Wednesday 26 August 2015

Munhu asingakwanisi kuvata noumwe munhu

Mai Chibwe, Ndodii kuti ndibvise munyama. Ndinamakore 34 asi ndiri mhandara. Handitombonyengwi. Ndibatsireiwo Please.
___________________________
Kune vanhu panyika pano vasina zvinoonekwa pavari zvingahi zvakaremara kana kuti hazvina kufanana nevamwe. Kune vanosvika makore akawandisa vasina kumbovata nevamwe vanhu. Unokwanisa kusangana nomunhu anenge ari mhandara kana jaya asi ava nemakore anpfuura makumi matatu kana mana. Izvi hazvirevi kuti haasi kuda kuvata noomwe munhu. Chinoitika ndechokuti pane chinomuvhundusa pazviri mufungwa dzake. Vamwe vavanhu ava vanotoitawo zemo chairo zvokutofanana nevane vokuvata navo asi zvinoitikaka kuti haavati nomunhu

Kana ari munhukadzi anokwanisa kunyengwa nomurume asi haakwanisi kutaudzana nomurume panyaya idzi kusvika pakutotadza kuwirirana zvachose. Hazvirevi kuti haadi murume amunyenga. Kungoti haakwanisi kutaudzana nomurume uyu panyaya idzi.  Varumewo vakadai havakwanisi kunyenga musikana. Hazvirevi kuti haadi musikana, asi kuti haagoni kuita nyaya dzinosvika pakutaudzana zvorudo.

Pari zvino hazvizikamwi kuti chikonzero chaicho chii. Zvinoita sokuti ndeiya inohi PSYCHOLOGY. Pane chakangoti kanganisike pamunhu zvokuti kana ari ega hapana chakaipa. Anofunga zvokuvatana nomukadzi/murume. Murume chombo chinomira zvakanaka. Kana akashandisa maoko urume hunobuda zvakana uye anotonakigwawo zvinongoita vamwe.  Kana ari mukadzi bhinzi inomira, matinji nepamberi pese panozvimbirira, chitubu chinonyorova zvokutoti dai gamba remurume riripo akavhura makumbo, anotirhojewa akanakigwa chose chose, asi kungoti kana gamba ravapo hapana chinoitika.

Pane vasikana vanozvisarudzira kugara vari mhandara kusvika pakuwanikwa. Vakomanawo variko vanoda kugara ari jaya kusvika aroora. Ava vanhu vasina dambudziko asi kungoti vanodawo kuzvichengeta kusvika paroorana noumwe munhu.

Tiri kutaura pamusoro pevanhu vanosvika pakudzivaidzwa noumhandara/ujaya hwavo asi vachitotadza kuvata noumwe munhu asi vachida kuzviita uye vokuita navo varipo muupenyu hwavo.


Zvinopera here?
Dambudziko iri rinokwanisa kuita kwenguva refu chose zvokuti hama neshamwari vanokwanisa kupindira nyaya iyi kusvika pokuto dzungaidza munhu wacho. Vamwe vanenge vachifunga kuti vakamutsvakira munhu wekudanana naye nyaya inopera asi kazvinji iye munhu asingakwanisi kutaudzana noumwe munhu panyaya dzorudo.

Kune vanozoti ava munhu mukuru chose moona ava nomukadzi/murume motoshamisika kuti akazviita sei.  Mumakore akapera kuno ku UK takachatisa musikana aiva nemakore 37 asi ari mhandara. Kana ukaterera nyaya yake unohwisisa kuti mufungwa dzake aiva achida chose kuita mukomana uye akanyengwa nevakawanda asi achitadza kudanana navo. Munhu akadzidza anoshanda nevamwe asi kana pava panyaya dzorudo zvaimukona. Murume waakachata naye Munhu ane moyo murefu chose zvokuti akatombofunga kuti zvichakona. Mukadzi akazonoongorogwa nevarapi kwenguva inopfuura mwedzi mitatu kuti akwanise kungovata nomurume wake chete. Pazvakangoitika haana kuzozvirega. Izvozvi vakaita mwana ava nemakore matatu.

Uyu munhu umwe chete, uye hwisisai kuti vanhu vakadai vashoma. Asi zvikakuwanikidza uri kunyika ine vanhu vasina zve COUNSELLING, unokwanisa kuita dambudziko. Hwisisai kuti kuvatana unenge uchitodawo hako asi fungwa dzinokurambira chose. munhu anovhunduswa nokutyiswa nekungofunga kuti angangopinzwa chombo kana kuti chambo chake chingangopinda mukati meumwe munhu.

Mudzimba: 
Mudzimba dzedu tinoona kuti kune vakaroorana vanokwanisa kuita kana mwedzi kana kupfuura pasina kuvatana, pasina anohura, pasina ambobvunzawo umwe kuti todii nhasi. Vanhu vakadai vakawanda chose. Kazhinji vanhu vasina nguva yazvo kana kuti pane chimwe chakaipa chiri kuitika mufungwa dzavo asi havasivo vatiri kutaura. Pano tinotaura munhu anonetseka pakutanga chete, kana agona kutanga hapana chinonetsa.

Zvikonzero:
Hapana anonyatsohwisisa zvikonzero zvenyaya iyi asi kungoti ndezvefungwa (Psychology) saka zvinoda vanohwisisa nyaya dzefungwa. Kureva kuti kana uriwe une dambudziko iri, zvichakunetsa kugadzirisa nyaya yako nokuti vanhu vanayo vashomanana. Nyaya dzinokasira kugadzigwa inyaya dzine vanhu vakawanda.

Kana pasina anoziva chikonzero, zvinoreva kuti hapana anonyatsohwisisa zvokuita panyaya zvaungaita wega kumba kwako. Zvokuti tibatsirane pano hapana asi kuti kana wafunga kuti une dambudziko iri, enda unoona murapi uongorogwe kuti fungwa dzako sei dzichinetseka nenyaya yokuvata noumwe munhu.

Ukaenda pa GOOGLE woisa nyaya yokuti DESPERATE VIRGINS. Wombotarisa firimu iroro. Wadaro wotanga kufunga kuti dai munhu uyu akadai asi ari MuZIMBA zvaizofamba sei.

Munhu wese pane zvaanofanira kukwanisa kuita pasina dambudziko. Kana wava munhu mukuru, toti makore anopfuura 25, unofanira kuzvisarudzira kuti wovata noumwe munhu here kana kwete, pasina chinonetsa. Asi kuti uri kuda asi uchizvitadza nokuda kwekutyiswa nazvo bodo. Enda unoonekwa nevarapi.


No comments: