Saturday 27 September 2014

Kunonoka/kutadza kudiridzira mukadzi

Kunonoka/kutadza kudiridzira mukadzi
Takambotaura ne nyaya iyi tichiti varume dai mambozamawo kuwedzera nguva yamunopedza muri mukati mevakadzi venyu pakurhojana mudzimba dzenyu, kuti vakadzi vawenewo mukana wekunakigwa nebasa iri roupenyu. Zvino paita mubvunzo wekuti iwo tingagadzirisa sei nyaya yokuti kune varume vashomanana vane dambudziko rokuti pakurhoja havasviki pachinhanho chokupedza. Tichiti kupedza toreva kubudisa urume. Zvadaro zvoreva kuti vese murume nomukadzi vanoshaya hope nazvo nokuti murume anongoramba akamira chombo. Tobvunza kuti zvinoitiswa nei uye zvinogadziriswa sei. Chokutanga hwisisa kuti dambudziko iri riri kunyika dzese saka hakusi kuti wakaroiwa. Zvikonzero zvacho zvinozikamwa uye kana ukada kuzvigadzirisa unokwanisa kuzvigadzirisa kana mabatsirana nomukadzi.

Pamhomho yevarume munyika dzese pane varume vanosvika paumwe chete pavarume churu (1 in 1000) vasingakwanisi kudiridzira mukadzi pakurhojana mumba. Varume vakawanda vanoti ivo kana akapinza chombo mumukadzi wake vakatanga kukoirana, mukadzi oita orgasm yake pamaminitsi manomwe kana masere,  murume iota maminitsi ari pakati pemapfumbamwe negumi nerimwe obva adiridzira mukadzi. Kana murume achizivi kuti mukadzi wake anonoka kana kukasira, anongomirirawo saizvozvo. Asi kana ari murume asingakwanisi kudiridzira, anokubata agokukoira kusvika waguta, agoramba achingoenda kusvika wagutazve agoramba achingonda chombo chakangoti twii.

Kwahi noumwe mukadzi wekubasa kwedu, "Musi we kutanga ndakafunga kuti ndawana murume chaiye. Ndakamuka muviri wese uchigwadza ndavata ndichingorhojewa. Musi wechipiri ndakafunga kuti andimwira VIAGRA. asi ndakazoona zvichingorizvo nguva dzese, ipapo iye haatombopedzi."

Saka tinoona kuti mukadzi anotanga achifarira kuti murume anongovatira kurhoja asi zvinozosvika pakuti anodawo kuti murume wake amupewo urume kuratidza kuti anakigwa

Koitazve vamwe vaya vasina hanya nomukadzi vanongoti kupinza otodiridzira. Ava vakawanda chose pane vanotadza kudiridzira, uye vanowanzokonzera vakadzi vavo kutsaka chihure, iri ngari yokusagutswa mumba.

Kune vakadzi vasina havo hanya nokusadiridzigwa asi vashoma, iri ngari yokuti fungwa dzomunhukadzi dzinoona sokuti kana murume adiridzira zvoreva kuti anakigwa saka afarira kuvata naye mukadzi. Hino kana makoirana kwenguva yakareba inopfuura maminitsi makumi matatu murume pasina zvaabudisa akakupa, zvoita sokuti aunaki kana kuti murume haakudi. Saka zvikazoramba zvongoitika mukadzi oruza CONFIDENCE pakunaka kwake zvounza mamwe matambudziko mumba.

Varume panyaya yokudiridzira vane mabato akawanda anoti:
1 Murume anorhojana nomukadzi wake zvinonakira vese odiridzira kwapera maminitsi oda kusvika kana kupfuura gumi.

2 Murume anorhojana nomukadzi wake zvinonakira vese odiridzira kwapera maminitsi oda kusvika kana kupfuura gumi, asi urume hwake hwoti pakubuda hworasika hwokwira kuno kumusoro kwemachunhu ehurume pane kudzira kunobuda muchombo kunopinda mumukadzi

3 Murume anorhojana nomukadzi wake zvinongonakira iye odiridzira achangopinza chombo mukadzi asati anakigwa kana kubva zemo.

4 Murume anorhojana nomukadzi wake asi otadza kudiridzira zvachose zvokuti chombo chinongoramba chakamira kureva kuti ane zemo, asi hapana chinobuda kwenguva yakareba. Varume vakadai vane mhando dzinoti

                    Pamwe anozodiridzira hake asi vese vatambura  
                   Murume haatombobudi kana chinhu.
                   Murume anongotadza kubuda urume kana ane mukadzi/hure wake asi kana ari ega achishandisa maoko haana dambudziko.

Maonere eMukadzi
Mukadzi anoongorora nyaya kubva paaizivira. Kana akasangana nomurume ane rimwe rematambudziko awa, anokwanisa kukasira kuziva kuti pane dambudziko zvichibva nokuti iye akabva nepi. Kana vese mukadzi nomurume vakambosangana nevamwe vanhu, zvinoreva kuti vanoziva mafambire anofanira kunge achiita zvinhu. Kana murume waanaye ari munhu anoti pakunovata nguva yakarebesa asina kupedza kana kutadza kupedza, mukadzi anokwanisa kungofunga kuti ndiwo mafambire ezvinhu, kana ariye murume wake wekutanga.

Asi vakadzi vashoma vangagara nguva refu vasina kuhwisisa kuti kusabuda urume chinhu chiri kuvarume vese. Saka kana zvaonekwa navo vese kuti pane nyaya, chikuru ndechokukasira kutaurirana kuti mese muone zvokuita panyaya yenyu.

Vakadzi tinofarira kupiwa urume pakurhojana nomurume. Kuti wavhurira murume ukapiwa nguva chombo chirimo wopedzisira usina kudiridzigwa zvinoita sokuti watadza kunakira murume.

Mukadzi anokwanisa kutanga achifarira chose kuvata achingorhojewa iri ngari yokunakigwa nenguva refu chombo chiri mukati, asi nenguva anozotanga kungodawo murume anomupa urume nguva dzese. Kunozoitazve nguva yokuti mukadzi anoda mwana. Kana mabvumirana kuita mwana asi murume oramba achitadza kupamukadzi urume kuti aite mimba, zvinokwanisa kushungurudza mese.

Varume vanofanira kuhwisisa kuti vakadzi vakawanda zvokurhojewa nguva nenguva vanozvifarira chose asi kupiwa urume chinhu chinoratidza kuti mukadzi anodiwa. Kana pasina urume mukadzi anotanga kufunganya. Pamwe anopedzisira asisadi kuvata nomurume kuri kutya kuhi haagoni basa.

Zvinokonzeresa murume kusadiridzira
Kune zvakawanda zvinitisa kuti murume asabuda urume. Ngatitange nomurume anoti kana ari ega anobuda urume asi kana ava nomukadzi haabudi. Zvimwe zvacho zvinokonzera nyaya iyi ndeizvi:
·        
       Murume akakura mumhuri inorambidza zvakawanda
·         Murume ane maitire okuda kubata vamwe vanhu senhapwa (controlling nature)
·         Murume anotyiswa nechitubu chomukadzi kana kuona sokuti chine tsvina
·         Murume anotya kupa mukadzi mimba.
·         Murume ane chaanomhura pavanhukadzi vese zvavo
·         Murume anofarira vanhurume kupfuura vanhukadzi

     Hazvikonzereswi nokusagona basa kwemukadzi. Zviri mufungwa dzemurume chete chete.


Zvinorapika here?
Tichitarisa tinoona kuti matambudziko awa ese ari mufungwa dzomurume saka kuti zvigadzirike murume anofanira kutanga ahwisisa kuti chikonzero chacho chii. Adaro anofanira kubatsirana nomukadzi wake kuti vagaries nyaya yavo nokukasira.

Kugadzira nyaya iyi hakuna mushonga unozikamwa ungashandiswa. Kunyika dzakaita seAmerica ne Europe kana mukadzi nomurume vabvumirana kuti vanoda kuzvigadzirisa, vanoenda ku Counselling kundoongorora kuti chikonzero chaicho chiri papi mufungwa yomurume. Zvadaro vozama kubvisa chikonzero. (Not a physical cause but a psychological cause)

Zvatambotaura kuti nyaya iti iri mufungwa yomurume uye mafungire ake pamukadzi wake. Zvinoreva kuti kana akakwanisa kuchinja mafungire ake anokwanisa kuchinja maitire ake, zvikuru kana ahwisisa kuti mukadzi wake munhu anodawo kuti zvinhu zvichinje asi anomuda.

Pandaitaura noumwe Counsellor panyaya iyi ndakaudzwa kuti pane vamwe mukadzi nomurume vaakamboongorora nyaya yavo ikagadzirika asi zvakange zvaonekwa kuti murume ange achiti mukadzi asipo osweroona mavhidiyo epono achiona vakadzi nevarume vachivatana zvaasingagoni kuita nomukadzi wake. Saka aibva aona sokuti mukadzi wake haasi kuguta kusvika pakutadza kumudiridzira. Pazvakangozikamwa chikonzero akarega kuona mavhidhiyo awa akabva atanga kudiridzra mukadzi wake nenguva kwayo. Kwahi umwe noumwe ane chikonzero chiri kumuitisa kutadza kudiridzira mukadzi. Kana aimbodiridzira zvakanaka anofanira kutarisa kuti kuzotadza kwakatanga riini uye kuti chii change chachinja panguva iyoyo.

Kunevaya vane urume hunorasika pakubuda hwonanga kusiriko, kasira kundoona chiremba utsanangure kuti zviri kufamba sei.

Kune mukadzi anoda mwana asi murume asiri kumupa urume, munokwanisa kuti murume oshandisa maoko mukadzi ari pedo, panotanga kubuda urume mukadzi ovhura ogamuchira urume. Vamwe vanoburisira urume muchikapu che plastic, mobva maronga yokukasira kuhuisa mukati memukadzi asi musashandisa zvinhu zvinokuvadza. Munokwanisa kushandisa SYRINGE. Munofanira kukasira kuisa urume muchitubu huchiri kupisa.

Zvimwe zvenyaya idzi.
Nyaya idzi hadzisi nyaya dzokuti kana yaitika mumba menyu umwe wotanga kupaparika achipumha umwe chihure kana kuti kuroya. Inyaya indoda kuti mese muhwisise kuti kana mukagadzikana hana munokwanisa kubatsirana. Murume munhu anokoshesa chombo chake zvokuti fungwa yake ikangofunga kuti pane chakanganisika pachiri zvimwe zvese zvaanoda kuita zvinokanganisika. Vedu vechiZimba ndipo vanokasira kufunga kuti akaroiwa nomukadzi obva ada kudzinga mukadzi asi nyaya ichitoda mukadzi wacho kuti igadzirike. Kana ange ambovata nehure anobva afunga kuti pane chimushonga chashandiswa nehure riya obva afunganya nazvo. Pakufunganya paya nyaya yotowedzera. Mukadzi wakewo pakuzviona ofungawo kuti pane zvaitwa nomurume. Vese vopedzisira vowedzera kukanganisa upenyu hwavo izvo bodo, nyaya inogadzirika kana vakataurirana zvakanaka. 

Mukadziwo akangofunga kuti ari kutadza kugutsa murume onobva akanganisa dzimwe nyaya dzese dzange dzakanaka pauviri hwavo. Vedu vechiZimba vanokwanisa kufunga kunotsvakira murume mushonga wekuti amude izvo murume anotomuda nechekare, iye mukadzi ndiye ava kutokanganisa rudo. Nyaya idzi dzinoda kutaurirana zviri pachena. Mukadzi woudza murume maonere ake pazviri.

Murumewo obuda pachena kuti chii chaanofunga kuti chiri kukonzera nyaya iyi. Kana achiziva kuti anokwanisa kubudisa urume kana ari ega, ngaaudze mukadzi kuti urume anahwo saka changosara ndechokuti hwubude kana ari mukati memukadzi. Pakuudzwa izvi mukadzi ngaasagumbuka kana kufunga kuti ndiye akonzera. Ngaaudze murume kuti achamubatsira kugadzirisa nyaya kuti vese vafare.  Kana zvichida kuti vanoona COUNSELLOR voronga vese voenda. Rudo chinhu chikuru.

Hwisisai kuti pamunozoona zvoitika murume anenge agara nazvo mufungwa kwenguva yakareba saka musafunga kuti zvinongobviswa nenguva shoma. Kuzvininipisa pauviri hwenyu chinhu chakanaka.

Nyaya inobuda pachena ndeyokuti kukasirira mukadzi hakuiti. Kunotadza kupedza zemo kumukadzi.
Kunonokera mukadzi kusvika nguva yarebesa hakuiti futi asi zvinongoitwa nevarume vashomanana.Kana zvakuwira iwe mumba inyaya huru.


Verengazve apa pakahi "murume asina urume"

Udzai Vamwe!!!!!

15 comments:

Anonymous said...

thnx tete nedzidziso,makegel exercises i prefer zvekumisa wet bt hazvina masyd effects here +baba vanofila dfrence here pachitubu.plz help pama exercises epa chair handina kunyatsonzwisisa

Anonymous said...

Maita henyu Mai Chibwe. Nyaya iyi yekunonoka kudiridzira yanga yatondinetsa. Asi ndofara kuti takaikurukura nemudzimai wangu iyezvino zvavakutanga kuita nani.

Mai E Chibwe said...

Zvokumisa weti hazvina ma SIDE EFFECTS asi kutoti zvinobatsira kuti kana wazvara usimbise masuru zasi kuti usazviwetera pakuhotsira kana kukosora kana kuti wazochembera.

Tinokurudzigwa kuzviita nguva dzese. Side Effect ndeyokuti unozonakigwa nokunakira murume pakuvatana nokuda kwekugona kuzoshandisa masuru kupomba chombo chomurume ari mukati, zvinova zvinokwanisika pamaitire ese ekuvatana zvisina basa kuti murume apinda nemberi here kana kuti mukadzi afongora murume akapinda nokumashure. Kana masuru yakasimba zvinoita chete.

Anonymous said...

Ndotenda nedzidziso yenyu amai ndinemubvunzo mbijana kuti panengo yemrume yakachecheudzwa neisina pane inonzi inokurumidza kudiridzira mkadzi hre kana kuti ini handina kuchecheudzwa asi problem yandinayo handina kana kudambuka tsinga iya yenhengo zvingakonzera kuti ndikurumidze ndadiridzira mkadzi hre nekuti ndonzwa ndchida kukurumidza kuzvita ndibatsireiwo ndinemkadzi saka handizivi kana mkadzi wangu achiguta

Mai E Chibwe said...

Pa ANATOMY yechombo chomurume hapana tsinga inohi inodambuka. Zvetsinga izvi zvinongotaugwa kuvarume vekuZimbabwe chete chete. Vekune dzimwe nyika havana zvakadai, ndosaka kusina anoziva kuti vekuZimba chamunoti Tsinga inodambuka chii.

Kana tichikombeya varume vakachekwa ganda nevasina vakachekwa vanonoka kupfuura vasina kuchekwa asi siyano yavo ishomanana.

Kunonoka kwemurume kunobva paATTITUDE yake pakunakigwa kwemukadzi wake. Kana asinei nazvo anokasira. Kana ari murume anodawo kuhi anonaka anononoka zvichibva pakudzidzira kunonoka, uye kuti vanovatana kangani pavhiki.

Nyaya iri pano ndeyevarume vane dambudziko rokutadza kudiridzira kana kunonoka zvokuti vese mukadzi nomurume zvinovatambudza moyo.

Anonymous said...

Urume hunobuda pabonyora hwakafanana here nehwe pakuvatana

Anonymous said...

Koo bonyora rakanakirei uye rakaipirei?

Mai E Chibwe said...

Ndizvo zvimwe chetezvo zvakangofanana.

Mai E Chibwe said...
This comment has been removed by the author.
Mai E Chibwe said...

Rakanakira kuti kana une murume asingagutsi kana kuti usina murume zvachose, unokwanisa kuzvigutsa wega, zvichinge zvakangofanana nokuti wavatwa nomurume, zvikuru kana uchinatsohwisisa bhinzi yako iwe muridzi.

Zvinodzidzisa mukadzi kuti ahwisise muviri wake kuti agozokwanisa kutaridza murume wake zvokuita kana awana murume akasvinura panyaya idzi. Akawana murume fuza, zvinomubatsira kuzvigutsa.

Kuvarumewo zvinoita sokuti vanotanga kushandisa maoko vachiri vanana zvokuti vanohwisisa mashandire azvo.

Chakangoipa pavarume ndechokuti zvinoitisa kuti vakasire kudiridzira kana vava nevakadzi iri ngari yokuti pakuzvirhoja maoko havadzidzi kunonoka. Ndiyo nguva yaifanira kuti murume azvidzidzise kunonoka kuitira kuti agozogutsa mukadzi.

Chimwezve chakaipa ndechokuti murume akawanzisa kuzvibatabata sokuti kamwe pazuva, achaona kuti simba rechombo pakumira rinoita shoma. Asi akamboregera simba rinodzoka.

Hapana chimwe chakaipa chinozikamwa pakuzvibatsira kuvakadzi kana varume.

Imwe nyaya ndeyokuti hazvidhuri. Hauna hanya nokutanga wambodanana nomunhu. Hakuna anokuudza kuti uri hure kana mazorambana nokuti haurambani nemaoko ako. Haubatwi chibharo, hapana kutukana. Haubati zvigwere, Hakuna anokuudza kuti matinji ako akakurisa kana kuti madiki. Hakuna anokuudza kuti haugoni chikapa, kana kuti ukaita mimba anokuramba. Hapana anokuhurira. Kungonakigwa chete wovata hope dzako wega pasina dzimwe nyaya.

Anonymous said...

Nyaya iyi yekunonoka kana kusadiridzira inototambudzawo murume. Nekuti kudiridzira kunonakira varume zvikuru uyezve murume anotanga kunetseka kuti saka mudzimai wake arikufungei pamusoro pekutadza kudiridzira kwake. Kana nyaya yekutadza kudiridzira kwemurume yaitika zvinoda kunzwisisana nektaurirana. Murume anogona kutozotyawo kutanga rhoji kana akaona mukadzi wake achiratidza kusafara nezvaitika.

Hapana munhu pakati pemurume nemukadzi zvese anoda kunzi atadza kuita basa parhoji. Varume tinotozvizivawo kuti vakadzi vazhinji vanofarira nyaya yekudiridzirwa pamusoro pekurhojewa kwenguva yakakwana.Chimwe chinozvikonzeresa ma unresolved issues pakati pemurume nemukadzi. Kunyanya pakaita nyaya yekuti murume arikufungira kana kuti akabata kuti mudzimai wake ane chikomba. uyezve dzimwewo nyaya dzinokonzeresa kuti murume ave nechigumbu nemudzimai wake kana nyaya yacho isina kugadziriswa kana kumbokurukurwa pakati pavo.

Anonymous said...

Is masterbation a sin to God

Mai E Chibwe said...

Uyu mubvunzo unonetsa kupindura asi kungoti nyaya yokubatanidza kuzvibvisa zemo nokuita chitema yakatanga nevarume veCHURCH inohi Roman Catholic vakaudza vanhu kuti ivo havazvibvumiri nengari yokuti vanofunga kuti chitema. Vanozama kutsigira nyaya yavo nemafunire avo panyaya yomurume anowanikwa muBhaibheri aihi Onan (genesis 38) akaudzwa kuti agare mukoma wake nhake kuti paite vana iye ndokuona asingadi zvevana nomukadzi wemukoma, ndokunyebera kuvata nomukadzi wemukoma asi pakunodiridzira ndokudiridzira pasi kuti asaita mimba.

Kubva paVERSE iyi varume veCAtholic vava kuti inoreva kuti urume hwese hunobuda pamurume hunofanira kubudira mukati memukadzi. Zvorevazve kuti kana usina mukadzi usarega urume huchiuda mauri.

Nyaya yonetsa pano ndeyekuti varume vese zvavo nevakadzi vese zvavo vanozvibatsira nemutoo uyu saka zvinorevei? chero ivo varume ava vanorambidza vamwe kuzviita, vanozviitawo. tikatarisa nyaya yaOnan toonazve kuti haisi nyaya yokuvatana asi inyaya yokuterera zvawaudzwa kuti ita. Kuti ahwisise kuti paidiwa FAMILY PLANNING ange ambozviita nechekare noumwe mukadzi pasina chakaipa.

Saka iwe chizvipindurira mubvunzo wako asi hwisisa kuti chivi choupombwe chinoitika mufungwa kwete pakuvatana. Unozovatana nomukadzi/murume asiri wako, watoita upombwe kare.

Tiri tese here?



Anonymous said...

Mukadzi wangu ane matinji madiki damudziko rangu ndinokurumbidza kudiridza pamwe ndotombofunga kuti itsinga isina kudambuka nekuti tine mwana 1 uye ndogara ndichimurara mazuva ose

Mai E Chibwe said...

Saizi yematinji hainei nokukasira kudiridzira. Hainei nokunakigwa kwenyu mese.

Mamunhurume hapana chinhahi tsinga chinofanira kudambuka. Hameno kana varume vemuZimbabwe vakasiyana nevarume vedzimwe nyika.

Kukasirira mukadzi hunongori uchapa pakuvatana. Murume anofanira kukasira kudzidza kunonoka. Hazvingouyi zvega. Zvinotodzidzwa. Nyaya dzakawanda dzokuvatanwa dzinoda kudzidzwa.