Saturday 18 April 2015

Murume anoramba mukadzi anoshanda

Nyaya iyi yakaitika gore ra 2014 mu UK kuvanhu vaviri vakaroorana makore gumi nerimwe. Vaionekwa kuti vane mufaro pakati pavo nemhuri yavo kusvika saimba vava kuita somunhu asiri wepama pavo.

Nyaya yakaitika inoti iyo murume akaramba mukadzi anoshanda nokuti iye ange asingashandi. Mukadzi ndokuenda kuna sekuru vemurume vanogara muno kuti vazame kutaura nomuzukuru wavo. Sekuru nambuya nomunun’una wemurume (mwana wekwababamunini vake), ndokuungana kuita dare nemhuri kuti vabvumnzanise murume nomukadzi wake.

Pakubvunzwa nedare remhuri, murume otaura kuti mukadzi haamutereri. Sekuru vanobvunza kuti chii chawakamuudza akasakuterera? Iye anogumira pokuti pese pese, osataura kana chinhu chimwe chete chaangati haana kuteregwa nomukadzi. Murume anobvunzwa kuti achiri kuda mukadzi here, dai isiri nyaya yokuterera kwake? Iye oti mukadzi pari zvino haachadi nokuti haadi munhu asingatereri. Anobvumzwazve kuti ko pakuita vana vatatu naye aikuterera here? Kwahi aiterera. Saka zvakatanga riini kuti haachatereri? Zvikahi zvakatanga murume pakapera basa rake.

Murume aishanda basa rekanzuru achidhiraivha zvitarakita zvinocheka uswa muma PARK kana kugadziridza miti nemaruva emumaPark. Kwakazoti kanzuru iya shota mari ndokuudza vanhu kuti mabasa hakuchina. Nhamo ndokutanga mumba. Ndipo murume akazoona kuti mukadzi haamutereri.

Murume otaurazve kuti mukadzi wake haachadi kuvata naye kubva paakasiya basa. Ari kuti tanga wawana basa tozovata tose kana uchida zvokuvatana. Kwahi anoti ndisuke ndiro nokutsvara mumba zvinova zvinotaridza kuti anondidherera nokuti handichashandi. Izvi zvakabva pakuhi nomukadzi nyorera mabasa awa neawa. Haana kuzvifarira. Akaona sokuti mukadzi ari kumushusha chikonzero chichibva pbasa. Mukadzi ava kuda kuzviita murume mumba nokuti iye anoshanda.

Pakubvunzwa nedare remhuri mukadzi anoti iye anoterera murume wake chose uye anomuda, asi murume haadi kutsvaka basa. Anoswera akagara mumba achiona TV. Mukadzi anouya nemanyuzipepa akanyogwa mabasa ariko, kuti murume anyorere mabasa awa asi murume hapana chaanoita.

Dare rinobvunza kuti Seiko mukadzi achiuya nemapepa, murume haagoni kunozvitsvakira mapepa acho here? Mukadzi anoti murume haadi kunotsvaka mabasa saka afunga kumuunzira mapepa ane mabasa.

Ko panyaya yokuvatana Seiko iwe mukadzi usingadi kuvata nomurume wako? Mukadzi anopindura achiti, anoda kuvata nomurume wake chose asi kuti murume ane dambudziko rokuti haachakwanisi zvinhu. Pakubvunzurudza mukadzi anoti murume haamiri chombo. Otaurazve kuti akamukumbira kuti andoona doctor asi murume haadi kuenda.  Kwahi ndinomuti uya tivate asi iye haagoni.

Ko panyaya yokusuka ndiro nokutsvaira mumba chii chiri kuitika? Murume wako ataura kuti unomuti asuke ndiro nokutsvaira mumba. Ndizvo here? Mukadzi akatsanangura kuti handizvo. Asi kuti pakabuda murume basa, iye akawedzera kushanda saka anopota achimboshanda usiku kuti mari ikwane. Pabasa rake rounesi, zvinoita kuti ushande mabasa maviri. Kwahi pakushanda apa ndakakumbirawo rubatsiro kumurume kuti paanoswera pamba awanewo nguva yokusuka ndiro nokutsvaira mumba, nokumbisa nhumbi mumuchini wokuwacha nokudziisa mumuchina wokuomesa. Basa rinowandisa pamazuva andinoshanda mabasa maviri.

Pakuona kwako murume sei achiti haumutereri zvinobva papi? Mukadzi akati haazivi asi kuti anoziva kuti anoda murume wake. Zvinomugwadza moyo kuti murume haachamudi. Hapana chaasingadi kuitira murume wake.
_____________________________________________________

Dare rakabvumirana kuti vaviri ava vamboenda kuCOUNSELLING. Mukadzi ndiye anoshanda. Akabhadhara mari inoita 60 Pounds (90 USD) pa awa imwe neimwe vaenda mwedzi mitatu yese kamwe chete pavhiki. Vakabvumirana kudzokerana.

ZVAKAZOBUDAPO:
Mukadzi
1 Mukadzi aitya kuti mari haizokwani saka oisa puresha pamurume kuti awane basa.
2 Mukadzi paakaona kuti murume zvava kumunetsa akatya kuputsika kwemba ndokutanda kuisa puresha pamurume kuti avate naye achifunga kuti ndizvo zviri kunetsa murume.  
3 Mukadzi akaonekwa kuti anoda murumwe wake chose chose.


Murume:
1 Murume akaonekwa kuti paakasiya basa, range ajaira, akafunga kuti haakwanisi kuwana rimwe basa somunhu ange achiita basa risina kosi. Nokudaro haana kuhwisisa kuti sei mukadzi wake achimuti anyorere mabasa aanoziva kuti haamawani.

2 Pakunovata murume anga ane kufunganya kwakaita kuti asaita zemo zvokuti mukadzi paaida kuvatwa naye murume zvaitomutyisa zvokuti ainetseka kuita zemo zvachose.

3 Murume paakakumbigwa kuti asuke ndiro akaona sokuti mukadzi ava kuda kumuita mukadzi wake. Zvakamukanganisa fungwa kusvika pakuona sokuti mukadzi ava kuda kumutonga mumba, iri nyaya yokuti haachasevenzi.

4 Murume akatanga kufunga kuti kudzidza kwemukadzi kumupfuura ndiro dambudziko riripo ndokufunga kuti zviri nani vasiyane. Zvakamunetsa kutsanangura mafungire ake ndokubva angoti haachadi mukadzi.

5 Zvakamutorera nguva kuhwisisa kuti mukadzi wake anoda murume wake chose uye haana basa nokuti akadzidza kumupfuura. Aitodawo kuti murume akasire kuwana basa.


Nyaya dikidiki yokuti munhu ahi basa hakuchina, yakapotsa yaputsa muchato wevanhu vave nevana vatatu uye vanodanana. Zvinoonekwa kuti dai vaive vanhu vane nguva yokunatsotaurirana vachihwisisana, havaizosvika pakunokokana nehama idzodzo shoma dzavanadzo mu UK, uye kupedza mari iyo mumba iri shoma, kutsvaka kugadzirisa nyaya yavo.

Ikozvino vaviri ava vanokwanisa kutaura nyaya yavo vachitsanangura kusahwisisa kwavakaita pakupindwa nedambudziko ravo mumusha. Nyaya diki inokura kusvika yaputsa musha. 


Tikatarisa nyaya dzokurambana kwevanhu tinoona kuti chimwe chezvikonzero ndechokuti mukadzi anodzidza kupfuura murume, murume otadza kuzvigamuchira ofunga kusiya mukadzi, asingahwisisi kuti mukadzi ari kuzviitira mhuri yavo vese nomurume nevana. Kutozoudzwa kuti hauchadiwi zvonogumbura chose. 

Varume vedu vechivanhu havadi kuti mukadzi aonekwe pazvinhu zvinoti:
1 Mukadzi anoshanda iye murume asinashandi
2 Mukadzi anotambira mari yakawanda kupfuura murume
3 Mukadzi akadzidza kupfuura murume
4 Mukadzi akagara pasi murume achibika kana kuita basa remumba
5 Mukadzi anodhiraivha mota yemhuri murume akagara 
6 Vamwe varume havatodi chose kuti pakurhojana mukadzi ova pamusoro pemuume. 

Isu vakadzi voruzhinji hatinei nazvo hedu zvachose. Tinenge tichitoti musha wava pari nani nokuti tese tinoshanda tichirera vana vedu. Kana tisina vana tinoshandisa mari yedu pane zvatinoda tese. Ukaona vakadzi vakawanda vakadzidza chose unoonazve kuti vanhu vanogona kuchengeta varume vavo nokuhwisisa zvinotaugwa nomurume muma. Kudzidza hakunei nokuva nomurume. 

Asi ngatisaudzana nhema nokuti kune vamwe vashomanana vanozviona sokuti inyaya mumba zvokuti kune vanoti akatanga kutambira mari inopfuura yomurume anotanga kuda kutonga murume mumba. Bodo, handizvo. Unenge wagara usingadi murume wako zvakakwana. Kana zvakadaro tora hako twako uende kune varume vaunoremekedza. Hazvibatsiri chinhu kugara nomurume wausingapi rukudzo mumba. 

Nyaya dzokudzidza nokutambira mari, nokugona icho kana icho, inyaya dzema SKILL chete. Kana mava mumbashandisa unyanzvi hwako pakuriritira mhuri yako nomurume/mukadzi wako. Pavanhu vaviri pantoti pave noumwe anotamira kupfuura umwe. Hapana chakamboipa pazviri. Murume wako zvaari izvozvo ndizvo zvaari asi mukuru wemusha wenyu chete, zvisiri zvokumanikidzira asi kutozvigamuchira musi wemuchato, kusvika umwe wenyu afa. Musiki akakusika uri munhukadzi ukapiwa njere kuti urarame. Kana shungu dzako dziri pakuti murume adzidze kukupfuura mukurudzire ari mumba womupa nguva yokudzidza. Hwisisazve kuti pane zviitwa zvemumba zvichatadza kuitwa nokuti ari kudzidza.

Murume akatanga kuverenga, uku achishanda, anowedzera STRESS. saka iwe mukadzi wake chiona kuti wamupawo mukana wekupota achobvisa stress iya. Mamwe maitire ekubvisa STRESS kurhojana nomurume wako. Saka wanai nguva yamunoti iyi inguva yedu tiri vaviri. Haisi yokuverenga kana kutamba nevana. Nguva yebvunzo batsira murume wako paunogonera kuti adzidze zviri nyore. Murume ngaagare achiziva pese pese kuti anosapotwa nomukadzi wake. 


Pamwe unoona kuti nguva dzaanoda kukurhoja hadzienderani nedzaunoda kuti akurhoje. Ziva kuti inguva yeSTRESS uye ichapera. Rerusa moyo murudo. Ukamutswa, usapopota asi kuti mutsanangurire kuti kana ada kupinza uvete asatya hake, hapana chakaipa. 

Mukadzi usafungira murume kuti ngaaite zvinhu zvaunoziva kuti haagoni kuita. Sokuti awane basa rine mari yakawanda kupfuura yako. Kana achishanda rega ashande paari ipapo. Unokwanisa kumukurudzira kuti agare achitsvaka mamwe mabasa asi paari ipapo dada naye azive kuti haisi nyaya kuti mari yake ishoma. 

Nfatisazviputsira michato yedu nokuda kwenyaya dzemabasa, dzokudzidza, kana dzokuti ndiani anodhiraivha mota yedu. Musha nemhuri chinhu chikuru kupfuura zvatinoshandisa kuvaka musha wacho. 

UDZAI Vamwe !!!!!!




No comments: