Thursday 24 October 2013

Murume no Mukadzi vanoshanda vese

Kuhi mese munoshanda
Kana uchida kuona kuti munhu ava munhu mukuri ane musha tarisa maitire ake pazvinhu zvemhuri yake. Munhu ane CELL PHONE kureva kuti anokwanisa kutaura nevamwe vanhu vemhuri yake anofanira kutaura nemhuri yake kupfuura kutaura kwaanoita nevamwe vanhu vasiri vemhuri uye vasiri ve bhizimisi rinounza mari mumba. Chimbotarisaiwo nyaya yaMai Fende yavari kubvunza kuti chavakakanganisa ipapo chii?

Mai Fende nababa Fende vese vanoshanda mabasa akasiyana. Vese vanomukira kumabasa uye vese vanoti mwedzi wapera vounza mari kumba. Baba Fende vanomwa doro asi Mai Fende havamwi doro kusi kuzvisarudzira kusamwa doro have asi vachikwanisa kumwa . vese vane mafoni avo ekukwanisa kutaurirana pane zvese zvinoda kutauriranwa. Murume kakore 31 mukadzi makore 26. Vana Havana kwahi tozozviona gore rinouya tatenga imba.

Vasati varoorana murume aimiramira kutaura nomukadzi wake zuva nezuva kumuitirawo zvakanaka, Kumufonera nokumutiumira Message pakati peusiku kwahi ndakushuva chose. Mukadziwo achidavira nokuudza murume zverudo chete.  Gore harina kupera varoorana asi nyaya yavo yatova pakupokana nengari yokumwa doro kwemurume. Vachiri kunyengana murume aingomwa doro kana kwaita Party chete.  Mazuvano China neChishanu anopfuura nokubhawa (PUBLIC HOUSE) omwa mapainzi akeozouya kumba adhakwa. Achienda kubhawa ukamufonera haadaviri foni. Iye haafoni kumba kuudza mukadzi kuti ava kuenda kubhawa.

Mukadzi anobika, omirira, opredzisira adya ega murume asipo. Murume ozouya  kumba opopotera mukadzi kwahi uri kuchengera uye hauvmbi neni. Hapana chakaipa kunomwa doro neshamwari dzangu.  Mukadzi otsanangurawo kuti foni ndeyokufona kuti uripi ndigorega kufunga kuti pane chaitika. Kwahi bodo, ndiri murume mukuru anozvishandira achitambira mari yake saka rega ndimwe doro neshamwari dzangu kana ndichida kumwa doro.  Bopoto mumba roitika China neChishanu vhiki imwe neimwe. Mamwe mazuva awa hapana chakaipa.

 Mamwe mazuva hapana chakaipa. Mai Fende vanobva kubasa vomisa mota yavo pazhe vopinda mumba votanga kuronga yokubika. Napo napo murume osvikawo nemota yake  vogara voita nyaya vodya, vogeza vonovata.
Mwedzi wakapera vakapopotedzana uri musi weChishanu kusvika pakuti murume akanovata kwake ega ndokusiya mukadzi ega. Mukadzi akachema kusvika aona kuti hazvibatsiri chinhu. Weekend yese hapana akataura nezvokudhakwa. Vese vakangoti zii kusvika muvhuro vakamuka ndokuenda kubasa.  Murume akatanga kuenda ndokusiya mukadzi. Mukadziwo ndokuzoenda kwake.
Murume akadzoka kubasa ndokuwana mota yemukadzi iripo pamba asi mukadzi haapo. Imba yakakiiwa. Akambofunga kuti pamwe mukadzi aenda kunoshopa ndookugarawo zvake achiona TV. Nguva yaenda murume akatora foni yake ndokutanga kutsvaka mukadzi wake. Foni haina akadavira Yaingoratidza kuti iri OFF. Murume akazama azamazve asi hakuna akadavira uye haina kurira.  Akanobvunza pavavakidzani kuti vaona mukadzi wake achisvika pamba here, zvikahi kwete. Ko mota hamuna kuihwa kutinhira here, zvikahi bodo mota yaswera pamba nhasi. Murume ndokutanga kutenderera musoro kuti mukadzoi aendepi. Akambozama kufonera mapurisa mapurisa ndokumubvunza kuti munhu wawati arasika ane makore mangani? Zvikahi 26. Mapurisa ndokuti  ava munhu mukuru saka wozotifonera kwapera 24 hours asipo.  Murume akagara mumba hana ichitinhira nokutya nokusahwisisa zviri kuitika.

Kuma 9 pazhe pakamira mota yaasingazivi iye ndokubuda kunoona kuti zvaita sei, wanike iTAXI. Akatarisa mukati ndokuona mukadzi wake achizama kutsvaka mari yokubhadhara dhiraivha asi pasina chiri kufamba. Mukadzi akadhakwa zvokukoniwa kuvhura zipi yebhegi rake. Pakumuona murume akatanga kupopota kuti wange uripi usiku hwese? Sei unina kudavira foni ? nyaya ndokutotangira pazhe ipapo. Dhiraivha akazosara oenda nyaya yatova pakati. Murume kupfirapfira moto nehasha.

Vava mumba murume akatsvaka chokurovesa mukadzi ndokuwana tambo yemagetsi yeketero ndokuipeta ndokurakasha mukadzi nayo akamuvharira muBEDROOM mawhindho akavhagwa. Akarakashwa magaro nemakumbo kusvika  hasha dzemurume dzapera. Murume ndokunovata kusipeya kuya kwaakavata neChishanu achiti nokuti mukadzi andituka kuti ndamwirei doro neshamwari dzangu.

Chipiri murume akamuka ndokuramwa Breakfast yabikwa nomukadzi, ndikukwira mota yake oenda kubasa. Mukadziwo ndokukwira yake ndokuenda kubasa. China chosvika murume oenda kunomwa neshamwari dzake, foni haadaviri. Chishanu oendazve kunomwa neshamwari dzake, foni haadaviri. Muvhuro akasvka kumba wanei mota yemukadzi iripo mukadzi hapana. Akatanga kufona fona kumukadzi mukadzi foni haadaviri. Akafona shamwari dzemukadzi zvikahi tapedza tese basa na faifi akati ari kuenda kumba. 
Murume chokudya haana kuri kusada kubika. Akamirira mukadzi kusvika mukadzi auya neTAXI asina kunyanyodhakwa sevhiki yapera. Murume kwahi ukasandiudza kwawange uri ndokuuraya.Mukadzi ndokutaura kwahi ndange ndiri kubhawa neshamwari dzangu.

  1. Foni yako iripi? 
  2. Shamwari dzako ndivanaani? 
  3. Wange uri kubhawa ripi? 
  4. Akakudzidzsa kumwa doro ndiani?  Mukadzi wemunhu haamwi doro, asi ipapo aitomwawo nevamwe vakadzi vevanhu. 


Mibvunzo zana kumukadzi.  Hama dzemukadzi dzirimo muUSA dzofonegwa kwahi hamuna kuraira mwana wenyu. Anosvodesa. Kumwa doro sehure. Kana kubika haachatobiki mumba.

Mukadzi ari kuti Mai Chibwe ndibatsireiwo. Chii chandakakanganisa apa? Murume anomwa doro ini ndikati bheta ndimwewo doro nokuti chinhu chakanakira saimba kuita saka neniwo chingandinakira.

Tongai vanoihwisisa nyaya iyi.


Bvunzai Vamwe!!!!

6 comments:

Anonymous said...

Muvaki wemba munhukadzi, zviri kuitwa namai ava ndokunonzi kutamba nemadhaka pasina mvura. Adzokere kumba vana tete varaire

Mai E Chibwe said...

Apa ndinobvumirana newe chose chose nokuti ukaona nyaya yenyu yava pakadai zvoreva kuti mese matadza kugadzira upenyu hwenyu. Murume ndiye mukuru mumba. Somunhu mukuru taridzawo Hwisiso yemhuri yako. Ukahwa mukadzi wako achikuudza kuti dai wadai ugodai, hwisisa kuti mukadzi sabhiridha wemusha ane maonere anoda kuongorogwa. Usambofa wakafungisa munhu fungwa yokuti pamwe akakanganisa kusarudza nokuti kana fungwa yakadai ikagarisa mumusoro zvonozoitwapo hazvina kwazvinoendesa muchato wenyu.

Uyuwo mukadzi ndakamutsanangurira kuti maitire ake okutsvaka kugadzirisa kushaya mufaro kwake haana kunaka nokuti anokwanisa kuremadzwa obva arambwa futi. Murume ndewekukwezva kwete kutevedzera zviito zvake. Musi waanokuhurira uchahurawo here?

Musaroorana musati mava nechokwadi chokuti zviito zvenyu zvinowirirana. Gadzirisai nyaya dzenyu muchiri kunyengana kwete kuzoda kudzigadzira mava mese mumba.

Anonymous said...

Chinyorai imwe ambuya iyi yagarisa

Mai E Chibwe said...

Kunyora nyaya hunge vanhu vanosvika 4 vaibvunza. Nyaya hadzingonyogwi pasina abvunza kana kudzitanga nokuti dzinenge dzisina ane hanya nadzo.

Bvunzai tihwe.

Anonymous said...

Mai Chibwe
Iyi nyaya iri simple. Vanhu ava vatadza kutaurirana. Apa paita poor communication. Murume aifanira kutaura nomukadzi wake zvakanaka. Achinzwisisawo dambudziko romukadzi wake pakunonoka kwake kuuya kumba. Zvakaitwa nomukadzi yaingova demonstration youkumratidza kuti zvinorwadza sei kungoshaikwa usina kutaura kwawaenda. Dambudziko apa murume waita fungwa duku nokuti iye haana kurohwa for the same problem yaava kuzvindikira mukadzi wake.

Vaviri ava voda dzidziso nokuti ikashaikwa muchato uyu onogona kupera nechinhu chisina nebass rose. Ngavagare pasi vataurirane nyaya iyi. Iduku kwazvo asi inogona kuputsa musha.

Hakuna substitute for communication.

Anonymous said...

Mukadzi dofo apa varatidza kuti chinonzi musha ahuchiziwe nemaitiro avakaita apa