Sunday 1 January 2017

Nyaya yokupfugamira murume

Ko nhai vanhu, nyaya yokupfugamira murume monoiwonawo sei? Tokumbirawo kuhwa mafungire evarume vedu. Unoda here kuti mukadzi wako akupfugamire kana kuti haudi. Zvinorevei kwauri kuona mukadzi achipfugama?

Kurudzi gwedu tinopfugamira varume vedu uye murume haadanwi nezita rake. Anodanwa nomutupo wake kana kuti nezita remhuri. Zvikuru kana mune vana nokuti vana murudzi gwedu vanokura vasingatombozivi mazita evabereki vavo. Ini ndakazoziva zit ramai ndapfuura Grade 5. Ndaingoziva kuti zita ravo ndimai.

Mumagarire edu amazuvano zvichiri kuita here kuti tinopfugamira varume vedu kana tiri tega uye kana pane veri kushanya? Zvinoonekwa sei nevanobva kune dzome nyinya. Zvinokudzwa nevanozviona here kana kuti zvinomhurisa? Iyi mibvunzo yatinoda kuzama kupindura as tisati taipindura tiudzeiwo mafungire enyu mese varume nevakadzi mudziba. Kana usina murume kana mukadzi tiudzewo kuti kana wazova naye unofunga kuti zvinofanira kuitwa sei.

Ini kazhinji ndinoona sokuti mafungire emurume wangu akakosha kupfuura angu saka kana akataura zvaanofunga zvikasiyana nezvandinofunga toita zvaanofunga iye. Asiwo iye kazhinji anoda kuti tiite zvandinofunga saka anoramba achibvunza kuti "Ndizvo here?" kana ndikati ndizvo, onyarara. Ndikati handizvo, toramba tichitaura nyaya yacho.

Murume akati Masibanda fongora, hazvinei kuti ndange ndichigunga maitire api, kungofongora pasina mubvunzo zvinoitwa zvoitwa tofadzana takadaro, asi pamwe anobvunza kuti unodei. Ndotaura zvandinoda. Iniwo ndikamutanira kubvunza kuti anodei zvaataura ndizvozvo.

Tongai tihwe vanotonga. Mese varume nevakadzi.

3 comments:

Anonymous said...

Hevoi mai Chibwe. Makorokoto egore idzva!!

Ini ndaitawo dambudziko kumba kwangu. Ndaiita chihure a year ago. Ndakazozvisiya muna February then sometime muna June mukadzi wangu akabva awona magame andaiita kare awo. Handina kuramba kuti ndaidero, ndikabva ndakumbirawo ruregerero. Dambudziko rava pakuti since then ndiyo yangova nyaya zuva rega rega. Anopopota on the same issue daily zvekuti ikezvino ndave kutotya kuenda kumba.

Mai E Chibwe said...

Pano nyaya iripo ndeyekuti mukadzi anopfugamira murume. tange tichida kuhwa kuti varume munofungei nazvo uye vakadzi munofungeiwo netsika iyi?

Iyo nyaya yawazopinza ndaiendesa kumivunzo nemhinduro 8 nokuti inyaya huru chose. Ndatenda.

Anonymous said...

Nyaya yakupfugamigwa nemukadzi ini hangu handiifariri kunyanya kana panevamwe veruzhinji. Asi kana tirivaviri tichitamba hedu zvisiri zvekuti it's a must. Ndinoona sekubata mumwe wangu senhapwa.