Sunday 30 November 2014

Hama inogarokumbira mari

Mari chinhu chinonetsa kuwana asi tese tinokwanisa kuiwana nemitowo yakasiyana siyana. Kune vamwe vanhu vanoona zvokushanda zvichivaremera asi mari vachoingoida sezvinoita vamwe vese. Unoona pavanhu vasingadi kushanda apa pane mabato maviri. Kunoti vamwe vsina hanyu nokuti mari vanayo here kana kuti kwete, kusvika pakufamba vakapfeka zvinosvodesa, chero kuchechi vanouya vasina kusimira zvakakodzera imi muchitoziva kuti havana nhumbi dzokupfeka dzakakwana.

Koita vamwe vanongoti napo napo atosvika otokukumbira mari. Ukamupa, anodzokazve kwapera mazuva maviri oda imwe mari futi. Anokwereta mari kubva kuneyokugaisa kusvika kune yokutengera mwana bhutsu dzeyunifomu yechikoro. Mwedzi umwe noumwe anenge ari pamba pako kana pafoni achida mari. Ipapo iwe unomukira kubasa iye achizomuka kuma 8 zvake zuva rakwira.

Kana achigara pedo nemi, munoudzwa zvese zvinoda mari kumba kwake. Kuseni anosvik pamba muchangopedza kubika tii, omwa nemi oenda imi pamunodzokera kundosakura munda. Ukamutengera mbeu hazvibatsiri nokuti SKILL yokurima haana.  Gore richinopera hapana chaanokohwa saka vana vake vanowana zvokudya kwamuri. Ukamukumbira kuti asare pamba achirinda musha iwe uchindovhakasha kure anokuudza mabhikozi akawanda kusvika wandotsvaka munhu wekubhadhara mari kuti arinde musha.

Munhu akadai munhu wekuti mukasataurirana mumba menyu zvakanaka munokwanisa kuzotukana nokuti kwezviito zvake asi iye ari hama yenyu. Mukadzi anokasira chose kuona hama dzemurume dzakadai murume asati azvibata, iri ngari yokuti murume akakura nehama iyi saka anongoona sokuti munu kwaye. Mukadzi azouya kwenyu akura saka anoongorora zviito zvehama dzemurume achiona kuti uyu akati uyo akati. Mabatire aanozoita hama idzi anokwanisa kupokanisa musha wenyu.

Mutemo wekupa vanhu zvinhu unoti unofanira kupa munhu chinhu chinomubatsira kuita chimwe chinhu muupenyu hwake, kwete kumupa mari nokuti achaishandisa agoda imwe futi kana iyo yapera. Ukazogaromupa mari wava kutoremadza munhu kuti asafunga mawanire aangaita mari ega. Kune hama dzinopiwa mari dzinoti:
1 Chembere dzapfuura makore 65 dzaisisagoni kushanda kana kuva nevashandi
2 Vana vasina vabereki vanoda kureriwa
3 Vanhu vakaremara vasina zvavangazvibatsira nazvo.

Vamwe vese ava unofanira kugara navo pasi moronga mazano okugadzira mari kwete kumupa mari. Asi kana ati anoda mari yebhazi kuti aende kuINTERVIEW yebasa kana kuenda kunodzidza kosi yebasa, haa mupe hako wakasununguka.

Unohwa munhu achiti anoda mari yokutenga chinhu chausina iwe uye chisingazomuunziri mari chakaita sefoni, TV, Video Camera, etc, iwe wotoshaa kuti munhu uyu anokuona seBhanki rizere mari here kana kuti ari kutamba newe.

Usamupa mari. mupe zvinhu zvinomuwanisa mari uye zvinomuita ashandire mari yake. Kune vanhu vanogara kumusha kune mvura yemahara, nemufudze wemahara, asi uchaona kuti vanotambiriswa mari dzinobve mhuri kwemakungwa uye mhiri kwenzizi zvokuti vanongoswera vasina chavanoita vakamirira mari kuuya kuti vagonotenga zvavanoda vasina kumboshanda. Munhu akadai musi waunofa ndiwo musi waanotangawo kufa asi ndiwe wamupinza padambudiko.

Munhu aneutano, ane makore ari pasi pe 65 anokwanisa kurima muriwo nokuchengeta kuhu, nokusima miti yemichero, agotengesa zvinhu zvake achizviwanira mari yake. Kana wada kumubatsira tenga mhodzi dzemuriwo, nebadza nepiki, nebhara rokusengesa zvirimwa, nengoro yokusengesa mufudze. Wochimutengera mabhuku okuverenga zvokuita uye kumubhadharira kuenda kukosi yezvaanokwanisa kuita. Kana wadaro wamupa ufumi.

Iwe nomurume/mukadzi wako hamuchafi nemaSHIFTS kubasa muchifira kuremadza vanhu vakasimba. Hamuchawanzi kutukana mumba mari ichishota. Hamuchawani magwaro emuWhatsAPP kana FaceBook kubva kuvanhu vamakatengera foni dzinodhura kuti vakupantsanisei mudzimba dzenyu. Hamuchaudzani nhema mumba kuti muwane mukana wekubudisa mari umwe asingazivi, Hamuchavati makasvinura usiku muchifunga kuti achabhadhara mari yevana vechikoro vasiri venyu ndiani. Kuremadza umwe munhu kuzviremadzawo pachenyu.

Iwe kana ukaroorana nomunhu kuDiaspora, ukawana munhu uyu ari munhu ajaira kutumira mari kuvanhu vasina ugwere, vasina mabasa, vane simba rokuzvarisana asi vasina simba rokuriritira vana vavo, ukada kuaura noumwe wako kuti nyaya iyi haiite, uchaona kuti munopokana. Saka ini ndiri kukuudza kuti kana musikana/mukomana wako atogara aremadza vanhu vemhuri yake, ukazviziva chirega hako kuroorana naye nokuti nyaya yake haiperi. Ukasaterera zvandiri kutaura pano, uchazodzokazve pano wobvunza kuti zvoitwa sei nokuti musha wako hausi kuvakika.

Kune hama dzinouya pamusha penyu dzoda kugarapo dzichitsvaka basa. Hapana chakaipa kuti munhu atsvake basa ari pamba penyu asi tinona kuti vamwe vehama idzi anoti asvika, ukamutsvakira basa rokufanoita achitsvaka raakadzidzira, unohwa munhu oti haaiti basa rakadaro, asi iwe kuti usvike pauri wakatsvaira mumafakitori, kukabikira mhuri dzaida kubikigwa, ukaaina hembhe dzevanhu, ikadii ukadii, kuti zvifambe. Nhasi wazotenga imba, munhu ouya kumba kwako okuudza kuti haaiti basa rakadaro. Zvinoreva kuti haahwisisi kuti upenyu hwakagadzigwa nei. Ipapo ndiwe wakamupinza chikoro nemari yomaricho.

Ngatitaurire hama neshamwari chokwadi pane zvatinoita kuDIASPORA kuti mari ikwane pane zvatinoda muupenyu. Tadaro todzidzisawo hama kuti kuzoti vawane mari basa rinenge rashandhwa.

Mumazuva akapera kumusha kune nhamo, waiona vanhu vari mhiri vachishanda maawa anoita 90 pavhiki kuti vawane mari yokutumira kumusha uye kuzvichengeta. Vamwe vakatenga dzimota, mabhazi, nechi nechii kutumira kumusha kuti variko vabatsirike. Asi waiona kuti hama yawasarudza kuti ishandise mudziyo inouraya mota iya yobva yakutumira gwaro rokukukumbira mari yokugadzirisa bhazi riya yawange wambotenga. Ipapo agara naro mwedzi nemwedzi achiwana mari achidya nemahure ake.

Kana wafunga chinhu chinohi INVESTMENT, chironga yokuti munhu anofanira kuita manager aende kuTRAINING yokuhwisisa kuti BUSINESS rinoitwa sei uye chii chinodiwa kuti mari ichengeteke. Zvadaro unomutsanangurira kuti anofambisa sei vanhu vanoda kumukwereta mar vasingazodzosi. Anokweretesa yake kwete ye BUSINESS.

Dzimba dzamunotumira mari dzichivakwa, dzimwe dzichiita makore maviri imba isina kupera asi mari yaenda, dzinopokanisa vanhu mumba nokuda kwekuti mari yashandigwa iyi asi yadyiwa nomunhu wehama asinei nokuti wakaiwana kupi. Munhu zvitorere Leave, uende kumusha wonotsvaka Company inovaka imba yovakwa yopera uriko muridzi, Zvinodhura hazvo asi uchaona kuti imba inomira. Ukada kupa hama mari unobvisa mari ugoshaya imba. Ugotukana nomukadzi/murume wako pazviri. Ugoshaya sara usina chaunacho.

Isu tisi tinokvadza hama dzedu nokusavaudza chokwadi kubva pakutanga. Iwe kana une foni ye USD 150 usatengera umwe munhu foni iri pamusoro pe mari iyoyo. Kana achiida ngazvishandire aitenge ega agoziva kukosha kwebasa remaoko. Musi waunohi wafira muzhira yeJubheki, anokuchama hake asi anorarama usipo.

Zvimwe zvinhu zvatinotukanirana mumba hazvina musoro. Zvinoitiswa nokusahwisisa kuti tiri kuremadza vamwe vanhu. Kuti uite musha unokura tanga wariritira vana vako zvisingazokunetsi mberi. Vana ndivo vanhu vanofanira kupiwa zvinhu asi usingavaremadzi futi.

1 Tora insurance yokuti ukafa vana vanowanawo mari yokurarama nayo. Kuno ku UK mari inoita £20 pamwedzi, inotenga Insurance inopfuura £100 000.
2 Tenga insurance yokuti vana vako vakwanise kuenda kuUniversity kana vakura.
3 Tengawo imba kunzwimbo yakati nakei kuti vana vako vasashamwaridzana nevanhu vasina unhu.
4 Kana vana vako vasinganatsi kugona muchikoro, bhadhara mari vana vawane munhu anovadzidzisira kumba kuti vadzidze vagokwanisawo kuita zvavanoda.

Hino kana wagona kufunga zvinovaka vana vako chifungawo zvinovaka hama dzako nedzomukadzi/murume wako kuti mese muenderere mberi. Kwete kuti umwe ari kushanda vamwe vakangomirira mari yokupiwa vagere zvavo. Bodo. Taurai nyaya iyi mumba zvakanaka kuti musapokana pakufunga nepamaitire.

Mwadhi dzinokomburena pakusahwisisana mudzimba dzawandisa pamusoro pemari dzinopiwa hama nomukadzi kana murume. Dzimwe mari dzacho hadzisi pa Budget. Mumba mosara musina mari yakakwana.

Kana umwe wako akakomburena nenyaya iyi chitoziva kuti haipereri ipapo saka garai pasi muitaure muronge zvokuita zvinovakawo musha wenyu. Misha yakawanda inoputsika kana mukadzi asiri munhu anogona kuvaka. Zvinotangira pakusaziva BHAJETI. Tine basa guru rokudzidzisa varume vedu kuti musha unoda mazano evaviri asi mukadzi ndiye Prime Minister wemusha, Murume President.

Udzai Vamwe!!!






1 comment:

Unknown said...

Ndingatorasei insurance yeku UK ini ndiriku South Africa nhai Mai chine?