Tuesday 23 June 2015

Kukwereta mari murume/mukadzi wako asingazivi

Nyaya yokukwereta mari umwe wako asingazivi inokonzera chiiko? Ndohwa vamwe vachitoshushikana nayo zvokuti vanotsamwisana kusvika pakuda kuputsa musha. Inyaya yakakosha zvakadii pauviri hwenyu.

Kana uchigara munyika dzisinei nokuchengera mari dzevanhu vanogaramo, uchaona kuti zvinokwanisika kuti murume nomukadzi vaite mari dzavo pakasiyana pokuichenetera. Umwe anoita ACCOUNT kunerimwe bhangi umwe ari kune rimwe. Zvinoreva kuti kana vaya vokubhangi vachiona uchigaroisa mari mubhangi, vanofunga kuti uri munhu anogona kuchengetedza mari vobva vakukwezva kuti ukwerete mari.

Nyaya yemari mumba inopopotedzanisa mhuri dzakawanda chose zvokuti munokwanisa kurambana nokuda kwekusahwisisana kwatangira panyaya yemari. Nyaya iyi inotangira pane zvakawanda zvinoti:

Mari haikwani pane zvamunoda kuita nayo mumba.
Hama dzinokumbira mari imi musina yokudzipa
Umwe pakati penyu haazi munhu anovaka,
Umwe anoshanda umwe haashandi
Hamusi vanhu vagere zvakanaka pamusha penyu
Kutaurirana zviri pachena kunokunetsai zvikuru murume
Muri vanhu vemazera akasiyana
Hamuna kudzidza zvakada kufanana.

Kana mune chimwe cheizvi nyaya yemari inogaromuka mumba menyu. Chimwe chinomutsa nyaya ndechokuzikamwa kuti wakakwereta mari kuBhangi kana kuti kune umwe munhu ukasaudza umwe wako. Kusaudza umwe zvoita sokuti pane chawanga uchida kuvanza saka pobuda mubvunzo wekuti wanga uchiidii mari yawakwereta.

Kuwereta kubhangi kuri nani pane kukwereta kumunhu nokuti zvokumunhu zvinofumura umwe wako kuita sokuti hamugoni BUDGET pamba penyu. Kana wakwereta kubhangi zvinozikamwa kuti ukatadza kuzibhadhara munokwanisa kutiregwa fuma yamunayo. Saka kusaudza umwe wako zvichikwanisa kuzomuitisa munhu asina musha kana watadza kubhadhara ndizvo zvinotsamwisa.

Chikuru chinokonzera munhu kuti asvike pakuvanza chikwereti chemari, ihama. Hama dzatinadzi mazuvano hadzifungi kuti pauviri hwenyu mugere sei pamba penyu. Dziomukadzi dzinoramba dzichiunza zvichemo kumukadzi. Dzomurumewo dzichiunza zvichemo kumurume. Saka iwe kana waudzwa nyaya wega, unoziva wega kuti ukaudza murume/mukadzi wako mumba anoti kudii pazviri. Unoziva kuti mari mumba hamuna. Kuti ugoudza uya wakumbira kuti mari hapana, unoziva kuti haabvumi kuti shuwa hauna.

Ndicho chimwe chikonzero chokuti ukwerete mari umwe wako asingazivi wopa munhu uya wakumira. Munhu weukama anokumbira mari ari kukuratidza kuti haakwanisi kukudzorera chero zvodii. Kana wamupa chiziva kuti wamupa. Ukuzve ziva kuti painoperera achadzoka achida imwe.
Murudzi gwedu gwevanhu vatema mune vakawandisa vakangomirira kupiwa mari nevamwe vanhu. Kuti vafunge kuzvishandira vega havagoni. Kana ukavagadzirira mabasa okuita vanotokuudza kuti mari inodiwa yawedzera.

toti wamutengera imba yokurhendesa. Anokuudza kuti mawhindho akaputswa saka anoda magirazi matsva. Iwe womutumira mari. Ukamutengera mota dzebasa anokuudza kuti yafa iwe womutumira mari. Hapana chaunokwanisa kuita kuti asakukumbira mari munhu akadai.

Saka muchizoona munhu achiramba achikwereta mari achitumira hama dzake mukadzi/murume asingazvizivi.

