Sunday 17 August 2014

Mukadzi anofunga murume akamuvhura.

Mukadzi anofunga murume akamuvhura pane akamuroora.
Mubvunzo unobvunzwa nevarume vechidiki kupfuura imwe mibvunzo ndewekuti, “Zhinoita here kuti mukadzi  akangamwe murume akamubvisa humhandara?”  Mubvunzo uyu une nyaya dzakawanda pauri  asi chikuru ndechokuti vanhukadzi havananyi kutaura nenyaya dzavo dzokubviswa humhandara.  Chero patiri isu tega tichiita nyaya kashoma kuhwa munhu achitaura nezvokuboogwa kwake uye kuti murume waakaita naye anomuona sei mazuvano. Saka tongoti iyi inyaya yevarume kupfuura vakadzi.

 Chii chinoitisa kuti varume vafunge nezve murume akavhura mukadzi waanaye?  Varume vane fungwa yokuti mukadzi waakaroora haana kunyanyosiyana nemombe yaatenga kumariketi. Ndizvo muchiona kuti mudzimba mune varume vanoona zvakakodzera kuti anorova mukadzi wake sezvaanoita chimbwanana chake, kana kutuka mukadzi wake sezvaanoita mbavha yapinda mumba.  Zvinovanetsa kuhwisisa kuti mukadzi munhu akangofanana navo asi kungoti iye mukadzi ivo varume.  Ukatozama kutsanangura nyaya iyi unotoonekwa sokuti iwe ndiwe usingahwisisi.  Varume vanoona sokuti kana akakuroora zvoreva kuti hauchina HISTORY. Unofanira kuva munhu asina kumbokwigwa noumwe munhu kana kuti munhu anoziva kuti vamwe varume vane zvombo zvakangofanana naiye akuroora wacho.

Varume vanoshushikana chose nefungwa yokuti mukadzi achiri kurangarira here makwirigwe aakaita musi waakaboogwa. Izvo zvokuti nyakuboora akazopamhidzazve kangani zvoita sezvisina basa. Kuboogwa kwenge ndiko chete kune basa.  Koitazve nyaya yokuti havafungi kuti mukadzi akaboogwa zvamboita sei.

Pamwe akanyangigwa avete, pamwe akabatwa chibharo pamwe akabvisa ega bhurugwa akavhurira murume wacho achitodawo kuvhugwa, pamwe akangorega hake murume achimukwira, kuri kusaziva kuti pakadai panohwimwi. Pamwe akakurira mumhuri yechipositori kune vanhu vanokurudzira zvanana kuvata nemazidhara ane vakadzi are. Zvese izvi zvenge zvisina basa kumurume asi kungoti mukadzi ari kugaroyeuka here murume akamuvhura? Kana achiyeuka change chinhu chinonyisa murume akazokuroora.

Saka pano ndoda kumbotsanangura kuti zvinoita here kuti mukadzi akawanikwa nomurume, iye atobviswa humhandara kare, anokwanisa here kusarangarira murume akamubvisa, obva aisa fungwa yese pamurume amuroora? Tisati tapindura mubvunzo uyu ngatibvunzewo kuti "Zvinoita here kuti murume asarangarira mukadzi waakaboora akasaroora kana kuti mukadzi wakamubvisa ujaya? " Kune vakamboenda kuma BOARDING SCHOOL tinoziva kuti vakomana vanofarira chose kutaura nyaya dzekuvata nevaikana, zvokuti mukomana chero akavata nehure chairo anouya achiudza shamwari dzake kuchikoro. Ukatarisazve pa SOCIAL MEDIA uchaona kuti varume vanovata nevakadzi vavasingadi vobva vatsoropodza vakadzi vaya futi.

Ukatora mahure maviri, rechirume nerechikadzi vakavata vese, uchaona kuri hurerume rinoda kuonekwa sokuti munhu ri nani pane hurekadzi. Kutoenda pa FACEBOOK kunoita POSTURING yakaoma chaizvo kwahi Revai Mujenya ihure, ndakamuti vhura akavhura ndikamurhoja. Unotoona kuti murume apa haahwisisi CONTEXT yechiitiko chakaitika. Ufuza hwakakwidibira fungwa.  Murume akadai akazoroora mukadzi akaboogwa noumwe murume, haahwisisi kuti zvakaitika sei kuti mukadzi uyu adanane noumwe murume kare asati asangana naye iye. Iye anoona sokuti hapana chakaipa kuti afunge nokuudza shamwari dzake nezvevakadzi vaakambovata navo, asi kuti mukadzi wake angofunga chete murume akamuboora yave nyaya huru.

Ngatibvumirane kuti kana une HISTORY yezvinhu izvi chete, panosvika nguva yaunowana chimwe chinhu chinokuyeuchidza maitikire azvakaita. Havigoni kuti ubvise HISTORY yako mufungwa dzako zvachose, hazvinei kuti uri mukadzi wemunhu here kana kuti uri murume wemunhu. Kubvswa humhandara chinhu chikuru kune vakawanda.

Ngatibvumiranezve kuti vakawanda vedu ukasangana nomurume/mukadzi wawakambovata naye zvinofadza moyo, nguva iripo uye mukana uripo pamuri mese, umwe wenyu anotomboti ashuvire kuti muvatezve mese. Mucgazotadziswa henyu neichi kana icho asi munenge matombozvifunga. Hazvina basa kuti murume ndiye akakuvhura kana kuti haasiri iye. 

Vakadzi vanobviswa humhandara nemaitire akasiyana siyana. Vakawanda havanakigwi nazvo nokuti vanenge vachitotya kupinzwa chombo uye hazvinaki kupinzwa chombo muviri uchitya. Pamwe mukadzi anenge asina kana kutombonyorova. Pamwe murume wacho ane tsvina, pamwe mese hapana chamunogona pazviri. Kazhinji ukavhugwa nomunhu wezera rako, mese muri vanana, anongoti achipinda achitokudiridzira ipapo chaipo zvokuti unobvaruka nokuzadzwa urume nguva imwe cheteyo. Hapana chinonaka ipapo chokuti ungatozopedza upenyu hwako uchirangariria kana marambana.

Kozotiwo umwe mukadzi aovhugwa nomurume ane rudo naye anohwisisa kuti rudo chii, anohwisisakuti kuvhuramukadzi chinhu chinokwanisa kurangarigwa upenyu hwese, anohwisisa kuti pakuvhura mukadzi anofanira kutendera mukadzi kuti ave iye anotungamira nyaya yese kuti asagwadziwa nazvo uye kuti awana kunakigwa nazvo, anohwisisa kuti kana apinza anofanira kumboitawo nguva achikoira mukadzi zvinyoronyoro zvisina ganyabvu kusvika mukadzi ahwa pane moyo pachirongwa ichi asati amudururira urume. Murume anohwisisa kuti anofanira kutanga abvumirana nomukadzi kuti nguva yokuvatana yakwana pakudanana kwavo uye kuti vese vaita nguva yokunotesitwa kuratidza kuvimbika kwavo uye kupanana rukudzo, uye kupanana nguva yokufunga kuti mese munoda here kutanga kuvatana. Mukadzi akadai anokwanisa kuzoti varambana afuge nguva yakanaka yaakaita nomurume akamuvhura asi aakazorambana naye.

Tochizotarisawo murume akamuroora. Tobvunza kuti chii chingaita kuti mukadzi abvuma kuroogwa nomurume waanoda opzotanga kufunga murume waakarambana naye ambomuvhura. Zvinenge zvaita sei mumusha? Chokutanga ndechokuti unokwanisa kuroogwa nomurume asina hanya newe parudo kana pakuva munhu chaiko. Kana murume wako asingakuoni somunhu akamukodzera unokasira kuzvibata asi ipapo zvisichaiti kuti umurambe. Apa mukadzi anofunganya uye kufunga kuti ndepapi paakakanganisa upenyu hwake. Zvoonekwa kuti anosvika pakuzofunga kuti dai akagara neuya akamuramba zvaiva nani.

Koitazve murume wemumba aingadi kuwanzira mukadzi wake kunakigwa pakuvatana. Unoona murume akura zvokuti ava nomukadzi mumba achitadza kuhwisisa kuti mukadzi wake akauya pano kuzonakigwa noupenyu hwake nomurume waanoda.Kana monovata murume ngaatorewo nguva kutenda mukadzi wake nekubvuma kwaakaita kudanana nokuroorana naye. Kana usingagoni kunyatsovatana nomukadzi wako garomubvunza kuti chii chinomunakira akuudze. Kungoramba uchiita zvimwezvo zvinobhowa ndiko kunoita kuti mukadzi azowana nguva yokufunga kuti makwirirwe aaiitwa nouya akazomuramba aiva nani pane izvi.

Apa tiri kuti mukadzi anogarofunga murume akamuvhura asi akamuroora aripo anenga akonzereswa nomurume akmuroora. Mafungire emurume wemumba ndiwo anokonzera mukadzi kufunga maitire evarume vekare zvese nomurume akamuvhura. Kana murume wemumba achihwisisa kuti mukadzi munhu anofanirawo kupiwa rukudzo uye kupiwa zvinhu zvake zvakakwana mumba zvikuru pakuvatana. Mukadzi achiri wechidiki anofanira kupiwa mukana wekunakigwa nokunakira murume wake uye kutaridzwa rudo panguva dzese. Ukaona murume atanga kufunga kuti mukadzi wake anofunga murume akamuvhura zvinoreva kuti iye murume wemumba anohwisisa kuti mukadzi wake haasi kuguta. Anfanira kuchinja maitire ake panyaya yokugutsa mukadzi uye kutaridza rudo. Zvinhu zviviri izvi havhigozhi kuzviita saka ndoona sokuti varume vasingazviiti vanoita maune.

Mukadzi wemumba wawakazvivhirira iwe murume wake anokwanisa chose chose kutanga kufunga vamwe varume kana asingaguti mumba. Nyaya yokutya kuti mukadzi anofunga here murume akamuvhura haisi nyaya inokwanisa kugadziriswa nesu vakadzi. Imi varume vedu ndimi munotiitisa fungwa idzi. Kana musingadi kuti tidziite, tipeiwo rudo, uye tipeiwo rhoji yakakwana mumba. Todawo kuguta. Kungodiridzigwa hndiko kugutswa. Kana mukadzi akupa CHALLENGE yokumugutsa hwisisa kuti ari kuti ndiwe murume wake. Chitanga nokurezva nokumuzevezera zvinopa manyawi, nokumukwezva, nokumupa chombo atambewo nacho, nokumuudza runako gwake, nokumutenda pakuva mukadzi wako, nokuti  paya wapinza chombo wmbitawo nguva refu uchichokocha mukadzi wako wozoti aguta womudiridzira.

Varume hwisisai kuti kana chombo chiri mukati mukadzi achichemerera zvinoreva kuti ari kunakigwa. Iwe hauna RIGHT yokumisa kunakugwa uku. Rega iye nyakuchemerera asvike pakuti zvakwana, haachakwanisi kuramba achikoigwa. Iye ega anosvika pakumira ogumigwa, okumisa kukoira omboti zii akadaro achitiura mafemo, iwe woziva kuti zvaita. Azobvapo anokurega uchikoira zvokuzomudiridzira. Varume vemumba tipeiwo zvinhu zvedu zvakakwana uye itaiwo sokuti munotida zvakadzama. Ipa mukadzi wako CONFIDENCE yokuziva kuti akasarudza zvakanaka.

Mukadzi anoitwa seizvi haana nguva yokuswerofunga murume akamuboora. Varume ndimi munokonzeresa. 

Tiri tese here? Usazoti hauna kuudzwa. Wedzerai vanowedzera. Varume tipeiwo mafungire enyu uye kuti sei musingadi kugutsa vakadzi venyu zvikuru vechidiki (below age 39 years) asi mahure munoda kumagutsa. Chiiko?

Ini sokuona kwangu kana wamboita zvokufamba famba uchivata nevasikana vausina kubvisira mombe youmai, zvinoreva kuti unobvuma kuti pauchazoroorawo haunei nokuti mukadzi wako ange achimbofambafambawo nevasina kumubvisira mombe youmai. Zvadaro chirega kufunga kuti anofunga here pamusoro pemurume akamuvhura. 


Chinofanira kutyisa tese vakadzi nevarume inyaya yokuti pakufamba kwevanhu, tese tinosangazve neavo vatakambovata navo kare kana variko. Pakusangana apa vakawanda vedu vanovatanazve chero havo vava nevakaroorana navo uye vagere zvakanaka mudzimba dzavo. Kana uri kure nokumusha kwako kune murume/mukadzi wako kuzvibata (zvikuru kwevarume) kunonetsa kana umwe mukadzi waakambovata naye avapo uye achiita sokuti anodazve kuvata naye. Ndosaka varume vedu vachityiswa nenyaya yomurume akavhura.



Udzai vamwe!!!!!!!!!







15 comments:

Anonymous said...

ini hangu handina kuroora kasi bonde everyday ndichibva kubasa is not easy mukadzi ngaaitewo part yake kuchena chena neku pfeka hembe dziri sexy. it takes two to tangle

Mai E Chibwe said...

Asizve umwe chete ndiye anotyisa kuregeregwa achifunga kwaakabva neko. Kana usingadi kuti ufunge murume akamuvhura chirega kusamugutsa. Mukadzi anoguta haana zvaangadira kufunga murume akavata naye asina experience yokuvata nomurume nokuti zvange zvisingatonaki semanakire anoita kana experience yavapo uye murume achiita zvebasa chaizvo uye ane rudo.

Anonymous said...

Ndinofarira chaizvo kuverenga blog renyu. Munedzidziso dzakakosha huye munodziita menaitiro anodakadza.

Wangu mubvunzo uri panyaya dzekuzvitakura. Mungaitawo here ruzivo pane mishonga inobatsira pakuzvagwa pemwana, uye kuti nyama dzidzoke kana mwana azvagwa

Ndtaenda hangu

Anonymous said...

Kunzi mkadzi aguta zvinoda nguva yakareba sei ?

Anonymous said...

Nhai shoko rokuti munhukadzi akasangana nemurume akamuboora anorara naye izvi zvakamira sei? Pasineyi kuti azoroorwa.

Mai E Chibwe said...

Kuzvitakura hachisi chigwere saka hapana mushonga watinofanra kushandisa pazviri. Muviri wemunhukadzi unotoziva kuti mimba yavapo saka unofanogadzirira zvese zvinodiwa kuti mwana azvagwe. Mimba dzinowanikwa munyika dzese dzese nokuti ndiwo mawandire anoita vanhu vese. Hapana kana mushonga unodiwa asi kungoti vanhu venyika yedu, zvikuru vechiSHONA vanoda kureverana nhema pazviri kuti vatengeserane mishonga isina zvainorapa.

Koitawo vechidiki vanoti vakaudzwa chinhu voterera kuri kusaziva. Ukazvarira mwana kuno kunyika dziri kure neZimbabwe, hapana kana mushonga waunopiwa uye hapana chinoitika chagara chisingaitiki.

Asi pakuzvara zviri nyore, mushonga mukuru chose kugarovata nomurume wako kusvika pakupiwa ma ORGASM akawanda une mimba. Urume kugarohpiwa une mimba unozvara zviri nyore kuphuura munhu asina murume anomuvata zvinogutsa.

Kudzoka kwenyama kunoitika panguva inoita 6 WEEKS. Ndosaka varapi vachikuudza kuti usavata nomurume kwenguva iyi. Asi zvinoda kuti uzvibatsirewo pakudzora nyama idzi. Verenga pa Blog ino pakahi KUSIMBISA MASURU.

Mai E Chibwe said...

Shoko rokuti mukadzi akasangana nomurume akamuboora anovata naye ishoko rinotaugwa nemapenzi anofunga kuti mukadzi munhu asingazivi zvaari kuita saka anofanira kuchengegwa. Kune vakadzi vanodaro asi nyaya dzokumba kwavo nevarume vavo dzinenge dzisina kururama uye vanenge vachingodawo kuvata nomurume iyeye kwete kuti chinhu chine chimwe chinochimanikidza. Mukadzi munhu anovata nomunhu waasarudza kuvata naye. Pasina izvozvo abatwa chibharo.

Kuboogwa hazvina imwe magic iripo. Chinongori chombo chapinda muchitubu sezvinongoita zvimwe zvombo. Chandinohwa vakawanda vachitaura ndechokuti havakangamwi murume anounyanzwi hwekurhoja saka akaravidzwa maitire anonaka achazodazve kudzokera kumurume iyeye.

Ndosaka muchiona kuti varume vakaroora vanoti vakawana mukana wekuvata nomusikana asina murume, musikana iyeye anopengeswa nokuda kurhojewazve nomurume uyu, iri ngari ye EXPERIENCE pazviri.

Kugona basa rekuvatana nomukadzi chinhu chakanaka chose zvikuru pamukadzi wemumba waunobhowa nokukasira kana usingaiti nomazvo. Varume wedzerai kunakira vakadzi vemumba kana musingadi kubatsigwa basa nezvirume zvemuraini.

Mai E Chibwe said...

Kubvunza kuti "Kuhi mukadzi aguta zvinoda nguva yakareba sei" zvakafanana nokubvunza kuti "Kuhi munhu aguta anenge adya sadza rakawanda sei?

Kuguta kwemukadzi kunobva pakuti iwe murume wake waswera uchitaura naye nyaya dzei uye iye ari kufungei musati matanga uyezve mava kuita. Zvinobva nokuti wambotamba naye akaita zemo rakadii? wamuudza nyaya dzei, wamuudza zverudo kusvika papi, Anofarira chii pakuvatana kwenyu, Akanyorova zvakadii uye chombo chemurume chiri kushandiswa sei

Kuguta kwemukadzi kunohi kwasvika kana aguta uye kuti iye atanga kuguta murume asati amudiridzira. Murume anodiridzira mukadzi asina kuguta murume asingahwisisi zvachose asi akaramba achidaro mukadzi wake achamurambira kana kuti achamuhurira. Musambonyeberana panyaya iyi. Kusaguta kunoitisa imwe FRUSTRATION isingamboiti.

Kana uchiziva kuti mukadzi haasi kusvika pa ORGASM, endai mugeze mese ugombozamba kukwiza bhinzi yake norurimi gwako. Zvinonaka chose chose kupfuura kupinzwa chombo saka zvinoshanda kune vakawanda. Wozosara hako wopinza chombo iye aguta kare.

Asi varume veChiShona kwahi vanotya bhinzi dzevakadzi vavo. Hameno kuti inyaya yeyi. Pabhinzi hapana chingahi chakaipapo zvokuti ungaramba kungoikwiza norurimi chete here? Ko kumukisa pamuromo nokupinza rurimi mumuromo make unoita waniko. Panzwimbo dzese dzemuviri wemunhu, muromo ndiwo une maBACTERIA akawanda kupfuura zvimwe zvese. Pabhinzi pambogezwa pakangofanana nomunyatso wezamu.
Asi zvese izvi tazvitaura kudaro vanhukadzi vashoma vanohi vaguta vasina kunyatsokoigwa kwenguva inopfuura maminitsi mashanu. Vakawanda vanogutira kubva pa maminitsi masere zvichienda mberi. Ndinogarotaura pano kuti varume dai zvaibvira mutaure nevakadzi venyu panyaya idzi muhwisisane nokuti umwe noumwe mukadzi anogutira pakasiyana.
Zvino semazuvano ekuti vanhu vanofamba famba vachienda kune dzimwe nyika kana dzimwe nzvimbo dzenyika, zvinokwanisika kuti unosiya mukadzi wako ari ega kana kuti iyewo anoenda kumwe osvikosangana nemurume anogona basa onakigwa zvaasina kumboita, nyaya yenyu yopedzisira yatsveyama iri ngari yokuti murume wake haadi kungodzidzira kunakira mukadzi.

Vakadzi vakawanda vanohura ishungu dzokusanakigwa mumba. Pano ndinotaura nokuti vakawanda vanondinyorera vachitaura zvikonzero zvavo pakuzotsvaka chikomba chokugutsa uku ane murume wekugara naye. Ndinokurudzira chose kuti gutsanai mudzimba dzenyu.

Anonymous said...

Ini hangu ndineproblem yakamira so ndakaroora 2010 ndiine 22yrs mkadzi ainge aine 19yrs asi ainge atoboorwa kare ini kusvika pazera iroro ndainge ndisati ndamborara nemsikana kana ndakatanga naiye ndaidanana nevasikana asi panga pasina bonde handizivi nemakore atava aya kuti kwainge kurikupusa hre sekutaura kwamaita kuti munhu anenge aine history kureva kuti zvinhu zvaachagara achirangarira hre the bad part of it ndeyekuti munhu wacho akamubora anogara nharaunda imweyo nemkadzi wangu ndokwandinobvawo futi ini wacho mamboti vakatosangana panekapfungwa kanombouya kekuvatana futi ini semunhu asina kubvira ambobvisa humhandara hwemkadzi l dn't feel comfortable nazvo mayb yu can help me out kumuda ndomuda mkadzi wangu

Mai E Chibwe said...

Mukadzi munhu ane fungwa anorhizena sezvinongoita murume kana kutopfuura. Akasanganga nomunhu akamuboora zvisinei kuti anorangarira kuvatana kwavo, zviri kwaari kuti mukutaura naye anorerekera kukurudzira kuvatanazve here kana kuti kwete.

Chinonetsa vamwe vakadzi ndechokuti murume akamukumbira kuvata naye kazhinji anoti haadi obvaapa rhizeni yokuti nokuti ava mukadzi wemunhu, kuita sokuti dai asiri mukadzi wemunhu dai achida, zvinoreva kuti anotoda. Rhizeni yakanaka ndeyokungoudza munhu kuti HANDIDI, HANDIKUDI. Haunei nokuziva kuti sei ndisingadi. Zviri kwandiri izvo.

Nyaya yopera yakadaro. Asi iwe kana uchivimba mukadzi wako uye usingamupi matambudziko mumba okukonzera kufunganya kwakawanda zvokuhurahaazvifungi. Kune vakadzi vanonyengwa zvisinei kuti wakamuroora ari mhandara kana kwete. Hwisisaapa.

Unknown said...
This comment has been removed by a blog administrator.
Anonymous said...

Ini ndiri mudzimai ane makore makumi matatu nemana. Ndakarara nemukomana wandakadanana naye ndichiri musikana tikazorambana. Kutaura chokwadi ndakanzwa kuti munhu uyu handichamudi. Ndakazoroorwa ndine vana vatatu asi murume wangu anogarondinetsa hanzi ndiri kufunga past boyfriend. Anoti akahura oti ndiri kukonzerwa nepfungwa yeketi ndinofunga kuti uchiri kufunga past boyfriend. Ndibatsireiwo ndinotombofunga kusiya imba neizvi

Mai E Chibwe said...

Munhu akatanga kuhura hazvichaiti kuti arege kuhura. Saka anonenera vamwe nhema kuti vamuregerere. Asizve ukamuregerera zvoita sokuti wamipa mvumo yokuhura. Nyaya yenyu iyi inonetsa kugadzirisa. Dai wakawanikwa uri mhandara chokwadi ndechokuti murume wako aingohura sezvaanoita ikozvino. Asi iwe ukahura usafunga kuti anokuregerera.

Makaroorana achiziva uti hausi mhandara saka haaifanigwa kuzokuudza nyaya iyi mavana nevana vatatu.

Chokuita kutsvaka munhu mukuru wamunokumbira kuti aterere nyaya yenyu mutaurirane zviri pachena. Zvadaro iwe chiudza murume ipapo kuti kana akahurazve unomusiya ega pamusha nevana vake oona zvokuita.

Asizve mubvunze ipapo kuti chikonzero chechokwadi chaanohurira chii? Kana asingguti mumba ngaataure ipapo kuti haasi kuguta nengari yokuti neyokuti mugadzirise nokuti ndiwe uchapiwa siki ugofa nadzo.

Usaona nyaya iyi senyaya yokuti unongogara hako nayo murume achihura paadira. Bodo. gadzirisai. Kana zvaramba wosunga twako woenda kana kuti womuudza kuti ngaachihura hake asi iwe zvokuvata naye bodo kana pasina makondhomu.

Anonymous said...

Ko mukadzi anogona here kuramba murume anokwira kwemaminitsi 50 kana more than one hour richingori one round. Pane varume vakamwiswa mishonga yechivanhu kamwe chete vachangozvarwa. Pane akadaro ane vakadzi 7 vechidiki vaitombonetsa kare kwavo pamauniversity asi vadzikama chose uye hapana anomboonekwa achihura. Zvinondishamisa ini

Mai E Chibwe said...

Vakadzi vakawanda vanoda murume vanowanza nguva pakuvatana saka handioni sokuti pangava nedambudziko guru asi kungoti murume asvike maminitsi 50 zvoreva kuti ane chigwere chinoda kuonekwa nevarapi.

Zvokuitawo mukadzi paBarika handizvo. Munhu zvitsakirewo murume wako moita vaviri.