Friday 16 January 2015

Kufunga umwe murume/mukadzi pakuvatana newako

Kufunga umwe murume/mukadzi, mamwe maitire, imwe nzwimbo yokuitira, imwe nguva yokuitira, pakuvatana newako chinhu chinoitika kune vakawanda chose. Zvinohi kune vanhu vasingatonatsi kunakigwa kana vasina kuisa fungwa pane zvakasiyana nezvavari kuita. Toti murume akambodongorera vamwe vanhu vachirhojana akaona mairire avo kana kuti mamirire akaita muviri wemukadzi wacho akaona zvakamunakira, anokwanisa kuzoti pakuvata newake oisa fungwa pakunge ari kuvata nomukadzi uya waakaona.

Totizve mukadziwo akamboda umwe murume nechomumoyo, anokwanisa kuti pakuvata nomurume wake oisa fungwa pamurume uya aaida kare.

Kuvanhu vekunyika dzakaita se Europe maitire awa anopiwa zita rokuti FANTASY, kureva chinhu chaungada hako kuita asi hauchiiti uye pamwe hautodi kuti zvizikamwe kuti unofunga saizvozvo. Vamwe vanoti kuita chihure chomumoyo chisina kusiyana nechihure chaicho. vamwe vanoti hapana chihure nokuti munhu anozviita achitorhojana nomurume/mukadzi wake chaiye uye asingazohuri futi. Kunyika dzakaita se Europe ne America zvinowedzegwa nokuda kwevanhu vavanoona pa TV vanohi IDOLs, vavanozoteverera mumapepa, pa TV, muma Magazine vachitobhadhara mari kuti vaverenge pamusoro pavo. Saka unoona vanhu vachiisa ma POSTER evavanoteverera muma BEDROOM avo kuti pakunovata ovata aona picha yemunhu wacho. Vamwe vanoteveregwa vane mabasa akaita seekutamba bhora, kudhiraivha mota dzemakwikwi, kushanda mumafirimu, nekuva pa TV.

Munyika yedu mune vakadzi nevarume vanoteverera vanhu vane mabasa akadai. Kozoitazve kuti pamwe unokwanisa kungoona munhu akarurama pakuona zvokuti unofunga kuti kuvata naye chingava chinhu chakanaka. Ukazoti wava kuvata newako wofunga munhu akadai ndizvo zvinoita vamwe vafunge kuti chihure. Kufunga uku kazhinji haudi kuti wako azive kuti ndizvo zvauri kufunga, nokuti iwe kufunga uku kunowedzera kunakigwa kwako asi ari kukoirana newe ndeuyu wako asi fungwa yako iri kuti ndeuyo. Pamwe watotsinzina maziso kuti usadhisitebhiwa nokuona wako, fungwa ikasire kusvika kwaunoda isvike.

Kune vanhu vakawanda chose vese vakadzi nevarume vanoti uku ari kurhojana nomurume/mukadzi wake uku ari kufunga umwe munhu. Kazhinji murume/mukadzi wako hapana chaanoziva pazviri asi zvinoitika. Pana maitikire maviri kana matatu panyaya iyi.

Munhu waunoziva waunoda
Munhu waunoziva kuona papikicha chete
Munhu wausingazivi wemufungwa chete

Zvinoitika kuti munhu waunofunga pakurhojana kwenyu ukasangana naye unokwanisa kusatomboda kuvata naye kana kuti iye haana basa newe uye ukamuti muvate mese anoramba.

Kufunga uku kunopiwa vara rokuti FANTASISE  pachirungu zviya zvaunofunga zhohi FANTASY. Hachisi chinhu chaunoda kuti chiitika chazvo iasi kuti unoyevedzwa nokuchifunga zvokuti unokwira zemo pakurhojana nomurume/mukadzi wako wobva wanakigwa nazvo.

Vakawanda vedu vanofunga kuti chinhu chakaipa kuti munhu ari parhoji newe otanga kufunga rhoji noumwe munhu. Asi tiri pakudaro isu vacho cvanofunga kuti chinhu chakaipa tozviitawo.

Kana munhu waunofunga ari munhu chaiye wekuziva, kumufunga kwako hakuna kusiyana nokuhura naye asi kungoti haubati chigwere uye haungarambwi newako nokuti hapana chaanoziva. Tinohwa nyaya dzakawanda pane vaya vanoti anakigwa chose odaidza zita romunhu waari kurhojana naye. Zvinoitika kuti kana uchigarofunga munhu toti anohi Svodai asi wako achihi Tendai, unokwanisa kudaidza Svodai uku uri kuvatana na Tendai. Zvinoitikazve kuti tendai anokwanisa kufunga kuti wake anohura na Svodai asi zvisirizvo. Anokwanisa kunge achigaroisa fungwa pana Svodai pakuvatana na Tendai. Pamwe haana kutombotaura na Svodai wacho. Asi kana Svodai ari munhu chaiye anozikamwa, zvinonetsa kuti uzokwanisa kutsanangurira wako kuti wange uri muFANTASY chete asi hapana zvawakamboita na Svodai.  Asi ngatibvumirane kuti kuhwa umwe wako achidaidza zita roumwe munhu imi muri kurhojana, chinhu chinovhundusa.

Kana munhu waunofunga ari wekuona papikicha chete zvinobhowa hazvi kune wako akazviziva asi haagumbuki kuita sokuti aziva munhu wekuziva waunofunga pakuvatana kwenyu.

Kana munhu waunofunga ari munhu awakambovata naye kare zvoreva kuti une dambudziko rinoda kugadziriswa.

Kana munhu waunofunga ari munhu asina kumeso uye wekungotangira nokuperera mufungwa dzako wekuzvigadzirira uya sokuti uri kuona murume ane zvidya zvakasimba nemuromo unokisa zvine simba murume akakumbundikira zvaunohwa kuti uri wake, uku akakuvhurisa makumbo achinatsa kushanda pauri, fungwa yoona wemufungwa ane pikicha mufungwa yaunoda, asi uku murume wako chaiye anonori ORDINARY munhu ari kutokurhoja pari zvino, zvoreva kuti mufungwa une pikicha ye IDEAL man wainoda kuti dai wakamuwana dai ariye akakuroora.

Apa zvinonetsa kuti titi chihure nokuti munhu wacho ndiwe wakamugadzira mufungwa uye hakuna munhu kana imwe pikicha yemunhu akadaro pasi rese. Murume wako akazvihwisisa pamwe zvingatomunetsawo kutsamwiswa nazvo nokuti hapana THREAT.

Unokwanisa kugadzira pikicha dzakadai mufungwa mako dzokuti kana uri wega unotoona mufungwa munhu akadaro achikubatabata wokuita zvimwe zvinhu. Ndinogaroudza vaya vanononoka kuita ORGASM kuti regera fungwa dzako dziende kwese kwadzinoda kana uri pakurhojana nomurume wako. Sunungura fungwa. Ukada kutsinzina woti fungwa iteverere chombo ichinatsoongorora kuti chiripi uye chiri kuiteimo machiri macho. Woteverera kukwizirira kwachiri kuita madziro echitubu chako uye kuti iwewo uri kuitei nechiuno.  Unoona kuti zemo rinokwira. Ukazoda kuvhura maziso ukatarisa kumeso kwemurume wako nokufinyamisa kwaanoita kana ari kunakigwa uchiziva kuti ndiwe uri kunaka, unohwa kunakigwa kwako kuchiwedzerawo. Kana muBEDROOM menyu mune chioniso (MIRROR) kana uri pasi pemurume ukaone zviri kuita chiuno chemurime fungwa yako inokuudza yega kuti zviri kunaka.

Ndiri basa rokufunga zvimwe zvisiri zvamuri kuita. Kuda kuwedzera kunakigwa chete. Fantasy inowedzera kunaka. Unokwanisa kuti kana makambovatana pane imwe nzwimbo yawakawana iri inofadza unokwanisa kuti muri pamubhedha wenyu iwe wotora fungwa yako woiendesa kunzvimbo iya yakare wotoona sokuti muri kurhojerana ikoko, zvorowedzera kunaka.

Kuudzana FANTASY dzenyu:
Vashoma chose chose mupasi rese vanoudzana zvavanofunga pakurhojana zvese. Vamwe vanoudzana zvishomanana zvisingatsamwisi umwe. Vamwe vanotaura zve maitire, nzwimbo, kana nguva chete kwete zveumwe munhu waunogarofunga.

Pane zvimwe zvokuti kana uchigarozvifunga unokwanisa kukumbira umwe wako kuti azviite. Sokuti unoshamisika kuti kuvata nomunhu wausingazivi zvinodii? Unokwanisa kuti iwe nomurume/mukadzi wako musangane pane imwe nzwimbo, murume okunyenga iwe wobvuma obva atokumbira kuvata newe iwe wovuma mopinda muhotera motovatana mopedza umwe mobuda moenda monzonosangana kumba. Munokwanisa kuwana chiri chinhu chinoitisa zemo zvokuti.

Kuno kune vanhu vanohi vanofarira vakadzi vane Uniform, ma nesi, mapurisa, ma Technician, etc. Saka unokwanisa kutenga UNIFORM yokupfekera murume wako Ukuwo murume anopfeka Uniform kana mukadzi wake achizviona zvakamunakira.

Zvemaitire ndizvo zvisinganetsi kuudzana nokuti kazhinji munotobvunzana kuti toita sei umwe wotaura maitire aari kuda. Asi pane zvimwe zvinodiwa zvikuru nevarume zvavanotya kutaurira mukadzi asi FANTASY yazvo murume azere nayo. Kuti audze mukadzi wake zvomunetsa kuri kutya kuti mukadzi akazviramba zvoita sokuti murume ange achifunga zvisingafaniri kufungwa. Vakadziwo vane zvakawanda zvavanotya kuudza varume vavo.  Kujairana chinhu chakana. Kugara madzidza kutaudzana muchishandisa mashoko anohi anosviodesa.. Hazvizokunetsii kutaura zvimwe zvnotyisa vamwe kutaura.

Fantasy chinhu chakanaka chose uye chinoitwa nevakawanda asi kungoti vamwe vanodziita kana mumba musina mufaro wongoti paya monovata woti muri pakurhojana wongoona sokuti zvaiva nani dai ndina nhingi pane kuva nouyu. Pakadai nyaya yenyu yaipa zvokuti kana iwe unofanira kufunga kuigadzirisa. Zvikuru kana nhingi wacho ari munhu wekuziva,

Iwe kana uchifunga umwe munhu pakuisana kwenyu, chiziva kuti wako uyu anofungavo vamwe vanhu panguva iyi. Saka chirega kuti ukazviziva womugumbukira kuti azviitirei. Zviri nani kutomuudzawo kuti ndizvo zvaunoitavo iwe kuti muchiwana chimwe chingakufadzai ipapapo.

________________________________________________________________________________

Taurai tihwe vanombozviita, vakamboziva kuti umwe wako ari kuzviita, kana kuti vanozviita vasingadi kuti umwe wako azive. Zvinokubatsirei uye uchakwanisa kuzviregera here?

Udzai Vamwe!!!!






No comments: