Saturday 4 January 2014

Kuzvagwa une zvisina kufanana nevamwe

Pane vana vanozvogwa vakasiyana nevamwe vana iri ngari yokuti chibereko chatadza kuumba mwana zvakanaka. Izvi zvinokonzegwa nezvinhu zvakasiyana siyana asi kana zvakuwira iwe unokwanisa kushungurudzwa nazvo.

Vana vanozvagwa nezvimwe zvinhu vanokwanisa kuti vakura votadza kuita vana saka tichiti kana zvaitika tonetswa pamoyo nazvo. Zvimwe zvezvinoitika ndezvokudai.

1 Mwana anozvagwa ari mukomana nomusikana pamunhu umwe chete
2 Mwanakomana anozvagwa pamberi pakaita sepemusikana
3 Mwanakomana anozvagwa ane zvombo zviviri
4 Mwanasikana anozvagwa ane zvitubu zviviri
5 Mwanasikana anozvagwa ane minyatso yakawanda, mitatu kana mina. Ane yakawanda kupfuura vese ane mitanhatu
6 Mwanakomana anozvagwa ane minyatso yakawanda.
7 Mwana anozvagwa asingazikamwi kuti mukomana here kana musikana nokuti hapana chinonyatsoonekwa paari.

Izvi ndizvo zvimwe zvezvinotyisa pane zvinoonekera pakuzvagwa kwevana, tisingaverengi pane zvimwe zvinohi kuremara zvingawanikwa pamuviri wemwana. Zvandareva izvi hazviwanikwi pavana vakawanda asi kana zvaitika pamwana wako unongoshaiswa mufaro nazvo kwenguva refu. Vakawanda hatidi kufunga nezvazvo nokuti zvinotityisa. Tinozvionera kune dzimwe mhuri saka zvinonetsa fungwa kuti tifunge kuti zvingaitika kwatiri.

Pamwe tinototsoropodza vana vevamwe nokurambidza vana vedu kunyengwa kana kunyanga munhu anobva kumhuri yazvinowanikwa. Unohwa mai vachiudza mwanakomana wavo kuti asanyenga musikana anohi nhingi nokuti hazvanzi yake ine urema hwekuti. Uhu ugino hahwo asi hunobva pakutya kuti kuremara kuya kunokwanisa kuuyawo kumhuri yedu. Hatichatarisi kuti kumhuri inazvo zvakangotangirawo ipapo hakuna umwe anazvo mumhuri yavo sak pamwe hazvitokwanisiki kupfuura ipapo nokuti pamwe iye wacho anazvo haabereki.

Kana nyaya yakadai yaitika mumhuri yenyu, inyaya yemhuri yese asi parudzi gwedu tine nyaya yokuda kutsvaka munhu wekupa mhosva. Munhu wekutanga kupiwa mhosva muroora, saka kana uriwe muroora wacho, wotoona kuti uri munhu akasimba nokuti pamwe murume wako anokuona sokuti une mhosva pazviri. Unokwanisa kuzoshupika pakukurudzira murume kuti muite umwe mwana nokuti mese menge muchifunga kuti pamwe zvinowira vana vese.

Chokwadi chaicho ndechokuti kazhinji hapana ane mhosva. Pane pamwe panokwanisika kuti umwe munhu ange ane mhosva, sokuti umwe wenyu aimbotora maDRUGS kana imwe mishonga, kana kuti murume akamboitwa X-RAY yaisvika pamberi akakuvadzwa mabhora ake zvokuti urume hwaremara chimwe chinhu.Kashoma kudai, kana kuti akambobata chigwere chechihure chikamukuvadza fakitori inogadzira urume. Pachigwere chechihure apa kwahi kazhinji zvinoremadza maziso emwana.

Kana uchida kuona zvimwe zveizvi zvinotyisa kutarisa vakashira dzimba dzinohi DAY CENTRES  mu UK uzvionere. Rudzi gwakawanda pazviitiko izvi ndegwevanhu vanobva kunyika dzakaita se Pakistan vanoita vana nehazvanzi dzavo. Muma Day Centre umu makazara chose vanhu verudzi ugu. Tinohwa tichidziviswa kuvata nehama dzapedo zvichibva pakuti vekare kare vakazviongorora vakaona kuti zvakaipa. Ndokuzouyawo Bhaibheri rotaura kuti tisazviita asi paChikaranga kwange kuchingori kutsinhira zvatanga tisingaitiwo hedu.

Hino iwe nehama yako mukaitawo ganyabvu kusvika pakudanana nokubvisirana hembhe, ita henyu asi kana zvokusvikirai musakangamwa kuyeuchidzana kuti mhosva ndeyenyu.

Koitazve vanhu vanoti akaita mimba omwa mshonga yaasingazivi kuti ndeyei achiti nokuti apiwa nambuya vake kana kuti nomunhu waanovimba. Mimba hachisi chigwere. Chinodiwa pamimba kutya kwakakwana kwete mishonga. Chii chaunoda kurapa pamimba?

Kotizve vakadzi vechimanjemanje vanomwa doro nokusvuta fodya iye ane mimba. Izvi zvinokwanisawo kukonzera madambudziko kumwana ari mudumbu.

Koitazve vamwe vanoita mimba iye ari hure rinotambira mari nokurhojewa nevarume. Kurhojewa hakuna kuipa kana une mimba asi kurhojewa nevarume vausingazivi zvigwere zvavanazvo ndiko kwakaipa. Ukaita chigwere chechihure unokwanisa kugarisa usingazivi kuti unacho muviri wako uchinetseka pakuumba mwana. Unokwanisazve kuti waziva wonorapiwa nemishonga inokanganisa kumbwa kwemwana. Kana une murume umwe chete anohura nevamwe vakadzi vanohurawo nevamwe varume unokwanisa kupiwa zvigwere zvinokanganisa foroma yemwana. Zvese izvi zvakaipa kuitika panguva ino. ndosaka tichiti kana made mimba mumba menyu tangai manoongorogwa pazvigwere. Madzoka tauriranai kuti PROTOCOL yekugarisana mune mimba yakamisa sei. Mohwisisa kuti zvokurega kurhojana hazvisizvo, uye kuti mwana azvagwa munoramba muchibatsirana kubudisa unga pamurume kuti asafambafamba. Pane 6 weeks makamirira kutangazve.

Koitazve inohi pachirungu MUTATION kureva chinhu chinongoitikavo pamunhu chisina nhoroondo kuti chaitiswa nei. Kazhinji MUTATION ikaitika mwana achiri pasi pe 6 weeks mukadzi anobva mimba chibereko chaona kuti mwana uyu haana kukodzera chomira kumuumba. Inohi SPONTANEOUS ABORTION kureva mimba inobva yega pasina aibvisa. Kana chibereko chikakanganisa kuongorora kuumbwa kwemwana chikaramba chichiumba, mwana anozvagwa akasiyana nevamwe vana  pakadai. Mwana azvagwa pakadai ndiye watinoti hapana munhu ane mhosva asi kuti chinhu changoitikawo hacho chega.

Kana zvakuitikirai, kasirai kusapotana mumba mucheme pamwe chete kana muri vekuchema, kana kuronga pamwe chete kuti morera mwana wenyu sei nokuti mwana uyu achaoneswa nhamo nevamwe vana pakukura kwake. Vamwevo vakuru vanokwanisa kumuonesa nhamo. Munofanira kudzidzisa mwana kuziva zvokuita kana asangana nemapenzi akadai. Imiwo muchiwana vanhu vanokushorai nokukuitai sevanhu vane chakaipa pamuri. Dzidzisanai zvokuita kana masvika pakadai.

Munokwanisazve kusangana nevarapi vanokuudzai kuti mwana wenyu haapfuuri makore okuti ari mupenyu. Mukatevedzera zvavanoreva munogara makashungurudzika chete. Pane kuti muchengete mwana wenyu momurera okura zvakanaka. Kana akasvikawo pakushaika ari mwanana, ndizvozvo, munosapotana mumhuri yenyu mosara henyu mune nyaya yomwana wenyu nokuti akakusvitsai panzvimbo imwe muupenyu hwenyu. Kana mozoita umwe mwana munenge mohwisisa uremu hwekubatsirana kurera.

Kushipika kuya kunoita vanhu vane vana vanoda kunyengana newenyu kwakangofanana nokushupika kwamunoita kana mwaona mwana wenyu achidawo kunyengana nevanhu vezera rake imi muchihwisisa kuti muviri wake wakamira sei. Inyaya inoda vaviri kuhwisisana uye kuti munoraira mwana wenyu sei kuti asanetseka nazvo. Kana zvaanazvo zvichionekera zviri nani pane zvisingaonekeri. Sokuti ane mazamu akawanda, kana mukomana akamunyenga achizviona hapana chakaipa asi kana ane zvitubu zviviri imi munotya kuti mukomana amunyenga akazozviona vambodanana anomuramba here. Kana ane zvombo zviviri zvinokutisaizve kuti achanyenga sei nokuti musikana akazoziva pava nenguva zvinonetsa. Saka pamwe munowirirana kukurudzira mwana kuti audze vamwe kusiyana kwake navo kuti vasavhunduka pakunyengana naye. Kana vamunyenga vachitoziva zvaari kuda kwavo havo.

Asi nyaya yenyu haipereri ipapo nokuti muchadazve kuziva kuti anozvara here. Mukagara maenda naye kundovhenekwa kuonekwa kuti pane chimwe chakaipa here paari, mogara muchiziva kuti nyaya yake iri papi chaipo muhwisisa zvokumuraira muupenyu hwake.

Mukaitazve vamwe vana muchaona kuti iyeyu munomuchengera kupfuura vamwe vana nokuti munomutyira pane zvakawanda. Ngwarirai kuti vamwe vana vanozvitora sei uye kuti iyewo anozokwanisa kuzvionera ega here muupenyu. Basa revabereki nderekuyarusa vana vavo. Munokwanisa henyu kumurega achinonoka kukura asi regai akure aitewo musha wake.










No comments: