Tuesday 21 June 2016

Chikomba chamai nehure rababa

Mubvunzo uri pano ndewekuti zvinoita here kuti mwana abva zera arove kana kudzinga chikomba chamai? Chikomba chamai zvoreva murume ari kuhura namai vako ivo mai vako vasina kurambana nababa vako. Kana mai nababa vakatorambana hazvigoni kuti mai vahi vane chikomba nokuti mai ipapo munhu asina murume. Chikomba munhu wechihure. Kana baba vakashaika, mai vari chirikadzi, hazviiti kuti mai vahi vane chikomba nokuti mai munhu asina murume.

Chikomba murume ari kuhura namai kureva kuti zvavari kuita hazvisi pamutemo wechivanhu. Hazvinei kuti murume uyu ane mukadziwo here kana kuti ijaya anongohi chikomba chete.

Saka ngatichitarisa mitemo yakawanda inopindira panyaya iyi tigoongororazve kuti chii chinobvumigwa kuitwa pazviri, uye kuti ndiani anobvumira uyezve kuti ndiani anobvumidzwa.

Mai munhu akaremekedzwa chose chose munyika dzakawanda zvokuti hakuna nyika yandinoziva inobvumira mumnhu kurova mai. Chero nyika dzechiArabhu idzo dzine mitemo inobvumidza vanhu kuuraya hama dzavo. handina kumbohwa nyika inobvumidza munhu kurova mai. So apa totanga nokubvunza kuti ko kana mai vakandisvodesa nokuhura kwavo ndinofanira kuita sei? Chokutanga ndechokuti uhure hwamai hunoera. Hautaugwi nomwana wavakazvara mai ava. Hazvinei kuti akura zvakadii. Kutaura chihure chamai kana kupumha mai chihure kutsveruka. Hazvibvumidzwi pachivanhu pedu.

Asi tichiripo apa ngatitaure chokwadi chokuti Mai vanokwanisa kuva munhu asina kukuzvara asi achongohi mai. Sokuti Mainini kana maiguru vakamwa pazamu rimwe chete namai kana kuti vana vehazvanzi dzamai. Vese ava ndivana mai asi vanoonekwa vakasiyana pa chivanhu. Munhu anohi mai asi achibvumidzwa kupumhiwa chihure kana anatsoonekwa achihura ndiMainini kureva mukadzi wababa wechipiri kana kuti wechitatu. vaya vanohi pa Chirungu STEP MOTHER. Hauna ukama naya kuzhe kwekuti munhu akazowanikwa nababa vako pabarika. STEP Mother techirungu inosanganisawo mukadzi akawanikwa nababa vako mai vashaika.

Wese zvake anohi STEP Mother anokwanisa kupumhiwa chihure nomwanakomana wemurume wake ariye mwanakomana mukuru. Vaduku ava havabvumidzwi. Iye mukuru uyu anobvumidzwazve kugara nhaka yababa vake pamukadzi wechipiri kana wechitatu. Ndizvo achibvumidzwa kupumha mainini ava chihure.

Mukadzi wese anohi Maiguru (mukoma wamai, kwete mukadzi wemukoma) haabvumidzwi kupumhiwa chikure nomwana anomuti maiguru.

Zvokuita nechikomba chamai:
Pamutemo wedu wechivanhu, Hazviiti kupumha mai chihure saka zvotoreva kuti haukwanisi kuwana zvokuita nechikomba chamai chero ukachiziva.
  • Haukwanisi kubvunza mai kuti ko uyu ndiani?
  • Haukwanisi kutukana nechikomba chamai
  • Haukwanisi kuudza baba vako kuti waona mai vane chikomba
  • Haukwanisi kuudza hama dzimwe kuti mai vako vane chikomba.
  • Haukwanisi kuvunza chikomba chacho kuti chiri kuitei namai vako.
  • Hapana zvaunobvumidzwa kuita panyaya iyi pamutemo wedu wechivanhu. Unongosiyawo zvakadaro kusvika baba vako vabata sick kubva kuna mai iwe wagara uchitoziva hako kuti mai vari kuhura.

Pamazuvano tinoona kakawanda kuti murume nomukadzi vanogara kunyika dzakasiyana zvinoreva kuti nyaya dzechihure dzinowanda pakati pavo. Vana vanowanzoti vakagara nababa vobva vonogara namai.  Zvinoitika chose kuti mwana anosvika pakuhwisisa kuti murume anogarovhakasha pamba chikomba chamai. Chero akatohwa mai vake vachichemererana nechikomba ichi usiku, hapana chaanokwanisa kuita. Kungovharawo zheve wobatwa nehope wosiya vaviri ava vachiisana mubedroom yavo. Hazvinei newe.
Ukazoti wava nababa ukada kuvatsanangurira kuti waigarohwa mai vachichemererana nechikomba, ivo baba vako vanokwanisa kukutsiura pamataurire aunoita nyaya dzamai vako. Inyaya you kutodzidza kunyarara zvachose.

Kune vanakomana vaya vabva zera zvokuti anenge ava kuzviona somurume mukuru, sokuti ava nemakore anopfuura 25 mai vane makore ekuma 30 chakuti. Wobata chokwadi chaicho kuti mai vari kuhura nanhingi. Iye nhingi wacho achigaroita chivindhi chokusvika pamba achitombopindawo mumba inovata mai. Zvinokwanisika kuti mwana anohwa hasha pakuti mai vari kuiswa nomunhu asiri baba vake, ivo baba vasingazivi kuti ndizvo zviri kuitika. Hasha idzi ndidzo hadzo asi mai havarangwi saka haakwanisi kupopotera mai. Kunosvika pakuti ade kunopopotera chikomba chiya asi hazviiti kutukana nechikomba iugosatuka mai pamwepo. Hino mai havatukwi. Saka inyaya isingaendi mberi.

Kune vana vaya vakakurira mukombhoni vakatsveruka zvokuti unomuone achidzinganisana nechikomba chamai. Achipopota zvinoudza vatereri kuti  nyakutiza uyu avata namai vake. Anofumugwa ipapo ndimai kwete chikomba. Pamutemo wedu wechivanhu, munukadzi ndiye ane KII yokuti anoiswa nani uye nguvai. Kazvinji mumba mukadzi ndiye anonyima kana kupa murume wake. Varume kana mukadzi akamubvisira bhurugwa haanetseki nazvo, zvokutoti chero asingadi mukadzi wake anongokwanisa kisana naye zvakadaro.  Kashoma kuona murume anonyima mukadzi wake mumba. Nyaya inenge yatoipa chose. 

Ndoosaka zvichinzi kana mukadzi achihura ndiye anoda kuhuriwa naye, kwete kuti pane chiri kuitwa nechikomba chinoshamisira. Bodo. Mukadzi ndiye anoda zvokuhuriwa naye. Hino kana vari mai vako vadaro hwisisa kuti ndivo vanotoda zvokuhuriwa navo nechikomba ichi. Dai vabatwa chibharo dai vaenda kumapurisa, uyezve chibharo hachingabatwi zuva nezuva mubedroom yamai vako.  Hazviiti.

Saka pane chimwe chingaitwa here?
Kana uri mwana ukahwisisa chose kuti mai vari kuhurira baba, unokwanisa kundobvunza munhu ava munhu mukuru wemhuri, sokuti mbuya kana sekuru. Iwe hapana zvaunikwanisa kuita pazviri asi pane vamwe vanokwanisa kuita. Mbuya kana sekuru havakwanisi kutongesa muroora murume wake asingazivi. Cero ari kune imwe nyika, vanotanga vamufonera vomuudza kuti kwaita nyaya yokuti. Hino vakawanda havafariri kuudza mwana wavo nenyaya dzokuhura kwemukadzi wake nokuti kwaari uko anokwanisa kuva ari ega achishandira mhuri zvinopedza simba Kupiwa nyuzi dzokuti mukadzi ari kuhura kumusha zvinopurtsa musoro. Vabereki vanozviziva saka pamwe vanomirira kusvika auya kumusha.

Kana achigarapo asi achiti akaenda kwaaenda mukadzi osara achihura vabereki vanokwanisa kumuudza kuti azvitarisire ega aone zviri kuitika. Mwana haakwanisi kuudza baba pakuhura kwamai.
Saka nyaya iyi tonoipedza tichiti Kuhura kwamai chinhu chinoera kuchitara kana kuita nyaya pachiri noumwe munhu. Kana wazviona vichiitika siyana nazvo. Mai vako haasi mwana wako wekuti unomuraira.

Zvese izvi zvakangofananawo nokuhura kwababa. Hazviiti kuti unotukana ne hure rababa Asi mwanakomana mukuru aibvumigwa kugara nhaka yababa pamukadzi wechipiri kana wechitatu. Baba vakashaika vakasiya mukadzi achiri wechidiki ane mwana kana vana Mukomana mukuru wemhuri aibvumidzwa kuti mainini chipindai mumba tibatsirane kurera vanunguna vangu. Ofugura mainin vaya otoisana navo paimboiswa nababa vake.  Mazuvano chinhu chinosvodesa kuhi munhu akavata numusikana anovata nababa vake. Asi kare zvaikwanisika kana baba vashaika vasiya mukadzi ane vana vavo.

Hakuna mwana anobvumidzwa kupumha baba chihure kana kudzinga hure rababa mumba, kana kuonekwa uchipopotedzana nehure rababa muraini. Bodo.

Munhu anovata namai vako kusvika pakuvachemereresa nokuva pa hurume munhu ane STATUS yababa vako, zvichibva parukudzo gunopiwa mai. Munhu uyu kana baba vako vakashaika anokwanisa kuroora mai vako obva atori munhu waunomuka mangwanani uchibvunza kuti "Mamuka sei baba? " Iye achitopindurawo kuti "Ndamuka mwanangu wamukawo sei?" Kana akaita mwana namai vako iwe ndiwe unotohi MUBVANDIRIPO mwana wemvana yemurume uyu. Hwisisa apa. Kana mwana iyeye ari musikana, pakuwanikwa kwake unobvumigwa kuvapo asi hautauri roora rake nokuti mitupo yenyu yakasiyana.

Hwisisazve kuti iwe haufi wakaziva kuti baba vako ndiyani mai vako vasina kukuudza chokwadi. Vanamai ndivo vanoziva kuti baba vemwana uyu nouyu ndevapi. Iwe unongotevedzera zvawaudzwa izvozvo. Kune vana vakawandisa vanokura nokuzoitawo vana vavo vareriwa nomurume wavanoti baba asi asiri baba pavari. Murume uyu zvese nevana vasingatozivi kuti pane nyaya yakaitika.

Hwisisai kukosha kwamai pamhuri dzenyu. Mai havapumhiwi chihure chero zvodii. 

Vanowedzera wedzerai. 


Udzai vamwe.!!!!!!!!!!



No comments: