Zvigwere zvatinoda kuongorora zvigwere zvinongoerekna zvauya asi zvichitadzisa munhu kuvata nomurume wake. Pane zvigwere zviviri zvatichatanga nazvo. Iri ngari yokuti zvinotyisa vanhurume kana vazviona. Zvikuru kana unacho ukakumbira murume kuti atarise akuudze kuti kwakamira sei kuzasi.
1 Totanga nechigwere chinohi THRUSH chinoita kuvakadzi vakawanda chose zvikuru vane DIABETES. Tichatarisa:
- Maitikire acho
Kana tichitarisa chigwere ichi tinoona kuti chinoitiswa neutachiona hwebato rinohi FUNGUS. Utachiona uhu hunotogara mukati mechitubu chomukadzi wese zvake asi kungoti pane musi waunongozoona hwatokondera chigwere ichi. Chigwere che THRUSH chakawanda chose chinokonzegwa ne FUNGUS inohi CANDIDA ALBICANS kozoitawo chimwe chinokonzegwawo nemamwe mabato e FUNGUS.
Chinokwanisa kuitika kana
1 une mimba
2 Kana wange uchigwara wakapiwa mapiritsi aya anohi ma ANTIBIOTIC
3 Kana une DIABETES
4 Kana uri kumwedzi
5 Kana uchimwa mapiritsi okudzivirira mimba
6 Kana une HIV
Chigwere chinohi THRUSH chigwere chataona kuti chinokonzegwa neutachiona
hunohi YEAST hwatinahwo tese mumiviri yedu asi kuti dzimwe nguva tikadya
zvokudya zvisirizvo utachiona uhu hunowana zvokudya hwobva hwaberekana kusvika
hwawandisa mumuviri woita sechigwere.
Ukatarisa rurimi gwemunhu ane chigwere ichi unnona
gwakachena sekuti ane mukaka wakakora parurimi. Wotarisazve pamberi memukadzi
ane chigwere ichi uchaona kuti anozvakaita somukaka wakakora pakati pematinji
ake zvichisvika kuno kubhinzi. Zvinovava zvokuti anoda kugarokwenya.
Zvinogwadzirira kana kuti kutogwadza chaiko zvikutu murume akazama kupinza
chombo zvinogwadza.
Chikonzero chikuru ndichocho chokuti unokwanisa
kunge uchidya zvokudya zvisina kufanisa zvakaita se
Shuga
Chingwa
Hwowa
Doro rinoitwa ne yeast
Nezvimwe
zvokudya zvine yeast
Kana une diabetes unokwanisa kuwanzobata THRUSH uye
inotanga pamberi
Kana uchijaira kuti wanyorovesa bhurugwa (sokuti
hauna kupfeka PANTY LINER) worega kubvisa bhurugwa, unokwanisazve kuwedzera
kuata chigwere ichi. Hwisisa kuti vanhukadzi vakawanda ukaita zemo unokwanisa
kunyorovesa bhurugwa. Bvisa bhurugwa kana kuti isa Panty liner.
Chigwere
ichi chinoita mumuviri wese zvawo asi chinoonekwa munzvimbo dzinoti
Chitubu zvese nepakati pematinji poita zvichena
pasi pechiganda chakafukidza bhinzi. Hwisisa kusiyana kwazvo negweme nokuti
zvese zvakaita semukaka waktanga kukora asi gweme rakaita masadza uye harivavi
uyezve hariiti kuzasi kure nebhinzi.
Gweme rine hwema hunozikamwa kana wamorinhuwidza haurikangamwi. THRUSH
haina hwema kazvinji asi kana yawandisa inokwanisa kuita hwema hwakaipa.
Mumuromo chinoonekwa nokuchena kwerurimi
Mudumbu chinoita futi. Ndimo machinototangira
chozoenda kumwe.
Pavarume chinoonekwa nokubudisa mvura yakachenuruka
semukaka woda kukora muchombo uyezve pasi peganda rakafukidza musoro wechombo
panoitazve zvichena izvozvo zvakaita somukaka asi zvakasiyana negweme. (gweme
pachirungu = SMEGMA)
Saka toti zvinhu zvitatu zvinoonesa kuti une THRUSH
Kuvava pamberi
Kuita zvinhu zvichena zvakaita somukaka kwatanga
kukora
Kugwadziwa pakuiswa
Unokwanisazve kuhwa wakaneta chose nguva zhinji.
Kurapa THRUSH
Unokwanisa kuenda kwaDOCTOR wonoonekwa wopiwa
mushonga wekushandisa mazuva maviri kana matatu watopora hako. Hazvinonoki asi
kana wamozviregerera nguva refu zvinokwanisawo kuti nonokei sokuti vhiki.
Zvinokwanisazve kukasira kudzoka zvorama
zvichingodzoka kusvika wagadzirisa chikonzero chacho.
Chokutanga siyana nezvokudya zvine shuga
Siyanazve nezvokudya zvandanyora pamusoro apo.
Wadaro chizama zvokurapa chigwere chako. Hwisisa
kuti kurapa uku kunoda zvinhu zviviri zvinoti kudya mushonga uye kuisa mushonga
panoonekwa chigwere.
Kurapa: Kwekutanga
1 Isa mvura inodziya mubhavu
2 Isa ma Tablespoon matatu e BORIC ACID mumvura
yako wobvongodza kusvika POWDER isisaonekwi.
3 Pinda
muhavhu ugaremo kwemaminitsi anopfuura 20 uchipota uchivhura makumbo
nekubhenengura matinji mvura ine BORIC ACID ichisvika kune zvimukaka zviya
zvakazara pamberi.Geza zvakanaka pabhinzi uchiwanza mvura yako yokugeza nayo.
4 Ita zvimwe chetezvo kwemazuva akati kuti kusvika
wega wohwa kuti kuvava kuya nokugwadza kwave kushoma.
5 Usavata nomurume mazuva aunenge une chigwere
ichi. Zvinokonzera kuti murume avaviwewo mapedza kuisana zvichireva kuti
achadawo kurapiwa
Kurapa kwechipiri
Wapedza kugeza sezvandatsanangura,tora chirimwa
chinohi FRESH GARLIC wokuya kusvika yatsetseka yaita PASTE. Wovhura matinji
wozora pakati wozorazve kumuromo wechitubu katatu pazuva. Paunoda kuzora
wotanga wapukuta zvawambozora kare kana kuzvigeza nemvura ine BORIC ACID.
Kunozopera mazuva matatu pasisabudi mukaka.
Zvokudya:
Hwisisa kuti Kuchena rurimi nokubuda kwezvinobuda
kumberi zvinobva mukuwanda kweYEAST mudumbu mako nokuda kwezvauri kudya.
Wanza GARLIC muzvokudya zvako kwemazuva akawanda.
Inonhuwa zvokuti vamwe havaidi asi inoshanda pachigwere ichi kana uchida
kuzvirapa wega. Kana wapora, chidererdza hako GARLIC asi garodya GARLIC
muzvokudya zvako. Unokwanisa kuitenga iri POWDER kana kuti iri FRESH
Ichi ndicho chigwere chikuru chisiri chechihure
chinonetsa vanhu vakawanda chose, vese varume nevakadzi asi hinobva pazvokudya
zvako kana kuti panhumbu kana DIABETES.
_________________________________________________________________
2 Totevera nechigwere chinohi CYSTITIS.
Chigwere ichi chinoonekwa nokupisa pakuweta uye kuwedzra kuda kuweta. Chigwere ichi chininetsa kunatsoona nokuti weti inenge yakachena semazuva ese asi zvinonetsa kusaenda kunoweta.
Zvikonzero zvinobva pazvinhu zvinotora maBACTERIA ekuzhe kwemuviri kuapinza mukati memuvhiri, Sokuti kuwedzera kuisana kunokwanisa kupa munhukadzi CYSTITIS iri ngari yokuti kata pana maBACTERIA ange ari kuzhe anokwanisa kupinzwa mukati nechombo pachinopinda. Sokuti make mamboparadzana kwenguva, mozosangana. Mazuva ekutanga muchangosangana munokwanisa kuvatana zvakawandisa nokuda kwekutsividzira mazuva amange musipo.
Kotizve kana mukadzi achangobva kumwedzi mange mambomira kuisana, munotanga kuisana zvakawedzera zvokuti anokwanisa kubata chigwere ichi. Isiri ngari yokuisana chaiyo asi kuti mabacteRIA ange asiri mukati make anopinzwamo pakuisana akasira kuberekana oitisa chigwere muSYSTEM yeweti.
Kotizve kana mukadzi chishandisa ma Tampon pakuenda kumwedzi. Anokwanisa kupinza maBacteria mukati make oenda my SYSTEM yeweti oita chigwere ichi.
Cystitis inokwanisazve kukonzegwa nemapiritsi airi kumwa kuti urape chimwe chigwere.
Zviri nani uudzwe kuti chakonzera chii kuti ugokwanisa kusvivirira panguva dzinotevera.
Imbomirai kuisana kusvika chapera. Enda kwaDoctor upiwe mushonga zvikuri ma ANTI-Biotics. Kana wakamborapiwa chigwere ichi taurira murapi nokuti vakawanda akangochiita achatoti achiitezve imwe nguva nokuti ma HABIT edu pakuvatana kana kuti ma hormmone edu mumuviri haawanzi kuchinja.
Kana CYSTITIS yako yaitiswa neIRRITATION ye BLADDER pasina zvemaBACTERIA, zvinokwanisika kuti inopera yega pasina mushonga. Iwe muridzi ndiwe unoona wega kugwadza kwazvo kuti uzive kuenda kwamurapi.