Musi wazvinobuda kuti ndizvo zviri kuitika, munokwanisa kutukana. Chero iwe une chikweretiwo chakadaro unongotuka umwe wako chete nokuti ndizvo zvatiri vanhu. Unohwa munhu achikubvunza kuti sei usingadi kundiregerera pamhosva yandaita iyi asi iwe ndakakuregerera pawakaita yakadaro. Kureva kuti paakakuregerera hapana chaakadzidza pazviri kuti zvakaipa sei.

Chimwe chinoita kuti munhu akwerete mari, kuda kuisa mari pamabhizimisi kumusha iwe usipo. Munhu anokuudza pafoni kuti paita mukana wekuita bhizimisi rokuti nerokuti, iwe wofunga kuti anoziva zvaari kutaura. Hakuna bhizimisi rinobudirira iwe muridzi waro usipo. Ukapa munhu mari yaasina kushandira haambofi akaishandisa zvinokufambira iwe. Zvinoreva kuti ukakwereta mari ukaikandira munhu anokunyebera kuti anoda kuchengeta huku haufi wakaionazve, kureva kuti uchaibhadhara wega kwauri ikoko uko yatopera kudyiwa.

Kana uri munhu anoda zvinhu asi mari usina, unokwanisa kukwereta mari kutenga zvinhu. Zvinoreva kuti hauna kugadzira mukana wekugadzira mari nawo kuti ukwanise kudzosera mari iya. Kushanda hachisi chinhu chinoenderana nokukwereta mari. Munhu anokwereta mari munhu anokwanisa kushandisa mari yaakwereta kugadzira imwe mari.

Toti wakwereta mari iya waudzwa kuti uibhadhare pamakore matatu. Unoita sei kana wadzingwa basa pamakore matatu iwawo. Kuvanhu vakawanda vakadzidza hazvinetsi kuwana rimwe basa, asi kana usina kudzidza zvinonetsa. Ko chii chinokwanisa kuitika kana umwe wako akaziva kuti wakakwereta mari asi hauchina mari yacho.

Patiri kutaura pano kuti mhuri dzakawanda chose dziri padambudziko irori rokuti umwe akakwereta mari ndokuzodzingwa basa mari iya isina kubhadhagwa. Munozvifamisa sei? Kana musina imba zvinoreva kuti hapana chamunoruza. Kana mune imba munokwanisa kutoregwa imba. Kana mune mota, ndidzo dzinotanga kuenda. Hachisi chinhu chakanaka kungoona vanhu vezvikwereti vosvika pamba vachikutorerai moota ipapo iwe wanga usingazivi kuti mukadzi/murume wako ane chikwereti.

kana ukaona uchienda kunokwereta mari usina kuudza umwe wako zvinoreva kuti mese hamuhwisisani. Zvaifanira kuti utange wazama kutsanangurira umwe wako kuti paita nyaya inoda kuti muatsirane kufunga. Ukahwa achikupopotera iwe wamuudza, ziva kuti hamuhwisisani. Hama dzako ndedzakewo saka dzikakumira mari mese munoonorora kuti moita sei. Ukasadaro muchasvika pakupokana chete.

 Kana mapokana panyaya dzemari, muchapokana panyaya dzokuvatana futi, mugopokana panyaya dzokutererana nokutsanangurirana zviitiko zvomumba. Muchaitirana makuhwa kushamwari, mugoudzanazve kuti anoshanda mari iyi ndiani kureva kuti matopokana zvechokwadi.

Mumba mukadzi ndiye munhu anofanira kuhwisisa nyaya dzemari kuti murume wake agare achiziva kuti pana manager mumba anochengeta mari uye anovaka musha. Zvadaro chirega kuonekwa uchitambisa mari, uchipa vanhu mari murume asingazivi, uchisarudza hama dzako dzake usina kupa mari. Mukadzi ndiye anovaka musha. Kuti murume ahwisise kuti mava kuda imba huru, mukadzi ndiye anoudza murume kuti avake imba.

Mukadzi asingahwisisi BUDGET mukadzi achanetseka muupenyu hwake.

Mari yechimbadzo:
Kune vamwe vanoona kuti mari yomumba haikwani votsvaka mazano okuwedzera mari. Vamwe vanofunga kuti kuita zvokutambirisana kunowedzera mari mumba. Kutambirisana kunohi chimbadzo. Chimbadzio chinofamba chichidai. Vanhu vanoshanda vanoungana vari boka rinoita vashanu kana gumi. Zvadaro vanobvumirana kuti votambirisana marii pamwedzi. Umwe noumwe anobvisa mari toti USD 100. Pamwedzi umwe noumwe mari yese yabviswa inoenda kumungu umwe chete, vopota vachichinjana kuita munhu umwe chete iyeye. Zvinoonekwa sokuti munhu uyu anowana nguva yokushandisa mari pane chimwe chinhu chikuru chaanoda kutenga. Toti vanhu vashanu zvoreva kuti wekutanga anowana 500 mwedzi wekutanga, achizoiwanazve mwedzi wegumi. Ipapo mwedzi umwe noumwe anenge abvisawo mari 100 kuti vamwe vaiwane.

Chimbadzo hachibatsiri munhu akangwara kuwedzera mari asi chinobatsira kukwereta mari uchizoibvisa mwedzi umwe noumwe. Unokwereta nhasi woidzorera pamwedzi mina, wechishanu woipiwazve.

Kana ukaita boka revanhu vasiri mbavha unokwanisa kutenga zvinhu zvakawanda, asi kana ukaita munyama unobigwa mari. Kana ukazvigona, chimbadzo chiri nani pakukwereta mari kubhangi nokuti hapana INTEREST. Asi chinopopotedzanisa vanhu veboka.

Makasi
vashoma chose vanokwanisa kutama makasi. Kana watanga kutamba makasi chiziva kuti upenyu hwako nemhuri yako hwapera. Hapana chinhu chinovaka chauchazokwanisa kuita kusvika wafa.

Kuwedzera kushanda: 
Pamwe unoona mumba mari isingakwani wofunga zvokuwedzera maawa aunoshanda kubasa kana kutsvaka rimwe basa raunoshanda maawa mashoma pamusoro pebasa remazuva ese. Zvinowedzera mari asi zvinokwanisa kukushaisa nguva nemhuri yako, zvinova zvinounza mamwe matambudziko mumba.


Kukweretesa mari
Imwezve nyaya ndeyokuti kana une mari isingazikamwi noumwe wako, chinhu chinobvunzisa mibvunzo kana zvikazikamwa kuti wakakweretesa umwe munhu mari. Zvikuru kana munhu iyeye ari murume iwe uri mukadzi kana kuti ari mukadzi iwe uri murume. Unoona murume ane mhuri ohi akakweretesa chirikadzi kana kuti mhandara mari yokutenga ichi neicho mukadzi wake wemumba asingazvizivi. Chero pasina chinoitika pakati pavo, zvinoita sokuti chiripo. Kufungirana kunowanda.

Vakawanda mudzimba umu havana basa nokuziva mari dzinotambigwa vevarume/vakadzi vavo. Ukabvunza murume wangu kuti ndinotambira marii kubasa, handifungi kuti anoziva. Iniwo handizivi kuti anotambira marii. Ndinongova ne IDEA yokuti imarii asi handinei nokuziva chaizvo. Saka tese tinokwanisa kukweretesa umwe munhu mari zvisingazikamwi. Asi hachisi chinhu chakanaka kujaira. Uya kumba uudze umwe wako kuti wapa nhingi mari nokuti ...... Wadaro kana zvikazokunetsa kudzosegwa mari iya munobatsirana kufunga zvokuita uye hapana chinofungisa umwe zvakaipa.

Vanhukadziwo vakawanda zvinozikamwa kuti akakwereta mari kumunhurume, anokwanisa kuibhadhara zvisiri zvemari. Vakadzi tinohwisisa kuti ukabvisira murume bhurugwa anokangamwa zvakawanda. Chirikadzi ikakwereta mari kumurume ane mhuri ikamubvisira bhurugwa zvinokwanisa kuitika kuti mari iya haizobhadhagwi zvachose asi kuti murume uya watowana mukana wekukavira mhodzi mugombo risiri rake. Nyaya dzotokuwandirai.

Koitazve vakadzi vevanhu vanoti muma mukashaikwa chokuti nechokuti vanonokwereta mari kwanhingi mukadzi wake asingazvizivi. Bodo handizvo. Enda undokurukura nhamo yako nomukadzi wemhuri iyo iyo azopira nyaya yako kumurume wake, mari yobuda zviri pachena.


Vakamboiita taurai tihwe.

No comments: