Saturday 17 August 2013

Chibereko chiri padivi

Ndoda kumboongorura dambudziko rechibereko chomunhukadzi chakarerekera kurutivi. Kune mabato maviri anoti

Retroverted uterus
Retroflexed uterus

Asi dzimwe nguva vatauri vanoti 
Tilted Uterus 
Tiped Uterus


Ngatitange nokuhwisisa kuti chibereko hachina kunyatsosungwa nemabhaudhi sezvakaita injini yetarakita kana bhazi. Pachiri chakagobatwa nebharanzi yemamasuru zvokuti chinokwanisa kufambafamba zvichibva nokuti murinda ari kuitei. Saka chibereko chinokwanisa kutarisa padivi uye kurerekera kumashure mukova wotarisa padivi.







Kuvanhukadzi  zvinoita kuti chibereko chinge chakarerera kumashure kozoitawo mukova wechibereko panova panobuda nomwana muchibereko pakuzvara, unokwanisawo kutsveyama zvokuti hauchatarisi pakaruramana nechitubu chinopinda chombo. Kune vati kurei kusvika makore anoita 50dambudziko iri rinowedzera kuwanikwa mavari asi hazvirevi kuti tese ndiko kwatiri kuenda. Vamwe havazviiti. 

Tarisa papikicha uone kuti papikicha yokutanga inoratidza chibereko chakagara zvakanaka chakarerekera mberi zvokuti
1 Kana ukavata nemanhede murume akakupinza chombo zvinoonekwa kuti paanokupa urume, hunonoungana pedo nomuromo wechibereko.
2 Ukafongora pakuiswa, chibereko chinenge chiri pakanakazve pokugamuchira urume
3 Ukaita mimba inokurira mberi kwako pasina puresha paura.
Mwana kana oda kutendeuka haanetseki.

Pikicha yechipiri
1 Chibereko chamira kumusoro kwechitubu kureva kuti chaita zvokumuka kunozemberana noura
2 Murume akakupinza chombo mukatanga kukoirana unokwanisa kugwadziwa nazvo.
3 Kana chikazara ropa rekumwedzi unokwanisa kuhwa kupuresiwa nouremu hwacho
4 chinopuresa kuseri kwenzira yeweti saka unokwanisa kungogara uchivhinza weti
5 Unohwa kusungwa mudumbu kuti handizvo zvamunofanira.
6 Unogarobata zvigwere kupffura vamwe
7 Ukaenda kwaDoctor anokuzama kuti ugare uchisunda chibereko chichirerekera mberi asi kazhinji vanoda kubvisa chibereko.

Pikicha yechitatu
1 Chibereko chatushanduka kurerekera shure
2 Chagara paura zvokuti kuita tsvina konetsa
3 Ukabata mimba chakadai mwana anokwanisa kunetseka chose kukura uye kuzotendeuka oisa musoro pasi kuti azvagwe
4 Unogarohwa musana
5 Ukapinzwa chombo unohwa kugwadziwa
6 Zvigwere zvinowanda zvaunogarobata zvepamberi chimwe chazvo iJeko. (Tarisa pandakanyora nezveJeko)
7  Ukaziva kuti unechibereko chakadai ukaenda kwaDoctor anokuudza kuti bviswa chibereko. Kana uchida mwana imbomira.

Zvinokwanisika kuitika kuvanhukadzi vachiri kuzvara kusvika pakuti chibereko chikarereka kudai une mimba unohwa musana kugwadza nguva yese yemimba. Kana chibereko chikarereka kudai zvinokonzera ropa nezvimwe zvinomhanya mutsinga kusafamba zvakanaka. Zvadaro chibereko chinoshaya kudya kwakakwana zvokuti zvimwe zvezvachinoita zvinoshoteswa. Sokuti zviya zvandakambotaura kuti chibereko chinozvigezesa chichirasa tsvina yese paunoenda kumwedzi paya. Zvinokwanisika kuti kuzvigeza kuya kunoshaya samba nengari yokuti maHORMONES anochiudza kuti chigeze anenge asina kukwana.  Zvikadaro tsvina iya yange ichifnira kubuda yega inotadza kubuda yese zvigwere zvochitanga mutsvina yasaramo iya munhu otanga kusahwa zvakanaka mumuviri wake.

Ipapo zai anenge achingokandira mwedzi umwe noumwe zvokuti mimba anokwanisa kuibata. Asi unozotanga kuhwa musana nemimba yako iyoyo. Ukaenda kwa Dhokotera unonoudzwa kuti vakdzi vakawanda vanazvo saka dzokera kumba undomirira kusvika wazvara. Unogwadziwa nazvo asi varapi vasinei nazvo. Chero usina mimba unokwanisa kunetseka nechibereko chiri padivi kudai. 

Kana zvadaro vamwe varapi vanokwanisa kukuudza kuti unofanira kubviswa chibereko asi pakubviswa apa ukasachenjere vanobvisa zvikandiro zvako zvemazai zvinova zvinokupa mamwe maHORMONE ako. Wabviswa unokwanisa kukasira kubata chigwere che Dementia nokuti musoro unenge usina mamwe maHORMONE muviri wofunga kuti wachembera iwe usina kuchembera. Musangoterera zvinorebwa nevarapi nokuti pamwe vari kutodzidzawo zvokuita.

Zvinotaridza kuti chibereko chiri padivi
Kugwadziwa kana woda kuenda kumwedzi kana kuti uri kumwedzi
Kugwadziwa pakuvata nomurume 
Kugarohwa musana pasina chaunoona kuti chikonzero
Kuita manyoka zvikuru nguva yokumwedzi. Chibereko chakarerekera kumashure chinonogara pamatumbumakuru kuita svina kugozhera muviri nokuti ura huri kusvinwa nouremu hwechibereko, zvikuru kana une mimba chibereko choramba chichikura chichiwedzera kurema.  
Kuita tsvina inonhuwa zvakawedzera
Kutadza/kunonoka kuita mimba
Kuzvimba nokugwadziwa nezvikandiro zvemazai (overies)
Kugarovhinza weti zvishoma zvishoma

Zvokuita kana wafungira
Kana wafungira kuti une dambudziko iri kasira kuenda kundoongorogwa kuti ndizvo here. Wadaro usakasira kuterera nyaya yokubviswa chibereko. Imbomira nokuti pane zvaunokwanisa kuita iwe muridzi kugadzirisa nyaya iyi kana isati yanyanya kushata. Kana usina vana uchida kuzoita vana usatombobviswa chibereko nokuti hauzokwanisi kuita vana. 

Chokutanga kuita ndezvinoudzwa vane mimba kuita kana zvibereko zvavo zvatarisa padivi kana kurerekera kumashure. Zvinonzi vaite ma EXERCISE anohi KNEES TO CHEST anoratidzwa papikicha yandaisa iyi. Unotoshinga kugaroita nguva nenguva chero pawagonera asi zvinongoshanda kwenguva diki. Nguva diki iyoyo iri nani pane kusatomboshanda kuramba chibereko chakarereka. Zvakadaro unofanira kuramba uchingoita pawagonera.

Kotizve kana pane munhu anokwanisa kukuita PELVIC MASSAGE nguva nenguva. Kudzidzisa murume  wako chinhu chakanaka, zvikuru kana ari munhu anohwisisa nezvenyaya iyi uye achidawo kuti upenyu hukurerukire mugare nomufaro mumba. 

Zvokuita kana une chibereko chakarereka zvinhu zvitatu zvaunkwanisa
1 Kana chisina kunyanyorereka unokwanisa kuita mamwe ma EXERCISE anoti ukaramba uchiita chinopota chichidzokera pakanaka.  Kuchipatara ndiko kwavanokuudza zvokuita wotombopurakitiza uriko.

2 Unokwanisazve kuti kuchipatara vanokupinza chinhu chePLASTIC chinohi PESSARY chavanopinza nemumheche , chinonogofa chibereko kumberi uko kuti chibereko chirerekera kuno mberi sezvachinofanira kuita. Pessary iya inotombogara mukati yakatsigira chibereko kusvika chajaira kurerekera mberi.
Kune ma Pessary anoti unokwanisa kuvata nomurume pessary iri mukati, murume otokupinza chombo moshanda basa kusvika mapedza pasina chaambohwa kuti chirimo, Asizve kune dzimwe dzokuti unoudzwa kuti kana woda kuti murume akupinze chombo wombobvisa. Vanokuudza zvese izvi.

3 Kana zvese izvo zvaramba unonoitwa OPERATION vogadziridza mamirire akata chibereko zvopera zvakadado.

Zvokuita kana une chibereko chakarereka zvinhu zvitatu zvaunkwanisa
1 Kana chisina kunyanyorereka unokwanisa kuita mamwe ma EXERCISE anoti ukaramba uchiita chinopota chichidzokera pakanaka.  Kuchipatara ndiko kwavanokuudza zvokuita wotombopurakitiza uriko.
2 Unokwanisazve kuti kuchipatara vanokupinza chinhu chePLASTIC chinohi PESSARY chavanopinza nemumheche , chinonogofa chibereko kumberi uko kuti chibereko chirerekera kuno mberi sezvachinofanira kuita. Pessary iya inotombogara mukati yakatsigira chibereko kusvika chajaira kurerekera mberi.
Kune ma Pessary anoti unokwanisa kuvata nomurume pessary iri mukati, murume otokupinza chombo moshanda basa kusvika mapedza pasina chaambohwa kuti chirimo, Asizve kune dzimwe dzokuti unoudzwa kuti kana woda kuti murume akupinze chombo wombobvisa. Vanokuudza zvese izvi.

3 Kana zvese izvo zvaramba unonoitwa OPERATION vogadziridza mamirire akata chibereko zvopera zvakadado.
Chibereko chakarereka chinogadzirika asi zvinobva nokuti uri kunyika ipi.  Usaudzwa nhema nevanhu vanoda kuita mari nokushunguridzika kwako.  Enda unonatsobvunza murapi kuti chii chinokwanisika pazvinhu zvitatu izvi. Iye achakupinza zvigumwe obatabata kuhwa kuti chakarereka zvakadii, okuudza zvokuita.


Chibereko chakarereka chinogadzirika asi zvinobva nokuti uri kunyika ipi.  Usaudzwa nhema nevanhu vanoda kuita mari nokushunguridzika kwako.  Enda unonatsobvunza murapi kuti chii chinokwanisika pazvinhu zvitatu izvi. Iye achakupinza zvigumwe obatabata kuhwa kuti chakarereka zvakadii, okuudza zvokuita. Hakuna mushonga wechivanhu unorapa chibereko chakarereka.  Varapi vakatozivawo munhu ane mushonga wacho vanomupa mari inopfuura 1 Million USD. Saka ukatohwa munhu anoti anowo mushonga wacho ndiudze ugowana mari yakawandisa. Iniwo ndigowanawo mari. 

Kana mimba ichikura
Tarisa uone kuti kana mimba ichikura chibereko chiri panzvimbo yakanaka chinokura chichienda mberi kwako. kumwe kwese hakuna dambudziko. Saka ukaona wongonetseka nezvimwe, ziva kuti chokutanga kufungira ndechokuti chibereko chako hachisi pakanaka. enda undooneka.

Ndimwe nguva chibereko chinongochinja nzvimbo choga asi chozodzokera pachinofanira. Ukafungira kuti pane zviri kuitika, sokuti mavatire aunoita, umbochinja mavatire uone kuti zvinodii. Madhokotera haana nguva yokukubvunza zvakawanda vanongoda mari yavo nokukupa mushonga chete.




Tiri kuenderera mberi nayo nyaya iyi. 





10 comments:

Anonymous said...

Thank you very much mai Chibwe for such teachings you have no idea how you helping pple out there as for me wow God bless you you so much gifted panyaya yechibereko iyi ini ndorwadziwa ne jekoo is the problem same neyama mentioner muchity if u want to knw kuty chibereko chiripadivi some of the. Symptoms uve said like kurwadziwa before period is it same thing ne jekoo or they are two different things ndatenda hangu keep well mama!!!

Mai E Chibwe said...

Imboverenga apo pakahi

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2013/02/chigwere-chinohi-jeko-dysmenorrhea.html

Zvakasiyana neJeko asi zvinoitika pakafanana paChibereko.

Ndashaya nguva yokunyatsopedzisa nyaya iyi asi ndichapedzisa.

Anonymous said...

Is the term ENDOMETREOSIS related to kufuratira kwechibereko nekuti madoctors akati ndine endometreosis mushure mekunge ndanetseka kwemakore anopfuura matatu ndichizama kuita mimba yechipiri.my first born is 11yrs and my 2nd is 18 mnths.i am 28yrs and hv been trying again to fall preg since Jan with no vail.im worried that i will face this problem again.pliz help

Mai E Chibwe said...

Endometriosis i Condition yokuti nyama dzakafanana ne dzakagadzirisa LINING OF UTERUS dzinongotanga kukurawo pane dzimwe nzvimbo mumuviri dzichitevedzerawo kukura kweLINING iya sokuti wava kuda kuenda kumwedzi idzo dzongokurawo asi dziri kuzhe kwechibereko saka zvinogwadza muviri padzinenge dziri. Ukazviita izvi unoda management yazvo nokuti zvinokushungurudza. Kune vakadzi vakawanda chose vanazvo. Regai ndogotsvaka nguva yokuzvirondedzera.

Anonymous said...

Ko ukadhumwa chibereko during sex worwadziwa zvrkutadza kuita tsvina what can you do to stop the pain

Mai E Chibwe said...

Hazvikwanisiki kudhumwa chibereko muchiisana. Chibereko hachisi mukati mechitubu. Muchitubu mune moromo wechibereko unohi pachirungu CERVIX asi mudikidiki. Chombo chomurume hachikwanisi kupinda ikoko zvachose.

Kana uchigwadziwa pakuisana, enda undoonekwa uudzwe chikonzero.

Unknown said...

Ko ane chibereko chakaregedzera zvekti akabata mimba pasina mwedzi inobva yabva anobatsirika sei

Unknown said...

Makadini veduwe ini ndinorwadziwa pabonde kuratidza here kuti chiripaside apa ndirikuda kubata pamuviri

Unknown said...

Makadini ndafara kuverenga nyaya dzenyu idzidziso yakanakisa rambai makadaro. Ndokumbirawo kubvunza kuti kana musana ukarwadza nemudumbu wobva wableeder maclots chibereko here

Anonymous said...

Makadini, ini ndaita dambudziko rekurwadziwa pazasi peguvhu nechekurudyi kazhinji ndichangopedza period yangu, ndinonetsekana nekuita tsvina dzimwe nguva ndoita tsvina inonhuva zvisingaite ndava ne21yrs ndirimumba mbereko ichiramba chingava chiri chibereko chakafuratira here?