachinyengana vachangodanana vanotumirana mapikicha avo vasina kupfeka. Panguva iyi Havana chivimbiso chokuroorana kana kudanana kwenguva refu. Vakangopokana panyaya dikidiki vanosiyana asi uku vatova nemapikicha avo vasina hembhe. Mapikicha akadai unozomaona pa FACEBOOK, nemamwe ma Internet Pages. Unohwa murume akasvinura achinyora kuti ipikicha yehure rake ipapo uya ari kuhi hure haana kana kumbohura naye asi akangomutumira pikicha yemazamu ake. Zvinochipisa vanhu.


MuZimbabwe ukabatwa une pikicha youmwe munhu kana yako usina hembe unosungwa. Vanokusunga nokuti hazvibvumigwi kutora pikicha dzakadai. Ukabatwazve une zvakanyogwa zvinosvodesa, unosungwa. Hwisisa kuti mutemo wakadai wakaitigwei. Hakusi kuti mapurisa emuZimbabwe anofarira kusunga vanhu asi kuti vanoda kutivanhu vasazviwana pakaoma apa nokuda kwekusahwisisa zvinokwanisa kuitika. Hwisisa kuti kutorana mapikicha kunokwanisa kunakidza hako chose asi ziva pawakatsika kana moda kurambana iwe usingazivi kune mapikicha nemavhidhiyo acho. 

Dai zvaigoneka kuti mutorane asi iwe wochengeta ese, zvaiva nani asi hazvigoneki. uri munhu wechidiki nhasi asi mangwana uchaita mai vemba. 

Tinoonazve kuti kubata munhu achihura hazvichanyanyi kunetsa kana waziva kwavari kuhurira. Mapikicha nemavhidhiyo hazvinetsi kuwana. Matikitivha anotevera munhu haachadhuri mazuvano.

Mabasa emazuvano
Mazuvano kune vakawanda vanoti kana ukanyora tsamba yokutsvaka basa, vanoenda paGOOGLE vachinotsvaka zita rako kuti vaona kana uri munhu anozikamwa. Ipapo mapikicha aya awakatogwa akaiswa paINTERNET anoonekwa. Basa racho hauripiwi. Zvinoonekwa sokuti uri munhu asina unhu.

Mabasa akaita sechipurisa, Nurse, Doctor, nemamwe ari pa PUBLIC, hazvizoiti kuti upiwe basa rakadai.




Udzai vamwe!!!

3 comments:

Anonymous said...

ndinotenda
nerudzidziso rwamunotipa kunyanya isu wechidiki vachangotanga misha.
ndaikumbirawo kuti mubatsire panyaya yekunge munhukadzi akazvitakura
kubvira pakuchengetedza mumba mako kusvika pakubata murume zvakanaka
especially uine nhumbu yekutanga

shepherd said...

Good mind opener. Dai vasikana nevakomana vaka dzidzawo dzidziso iyi. Asi too bad ndinoona kunge i adult site ino. Kana mungandibvumire here kuudza ma teenagers nezve blog renyu kana ndere vakuru chete ?

Mai E Chibwe said...

Blog ino ndeyemunhu wese ane makore kubva pa 16 zvichikwira. kana musikana ava nemakore 13 zvoreva kuti ava kuenda kumwedzi kureva kuti anokwanisa kuita mimba. Kana ava 16 anobvumigwa kuva mukadzi wemunhu saka anofanira kuziva zvinhu zvakadai kubva ari pamakore 13 kuti zvisamutenderedza musoro kana ozviona.

Mukomana ane makore 14 akura zvokukwanisa kuzvirotera, kureva kuti anobudisa urume hunokwanisa kuzvarisa mwana. Anofanira kuziva zvakadai kuti pkaitika kuti avata nomusikana vese vange vachihwisisa zvavari kuita. Kuno kuUK kune zvana zvakawanda zvinoita mimba saka mazuvano vanotanga kuvadzidzisa izvi vane makore 8.