Tuesday 10 April 2018

Kubatsira vechidiki pakubvisa mimba

Pano ngationgorore nyaya dzinowira vasikana vechidiki kana vaita mimba vasingadi mimba. Takambotaura kare kuti mimba dzinodzivirigwa sei asi hatina kupedza nyaya nokuti vamwe vanozofunga nezvemimba vatove nayo votoshaya kuti voita sei. Vhiki imwe neimwe ndinonyoregwa nevasikana vachibvunza kuti vobvisa sei mimba vabereki/hama/shamwari vasingazivi. Ipapo kazhinji havana mari yokunobvisisa mimba kuvarapi. Toonazve kuti varapi mune dzimwe nyika havabvumidzwi kubvisa mimba kana pasina chingakanganisa utano hwemusikana ane mimba.

Toonazve kuti havasi vasikana chete vanotsvaka kubvisa mimba. kune vakadzi vakuru vakawanda chose vanoda kubvisa mimba, kazhinji nokuda kwenyaya dzechihure. Sokuti mukadzi ane murume asi vanogara vakatarangana. Mukadzi anokwanisa kuhura obata mimba achiziva kuti murume wake haapo saka zvinozoonekwa kuti mimba ndeyechihure. Pakadaro obva otsvaka kubvisa mimba. Boka iri ngatimbosiyana naro pano, totarise vasikana vechidiki chete.

Kana ukabata mimba uri kunyika dzisiri Zimbabwe, unokwanisa kuwana rubatsiro kumapoka akasiyana siyana anokutsanangurira nyaya yako sezvairi. Boka guru riri munyika dzakaita se Europe ne America rinohi Pro-Life. Vanhu ava maonere avo ndeekuti mimba haibviswi. Saka iwe kana uchida kubvisa zvechokwadi, tanga wanoona vanhu ava nokuti chinhu chikuru chavanogona kutsanangura kukudza chokwadi panyaya yokuti mimba inobviswa sei uye chii chinozoitika wabvisa mimba.

Havakuudza nhema pazviri. Kune mapoka akawanda chose anokuudza nhema uye kukutyisidzira panyaya yako. Ve PRO-LIFE havakuudzi nhema. Ukada zvokuenda kuvafundhisi, zvikuru vechirume, uchakasira kuhwisisa kuti hananatsi kuhwisisa nyaya yako. Vanongoda kukudzivisa kubvisa mimba kuti CONSCIENCE yavo ivaudze kuti vabatsira munhu kusabvisa mimba asi havakutsananguriri kuti kana wazozvara mwana uchaita sei naye uri wega. Vafunndhisi vakawanda chose vanhu kwavo asi kungoti vanenge vasina ruzivo pane dzimwe nyaya. Asizve kune vamwe vafundhisi anoti akatoziva kuti waita dambudziko remimba anotodawo kukukwira uku achikuudza zvokuita. Kwava nevafundhisi vakawandisa vanofarira kuvata nevanhukadzi vemuchechi dzavo.

Ukaenda kumufunndhisi ukamuudza kuti uri kuvata nomukomana wako, anokasira kukuudza kuti zvauri kuita zvakaipa asi haakuudzi kuti unokwanisa sei kuregera ugokwanisazve kuchengeta mukomana wako musingavatani asi mambojaira kuvatana.

Kuipa kwekubvisa mimba kunozikamwa chose uye takambozvitaura kare. Zvikonzero zvinoitisa munhu ade kubvisa mimba zvakawanda chose uye zvimwe zvacho ndeizvi

1 Waita mimba uchifunga kuti mukomana achakuroora asi iye haakudi
2 Murume akupa mumba ane mhuri nechekare wange uchingohurawo naye
3 Mukomana akakuudza kuti akangopinza zvishomashoma hauiti mimba
4 Wakabatwa chibharo asi hauna kuudza mapurisa.
5 Waita mimba uri mwana wechikoro
6 Murume akakupa mimba hautombomuzivi. Makangosangawo pamusika ndikutoisana.
7 Murume akakupa mimba akakupa mari kuti umubvisire bhurugwa.


Ngatibvumirane kuti mimba haabatiki ne ACCIDENT. Kana ukaisana nomukomana wako musina Kondhomu unokwanisa chose kubata mimba. Hwisisazve kuti urume hunorarama mukati mako kwemaziva mana saka panguva yese iyi unokwanisa kubata mimba kana mazuva ako ukumwedzi akanangana nokukandira kwako zai. Mimba kana usingaidi rega kuisana nevarume musinga kondhomu. Kana mukomana wako akanyebera kupfeka kondhomu akakisa asina, unokwanisa kumusungisa. Zvakangofanana nokuti akubata chibharo. Kunyika dzakaita se UK USA Europe anokwanisa kutoenda kujeri.

Nyaya pano ndeyokuti wava nemimba, zvoitwa sei? Fungwa yako yokutanga inokuudza kuti mimba handi chinhu chakana kana usina murume wekuzochengeta mwana naye. Uchafunga kubvisa. Vasikana vakawandisa vanoita fungwa idzi asoi vakawanda vavo havabvisi mimba kureva kuti vanozozvara vana. Saka vana ava vanozoita sei pasina vana baba vavo. Kune vamwe varume vanozoti mwana azvagwa obva ada kurera mwana wake onotora mukadzi kuti vachigara vese. Koita vamwe vasingadi zvachose asi musikana anongorera mwana wake zvakadaro. Kune vakadzi vakawandisa vane vana asi vasina varume. Ukatarisa  boka riya rinohi ma SMALL HOUSE uchaona kuti vanotoita mari nazvo nokuti anoudza varume kana vashanu kuti mwana ndewako. Umwe noumwe murume omupa mari vhiki imwe neimwe kuti atengere mwana zvokudya.

Pano tiri kuti tingabatsira sei vasikana vechidiki vari kufunga zvokubvisa mimba?   Kwedu kuZimbabwe nyaya dzemimba dzinotongeswa mumhuri kubva kare. Zvange zvisingaiti kuti munhu wekuzhe auye kuzobatsira kufunga. Asi mazuvano vana vava kuchengetwa naanambuya vasingarohwisisiwo kuti sei mwana achifarira kuvata nevakomana ari mwana mudiki kudai. (Makore 18)

Tingabatsira vasikana ava sei? 
Kwese kwauri iwe munhu mukuru hwisisa mafungire evana vadiki. Kana uri munhukadzi yeuka kugarofunga kuiswa kwaaiita uri pazera iri (16-25) uchigarorota mukomana wako. Kana uri murume mukuru yeuka zvawainge uri pazera iri. Waiona sei vasikana uye kuti waifungei nezvokuisana. Zvino ukaudza munhu ari pazera iri kuti musi wausina makondhomu rega kuisana nomukomana wako anoterera asi kana mukomana avapo kuti arambe kuiswa hazvitomboiti. Isu tongozoona yave mimba topopota kuti sei vasina makondhomu. Asi kumamisha uko kondhomu haringowaniki. Hakuna mamwe madzivirire angaitwa mimba. Ndizvo ndiri kuti tingabatsira sei vana ava.

Kana une mari, unokwanisa kutengera musikana waunoziva kuti ava kuvata nomukomana wae makondhomu asi kana hama dzake dzikaziva, uchaudzwa kuti ndiwe wakakurudzira mwana kuita chihure.

Kana musikana akaita mimba ukada kumutora nemota yako kana bhazi ukaenda naye kwachiremba, unokwanisazve kuhi ndiwe wakaudza mwana kuti abvise mimba.

Kana ukamupa mari yebhazi kuti aende kwaChiremba Zvakangofanana. Unongohi ndiwe wakakanganisa mwana.

Zvino kwedu kumusha kuMasvingo uko ndakawana kwava ne PROGRAM yokuti pa kiriniki yekumusha nurse aripo anobatsira vasikana kuhwisisa kuti kubvisa mimba kunokuvadza sei uye ngazvisaitwa pasina varapi.  Iyi inyaya yandinoona sokuti inobatsira vakawanda zvokuti dai takurudzira kuti varapi vekumakiriniki ese vava vanhu vanobatsira saizvozvo. Tiri vanhu vakawanda chose vanoshanda kuzhe kwenyika. Ngatibatsirei vanasikana venyika yedu kuone miono yakabudirira.

Mimba hainetsi kubata. Asi kana waibata nhamo yako yatotanga kana magarire ako asina kuti tasa. Kana umwe wedu abata mimba ngatisangomuseka pasina zvitinomubatsira nazvo. Kubvisa mimba chinhu chine chiremera chose. Pano takato hatiudzi vamwe kuti zvinoitwa sei.  Saka tiri kungotsvaka kuti vakuru mubatsire vana kana vaita dambudziko rokuda kubvisa mimba.

Unokwanisazve kundotaura nemukomana wacho. iyewo anenge achitotya kuti oita sei nokuti kazhinji haanawo chaanacho saka kuroora hazviiti.

Mwana wehazvanzi yangu akaita mimba ari kuUniversity, akambozama kutsvaka kubvisa mimba zvikakona. Akazokwanisa kufonera baba vake vakakwira mota yavo vakanotora mwana wavo pa weekend. Vakafona ndikaita nya navo kuti musapopotera mwana uye regai apedze chikoro. Mai vemwana vakashaika ari mudiki. Iko zvino akapedza chikoro akazoroorana nemukomna wake iyeye vava nevana vaviri. Hadzisi dzese dzinopera dzakadai asi isu vakuru ngatizame kubatsira vasikana vechidiki.

___________________________________________________________________

Kana wakambotsvaka kubvisa mimba kana kuti wakatobvisa kana kuti uri kuda kubvisa pari zvino, ndinyorere uchitaura kuti chikonzero chako chii. Kana uri murume ari kukurudzira mukadzi/musikana kubvisa mimba, nyorawo uchitaura chikonzero.

Tichaenderera mberi nenyaya iyi tichibvunza kuti tingabatsira sei vasikana/vakadzi vanoerekana vava munyaya yemimba dzavasingadi.

No comments: