Tuesday 21 November 2017

Kuda mukadzi/murume wako nomoyo wese

Ndati ndingokuudzaiwo chidzidzo chandadzidza kubva panavaMugabe chokuti icho munhu anokwanisa kuda mukadzi/murume wake kupfuura kuhi President wenyika, VaMugabe varatidza rudo chose pamukadzi wavo kusvika pakudzingwa basa nokuda kwerudo gwavo gwavadzivaidza fungwa zvokutadza kuita basa ravo zvakanaka.

Nesuvo ngatide varume/vakadzi vedu kusvika panoonekwa nevoruzhinji kuti mhuri iyi ine rudo.

Handina kumbofunga kuti pane chidzidzo chandingawana kubva kumukuru uyu asi ndazozvionera ndega kuti shuwa rudo kana gukawanda zvokupfurikidza, munhu anodzivaidzwa nago pamoyo nefungwa. Murume uyu aikwanisa kunge akafira mhuri yake.

Ngatidanane kusvika pakadai. Ndatenda hangu nokuenda kwavaMugabe asi ndadzidza chidzidzo ichi. Vanoda kuwedzera wedzerai.

No comments: