Friday 14 August 2015

Chigwere chokusura

Kune vanhu, varume kana vakadzi vane chigwere chokuti anongosura pese pese asingagoni kuzvidzivirira. Chigwere ichi chinoshungurudza vanhu verudzi gwedu asi mamwe marudzi anongosura zvakadaro panevanhu. Isu kusura pane vanhu takadzidziswa kuti kutsveruka saka zvinotinetsa. Asi kana une chigwere chacho zvingafamba sei Unogara sei upenyu hwako uye unogara sei nomurume/mukadzi wako?

Muchikaranga munhu anogarosura anohi ane NGUBHANI. Muchirudzi chedu, Ngubhani dzese dzakafanana saka hatina basa nezvokutaura kuti iyi ingubhani ipi. Asi kungoti une ngubhani.


Unoziva sei kuti une chigwere ichi?
Hazviiti kuti uve nechigwere ichi ugotadza kuziva kuti unacho. Unongohwa wega kuti uri kugarosura uye hapana zvaunokwanisa kuita kuti usasura. Zvinotovhundusa iwe muridzi uye vanhu vaunogara navo. Kazhinhi hazviiti kuti uwane nguva okumhanya kuchimbuzi kundosurirako. Ipapo pauri ndipo paunoitira. Chero muri pakudya chaipo hauregi kusura.

Unokwanisa kupedzisira usisasviki pana vanhu iri ngari yokusvodeswa nezvaunoita. Kuti uzvigamuchire zvinonetsa nokuti idambudziko rine manyadzi mukati. Kuti usazvigamuchira zvinonetsazve nokuti vaunogara navo kana kushanda navo zvinovanetsa kuzvigamuchira. Kana wakaroorana noumwe munhu zvinoshungurudza mese uye zvinogumburisa umwe wako. Kana uri munhukadzi zvinobvisa chimiro zvachose uye murume wako anoona zvisinganakidzi kusvika pakuparadzana pokuvata.

Saka apa tiri kuti kana une dambudziko iri unotoziva chete kuti unaro. Hazvikutoreri nguva.

Zvinokonzegwa nei?
1 Kune zvigwere zvinohi ma ALERGY zvokuti kana ukabata chimwe chinhu chakaita semamwe mabundo unokwanisa kuzvimba ganda kwekanguva. Ukarumwa nesvosve unokwanisa kuzvimba muviri wese. Apa ukadya zvimwe zvokudya unoita mweya wakawandisa mudumbu wobva wangotanga kusura. Vamwe vedu tinoti tikadya zvakaita semazai akabhoriwa tinoita mweya mudumbu asi unongoita kamaawa matatu zvobva zvapera.

Vanhu vane ALERGY anokwanisa kuita vhiki yese achingosuriswa nemazai aakadya pa Weekend. Iyi yakafanana hayo ne ALERGY asi kana yava pane zvokudya inopiwa zita rokuti INTOLERANCE. Kureva kuti muviri wako haukwanisi kugaya zvokudya izvi pasina nyaya nyaya. Saka apa tiri kuti pane chimwe chokudya chiri kukutangisa kusura uku asi wozoshaya kuti zvopera sei.

Pane zvokudya zvinowanzotangisa vakawanda zvinoti:
a)  Mazai
b) Bhinzi
c) Mukaka
d) Chizi
e) Muriwo
f) Maputi.
Kune zvimwe zvakawanda zvinoitisa chigwere ichi. Kana uchiziva kuti chokudya chokuti chinokukonzera kutanga kusura asi zvichizononoka kupera, dai wambosiyana nechokudya ichocho.

2 Kune chigwere chinohi pachirungu IBS. chinoita kuti kana pakusura kwacho munhu anokwanisa kuzviitira svina zvoreva kuti zvinokutyisa kuti usure asi futi zvinokunetsa kuti usasura. Upenyu hwokuremera. Kuti ugare wakaisa LINER kwese kumberi nokushure idambudziko guru kumunhukadzi.  Chigwere ichi chinonetsa zve kuchirapa. Chinoitiswa nezvokudya futi asi chinokuvadza kuzasi kweura uko kune ura ukuru.

3 Dzimwe nguva madyire aunoita kana uchidya zvokudya kana zvipi hazvo, anoita kuti umedze mhepo yakawanda nezvokudya. Vanoziva vanoti kushama muromo zvakawanda uye kusatsenga zvokudya zvakakwana kunoita uve nemheya mudumbu. Kana mweya wapinda mudumbu, unofanira kuti ubude, asi usati wabuda, unokuitisa mudumbu kugwadza uyezve haubudi nguva imwe chete saka uchasura wasurazve.

Zvokumedza mweya uchidya zvinowanzoitika kuvanhu vanemumhu mukuru nokuti vanhu vanodya zvakawanda asi nguva yavatora kuzvidya yakangofanana neinoita vanodya zvishoma avo vane munhu mutete.

Saka apa zvinoita sokuti zvikonzero zvechigwere ichi zvishoma. Zvimwe zvazvo hazvizikamwi.

Zera revanazvo:
Chigwere ichi hachiwanzi kuitika kuvana vadiki asi kuvanhu vava kumakore apfuura makumi maviri zvakawanda. Tinoona kuti vanhu ava vanhu vechidiki vasingadi zvinhu zvakaita sokungosurasura. Ndoosaka tati timbotarisa nyaya kuti pane chingaitwa here.

Kunetsa kwazvo:
Kana uri munhukadzi kusura zvinohwikwa nevamwe kunosvodesa kupfuura kana uri munhurume. Munhukadzi anoita mabasa akawanda mumba. Mamwe acho haaenderani nokusura. Sokuti uri mukicheni uri kubika zvinodyiwa nemhuri, Hazvidi kuti uku uri kusura miniti imwe neimwe, uku uri kubika. Kana vacho vanozodya zvawabika havangafari nazvo. Kusiri kuti pane chinoitika pazvokudya asi kungoti fungwa dzavanhu hadzienderani nazvo. Kusura mufungwa ndekwemutoireti, kwete mukicheni.

Pakunovata, hazviiti kuti uku murume ari kuzama kuita zvinonakira muviri, uku iwe uri kungosura pese pese. Kana ange ane zemo, rinongobva rapera rega. Hino ukazodaro mwedzi wese murume akangomirira bodo hazvifambi. Vakawanda verudzi gwedu hautombosuri murume wako achizvihwa. Unoita seusina unhu. Pane kusura kwechitubu kunoitika dzimwe nguva muchirhojana, Vakawanda verudzi gwedu vanosvodeswa nazvo. Ko kuzoti kusura kwechisuri chaicho? Pamwe unenge usingatozivi kuti zvichanhuhwa here kana kwete. Asi kazhinji kuvanhu vane chigwere ichi hazviwanzi zvakanhuhwa hazvo. Asi kuti wopidiguka kuti ufongorere murume wobva watanga kufongora nokutosura ipapo hazvinakidzi mese.

Kana uri murume kana mukadzi kusura zvako hachisi chinhu chakanaka kana pane vanhu.

Kuti uzviregese kusura futi kunokuitisa mudumbu. Kana zvichikwanisika sunga shure yako uende kutoireti wonosurira ikoko. Zviri nani. Zvikuru kana uchipota uchisura zvakanyorova uchisvibisa bhurugwa.

Pane firimu randakamboona raiva nomunhukadzi ane chigwere ichi. Zvino imbwa yevamwewo vaiva nembwa ndokutanga kufembedza magaro emukadzi uya ivo vasangana pazhe pemagirosa. Zvinosvodesa nokuti vanhu vese vanoziva kuti imbwa pane chayanhuwidza pamagaro ipapa.

Zvinorapwa sei? 
Kana uri kumusha unohwa vakuru vachiti unofanira kumwa mushonga wengubhani. Asi tikazvitarisa tinoona kuti mushonga uyu haurapi zvese zvigwere zvinohi ngubhani zvacho. Hachisi chigwere chimwe chete sokuona kwataita.

Saka panodiwa kuti uende kuchipatara wovaudza kuti uri kubudisa mweya wakawandisa. Vanokubvunza kuti zvinogwadza here. Taura mahwire aunoita. Vanokwanisa kukupa mapiritsi uye kugara newe pasi motaura nyaya yezvokudya zvako.

Unokwanisazve kutogwa samburi yetsvina kuti vaone kuti une chigwere chipi. Unokwanisazve kupinzwa chioniso shure kuti vatarise mukati kuti ganda remo rine zvimaronda here.

Chikuru ndechokuti unotarigwa uudzwe kuti muviri wako wakamira sei. Zvimwe zvavangakuudza hazvirapiki asi zvinogona kuderedzwa maitire azvo.

Unokwanisa kurerukigwa nemusengwa uyu.


Tiri kuenderera mberi

Kana pane ane dambudziko iri ngaafane kutinyorera mwadhi achitsanangura kuti zvinofamba sei

maichibwe@yahoo.co.uk



2 comments:

Anonymous said...

Mai Chibwe Makadini?
Dzidziso dzenyu dzakandibatsira uye dzirikungondi batsira. Ndinotenda. Maita henyu

Anonymous said...

Mai Chibwe makadii?
Ndine dambudziko rekusura zvinonhuwa,
mudumbu mangu hamurwadze munongorira chete.Zvese zvandinenge ndadya zvinondikenzera kusura.Ndaneta nekuenda kuma doctors Havana chiri kuchinja.