Monday 23 February 2015

Mushonga wevarume kuvakadzi

Pano toda kumbotaura nezvemushonga wekuti varume vakunyenge, vagokuda, vagoita zvaunoda kuti vaite. Kana uri musikana unokwanisa kugarofunga umwe mukomana uye kurota uchivata naye asi zvokuti utsvake mushonga wekuti avate newe zvinoitwa navashomanana. Vakawanda vanoda mushonga werudo, kuti mukomana anohi nhingi andide agondisarudza kubva pakati pevamwe vese vaanoona, agondinyenga,  agozondiroora. Saka pese apa pane mishonga inotsvakwa ndeyokuti imwe neimwe nhanho ifambire mberi.

Kune vakadzi vakuru vakawandisa vanobatsira vechidiki kuwana mishonga iyi. Kozoitazve vakawanda vanoita yokutenga, navamwe vanoudzwa zvokuita kuzvigadzirira mishonga iyi. Mudzimba dzakawanda mune mishonga yakachengetwa inoshanda kuti murume agare zvakanaka nomukadzi.

Mushonga wekuonekwa nevarume
Mushonga uyu unoita kuti musikana aonekwe nevakomana kupfuura zvinoita vamwe vasikana. Zvinoreva kuti musikana anonyengwa nevakomana vakawanda kupfuura vanonyenga vamwe vasikana.

Mushonga wekubvisa munyama kana wanonoka kunyengwa
Uyu ndiwo mushonga unozikamwa nevasikana vakawanda chose. Musikana akaona asvika makore ari pamusoro pe 25 asina amukumbira kumuroora, yave nguva yokutsvaka rubatsiro kubva kune vamwe. Kuti munhukadzi akadai atangezve kunyengwa anotanga abvisa munyama, zvoreva kuti vakomana vanotangazve kumunyenga. Mushona wemunyama kazhinji unoiswa mumvura yokugeza. Musikana akageza nemvura iyi kwenguva munyama unopera obva atanga kunyengwa. Nyaya yake yofambira mberi. Pane imwe nguva vabereki chaivo vanotora mwana wavo voenda naye kunopia mushonga wekubvisa munyama.


Mushonga wekuchengetedza mukomana
Kune vanoti akanyengwa haakwanisi kugara nomukomana wake kwenguva asina kurambwa. Pakadai panodiwa mushonga wekuchengetedza mukomana, unova mushonga werudo. Kune vasikana vanonyengwa nevakomana vakawandisa asi kunongopera kanguva kadikidiki obva arambwa. Kutya kuramba chinhu chikuru chose kuvasikana, zvikuru kana musikana ava munhu mukuru uye kana ane tsika yokuti akadanana nomukomana ogaromuvhurira makumbo. Pakurambwa anofunga zvvakawanda pamusoro pezvinozikamwa nomukomana uyu.

Kana musikana ari mhandara zviri nani pakurambwa. Zvinogwadza moyo asi hazvifanani nokurambwa nomukomana wawapa zvese. Ndipo vasikana vachizoda kuwana mushonga wekuchengetedza mukomana kusvika pakuroorana.

Mushonga wekuroogwa
Mushonga wekuroogwa mazuuvano wawanda chose nokuti vakomana vemukore uno vane meso meso, zvokuti musikana akapusa anotoregwa mukomana neavo vakasvinura kumupfuura. Mushonga wekuti mukomana akuroore wakakosha chose uye une zvakawanda mauri. Kana mukomana akabvuma kuvambuka zambuko iri.

Mushonga wekuroogwa unokosha chose zvokuti unoona vasikana vava pazera nechinhanho ichi votanga kuwirirana nevakadzi vedzimba kugovana mushonga uyu kuti zvinhu zvifambe. Inguva yokufunganya kuvasikana vakawanda, zvikuru kana wange uchiziva kuti mukomana wako ane vamwe vasikana.

Vazhinji vanozoita zvokutsvaka mimba kumukomana kuti vabatsire nyaya yokuroogwa. Asi unoona kuti vamwe vasina mishonga chero akaita mimba mukomana anongomuramba zvakadaro.  Vakadzi vakawanda vane dzimba nevarume vanoraira vasikana vane vakomana kuti zvinoitwa sei.

Mushonga wekuti murume asaita meso meso
Kana mava mumba vasikana vanoziva kuti murume anokwanisa kufinhwa newe zvokuti anotanga kuona vamwe vasikana. Zvoitazve kuti vasikana vakawanda vanoda murume ane mukadzi nechekare, nokuti anoonekwa somunhu akatsiga. Iwe muridzi wemurume ukabvunza vamwe vakadzi unokwanisa kuuudzwa kuti tsvaka mushonga wekuti newekuti.

Nyaya iyi inokura kana wava nemima nokuti ndiyo nguva inoonekwa sokuti murume anowedzera kuhura. Varume verudzi gwedu kana mukadzi akaita mimba ikakura kupfuura mwedzi mitanhatu havachadi kuvata newe. Pane nyaya yokuti varume vanotya kugofa mwana nechombo. Uku kusaziva BIOLOGY yemunhukadzi. Zvinoitisa kuti munhu kadzi anoziva kkuti murume wake munhu anofarira chose kuvata naye afunge kuti murume ari kuana zvinhu kune umwe mukadzi. Inguva inotyisa saka mishonga inowanda mumba.

Mushonga wekuti murume adzoke kana wekuchengetedza watadza kushanda
Kana wamborambwa nomurume iri ngari yokuti paita umwe mukadzi kana hure remuraini chairo, unokwanisa kuudzwa kuti tsvaka mushonga. Zvozoitikazve kuti tinoziva kuti murume wese anoda kuvata nomukadzi waakambovata naye. Wako iyeye akakuona uri wega ukamusekerera anokwanisa kuda kuvata newe zvisinei kuti akakuramba.

Saka apa unokwanisa kukwezva murume kuti avate newe iwe womuisira mushonga wekuti adzoke kwauri. Mishonga yeizvi inowanzoiswa mubhurugwa romukadzi kana kuti paya mukashandisa kondomu semazuvano emakondhomu, iwe unotora urumwe hwake wohushandisa nomushonga kuti adzoke. Kare vaishandisa zvitawero zvokupukutisa murume kana mapedza kuisana. Ihwohwo urume ushoma huripo patawero hunoshandiswa kugadzira murume. Varume vazhinji vanofunga nechombo panyaya dzevakadzi saka hazvinetsi kuhwisisa kuti nyaya iri papi.

Kushanda kwemishonga iyi: 
Chokutanga ndechokuti varume vanotya mishonga yese iri pano zvokuti akaziva chete kuti unawo anokuramba ipapo nyaya yako yobva yatopera woudzwa kuti uri muroi. Varume vanoona sokuti ndivo maVIctim emishonga iyi saka vakadzi ndivo varoi. Havahwisisi dambudziko ro mukadzi rinomudya moyo kusvika ada kunotsva mushonga wekubatsira nyaya yake.

Hama dzemurume hadzidi muroora anotsvakira mwana wavo mushonga. Kana mai vakapa baba vemukomana mushonga havadi kuti mwana wavo apiwewo mushonga.



8 comments:

shepherd said...

Ko unonzi mubobobo uyu, unogona here kudzivirirwa?. kubatwa hongu vakawanda vakabatwa asi pane here zvingaitwe kuudzivirira?

Mai E Chibwe said...

Kana uchiti kudzivirigwa unoreva kuti kudiiko? Vakawanda vakabatwa pai?

Handisi kuhwisisa nyaya yako. Kana pane anokwanisa kujekesera ngaatibatsire apa?

Unknown said...

do you recomend all this or what?

Mai E Chibwe said...

Do I recommend all what? Please finish your question before I can answer it. There are things I recommend and things I do not recommend. I need to know what you are asking me.

Anonymous said...

Do you mean kuti varume tinopiwa mishonga yese iyi? How is it that we do not find out? Tinopiwa sei mishonga iyi?

Mai E Chibwe said...

Kune vakadzi vakawandisa vaopa varume vavo mishonga iyi mudzimba. Asi haisi mhosva yevakadzi. Varume ndivo vasinataridzi rudo saka mukadzi anoshaya CONFIDENCE yokuti murume wake anomuda, obva ada kuti murume awedzere rudo. Otora mushonga opa murume. Varume muri kudya zvidhanana, zvifurira, midzi, chii nechii, mumba. iri ngari yokuti hamuhwisisi zvinoda vakadzi venyu.

tee tee said...

mushonga wekudiwa nevarume ndouwanepi uye kuti wandidanana naye asaomera nemari. ndatambura veduwee ndibatsireiwo

tee tee said...

mushonga wekudiwa nevarume ndouwanepi kuti ndinyengwe zvakanyanya uye kuti varume vacho vasaomera nemari