Wednesday 26 April 2017

Kugarotarisa foni yemukadzi/murume wako

Kune vanhu vakaroorana vanopokana panyaya dzefoni dzavo.  Umwe achida kugaroona kuti chii chiri kuitika pafoni yeumwe umwe asingadi kuti foni yake itariswe. Inyaya inoda kuongorogwa kuti zviri nani ndezvipi muma menyu kana muchigaropopotedzana panyaya dzefoni. Toda kungotarisa nyaya dzevakaroorana chete nokuti kana musina kuroorana zoreva kuti hapana chamakasungirana. Unogona kungobva wonotsvaka umwe wekudanana naye.

Ukaroorana nomunhu asina kuti tasa pazviito zvake, haisi mhosva yemunhu iyeye. Imhosva yako iwe pakutadza kusarudza wekuroorana naye. Zvadaro, uchanetseka nokufunganya pakuhwisisa kuti hazviiti kuchinja munhu maitire ake. Munhu kana ava munhu mukuru ane zviito zvake, achagara akadaro kusvika achembera kana kufa. Kana maitire ake asina kuti tasa, richaita dambudziko rako upenyu hwenyu hwese. Uchada kutsvaka zhira dzokumutasanudza asi uchachembera akangodaro.
Pakutadza kusarudza wekuroorana naye apa ndipo panobva nyaya dzese dzokuzoda kudongorera foni yake. Nyaya dzefoni dzemuhombodo idzi dzavako mazuvano dzawanda chose zvokuti kana munhu asina kuvimbika anokwanisa kuita unhubu hwakawanda achishandisa hunoti:

1 Kunyengana nevamwe vakadzi/varume paSOCIAL MEDIA, chinova ndicho chava chinhu chikuru chinotyisa mumba.

2 Kutumira vanhu mari nefoni. Tine shamwari inobva kuNigeria inogara pedo nesu. Murume wake aitumira hure rake mari achishandisa foni mukadzi asingazivi.

3 Kutamba nevamwe vakadzi/varume pafoni, zvinova zvinotyisa wako wemumba chero pasina nyaya dzokuhura.

4 Kutumirana mapikicha anosvodesa pafoni, navanhu vausingafaniri kunge uchiita zvakadaro navo. Muroora wangu akarambwa nenyaya yokutumirana nomuzukuru, mwana wehazvanzi yemurume wake (mwana wemukoma wangu wekwa babamukuru)  mapikicha epamberi pake akavhura makumbo asina bhurugwa. Paakabatwa, murume wake akaunganidza mapikicha acho ndokutumira mhuri yemukadzi nemhuri yedu. Tikasvodeswa zvokuti. Muzukuru anoshanda kuCAPE Town. Aitumirawo mapikicha ake asina hembhe asi akamisa chombo. Achibvunzana nambuya kuti  vanofungei nechombo chake. Chihure chokusangana chaicho pange pasina zvachose.

5 Kuronga nyaya dzokusangana kunzvimbo dzakahwanda nevanhu vausingafaniri kunge uchisangana navo.

6 Kuita nyaya dzisina kufanira pafoni, nevanhu vasina kodzero nenyaya dzakadaro. Kune vanhu vanosvika pakufonirana nguva dzisina kufanira, sokuti moda kunovata foni yorira, murume/mukadzi odavira foni, nyaya yokunovata yatoperera ipapo. Nyaya dzinozopera umwe wako anguri avata. Nyaya dzaunenge uchitaura nomuhu iyeye anofona nguva idzi dzinosvika kusiriko.

7 Kuona mafirimu epono pafoni yako. Iyi inyaya isina chakanyanyoipa pairi asi kungoti varume/vakadzi vakawanda havafariri kuona umwe wavo achiona mafirimu awa, kuri kutya kuti pamwe angazoda zvisingakwanisiki. Kuvarume zvinozikamwa kuti kugaroona mafirimu apono kunoderedza kusimba kwechombo chimire.

8 Kunyora zvinhu muDAIRY yepafoni inova inozotaridza kwese kwawange uri zvese nenguva yacho.


9 Kushandisa SATNAV yepafoni inova inotaridza kwese kwawafamba nako kana wange uchifamba neshoka kana kudhiraivha mota. 

Saka tinoona kuti foni inoshandiswa zvakawanda. Poonekwa kuti kana murume/mukadzi  akafungira kuti pane chiri kuitwa noumwe wake, anokwanisa kukasira kuwana zvakawanda chose kubva pafoni yake. Ndicho chikonzero chokuti uwane murume/mukadzi achitarisa foni isiri yake.

Murudzi gwedu kune varume vakawanda vanofunga kuti mukadzi munhu akafanana nomwanana zvokuti anofanira kurindwa sezvinoitwa mombe kana mbudzi. Kune varume vakawanda chose vanoda kugarotarisa zviri kuitika pafoni dzevakadzi vavo, asi kana mukadzi akadawo kutarisa foni yemurume poita nyaya yekupokana.

Koitazve varume vanoita zvechihure. Munhu wese anohura anokasira kufungira umwe wake kuti anohurawo, obva ada kuongorora foni yake.

Ukaona munhu achigaroda kuongorora foni yako iwe pasina zvaunoziva zvawaita zvisina kururama, kasira kuziva kuti iye ari kuhura kana kuti pane zvaari kuita nefoni yake zvisina kururama.  Zvikuru munhu anoda kutarisa foni yako munhu asingakuvimi, nengari yokuti iye munhu asina kuvimbika. Asizve anokwanisa kunge agara asina zvaanokufungira asi oudzwa novamwe kuti pane zvawakamboita, mafungire ake ochinja.

Zvakaipei Kutarisa foni isiri yako?
Hapana chakaipa asi kungoti unofanira kutarisa foni mese muchiziva kuti foni iri kutariswa uye muchiwirirana nazvo. Kana musingawirirani nazvo motsanangurirana kuti sei musingawirirani nazvo.  Ukaona murume anoda kutarisa foni yako iye asingadi kuti utarise yake hwisisa kuti unokwanisa kunge uchihurigwa.  Kana achigarokiya foni yake achiramba kuti utarise, iwewo dzidza kukiya yako kusvika adzidza kuti muchinjane foni mese mutarise.

Nyaya inotinetsa ndeyokuti pakuroorana tinodzidza kukudza varume vedu kuti vaite vana Saimba. Izvi zvinoda kuti iwe uzvininipise usimudzire murume kuti Psychology yake imuudze kuti ava Saimba. Inyaya inotora nguva nokuti varume vakawanda zvekuvaka musha havanei nazvo. 

Vanongoda zvokuwana munhu wekurhojana naye chete. Iwe mukadzi ndiwe unotokurudzira murume kuti musha umire. Ndoosaka muchiona kuti murume akaroora mukadzi nhunzvatunzva, hapana chinobuda.

Hino pakadaro uchaona kuti nyaya yokuti uku uri kuvaka murume kuti aita CONFIDENCE pakuva Saimba, uku uri kumuitira ganyabvu nenyaya dzokuda kukuita mwana wake panyaya dzefoni, zvinokwanisa kukunetsa. Uchaona kuti nyaya yefoni kana yatanga inokwanisa kutora nguva refu kugadzirisa. Pamwe haigadziriki.

Kana muchida kukasira kurambana tangai nyaya dzokupokana pafoni dzenyu. Foni chinhu chakanaka chose, asi mukadzishandisa zvisirizvo, munozoona kuti shuwa foni chinhu chakaipa chose.

Saka todii?
Paunozotanga nyaya dzekuda kuona foni yake pane chakaipa chatoitika mufungwa dzako. Unenge watomufungira kuti pane chaari kuti chisina kururama. Kuda kutarisa pafoni yake kwava kungoda kuti asaita nharo pazviri. Akaramba kuti uone foni yake zvowedzera kuti ude kuiona, nharo dzotanga. Kana akaramba kukupa KEY yefoni, hasha kune vaya vane hasha dzotanga.  Hino kana akazoita tsika yokuti kwese kwaanoenda anoenda nefoni yake, kuTOILET, kundogeza, etc, unowedzera kumufungira.  Kuzobvunza kuti ndodii nyaya yadai mhinduro yoonekwa kuti inonetsa.

Tangai nyaya dzefoni pamunotanga kutengerana foni. Mogara pasi mobvumirana kuti muchada kufambisa foni dzenyu nezhira dzipi. Ipapo nyaya chaiyo menge musina saka zviri nyore kuwirirana.  Chakanaka ndechokuti umwe noumwe paadira kuongorora foni yako ngaaongorore. Chimwezve ndechokuti usati watarisa foni youmwe kumbira kuitarisa kwete kungotora wotarisa. Zvoratidza kuti wamumhura. Asi mune dzimwe dzimba hazviitiki izvozvo. Vanhu vakaroorana vanoshaya chiremera. Zvikuru varume. Unohwa oti ndini ndakakutengera foni iyoyo saka ndipe ndione zvawange uchiita.
Mudzima zhinji mune foni dzakapwanyiwa nokuda kwekuti muridzi airamba kuti foni yake ionekwe nomukadzi/murume wake. Foni dzinodhura. Hamufaniri kusvika pakadaro nadzo. Hwisisa kuti mumba munoda kugarisana zvakakodzera.

1 Kana ukatanga kuhura kana kuita zvimwe zvakaipa uchishandisa foni, uchakasira kufunga kuti umwe wako ari kuzviitawo
2 Kana ukatanga kukiya foni yako chinhu chakanaka kuti murume/mukadzi wako azive kuti inokiinugwa sei.
3 Kana pane chawaita chausingadadi nacho, udza murume/mukadzi wako akasire kuziva kuti chiri pafoni yako.
4 Kana munhu akakutumira pikicha/mwadhi  isiriyo, ratidza murume/mukadzi wako ubvunze kuti zvoitwa sei

5 Vakadzi vakawanda vanotumigwa SMS nevarume vanotsvaka wekunyanga. Kunyengwa hazvina kuipa. Zvinoratidza chete kuti uri munhu anoyevedza kutarisa. Maitire ako kana wanyengwa ndiwo anofanira kutaridza kuti uri munhu akavimbika. 


Kana wakambosangana nenyaya yefoni mumba mako, tiudzewo tihwe.

No comments: