Monday 29 July 2013

Kuvatana Paushamwari Hwenyu

Mazuvano kune vanhu vaka tanga kuita tsika dzimwe dzange dzisiko kare. Imwe yetsika idzi ndeyokushamwaridzana navanhu vakawanda vasina vakadzi/varume. Iri ngari yokuti musi wawahwa kuti muviri wako uri kuda rhoji unofonera imwe yeshamwari idzi youya kumba kwako kana kuti iwe woenda kumba kwayo monorhojana, mapedza modzokera kudzimba dzenyu pasina kuti munodanana asi kungoti muri kubatsirana paushamwari hwenyu. Pauviri hwenyu munobvumirana kuti kana umwe akafona zvisinei kuti inguvai, unomuka woenda kumba kwake monorhojana.

Ushamwari hwenyu hunobva pakuhwisisa kuti muri kungoda kuisana chete hapana zvokudanana kana kupanana maSTRESS nokubvunzana mibvunzo inobvunzwa nevanodanana:

Wange uripi nguva yese iyi?
Number iri pafoni pako ndeyani?
Musikana/mukomana wawange unaye muTown ndiyani?
Sei usina kunditengera chinhu paBIRTHDAY rangu?
Ko ndikaita mimba tinoita sei?
Unondida zvakadii?
Tinoroorana riini?

Zvinonzi mubvunzo chete weshamwari dzerhoji idzi ndewekuti "unokwanisa here kuuya kana kuti ini ndiuyeko tizorhojana? Ndine zemo" Uya umwe woti ndinokwanisa kana kuti handikwanisi. Kana ati haakwanisi, uya nyakufona ofonera imwe futi shamwari yerhoji kusvika awana munhu anokwanisa, vosangana vorhojana vodzokera kudzimba dzavo kana kuvata kwavarhojerana ikoko.

Shamwari dzakadai dzinohi pachirungu " FRIEANDS WITH BENEFITS kana kuti SEX BUDDY" Zvakatangira pakuti vanhu vaiona kuti akadanana nomunhu waasinganatsi kuhwisisa anoona upenyu hwake hwochinja kubva paanga achiita zvaanoda kusvika pakuhi ita ichi kana icho nomunhu waanofunga kuti anoda. Upenyu hwake hwopedzisira hwava hwekupopotedzana nokupokana nomunhu uya, Zvadaro vorambana asi vambovata vese oona sokuti ashandiswa. Adaro otsvaka umwe zve munhu wekudanana naye oshandiswazve zvichingodaro kusvika avata nevasikana/vakomana vakawanda pamwe abata zvigwere zvakawanda.

Kuvatana pasina AGREEMENT dzorudo zvinohi iwe munhu wega wega unofanira kuziva kuti munhu waunofonera ane dzimwe shamwari dzaanofonerawo kana iwe une umwe munhu kana kuti usina zemo musi iwoyo. Saka pakadai unozvionera wega kuti wadzivirira zvigwere. Hauendi kumba kwemunhu usina kondhomu. Iyewo haakufoneri asina makondhomu ake.  Saka mese munogara muchiziva kuti kana nhingi akafona kana kutumira TXT, ari kuda kuiswa/kuisa.

Hapana chibhende.
Hapana kusahwisisana.
Hapana nyaya dzorudo.
Hapana majerasi
Hapana zvokunyimana muchiti matukana
Hapana kutsamwirana
Hapana COMMITMENT
Hapana zvokutengerana zvinhu
Hapana zvokuvhakashira hama kana kuzikamwa nadzo.

Kana umwe wenyu akazoudza umwe kuti ava kuda mukomana/musikana wekuroorana naye, munongosiyana zvopera zvakadaro hapana nyaya. Unongobvisa number yake pafoni yako matoparadzana. Hapana kuchemerana kana kugumbukirana.

Tichiongorora nyaya iyi tinoona kuti inoratidza zvakawanda pamusoro pevanhu vanozviita. Isu pachirudzi chedu kwange kusina nyaya dzakadai kare nokuti tsika dzedu dzaipa RESPONSIBILITY kumunhukadzi kuti humhandara hwake chinhu chikuru chokuti kana ukachitambisa, waizosvodeswa ugosvodesa vabereki, ugosvodesa hama navanhu vese vomuraini. Hino mazuvano Chero murume anokuroora unotohwa achikuudza kuti mazuvano kana murume achida mhandara ngaaende kunomirira pahosipitari oroora rusvava. Zvinoreva kuti vanhu vakawanda vari kurorhojana nguva refu nevanhu vakawanda, vasati vafunga zvokuroora kana kuroogwa. Tsika dziya dzakare kwasara vashoma vanodzitevera. Asi hazvirevi kuti mhandara nemajaya hakuna asi kungoti kwava nevamwe vasinei nazvo.

Imwezve nyaya ndeyokuti kuhura hakuchaonekwi sechinhu chakaipa. Kune vamwe chinotova chinhu chokuzvirova dundundu kuti ndini shasha yokuhura. Ndosaka vasingashandisi mavara anotuka akaita sokuti KUHURA. Vanopa mazita matsva kumunhu ainzi HURE kare  ava kuhi
FRIEND WITH BENEFIT
SEX BUDDY
OPEN RELATIONSHIP
NO STRINGS ATTACHED SEX

Ndakahwa umwe ichitaura kubasa kwahi "Patakarambana ndakamukumbira kuti ngatiite ONE FOR THE ROAD ndokubva taita ndokuparadzana hedu. Ikozvino tangove shamwari dzisina zvimwe."

Party dzerhoji chete
Kune vanokoka vanhu kumitambo (Party) yokudya nokurhojana chete. Unotoenda uchitoziva kuti ndaveko ndichatoti ndirhojewe nevarume vakati wandei ukuwo varume umwe noumwe anorhoja vakadzi vakawanda zvichibva nekukwanisa kwake. Unoenda nemakondhomu ako muHandbag. Wasvikako munodya zvabikwa kana zvatengwa, moridza MUSIC vanorhojana vachirhojana vamwe pachena vamwe muzvikona zvakavanda. Kunozoti party yapera, mopfeka nhumbi dzenyu moenda kudzimba dzenyu. Unohwa zvohi "Takanakigwa zvokuti neParty yanhingi."

Swapping
Kotizve vamwe murume nomukadzi vanoshamwaridzana noumwewo murume nomukadzi, vopota vachivhakashirana vachichinjana kuvata nomurume nomukadzi weumwe paushamwari hwavo. Unoona murume wako achipinda musipeya neshamwari yako wotohwa vachichemererana imomo iwewo wasara nomurume weshamwari yako muchichemererana muBEDROOM yako. Mapedza moita nyaya moonekana voenda, Vhiki inouya muri kwavo muchiita zvimwezvo.

SHARING
Kotizve nyaya yokuti Husband sharing yatove nemakore iriko zvikuru muUSA. Murume anoti kamwe chete kana kaviri pavhiki anovata kumba kwemunhu waunoziva waunoita nyaya naye waunoziva STATUS yake yezvigwere wawakabatsira murume kunyenga. Toti une shamwari yako isina murume yava nenguva ichitsvaka, iwe womuhwira tsitsi, ukuwo murume wako anoda zvechihure asi iwe haudi kuti ahure nevanhu vausingazivi, womuti chipedzera shungu pashamwari yako yaunoziva kuti ndezve TEMPORARY kusvika awanawo murume wake. Unotoudzwa kuti madeko zvakafamba sei. Shamwari yako inotouya motaurirana zvamunoita zvinonaka nomurume wenyu.

Izvi hazvina kusiyana nezvinoitwa navakadzi vechipositori kumusha.Kuhura kwevarume vavo kwakangofanana asi kungoti havahwisisi kuti kuhura.

OPEN Relationship:
Kotizve vamwe vanoita zvinonzi OPEN RELATIONSHIP asi vakaroorana kana kuti vachingodanana. Vanobvumirana kuti umwe noumwe akawana munhu waangada kuravira kamwe chete kana kakawanda anotanga auya kumba oudza umwe wake kuti pane munhu waanoda kuvata naye. Vanobva vabvumirana musi wekuti aendeko. Adzoka anorondedzera kuti zvainaka sei. Zvadaro uya warondedzegwawo akawana umwe munhu waanoda kuvata naye anotanga auya kumba kuzotaura zvaari kuda kuita ozonozviita.


Musafunga kuti kwedu hazviko izvi, Zviriko asi maitikire azvo ndiwo akasiyana.  MaSMALL HOUSE iSHARING yokuti mukadzi haapopoti kana achiziva kuti murume ari kweSMALL House asi kana murume akatanga kuvatana nomumwe mukadzi vese SMALL House namai vemba vanopopotera murume.

Kune vakawandazve muZimbabwe vanovata nevakadzi veshamwari dzavo idzo shamwariwo dzichivata nevakadzi vavo. Kusiyana ndekwekuti hazvitaugwi mumba kana paushamwari hwavo asi vese vanenge vachiziva kuti zviri kuitika.

Dogging:
Kune yavanoti DOGGING yokuti vanhu vakawanda vanosangana pane rimwe sango vovatanana nevakawanda vauya. Moita kana 4 hours muriko, mobva madzokera kudzimba dzenyu. Zvinoitwa manheru mumota kana musango mota masiya makapaka panokwanisika. Munotoenda mune makondhomu enyu muchiziva kuti munonokwirana nevamwe vamunosangana navo ikoko. Kana uchida zvokunanzvana woenda nemvura yako yokugeza pamberi.

Inohi DOGGING nokuti hazvina kusiyana nemafungire embwa. Mukadzi anodzokako akwigwa nevarume kana vashanu. Murumewo anokwira vakadzi vaakwanisa panguva iyoyo. Vatengesi vemishonga yokumisa chombo vanenge variko futi vachiitawo mari. Mu UK DOGGING inoitwa nevakawanda chose. Mumabasa umu unotohwa vanhu vachikokana kwahi hendei kwakati weekendi ino kune DOGGING SESSION.


Chii Chatinoona apa?
Munhu anokwanisa kuva ne FRIENDS WITH BENEFITS munhu ane nyaya dzakawanda. Iwe unobva kwawabva wosangana nomunhu ane shamwari dzake dzaanofonera achivata nadzo chero paadira iwe woshanda naye kana kusangana naye kuwewo hako monyengana usina chaunoziva pazviri, wozokwanisa kuroorana naye. Hakuna kwamunoenda nomuchato wenyu pakadai. Ipapo iwe unenge usingahwisisi kuti chawakanganisa chaicho chii.

Chinhu chikuru kuti kana uchisangana nomunhu mutsva ukaona kuti paita nyaya dzokudanana, ongorora munhu wako zvakadzama, kutanga waziva zviito zvake usati wadanana naye kana kuisa moyo wako paari. Mazuvano vanhu tinofamba munyika nenzvimbo dzakawanda kureva kuti hationekwi nevanotiziva pazviito zvedu. Usangoona kunaka kwemunhu pakutarisa wobva wafunga kuti wabata JACKPOT.

Vanhu vava kuita chihure vachishandisa mazita matsva pachiri zvokuti kana usina fungwa unoona sechinhu chisina maturo wozopepuka watova mumba nomunhu ange ajaira kuhura. Kuti uzomuudza kuti ava mai/baba vemba saka chihure bodo, zvokunetsa.

Hapana chakaipa kuita shamwari dzekuhura nadzo asi kungoti kana wazoda kuroora/kuroogwa woda kutsvaka munhu anga asingaiti zvakadai. Kuvhenganisa vanhu vechihure nevasiri vechihure zvinokonzera nyaya dzakawanda dzinoshaisa vaye vange vasingahuri mufaro muupenyu hwavo.  Toti murume anozvibata osvika makore 25 asina chaaita, ozonyengana nomusikana ange achiita zvechi FRIENDS with BENEFITS nevarume kuda 8 kana kupfuura, osaudzwa kuti ndipo pane nyaya kusvika aroora mukadzi ava nemimba, anotangira papi pakadaro? Upenyu hwake hwese anenge achingoti umwe murume waasingazivi akanyemwerera mukadzi wake ofunga kuti aimbova nemaBENEFITS kare. Musikanawo akazvichengeta kusvika makore 22 ozoroogwa nomurume ange ari muzviitwa izvi. anongoti chero parira foni yemurume ofunga kuti igero rake raaichimbopa maBENEFITS.

Hazvigoni kuvhenganisa vanhu vemaBENEFITS nevanhu vounhu. Chihure chinongoda kuti kana wachitanga wongogumira ikoko kuvanhu vanozviita chero ukazoda zvomuchato wochata nomunhu wawakasangana naye ikoko kumabasa akadaro.

Ndiko saka chiri chinhu chikuru kuti uchisarudza uhwisise kuti munhu wauri kusarudza munhu akaita sei. Tsvaka mutikitivha ambotevera munhu uyu aone kwaanoenda kana asinewe. Mazuvano hazvichadhuri. USD 50 chaiyo inokubhadharira munhu wekutevera munhu waunoda kudanana naye. Zvinokuchengetedza upenyu uye mufaro.

Ukangomhanyira kudanana nomunhu wausina kuongorora uchaita upenyu hunogozha, uye upfupi.

Shandisai makondomu kana muchiisana paushamwari hwenyu muchiziva kuti muri kuvatazve nevamwe vanhu. 


WEDZERAI VANOWEDZERA

UDZAI VAMWE!!!

Kuvata nomunhu wausina kunyengana naye.


1 comment:

Anonymous said...

Mahure ari kwese nhaika. Zvirwere zvega zvega.