Thursday 4 May 2017

Nyaya yokubvisigwa Condom

Pane nyaya yokuti mabvumirana kuisana nomurume asiri wako uye wausingagoroisana naye, paushamwari hwenyu kana kuti pachihure chenyu. nokuda kwekuti muri mafuza saka hamuna kutanga mandotesitwa kuonekwa kuti hamna zvigwere zvechihure, asi morangarira kuti munofanira kushandisa makondhomu pakadai.  Mopfekedzana kondhomu renyu zvakanaka semaitigwe azvo okuti mukadzi ndiya anopfekedza murume kondhomu kuitira kuti muwane mukana wrkudzvanyirira chohomwe chokumberi chakaita somunyatso kuti chisapinda mhepo pakupfekedza murume kondhomu., ndizvo kondhomu rigorega kubvaruka panobuda urume muchombo richizara neurume nemhepo.

Toti mapfekedzana matanga henyu kuisana. Kune varume vanoita tsika yokuti pakati pekuisana obvisa kondhomu riya mukadzi asingazivi, opinza chombo odiridzira mukadzi mukati mechitubu. Tsika iyi kunyika dzakaita se dzeku EUROPE ne America yawanda chose. Zvinohi yakabva kuvanhu vanoita zvechingochani vanova vagara vanayo kubva kare. Koita vaya vanovhenganisa chingochani nemaitire amhomho yese vanofungigwa kuti ndivo vakaunza tsika yacho pakuvata nevanhukadzi.

Zvino chanetsa ndechokuti pane zvakawanda zvinoda kuhwisiswa pazviri. Chikuru ndechokuti kana uri mukadzi ari kunyika dzandataura idzo, ukabvisigwa kondhomu ukaiswa usina kubvuma kuiswa pasina kondhomu, hwisisa kuti unokwanisa kuendera murume wacho kumapurisa wondotsanangura nyaya yako maitikire ayaita. Kana wange wapinzwa chombo chisina kondhomu pasi bvumirano yokuisa musina sezvo mange mambotanga kuisana uchifunga kuti ane kondhomu, zvoreva kuti akuata chiharo (RAPE) nokuti hauna kumupa mvumo yokukuisa musina kondhomu. Hazvibvumigwi nomutemo wezvokuisana.

Kana muri kuZimabwe nedzimwe nyika dzokuAfrica handizivi kuti mafungire ezvemitemo yoko akadii, asi zvinofanira kunge zvakada kungofanana nokuti iwe wange wabvuma kuisana mune kondhomu.

Apa hatisi kureva kondomu rabvaruka muchiisana kana kuti kondhomu rasarira mukati memukadzi muchiisana. Tiri kureva rabviswa nomupfeki maune chaiwo kuti akanise kukutundira urume mukati mako pasina chinodzivirira.

Mahurerume
Mahurerume vanhu vanofarira kuhura nevakadzi vavasina kuroorana navo. Kune vakadzi vane varume asi varume vavo vasingagari nano nengari dzemabasa. Vakadzi vakadai vamwe vavo vanoita zvikoma mumaraini avo. Kazhinji chikomba chakadai chinenge chine vakadzi vakati wandei vachinohura nano, kureva kuti umwe wavo akabata zvigwere anopa vese vari mudandari rechihure chavo. Zvigwere zvakadai zvinosvika kuvarume vevakadzi ava.

Kune vakadzi vakadai vanohwisisa kuti kuhura nezvikoma kunoda kuti munhu ashandise makondhomu. Zvinoitika chose kuti vamwe vanoashandisa kana vane zvikomba zvavo. Ndipo panokwanisika kuti chikomba chimubvisire kondhomu pakati pekuisana fungwa dzese dzabva pakuzvichengetedza dzava pakuda kunakigwa. Zvikuru kana murume ari kumashura iwe wakafongora, anokwanisa kukubvisira okupinza chombo asina chaanacho. Kana wambenge waiswa uye zvichinaka, kuti uzozive kuti kusiyana kwawava kuhwa kwabva pakuti haachisina chaakapfeka hauzozvifungi.

Kuvakadzi vevanhu chikuru chokufunga imimba nokuti ukabata mima murume wako ari Joni, hazviiti kuti uichengete kana uchida murume, zvikuru kana chikomba chichitoziva kuti mwana ndewacho. Panoita nyaya dzakawanda.

Koitazve nyaya dzezvigwere. Ukabata chigwere ukaenda kuchipatara havanyori nhema pa CARD rako. Kana une siki vanongonyora kuti une siki. Hino murume wako akazorava CARD rako pane imwe nguva, panoita dambudziko.

Varume hwisisai kuti vakadzi venyu kune vakawanda vane zvikomba nengari yokushaya mufaro kumba kana kuti murume haapo kwenguva refu. Kana zvichikwanisika kuti mugare mese garai mese. Mukadzi haasi mombe inonosiiwa kumafuro ekure. Kusiira vabereki mukadzi handizvo.


Hurekadzi:
Kubvisira mukadzi kondhomu kwakafanana nomukadzi anorevera chikomba nhema kuti ari kumwa mapiritsi ekudzivirira mimba kuti murume abvume kuisana naye pasina zvimwe zvokudzivirira mimba. Zvinoitika chose kuti kune vakadzi vanoda kubata mimba kubva kumurume aaari kuda asi iye asingamudi. Varume vanu vasoonekwa sevanhu vasinganetsi kuvta navo. Kana mukadzi ada murume waada, kazhinji anokwanisa kuvata naye zviri nyore, zvisinei kuti murume wacho ane mukadzi kumba.

Zvinoonekwazve kuti kuita mwana zvinofungigwa kuti zvinokonzera kuti murume ade mukadzi. Kuvarume vechidiki, mwana anokwanisa kurambisa musikana. Kuvarume vava vakuru kana akaitisa mukadzi waari kuhura naye mimba, inoita nyaya inozikamwa kuti mukadzi iyeye akasangana nomurume iyeye akada kuti avate naye, kuvarue vedu veChiZimba, zvinovanetsa kuramba. Vakadzi vakawanda vanoziva kubata varume panyaya dzevana. Murume wechiZimba kana achibhadhara mari yokurera mwana kuvata namai vemwana haarambi. Kana achivumidzwa kupota achizoona mwana, kuvata namai vemwana haarambi.

Kuudzwa nhema dzokuti mukadzi ari pamapiritsi zvinoitika kakawanda chose. Kana uchiziva nguva yemwedzi wemukadzi wauri kuhura naye, uchahwisisa kuti nhema idzi unodziudzwa pamazuva anoti 9 – 16 kubva pamusi waakatanga kuenda kumwedzi. Mazuva awa ndiyo nguva yaanokwanisa kubta mimba.

Hwisisazve kuti panguva iyi vakadzi vanoita zvezvikomba vanowedzera kuhura. Vanhukadzi mhomho yese vanowedzera zemo panguva iyi.

Kana waudzwa nhema idzi mukadzi wauri kuhura naye akabata mimba, pari zvino, hapana mutemo waunokwanisa kumusungisa nawo, nokuda kwekuti nyaya dzese dzinotaugwa dzenge dzava pamwana. Iwe sababa vake haupukunyiki.

Asi tichionorora kuipa kwazvo zvakangofanana nomurume anobvisira mukadzi kondhomu asingazivi kuti rabviswa. Asi kungosiyana kuti mutemo unosungisa murume akadai.

Kubatwa Chibharo.
Kana waita zvokuatwa chibharo, ukatundigwa urume usingadi, inyaya inokosheswa nemitemo yenyika dzakawanda. Kunyika dzechiArabhu  chete ndiko kwavanoona sokuti iwe ndiwe une mhosva zvokuti unokwanisa kutochekwa musoro.
Vakadzi vakawanda vanobatwa chibharo vanobatwa nomurume wavanozivana naye. Koitikazve kuti vakadzi vakawanda kunyika dzinomwiwa doro nevakadzi, vanenge vakadhakwa.

Saka ngatihwisise kuti varume vatinoziva ndivo vanokwanisa kutibata chibharo.


Chinoitisa muisane musinganatsi kuhwisisana

Kuisana musingahwisisani zvinobva pakuti mese kana kuti umwe wenyu anenge ane dambudziko rokushaya. Kune vasikana vanoti akasvika makore makumi maviri asina kumbonyengwa, anotanga kuona sokuti pane chaanacho chakaipa. Akazonyengwa nomunhu asina kukodzera anobva amuda asi pasina hwisiso pakati pavo. Kune vasikana vakawandisa vanoti abva zera ozomitiswa nomurume ane mukadzi kuma.

Koitazve chihure muvanhu vanozivana. KumaCHURCH uku kune vanhu vakawandisa vanohurirana. Zvikuru verudzi gwedu. Ukajoina church inopindwa nemaZima, kazhinji haushayi nyaya dzokuhurirana.

Kana wadanana nomunhu wausingahwisisani naye, kasira kufunga zvokuita nokuti nyaya yako inokwanisa kuwedzera kukanganisika.



_____________________________________________________
Kana wakamobvisira mukadzi kondhomu, kana kuti wakambobvisigwa kondhomu nomurume, tiudzewo tihwe maitikire azvo.

Kana wakamboudzwa nhema dzokuti mukadzi ari pamapiritsi, tiudzewo zvaiva zvei.

__________________________________________________________
KuScotland oko kwakamboita murume akadanana nomusikana kwenguva kusvika pakutochaya mapoto. Akazoti asangana noumwe musikana ndokufunga kurama uyu wekutanga. Vaishandisa makondhomu. Musikana akavhura chipakiti chemakondomu, ndokucheka zvimaburi zviduku zvinonetsa kuona ndokudzosera mumapakiti ndokunama na GLUE kuti aite sematsva. Akaudza mukomana kuti haana hanya nokuti pava noumwe, achiitira kuti awane mukana wakubata mimba.

Hwisisai nyaya idzi.




2 comments:

Anonymous said...

Ini ndiri murume akakumbirwa nemukadzi kuti ndibvise mushure mekumboisana ndakapfeka condom. Taive takambotestwa hedu about two weeks back asi musi uyu ndaive ndisingadi zvekuti aite nhumbu uye ndaimufungira kuti anokwirisa kumwe. Takazoti taisana paya, iye akati please bvisa condom ndinyatsonakigwa nayo nyoro. Ndakamboramba but later on gave in. Haana hake kuita nhumbu uye neniwo handina kuita zvirwere zvebonde.

Chikonzero chaive chekuti nyoro inonaka kudarika condom.

Mai E Chibwe said...

Inonaka kumukadzi here kana kuti kumurume kana kuti mese? Pandaimwisa mwana taishandisa makondhomu. Handina kumbohwa siyano yacho pakunakigwa asi kutoti kana murume akapheka kondhomu anononoka kudiridzira kureva kuti zvinoti wedzerei kunaka nokuda kwenguva refu. Kupiwa urume chinhu chakanakawo hacho zvinova zvingaitisa kuti kuisa pasina kondhomu kuitisa kuti uhwe uri pedo nomurume wako pamoyo Asi kana magara mune rudo hazvinganyanyi kusiyana.

Asi kana pasina nyaya yokutya mimba nezvigwere zviri nani kuisana musina kondhomu. Asi zvoda makaroorana uye muchiziva kuti hamuhuri mese.