Thursday 15 June 2017

Nyaya dzemadhimoni

Kuvanhu vakawanda verudzi gwedu mazuvanio unongohwa vanhu vachitaura nezvamadhimoni kubva pazviito zvevanhu vavanoona vasingaiti zvinovafadza kana kuti zvinoenderana nemagariro emuraini mavo kana munhuri yavo. Mazuvano kwava nemaPastor, Maporofita, etc, vanogaroudzwa zvinhu zviri pamoyo yevanovaudza, ivo voona sokuti pane madambudziko anofanira kugadziriswa, vobva vazama kuagadzirisa.

Ngatitange nokutarisa zviitiko zvinohi ndezvamadhimoni. Ukaongorora uchaona kuti kare kwaiva nemadhimoni aihwisiswa nevanhu kuti madhimoni aipedzisira ahi atumugwa nevaroyi kana kuti nemadzitateguru akare ari kuda kubikigwa doro. Kwaizoti kwaitwa chimwe chinhu mumusha womboti zii kwenguva pasina dhimoni raonekwa kubuda pamunhu wemhuri.

Zvino mazuvano kwakazouya vaparidzi vachitiudza kuti zvekuroya nokushumira madzitateguru ndezvevahedheni. Tava muchinhanho chokuti tishumire vaporofita saka chiteverai zvavaporofita musiye zvekuroyana. Asizve kuroyana hakuna kuzopera. Chakangosiyana dechekuti muroyi ava kuatwa nemuporofita kwete ne n'anga dzaisimbobata varoyi. Uyavo munhu aichimbonzi endai naye kun'anga andotemegwa nyora, ava kuhi endai naye kumuporofita and derivhigwa. Saka chasiyana chaicho hapana. Kwakangoitwa n'anga REDUNDANT ndokupinza vaporofita basa.

Chinohi dhimoni kazhinji kuratidza mamwe maitire asingahwisiswi nevamwe.

Ukada varume zvakanyaya une dhimoni
Ukada vakadzi zvakanyanya, une dhimoni
Ukagarofamba usiku zvisinei kuti unoburuka bhazi usiku, une dhimoni
Ukachovha bhasikoro kwese kwese kwaunoenda une dhimoni
Ukafarira kumwa mvura vamwe vachimwa tii, une dhimoni
Ukagarofenda kana kuchipisa, une dhimoni
Ukashaya anokunyenga une dhimoni
Ukasada kuroogwa, une dhimoni
Ukarima mbeu kupfuura vamwe gore negore une dhimoni
Ukapota uchimbopenga une dhimoni
Ukagarotaura nevekurota hope, une dhimoni
Ukajaira kundoraura hove uchikwanisa kudziata, une dhimoni
Chese zvacho chaunoita chinoratidza kupfuura vamwe chinoitiswa nedhimoni.

Saka zvinotyisa kuhi une dhimoni, asi vakawandisa mazuvano vanotosimika vega kunanga kumufundhisi kundomuudza kuti mufundisi ndauyawo kuti mundibatsire nokuti ndine dhimoni. Mufundhisi akabvunza kuti waziva sei kuti une dhimoni, kwahi ndohwa chichinakigwa chose chose pakuiswa nomurume zvokuti zvava kutondinetsa kuregera. Pane kuti mufundhisi achikuudza kuti wedzera ubikira murume kuti asaneta pakuisana kwenyu uye hapana chakaipa pakunakigwa kwenyu nokuti muri murue nomukadzi, mufundhisi anobva atofunga zvokukubvisa dhimoni rako kuti vemuCHURCH yake vapururudze kuti hama yedu yabva dhimoni rokuda kuiswa nomurue wake.

Hakusi kupengawo here ikoko. Ko kumurume wakangouya hako here usinawo kumbofunga zvokuzoiswa uchinakigwa. Chazokusimudza kundoda kuudza sangano rese kuti kuiswa kuri kukunakira chii?

Madhimoni emazuvano angoita sechingwa chomusupermarket. Chero ani zvake angofunganya akatadza kuvata zvakanaka anomuka atova nedhimoni. Ukangofunga kundovhakachira imwe CHURCH yausingasiindi, unonobatwa dhimoni ikoko.








No comments: