Thursday 16 March 2017

Chihure Chinoitiswa ne Mushonga Wen'anga

N'ana vanhu vakachenjera chose uye vanoziva PSYCHOLOGY yevanhu. Havana kunyanyosiyana nevaporofita vavako mazuvano. Vese vanhu vanokwanisa kukonzera iwe nemurume wako kuita chihure muchifunga kuti muri gadzirisa nyaya dzinoda kurapwa.

Pano toda kutanga nyaya nokutaura chokwadi chekuti chihure chakaipa kuitwa newe kana kuti nemurume wako mese.

Chikure chinouraya vakawanda chose nengari yezvigwere,

Kana munhu akatanga kuhura, hazviiti kuti arege kuhura.

Mahure haashandisi mishonga kuwana varume kana vakadzi. Wega unongosimuka wonotsvaka hurekadzi kana hurerume usina akupa mushonga.

Saka pane n'anga dzinoti ukaendako dzinokuudza kuti kana uchida mimba enda undovata namurume akati. Uchamuwana akasendeka bhasikoro rake pamagirosa ekwanhingi. Ziva zvokuita naye kuti uite mimba nokukasira.

Koitazve n'anga inoudza murume wako kuti kana uchida kukwanisa kuzvarisa mukadzi wako enda undovata nomusikana asina kumbovata nomurume, Asi vata naye musango pedo negwizi gunoeredza.

Kana uchida kuita bhizimisi, tanga wanovata nechikomana chidiki. Kana kuti tora mushonga uyu undouvhenganisa neropa rokumwedzi kwekutanga kwemusikana.

Kwedu kwaimbova nemukadzi wasabhuku aibika doro chose asi asingamwi doro iye. Akaudzwa nen'anga kuti doro rokutengesa rinoda kuti pakubika paya aise NAPUKENI yemwana ine tsvina nokuti hakuna munhu asingafariri vanana. Saka doro rake raiziotengwa nevakawanda oita mari.


Nyaya dzakadai dzakawandisa, zvikuru kunyika yedu nedzakaitenderedza.

Toda kumboona kuti zvinobatsira chinhu here kwamuri, uye zvinozofamba sei mberi.

No comments: