Monday 7 September 2015

Zvigwere zvomunhukadzi zvisinei nokuhura.

Toda kumbotaura nezvezvigwere zvinowanzoita pamunhukadzi zvichikanganisa mafarire aanoita nomurume wake mumba. Tichada kuona kuti zvinokonzegwa nei uye zvingadzivirigwa sei. Totarisazve kuti zvinorapwa sei.

Zvigwere zvatinoda kuongorora zvigwere zvinongoerekna zvauya asi zvichitadzisa munhu kuvata nomurume wake. Pane zvigwere zviviri zvatichatanga nazvo. Iri ngari yokuti zvinotyisa vanhurume kana vazviona. Zvikuru kana unacho ukakumbira murume kuti atarise akuudze kuti kwakamira sei kuzasi.

1 Totanga nechigwere chinohi THRUSH chinoita kuvakadzi vakawanda chose zvikuru vane DIABETES. Tichatarisa:

- Maitikire acho
Kana tichitarisa chigwere ichi tinoona kuti chinoitiswa neutachiona hwebato rinohi FUNGUS. Utachiona uhu hunotogara mukati mechitubu chomukadzi wese zvake asi kungoti pane musi waunongozoona hwatokondera chigwere ichi. Chigwere che THRUSH chakawanda chose chinokonzegwa ne FUNGUS inohi CANDIDA ALBICANS kozoitawo chimwe chinokonzegwawo nemamwe mabato e FUNGUS. 

Chinokwanisa kuitika kana 
1 une mimba
2 Kana wange uchigwara wakapiwa mapiritsi aya anohi ma ANTIBIOTIC
3 Kana une DIABETES
4 Kana uri kumwedzi
5 Kana uchimwa mapiritsi okudzivirira mimba
6 Kana une HIV


Chigwere chinohi THRUSH chigwere chataona kuti chinokonzegwa neutachiona hunohi YEAST hwatinahwo tese mumiviri yedu asi kuti dzimwe nguva tikadya zvokudya zvisirizvo utachiona uhu hunowana zvokudya hwobva hwaberekana kusvika hwawandisa mumuviri woita sechigwere.

Ukatarisa rurimi gwemunhu ane chigwere ichi unnona gwakachena sekuti ane mukaka wakakora parurimi. Wotarisazve pamberi memukadzi ane chigwere ichi uchaona kuti anozvakaita somukaka wakakora pakati pematinji ake zvichisvika kuno kubhinzi. Zvinovava zvokuti anoda kugarokwenya. Zvinogwadzirira kana kuti kutogwadza chaiko zvikutu murume akazama kupinza chombo zvinogwadza.

Chikonzero chikuru ndichocho chokuti unokwanisa kunge uchidya zvokudya zvisina kufanisa zvakaita se

Shuga
Chingwa
Hwowa
Doro rinoitwa ne yeast
 Nezvimwe zvokudya zvine yeast

Kana une diabetes unokwanisa kuwanzobata THRUSH uye inotanga pamberi

Kana uchijaira kuti wanyorovesa bhurugwa (sokuti hauna kupfeka PANTY LINER) worega kubvisa bhurugwa, unokwanisazve kuwedzera kuata chigwere ichi. Hwisisa kuti vanhukadzi vakawanda ukaita zemo unokwanisa kunyorovesa bhurugwa. Bvisa bhurugwa kana kuti isa Panty liner.

 Chigwere ichi chinoita mumuviri wese zvawo asi chinoonekwa munzvimbo dzinoti
Chitubu zvese nepakati pematinji poita zvichena pasi pechiganda chakafukidza bhinzi. Hwisisa kusiyana kwazvo negweme nokuti zvese zvakaita semukaka waktanga kukora asi gweme rakaita masadza uye harivavi uyezve hariiti kuzasi kure nebhinzi.  Gweme rine hwema hunozikamwa kana wamorinhuwidza haurikangamwi. THRUSH haina hwema kazvinji asi kana yawandisa inokwanisa kuita hwema hwakaipa.

Mumuromo chinoonekwa nokuchena kwerurimi

Mudumbu chinoita futi. Ndimo machinototangira chozoenda kumwe.

Pavarume chinoonekwa nokubudisa mvura yakachenuruka semukaka woda kukora muchombo uyezve pasi peganda rakafukidza musoro wechombo panoitazve zvichena izvozvo zvakaita somukaka asi zvakasiyana negweme. (gweme pachirungu = SMEGMA)

Saka toti zvinhu zvitatu zvinoonesa kuti une THRUSH
Kuvava pamberi
Kuita zvinhu zvichena zvakaita somukaka kwatanga kukora
Kugwadziwa pakuiswa

Unokwanisazve kuhwa wakaneta chose nguva zhinji.

Kurapa THRUSH
Unokwanisa kuenda kwaDOCTOR wonoonekwa wopiwa mushonga wekushandisa mazuva maviri kana matatu watopora hako. Hazvinonoki asi kana wamozviregerera nguva refu zvinokwanisawo kuti nonokei sokuti vhiki.
Zvinokwanisazve kukasira kudzoka zvorama zvichingodzoka kusvika wagadzirisa chikonzero chacho.

Chokutanga siyana nezvokudya zvine shuga
Siyanazve nezvokudya zvandanyora pamusoro apo.

Wadaro chizama zvokurapa chigwere chako. Hwisisa kuti kurapa uku kunoda zvinhu zviviri zvinoti kudya mushonga uye kuisa mushonga panoonekwa chigwere.

Kurapa: Kwekutanga
1 Isa mvura inodziya mubhavu
2 Isa ma Tablespoon matatu e BORIC ACID mumvura yako wobvongodza kusvika POWDER isisaonekwi.
 3 Pinda muhavhu ugaremo kwemaminitsi anopfuura 20 uchipota uchivhura makumbo nekubhenengura matinji mvura ine BORIC ACID ichisvika kune zvimukaka zviya zvakazara pamberi.Geza zvakanaka pabhinzi uchiwanza mvura yako yokugeza nayo.
4 Ita zvimwe chetezvo kwemazuva akati kuti kusvika wega wohwa kuti kuvava kuya nokugwadza kwave kushoma.
5 Usavata nomurume mazuva aunenge une chigwere ichi. Zvinokonzera kuti murume avaviwewo mapedza kuisana zvichireva kuti achadawo kurapiwa

Kurapa kwechipiri
Wapedza kugeza sezvandatsanangura,tora chirimwa chinohi FRESH GARLIC wokuya kusvika yatsetseka yaita PASTE. Wovhura matinji wozora pakati wozorazve kumuromo wechitubu katatu pazuva. Paunoda kuzora wotanga wapukuta zvawambozora kare kana kuzvigeza nemvura ine BORIC ACID.
Kunozopera mazuva matatu pasisabudi mukaka.


Zvokudya:
Hwisisa kuti Kuchena rurimi nokubuda kwezvinobuda kumberi zvinobva mukuwanda kweYEAST mudumbu mako nokuda kwezvauri kudya.

Wanza GARLIC muzvokudya zvako kwemazuva akawanda. Inonhuwa zvokuti vamwe havaidi asi inoshanda pachigwere ichi kana uchida kuzvirapa wega. Kana wapora, chidererdza hako GARLIC asi garodya GARLIC muzvokudya zvako. Unokwanisa kuitenga iri POWDER kana kuti iri FRESH


Ichi ndicho chigwere chikuru chisiri chechihure chinonetsa vanhu vakawanda chose, vese varume nevakadzi asi hinobva pazvokudya zvako kana kuti panhumbu kana DIABETES. 


_________________________________________________________________

2 Totevera nechigwere chinohi CYSTITIS.

Chigwere ichi chinoonekwa nokupisa pakuweta uye kuwedzra kuda kuweta. Chigwere ichi chininetsa kunatsoona nokuti weti inenge yakachena semazuva ese asi zvinonetsa kusaenda kunoweta.

Zvikonzero zvinobva pazvinhu zvinotora maBACTERIA ekuzhe kwemuviri kuapinza mukati memuvhiri, Sokuti kuwedzera kuisana kunokwanisa kupa munhukadzi CYSTITIS iri ngari yokuti kata pana maBACTERIA ange ari kuzhe anokwanisa kupinzwa mukati nechombo pachinopinda. Sokuti make mamboparadzana kwenguva, mozosangana. Mazuva ekutanga muchangosangana munokwanisa kuvatana zvakawandisa nokuda kwekutsividzira mazuva amange musipo.

Kotizve kana mukadzi achangobva kumwedzi mange mambomira kuisana, munotanga kuisana zvakawedzera zvokuti anokwanisa kubata chigwere ichi. Isiri ngari yokuisana chaiyo asi kuti mabacteRIA ange asiri mukati make anopinzwamo pakuisana akasira kuberekana oitisa chigwere muSYSTEM yeweti.

Kotizve kana mukadzi chishandisa ma Tampon pakuenda kumwedzi. Anokwanisa kupinza maBacteria mukati make oenda my SYSTEM yeweti oita chigwere ichi.

Cystitis inokwanisazve kukonzegwa nemapiritsi airi kumwa kuti urape chimwe chigwere.

Zviri nani uudzwe kuti chakonzera chii kuti ugokwanisa kusvivirira panguva dzinotevera.

Imbomirai kuisana kusvika chapera. Enda kwaDoctor upiwe mushonga zvikuri ma ANTI-Biotics. Kana wakamborapiwa chigwere ichi taurira murapi nokuti vakawanda akangochiita achatoti achiitezve imwe nguva nokuti ma HABIT edu pakuvatana kana kuti ma hormmone edu mumuviri haawanzi kuchinja.

Kana CYSTITIS yako yaitiswa neIRRITATION ye BLADDER pasina zvemaBACTERIA, zvinokwanisika kuti inopera yega pasina mushonga. Iwe muridzi ndiwe unoona wega kugwadza kwazvo kuti uzive kuenda kwamurapi.





No comments: