Monday 23 February 2015

Mushonga wevakadzi kuvarume.

Mushonga wevakadzi unopiwa varume kuti vagodiwa nevakadzi kana kuti vagokwanisa kuvata nevakadzi vese vavanoda. Zvese zviviri izvi zvinhu zvinodiwa nevarume vakawanda chose. Varume vakawanda vanotsvaka mukana wekuti vakadzi vavade zvokuti chero murume ane mukadzi mumba anoda kudiwa nevamwe vakadzi. Izvi zviri kunyika dzese saka havasi vedu chete vakadaro.  Munhu wese murume kana mukadzi anofadzwa nokuziva kuti vamwe vanhu vanomuda uye vanoona ari munhu anoti vakamuona vofunga nenyaya dzerudo.  Asi ngatichitarisa nyaya mbiri idzi imwe neimwe.

Mushonga wekudiwa nevakadzi:
Kudiwa nevamwe vanhu kuri paviri. Kunoti kukwezva vamwe vanhu koti kupiwa rudo nevamwe vanhu. Izvi zvinhu zvakatosiyana pakuti kana ukasangana noumwe munhu unomuona ari munhu anokukwezva  (ATTRACTION) kozoti mataurirana ukaona kuti munhu akakodzera kumupa rudo womupa rudo. Hino parudzi gwedu varume ndivo vanonyanga vakadzi, saka murume kuti angonyenga mukadzi waasangana naye zvinobva pakuti murume afungire kuti mukadzi iyeye angangomuda.  Kana ari murume anokwezva vanhukadzi, anenge achitoziva kuti akatanga kutaura nemukadzi, mukadzi uya achati kudii pazviri. Kunyenga kune unyanzvi hwako zvokuti vamwe varume vanozvigona kupfuura vamwe, saka tingati mushonga unouya papi?

Tikatarisa munyika dzakawanda tinoona kuti mukomana anoda kunyenga anodawo kuonekwa ari munhu akasiyana nevamwe vakomana uye akasvinura pamaitire ake.  Hazviiti kuti mukomana asina chaanacho akwanise kunyenga musikana ane zvese kumhuri yake. Kazhinji mukomana anonyenga munhu ari paLEVEL yake kana kuti ari pasi pe LEVEL yake pakpuonekwa mumamirire akaita mhuri dzavo.  Asi variko vakomana vanobva kumhuri dzisina ufumi vane unyanzvi hwekunyenga vanokwanisa kundonyenga musikana ane mhuri iri pamusoro.  Asi iyi inyaya younyanzvi kwete yomushonga. Pano toda kumbotarisa panoshanda mushonga.

Kudiwa nevakadzi chinhu chinokwanisika kuitigwa mushonga. Mushonga uyu inotengwa kuChemist unohi Pheromone wakangoita se perfume yechirume. Unoti kana murume akaupfapfaidza pamuviri wake vanhukadzi vanounhuwidzira kurekure asi zvinoita kuti vade kuva pedo nomurume anawo. Saka toti mushonga wekukwezva vanhukadzi. Asi kungowedzera kukwezva. Kana murume agara ari munhu asina shumo zvinonetsa kuti akwanise kukwezva vakadzi chero akazvipfapfaidza nemushonga uyu hapana chinoitika. Vasikana vanodawo munhu akatsvangamuka anoratidza kuti vakaroorana anokwanisa kuriritira mhuri.
Saka apa tiri kuti pane mushonga unokwanisa kuti ukapiwa mukamana akaushandisa, paanosvika pavasikana vakawanda vavo vakanhuwidza mushonga uyi vanohwa kukwezvwa naye, zvoreva kuti unoshanda. Kuti titi unoshanda tinoona uri mushonga unohi unoshanda kunyika dzese.

ma Scientist vari kuzama kunatsogadzira mushonga uyu kuti vawane mari pakuutengesa.

Mushonga wekuvata navakadzi vese vese:
Uyu ndiwo mushonga unohi mubobobo unoti kana murume akautenga akaita zvarebwa nen’anga, anokwanisa kuti akaona mukadzi waanoda kuvata naye, anongovata naye chero mukadzi wacho asingazivi kuti avatiwa naye. Zvinohi murume akadai anokwanisa kupfuura napaimba pemukadzi uyu usiku, mukadzi avete hope nomurume wake, nyamushonga agopinda mumba agorhoja mukadzi uya zvokutomusiya ane urume muchitubu make asi vese murume nomukadzi vasina kumuka kuhope.

Kutizve kana masikati chaiwo anokwanisa kukusvikira agokurhoja iwe uchihwa kuti uri kurhojewa asi pasina zvaunokwanisa kuita zvazviri.  Kwahi zvinoitikira chero mukadzi waada, chero hazvanzi yake chero mai vake chero ani zvake.  Tikatarisa mushonga uyu tinoona zvakawanda pauri zvokuti:
1 Hazvina kusiyana nokubata munhu chibharo. Zvinoreva kuti munhu akadaro anofanira kusungwa.
2 Munhu waanorhoja wacho pamwe haatombozivi kuti ndiani amurhoja saka hazvina musoro
3 Zvigwere zvechihure zvinozara muraini kubva pamunhu umwe chete
4 Vana vanozvagwa muraini vanenge vari vevarume vashomanana.
5 Chivanhu muraini chinoita sokuti charaswa.
6 Vese mutengesi wemushonga naiye nyakutenga vanokwanisa kutosungwa

Tichitarisa pakadai tinoona kuti pane nyaya dzakawandisa dzinokanganisika dai mushonga uyu uriko uye uchishanda sezvinorebwa. Totizve hakuna hurumende yenyika ingangoti zii ichiziva kuti kune mishonga yakadai inoshandiswa munyika. Saka sei munyika yedu hurumende yemo isina zvairi kuita pazviri?

Uriko here mushonga wakadai?
Chokutanga kubvunza kuti mushonga wakadai uriko here kana kuti inyaya dzevarume vedoro dzinongozoti dzatanga dzonakidza vanhu kusvika vangoramba vachidzitaura asi nyaya chaiyo pasina.  Kune murume angakwanisa here kurhoja mukadzi, mukadzi agohwa achirhojewa asi asingaoni kuti ndiani ari kumurhoja? Sokuti vese vari mubhazi rine vamwe vanhu zvoitika izvi? Chero tikati kune mishonga yemasaramusi, zvinoitika sei?

Tichitarisa varume vakawanda nemaitire avo tinoona kuti vangada mushonga wekuti akangoona mukadzi chero okwanisa kuvata naye, chero pasina kutaurirana. Varume zemo ravo guru rinobva pakuona. Saka fungwa dzavo dzokuvata nevakadzi dzinotangira pakuona. Hazvishamisi kuti umwe wavo anotanga kufunga kuti dai kune mushonga wekuti akaona munhu waanoda obva atovata naye. Zvadaro oudza vamwe vake nyaya yemushonga wakadai, vamwe vaya voonawo iri nyaya ingafadza varume vakawanda, vobva vaendawo vachiudza shamwari dzavo. Pasina nguva nyika yese yotofunga kuti kune mushonga wekuti murume akwanise kurebesa chombo zvokuti ari mubhazi anotokwanisa kurhoja mukadzi akagara kusiti riri mberi uko iye ari kumashure kwebhazi.

Kozoitawo vamwe varume vanongoonekwa vane vakadzi vemuraini, vamwe vari vevanhu, zvoita sokuti vakadzi vari kutadza kumuramba, kana kuyeuka kuti vane varume kumba. Vamwe vopedzisira voti murume uyu ane mushonga wekukwezva nokurhoja chero mukadzi waada.

Kune varumezve vanozikamwa paunyanzvi hwavo panyaya dzekurhoja mukadzi. Zvikabuda kuti nhingi anogona basa, vamwe vakadzi vasina unhu vanotsvaka mukana wekuravira. Hazvinetsi mukadzi kunyenga murume. saka napo napo unoona mukadzi uya avatwa naye. Hazvirevi kuti murume ndiye anyenga mukadzi wemunhu asi kuti anoratidzwa kuti akamunyenga mukadzi anobvuma.


Tichiri pakufunga nenyaya idzi davirai mubvunzo uri apo wakahi mubobobo

1 comment:

Anonymous said...

nice write up