Sunday 1 May 2016

Maitire emwana abva zera kuvabereki

Pano toda kumbotaura nemaitire emwana abva zera kuvabereki. Kuvana vakawanda, chinhu chinonetsa kuhwisisa kuziva kuti vabereki vachiri kuvatana. Asi kana ukanatsa kuzvifunga unotoona kuti chinhu chinofadza chose kuziva kuti vabarejo vako vanodanana zvokutogararhojana nguva nenguva. Kana wava munhu ati kurei sokuti wapfuura makore 20 wava kukwanisa kufunga somunhu mukuru, chii chaungaita kuti upewo vabereki vko mukana wekuva ukadzi nomurume vakasununguka moyo. Ndiyo nyaya iri pano nhasi. Imbofungai nezvayo.

Kana mwana ava munhu ava pakuhi abva zera, zvoreve kuti ava munhu ohwisisa zvinoitika pakati pevanhu vakuru. Paanozozvihwisisa vabereki vanenge vatova nemakore vachizviita. Vabereki vanhu vanotarisira utano hwevana saka vanogara magarire ekuti vana vasagaroziva zvimwe zvezvavanoita. Hakuna mubereki werudzi gwedu anofarira kuti vana vake vazive kuti anoita zvekuvatana. Saka kana vana varipo vabereki hapana chavanoita. Zvoreva kuti kana vana vari vanhu vasingahwisisi magarire evanhu vakuru, zvinokwanisa kukanganisa magarire nomufaro wevabereki. Pano tiri kuda kumbotarisa maitire emwana abva zera okubvumidza vabereki vake kuti vaenderere mberi noupenyu hwevanhu vakuru.

Chokutanga ndechokurondedzera kuti munhu wechidiki anogara akazara ma HORMONES ekuda kuvata noumwe munhu zvinoreva kuti anokwanisa kuhwisisa kuti vanhu vakuru vane maHormones awawa uye vane vanhu vakuruwo vekuvata navo zvinoreva kuti vanovata navo.

Totizv mwana wezera iri kazhinji haavati nguva inovata vabereki kureva kuti anokwanisa kuhwa vabereki vachivatana panguva dzousiku. Semazuvano ema foni emuhombodo, mwana wezera iri anenge achitumirana magwaro neshamwari dzake kusvika koda kuedza ozovata vakuru voda kumuka kuti vaende kumabasa. Iyewo ozomuka kuda kuita masikati. Kana asingaendiwo ku University anoswerombeya neraini asina zvaanotsvaka, foni iri muhombodo achipota achifonegwa neshamwari dzakafanana naye. Nguva yokufunga nezvoutano hwevabereki munhu akadai haana asi dai achida, aikwanisa kuwedzera utano hwevabereki vake.

Kufunga utano hwevabereki:
Mwana abva zera anofanira kupa vabereki mukana wekuramba vachiita zvavakajaira kuita. Pakugara nevabereki iwe wava mhunhu mukuru hwisisa maitire evakuru. Ratidzazve kuti wakura. Ipa vabereki nguva yavanoziva kuti vari vega pamba pavo kuti vawane vokuita pauviri hwavo.

Somunhu ane shamwari pota ichiita mazuva aunoshaikwa pamusha asi vabereki vachiziva kwauri. Shamwari dzako idzo dzaunadzo dzine vabereki sewe. Hapana chakaipa kuti muchinjane kuti nhasi mukatandara kumba kwako vabereki veshamwari vombosarawo vega, mangwana monotandara kumba kweshamwari vabereki vako vachisarawo vega.  Asi usati waenda jaidza baba namai kuterera nokuvimba nezvaunovaudza. Usati waenda kunotandara udza vabereki kwauri kuenda uyezve wovaudza nguva yaunodzoka. Unoziva nguva inonovata vabereki vako. Toti vanowanzovata kuma 8 usiku, iwe chivafonerawo kuma 7 wovaudza kuti vasakumirira unouya kumba kuma ten. Ipapo ivo vachaziva kuti vari vega kusvika na 10. Ngazvisaitika kuti umwe musi kana wat unodzoka na teni iwe wodzoka na naini. Bodo. Nonoka kudzoka asi usambofa wakakasira. Usati waenda kwawaenda wesaudza vabereki nguva yaunodzoka. Udza mai vako kuti kana usina kuvafonera nguva yavo yokuvata yosvika vakufonere ugovaudza nguva yaunodzoka.

Wana kwekugaroenda kuti vabereki vawane nguva. Pota uchivhakashirawo hama dzenhuri yako uchimbonovatako umwe musi. Ronga upenyu hwako uchifungawo vabereki vako.

Kana pari pa weekend, usati weekend imwe neimwe vabereki varipo iwe woswerawo pamba. Unoti wadya masikati womboendawo kuPark neshamwari dzako mondoswerako vabereki vachirezvanawo pamba pavo. Hazvirevi kuti iwe hausi wepamba ipapo asi kungoti mese mopanana nguva yokusununguka kuita zviitwa zvezera renyu.

Hwisisa kuti vabereki vachasvika kumakore anopfuura makumi manomwe vachingovatana kureva kuti pauchazoitavo vana vako vakakura kusvika makore anosvika kana kupfuura gumi nemashanu vana sekuru nambuya vavo vanenge vachingovatana.

Kuvatana kwavo kunobatsira mese nokuti kunodzivirira zvigwere zvakawanda kwavari kureva kuti hauzobhadhari mari yedzihosipitari paugwere hwavo. Mari noufumi zvavachasiya pamusha ndezvevana vavo saka kuvachengeta vane utano chinhu chinobatsira mese.

Kana vakashaya mukana wekuvatana, zvinokwanisa kusvika panguva yokusazonatsonakirana kusvika vangozorega, Zvadaro vanoita mamwe matambudziko auchazofanira kugadzirisa iwe asi ipapo iri mhosva yako.

Ngatihwisisane nevabereki vedu kuti kuita vana hazvifaniri kudzikisira zvinhu zvavanofarira kuitirana pauviri hwavo. Ngatifarire kuti vabereki vedu vanovaraidzana pachavo zvinotipawo mukana wekuvasiya vega kana vazokura. Rangarira kuti vese munhukadzi nomunhurume vane nyaya dzomuviri dzinogadziriswa nokuvatana vachiri pazera rokuzviita. Rangarirazve kuti vanhukadzi vanorarama makore anopfuura gumi kupfuura vanhurume pakuchembera. Makore gumi awa anozopera iwe washungurudzwa nokuchengeta mai kana vasina utano hwakanana asi iri mhosva yako.

Dzimwe mhuri: 
Kune vakawanda vane mhuri dzisina vabereki vese. Pamwe una mai voga pamwe una baba voga. Pamwe mubereki iyeye waunaye anofarira kugarotorana neshamwari achiuya nayo kumba kuzovata nayo.  Tinoziva vanhu vava vanhu vakuru vanokokana neshamwarikadzi kana shamwarirume kuuya nayo kumba vana varipo, voti pakunovata vondovata vese.

Kana une mubereki akadai, harisi basa rako kutongesa mubereki. Mubereki anokwanisa kukutongesa asi iwe kumutongesa bodo. Rega aite zvaanoda kuita uye iwe kana ukahwisisa kuti pane shamwari yake ichauya nhasi kana mangwana, vape mukana wekusununguka pazviito zvavo.  Vakawanda vedu tinoda kuunza nyaya dzezviito todzisengedza vabereki. Hwisisa kuti kana munhu anofanira kugarovata numwe, akashaya mukana wekuzviita anoshaya mufaro. Ipa mubereki wako mukana wezvinomufadza aite. Vanhu vemuraini vanotaura nokunyeya uye zvimwe zvezvavanotaura unozvihwa asi haisi nyaya yako. Siyana naya. Iwe nyaya yako kuvaka upenyu hwako zvinokufadza iwe uye zvinodadisa vabereki vako nedzimwe hama.

Kotizve umwe vamwewo vasiri vabereki asi vave vanhu vakaroorana. Mazuvano kusina mari, magarire edu emutaundhi kana kumusha zvinokwanisika kuti unovata mukamuri remba rinoita kuti uhwe zviri kuitika mune rimwe kamuri remba kunovata vanhu vakaroorana. Ivavo vanhu ndivo vaunopawo mukana wekusununguka dzimwe nguva kuti vaite zvinoitwa nevakaroorana. Kana uchifambafamba, vaudze kuti unodzoka nguvai kuti vazive kuti inguva yavo yokutamba pasina anovadzivaidza.

Udzai Vamwe!!!








No comments: