Pane zvigwere zvakawanda zvinodzivirigwa
nokushandisa ma kondhomu. Zvimwe zvacho zvinonetsa kurapa zvakaita se
- CERVICAL CANCER,
- HIV,
- Syphilis,
- GENETAL WARTS
- Herpes Simplex.
- Human Papillomavirus (HPV)
- Hepatitis A & B
- Gonorrhea.
Koitazve
vamwe vanobata chigwere chinokwanisa kurapika asi nengari yokuchinonokera
zvonetsa kuchirapa. Kondhomu rinobatsira pakudzivirira zvigwere, uye mimba.
Pano
hatisi kuda kuwanza nyaya yokuti sei uri kushandisa kondhomu. Tiri kufunga kuti
unohwisisa kuti kondhomu basa raro nderei asi toda kubvunza kuti kunaka
kwekuisana kwevanhu vari kushandisa kondhomu kwakasiyana here nevasina
kondhomu?
Mubvunzo
uyu haunetsi kudavira nokuti mhinduro yawo ndeyokuti zvakasiyana. Mubvunzo
unotevera unoti zvakasiyanei. Tasvika
ipapo zvoda kuti tichipatsanisa vakadzi nevarume. Varume ndichada kumbonobvunza saimba wangu
kuti zvakasiyanei saka ndotanga nokutsanangura kusiyana kwazvo kumunhukadzi.
Mukadzi:
Chokutanga
ndechokuti zvinoda maoko maviri kupfekedza murume kondhomu nokuda kwechihomwe
chiri kumberi kwe kondhomu chinoda kusiiwa chisina mweya kuti kondhomu
rusabvaruka murume paanotunda. Saka zviri nani chose kuti mukadzi apfekedze
murume kondhomu Kuti zvidaro munoda
kumbopanana zemo, kukisana, nosvetana, kupurudzirana, kukwenyererrana,
kuzevezerana muzheve, etc. Kozoti muri pakati pakudaro mombomira motanga zve kondhomu.
Pamunozopedza
zemo rati dzikirei. Mombowedzera futi.
Hazvinakidzi
Chombo
chisina kondhomu chinodziya kubata mumaoko kana chakamira. Chombo chine kondomu
hachinatsi kubatika mumaoko. Chinenga che FAKE.
Kunakigwa pakuisana kune PSYCHOLOGY yako kwega. Umwe noumwe ane zvaanofunga pakuisana kusvika mapedza. Zvimwe zvacho zvinoita kuti kunaka kuwedzere, zvimwewo zvinoderedza. Saka iwe kana une kondhomu rako nemurume wako umwe noumwe ari kufunga zvake ipapo. Pano tiri kutaura kushandisa makondhomu mumba menyu kwete zvechihure zvine imwewo PSYCHOLOGY yazvo yakatosiyana. Murume nomukadzi mumba. Tabvumirana kuti ngatishandise Kondhomu. Chikonzero tese tinochiziva. Hapana kufungirana chihure, kana chigwere. Tiri tese panyaya. Tese tiri kuda kuisana.
Kana
muchiisana pane nguva mbiri dzinoda kuti unatse kuhwa mumuviri wako. Nguva
yokutanga ndeyemurume achipinza chombo. Unohwa achipinda chombo chake
chichifasa, kuvura nokuzadza chitubu. Zvinotora nguva shomanana asi zvinonaka
chose zvokuti pamwe achipinda unovhunduka muviri. Unomomira kufema kwekanguva
kusvika ati godyo. Wega unongowanika
watobatirira kana uri pamanhede. Maziso avara kuti unatse kuterera achipinda.
Heinoi
siyano. Kana ane Kondhomu, unongohwa kuti chapinda asi hauhwi kuti chapinda
sei. Kana asina kondhomu, unohwamusoro kupinda ugohwa ganda (wangu haana
kuchekwa) richikokota madziro, ugohwa muviri wechombo kuti zvakatosiya
mapindire azvo nemakweshere azvo mukati.
Ganda
re kondhomu rakasiyana chose nerechombo. Chero iwe ukada kupomba chombo chine kondhomu
murume anenge asiri kunatso hwa. Kana asina kondhomu ukamupomba nemasuru
unotoona achidavira nokuda kwekunakigwa nazvo iye. Iwewo unohwa chombo
chichigwinhagwinha mukati zvinonaka chose.
Kana
oda kunoti achitunda, kana ane kondhomu unoziva hako kuti ava kuda kutunda kana
kuti ari kutunda asi hapana zvaunohwa mukati.
Kana asina kondhomu, unotanga nokuhwa chombo chichiita tuma SPASM
tudikidiki tunnaka kuhwa. Pamwe kana une zemo nechekare zvinokwanisika kuti
chomho kuhwa chichiita izvi, zvinokonzera kuti uhwe chose kuda kuita ORGASM
ipapo. Kana wange uchitokwizirida bhinzi, unohwa zvotokuita sewanyikwa musoro
mumvura wotobitirigwa wotoda kufa.
Kana
ane kondhomu anowanza anonoka kutunda asizve FEELING yacho haisiriyo chaiyo
saka kunonoka kwake ndiko hako asi zvakati siyanei.
Kana
ane kondhomu paanotunda chaipo unongoona nemaitire. Kana asina kondhomu kana
mange mambogara sokuti mazuva maviri musina kuisana paanotunda unokwanisa kuhwa
WARM GLOW mukati achikupa urume. Havasi vese vakadzi vanohwa kutunda kwemurume
uye hadzisi nguva dzese paunozvihwa asi paunozvihwa zvinonaka chose chose.
Vakadzi vasingadi urume vashomanana. Kutundisa murume chinhu chinofadza chose
saka kuhwa achitotunda kunofadza. Kana ane kondhomu haunatsi kuhwa.
Zvinomboitika
kuti muri pakushandisa kondhomu, robvaruka. Ipapo parinobvaruka weka unohwa
kuti kunaka kwacho kwasiyana chose. Haumbozodi umwe munhu kukutsanangurira kuti
zvakasiyanei.
Varume:
Ndichabvunzabvunza
asi kana pane anoda kufanotibatsirawo tsanangurai tihwe.Kana une zvaunoziva nyora kukero inoti maichibwe@yahoo.co.uk
Kuvarume Tawanda ndiye atanga kutijekesera kwahi
"Mai Chihwe condom harinyatsoite. Paya vakadzi pamunenge muchiti varume tishandise condom rudo rwedu rwunobva rwaenda. Murume anozongorhoja hake mukadzi asi mwoyo uri kumakoto! Condom rine too much lubrication zvobva zvawedzera nelublication yemukadzi kusvedza kwacho kunodzikisa kukwesherana kwechombo nenhengo yemukadzi zvobva zvaita kuti kurhojana kubhowe! Chimwe chete chandakaona chakanakira condom kushinya kwarinoita nhengo yemurume. Inobva yanyanyomira zvakanaka! "
Kuvarume Tawanda ndiye atanga kutijekesera kwahi
"Mai Chihwe condom harinyatsoite. Paya vakadzi pamunenge muchiti varume tishandise condom rudo rwedu rwunobva rwaenda. Murume anozongorhoja hake mukadzi asi mwoyo uri kumakoto! Condom rine too much lubrication zvobva zvawedzera nelublication yemukadzi kusvedza kwacho kunodzikisa kukwesherana kwechombo nenhengo yemukadzi zvobva zvaita kuti kurhojana kubhowe! Chimwe chete chandakaona chakanakira condom kushinya kwarinoita nhengo yemurume. Inobva yanyanyomira zvakanaka! "
Hatisi
kuti musashandisa ma kondhomu. Ane basa rawo guru chose. Isu takashandisa ma
kondhomu nguva refu chose pandaimwisa mwana wekutanga gore rese. Wechipiri mwedzi
gumi neumwe. Nokuti tange tisingadi kuti mwana amwe mukaka une mapiritsi. Kune varapi vanokupai MINI PILL kana
uchimwisa mwana. Isu takangoti bodo ngatishandise ma kondhomu kusvika tarumura.
Ndosaka ndichinatsa kuhwisisa kuti rinoshandiswa sei.
Kuvanhu
vasina kuroorana asi vanogaroisana, munokwanisa kusarudza kushandisa ma
kondhomu zvisinei kuti mukadzi ari pane
imwe PROGRAM yokudzivirira mimba. Kana muchiziva kuti munogarohurirana kana
kuti imimi vacho muru kutohurira vamwe vemudzimba, zviri nani mushandise ma kondhomu. Pano ndangiti nditsanangure kusiyana
kwekunaka kwacho asi unongonakigwa zvakadaro. Hatisi kuti hazvinaki. Zvinonaka
chose.
Ndaingozvivengera
kuti pakati peusiku chero ukapepuka une zemo unomurira kusvika kwaedza nokuti
ukambotungidza magetsi mukaisana, unokwanisa kuzoshaya hope. Makondhomu akanaka
chose pazvinhu zvakawanda asi anoda vanhu vasingagari vese, uye chengeta
akawanda muHANDBAG rako nokuti pamwe mukatanga kuisana munokwanisa kuisana
katatu pamaawa maviri.
No comments:
Post a Comment